Mapisarema 57

Kumutungamiri wokuimba namaimbirwo okuti, “Musaparadza.” Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMikitami. Paakatiza kubva kuna Sauro akapinda mubako.

1 Ndinzwirei ngoni, imi Mwari, ndinzwirei ngoni, nokuti mweya wangu unovanda mamuri. Ndichavanda mumumvuri wamapapiro enyu, kusvikira njodzi yapfuura.

2 Ndinodanidzira kuna Mwari Wokumusoro-soro, kuna Mwari anozadzisa chinangwa chake kwandiri.

3 Anotuma kubva kudenga agondiponesa, achituka vaya vanondidzingirira nehasha;SeraMwari anotumira rudo rwake nokutendeka kwake.

4 Ndiri pakati peshumba; ndinovata pakati pemhuka dzinokara, ivo vanhu vana meno amapfumo nemiseve, vane ndimi dzinopinza seminondo.

5 Kudzwai, imi Mwari, pamusoro pamatenga; kubwinya kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose.

6 Vanowaririra tsoka dzangu mimbure, ndakakotamiswa pasi nenhamo. Vakachera gomba panzira yangu, asi vakawiramo vamene.Sera

7 Mwoyo wangu wakasimba, imi Mwari, mwoyo wangu wakasimba; ndichaimba uye ndichaimba rwiyo.

8 Chimuka iwe mweya wangu! Mukai imi mutengeranwa nembira! Ini ndichamutsa mambakwedza.

9 Ndichakurumbidzai imi, iyemi Ishe, pakati pendudzi; ndichakuimbirai pakati pamarudzi.

10 Nokuti rudo rwenyu rukuru, runosvika kudenga denga; kutendeka kwenyu kunosvika kumusoro.

11 Kudzwai, imi Mwari, pamusoro pamatenga; kubwinya kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

5 × 1 =