Mapisarema 62

Kumutungamiri wokuimba, Jedhutuni. Pisarema raDavhidhi.

1 Mweya wangu unozorora muna Mwari oga; ruponeso rwangu runobva kwaari.

2 Iye oga ndiye dombo rangu noruponeso rwangu; ndiye nhare yangu, handingambozungunuswi.

3 Muchasvika kupiko muchingorova munhu? Ko, imi mose muchamukanda pasi here, iyeyu rusvingo rwakarereka, noruzhowa rwuri kuwa?

4 Vanofunga kwazvo zvokumuwisira pasi kubva panzvimbo yake yakakwirira; vanofarira nhema. Vanoropafadza nemiromo yavo, Asi vachituka mumwoyo yavo.Sera

5 Iwe mweya wangu, zviwanire zororo muna Mwari oga; tariro yangu inobva kwaari.

6 Ndiye oga dombo rangu noruponeso rwangu; ndiye nhare yangu, handingazungunuswi.

7 Ruponeso rwangu nokukudzwa kwangu zvinobva kuna Mwari; ndiye dombo rangu guru, noutiziro hwangu.

8 Vimbai naye nguva dzose, imi vanhu; dururai mwoyo yenyu kwaari, nokuti Mwari ndiye utiziro hwedu.Sera

9 Vanhu vasina maturo vanongova mweya zvawo, asi vanokudzwa inhema bedzi; kana vakayerwa havaremi, havazi chinhu; vose pamwe chete vanongova mweya.

10 Regai kuvimba noupambi kana kuzvikudza nezvinhu zvokuba; kunyange pfuma yenyu ichiwanda, regai kuisa mwoyo yenyu pairi.

11 Chinhu chimwe chakataurwa naMwari, zvinhu zviviri zvandakanzwa: Kuti imi, iyemi Mwari, mune simba,

12 uye kuti imi, iyemi Ishe, mune rudo. Zvirokwazvo muchapa mubayiro kumunhu mumwe nomumwe maererano nezvaakaita.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

ten − six =