Mapisarema 65

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo.

1 Kurumbidzwa kwakakumirirai, imi Mwari, muZioni; kwamuri mhiko dzedu dzichazadziswa.

2 Haiwa, imi munonzwa munyengetero, vanhu vose vachauya kwamuri.

3 Patakanga takafukidzwa nezvivi, makakanganwira kudarika kwedu.

4 Vakaropafadzwa avo vamunosarudza navamunoswededza pedyo kuti vagare pavanze dzenyu! Takagutswa nezvinhu zvakanaka zveimba yenyu, zvetemberi yenyu tsvene.

5 Munotipindura namabasa okururama anotyisa, imi Mwari Muponesi wedu, tariro yemigumo yepasi pose namakungwa ari kure kure,

6 iyemi makaumba makomo nesimba renyu, makazvishongedza nesimba,

7 iyemi makanyaradza kutinhira kwamakungwa, iko kutinhira kwamafungu aro, nokupopota kwendudzi.

8 Vanogara kure kure vanotya zvishamiso zvenyu; uko kunobuda mambakwedza uye madekwana achipera, munodanidzira nziyo dzomufaro.

9 Mune hanya nenyika uye munoidiridza; munoipfumisa kwazvo. Hova dzaMwari dzizere nemvura kuti dzivigire vanhu zviyo, nokuti saizvozvo ndimi makazvirayira.

10 Munozadza mihoronga yacho nemvura, uye munoenzanisa mihomba yacho; munoinyorovesa nemvura inopfunha munoropafadza zvibereko zvayo.

11 Munoshongedza gore nekorona yezvakawanda zvenyu, uye ngoro dzenyu dzinopfachukira nezvakawanda.

12 Uswa hwomurenje hwopfachukira; zvikomo zvakafukidzwa nomufaro.

13 Mafuro azara namapoka emakwai, uye mipata yafukidzwa nezviyo; zvinodanidzira nomufaro uye zvinoimba.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

19 − 4 =