Mapisarema 84

Kumutungamiri wokuimba namaimbirwo egititi. Pisarema ravanakomana vaKora.

1 Ugaro hwenyu hwakanaka sei, imi Jehovha Wamasimba Ose!

2 Mweya wangu unopanga, kunyange kuziya chaiko, nokuda kwevanze dzaJehovha; mwoyo wangu nenyama yangu zvinodana kuna Mwari mupenyu.

3 Kunyange shiri diki yakazviwanira imba, nenyenganyenga yakazviwanirawo dendere kwaingachochonyera vana vayo, iyo nzvimbo iri pedyo nearitari yenyu, imi Jehovha Wamasimba Ose, Mambo wangu naMwari wangu.

4 Vakaropafadzwa avo vanogara mumba menyu; vanogara vachikurumbidzai.Sera

5 Vakaropafadzwa avo vane simba ravo mamuri, vakaisa mwoyo yavo parwendo rweZioni.

6 Pavanopfuura nomuMupata weBhaka, vanouita nzvimbo yamatsime; mvura yomuzhizha inouzadzawo namadziva.

7 Vanowedzera simba pasimba, kusvikira mumwe nomumwe wavo amira pamberi paMwari muZioni.

8 Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha Mwari Wamasimba Ose; rerekerai nzeve yenyu kwandiri, imi Mwari waJakobho.Sera

9 Haiwa Mwari, tariraiwo nhoo yedu; ringirai nenyasha dzenyu pamuzodziwa wenyu.

10 Zviri nani kuva pavazhe dzenyu kwezuva rimwe chete, kupfuura mazuva zviuru ndiri kumwe; ndingada zvangu kuva murindi womukova weimba yaMwari wangu kukunda kugara mumatende avakaipa.

11 Nokuti Jehovha Mwari ndiye zuva nenhoo; Jehovha anopa nyasha nokukudzwa; hapana chinhu chakanaka chaanganyima avo vanofamba zvakarurama.

12 Haiwa Jehovha Wamasimba Ose, akaropafadzwa munhu anovimba nemi.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

nine + fifteen =