Mapisarema 91

1 Uyo anogara panzvimbo yokuvanda yoWokumusoro-soro achazorora mumumvuri woWamasimba Ose.

2 Ndichati pamusoro paJehovha, “Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu, Mwari wangu, wandinovimba naye.”

3 Zvirokwazvo achakuponesa parugombe rwomuteyi napadenda rinouraya.

4 Achakufukidza neminhenga yake, uye uchawana utiziro pasi pamapapiro ake; kutendeka kwake kuchava nhoo yako norusvingo rwako.

5 Haungatyiswi nokuvhundusa kwousiku, kana museve unopfurwa masikati,

6 kana hosha inofamba murima, kana denda rinoparadza masikati.

7 Chiuru chingawa parutivi rwako, zviuru gumi kurudyi rwako, asi hazvingaswederi kwauri.

8 Uchangozviona nameso ako chete, uye uchaona kurangwa kwavakaipa.

9 Kana ukaita Wokumusoro-soro ugaro hwako, kunyange Jehovha, iye utiziro hwangu,

10 ipapo hapana chakaipa chichakuwira, hakuna njodzi ichasvika patende rako.

11 Nokuti acharayira vatumwa vake pamusoro pako, kuti vakuchengete panzira dzako dzose;

12 vachakusimudza mumaoko avo, kuti rutsoka rwako rurege kugumburwa padombo.

13 Uchatsika pamusoro peshumba napamusoro pechiva; uchatsika-tsika shumba huru nenyoka.

14 “Nokuti anondida,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “neni ndichamununura; ndichamudzivirira, nokuti anoziva zita rangu.

15 Achadana kwandiri, uye ndichamupindura; ndichava naye pakutambudzika, ndichamurwira uye ndichamukudza.

16 Ndichamugutsa noupenyu hurefu, uye ndichamuratidza ruponeso rwangu.”

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

3 × three =