Mapisarema 93

1 Jehovha anobata ushe, akashongedzwa noumambo; Jehovha akashongedzwa noumambo uye akafukidzwa nesimba. Nyika yakateyiwa zvakasimba; haingazungunuswi.

2 Chigaro chenyu choushe chakasimbiswa kare kare; imi muripo nokusingaperi.

3 Haiwa Jehovha, makungwa akasimudza, makungwa akasimudza manzwi awo; makungwa akasimudza mafungu anotinhira.

4 Mukuru kukunda mutinhiro wemvura zhinji, mukuru kukunda mafungu egungwa, Jehovha ari kumusoro ndiye mukuru.

5 Zvirevo zvenyu hazvishanduki; utsvene hunofukidza imba yenyu imi Jehovha, kwamazuva asingaperi.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

18 − four =