Mapisarema 99

1 Jehovha anobata ushe, ndudzi ngadzidedere; anogara pachigaro choushe chiri pakati pamakerubhi, nyika ngaizungunuke.

2 Jehovha mukuru paZioni; iye akasimudzirwa pamusoro pendudzi dzose.

3 Ngavarumbidze zita renyu guru rinotyisa, iye mutsvene.

4 Mambo mukuru, anoda kururamisira, imi makasimbisa kururama; muna Jakobho makaita kururamisira nokururama.

5 Kudzai Jehovha Mwari wedu nokunamata pachitsiko chetsoka dzake; iye mutsvene.

6 Mozisi naAroni vakanga vari pakati pavaprista vake, Samueri akanga ari pakati paavo vaidana kuzita rake, vakadana kuna Jehovha akavapindura.

7 Akataura kwavari ari mushongwe yegore; vakachengeta zvipupuriro zvake nemitemo yaakavapa.

8 Haiwa Jehovha Mwari wedu, imi makavapindura; makanga muri Mwari anokanganwira kuna Israeri, kunyange makavaranga pane zvavakaita.

9 Kudzai Jehovha Mwari wedu mumunamate pagomo rake dzvene, nokuti Jehovha Mwari wedu ndiye mutsvene.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

19 − 16 =