Pasika 1 Jehovha akati kuna Mozisi naAroni vari muIjipiti, 2 “Mwedzi uno unofanira kuva mwedzi wokutanga kwamuri, mwedzi wokutanga wegore renyu. 3 Udzai ungano yose yeIsraeri kuti pazuva regumi romwedzi uno, murume mumwe nomumwe anofanira kutorera mhuri yake gwayana, rimwe chete paimba imwe neimwe. 4 Kana imba ipi zvayo iri duku kwazvo pagwayana rose, vanofanira […]
Monthly Archives: August 2017
Ekisodho 13
Kutsaurwa kwaMatangwe 1 Jehovha akati kuna Mozisi, 2 “Nditsaurire matangwe echirume ose. Chibereko chokutanga chechizvaro pakati pavaIsraeri ndechangu, chingava chomunhu kana chechipfuwo.” 3 Ipapo Mozisi akati kuvanhu, “Rangarirai zuva iri, iro zuva ramakabuda muIjipiti, munyika youtapwa, nokuti Jehovha akakubudisai mairi noruoko rune simba. Musadya chinhu chine mbiriso. 4 Nhasi, mumwedzi waAbhibhi muri kubuda. 5 Pamunosvitswa […]
Ekisodho 14
1 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, 2 “Taurira vaIsraeri kuti vadzoke vagondodzika musasa pedyo nePi Hahiroti, pakati peMigidhori negungwa. Vanofanira kudzika misasa pedyo nepagungwa, pakatarisana neBhaari Zefoni. 3 Faro achafunga kuti, ‘VaIsraeri vari kungodzungaira nenyika vakanganisika, vadzimira murenje.’ 4 Uye ndichaomesa mwoyo waFaro, agovatevera. Asi ini ndichazviwanira kukudzwa kubudikidza naFaro nehondo yake yose, uye vaIjipita […]
Ekisodho 15
Rwiyo rwaMozisi naMiriamu 1 Ipapo Mozisi navaIsraeri vakaimba rwiyo urwu kuna Jehovha: “Ndichaimbira Jehovha, nokuti iye anokudzwa zvikurukuru. Bhiza nomutasvi waro akazvikanda mugungwa. 2 Jehovha ndiye simba rangu norwiyo rwangu; iye ava ruponeso rwangu. Ndiye Mwari wangu, uye ndichamurumbidza, Mwari wababa vangu, uye ndichamukudza. 3 Jehovha imhare; Jehovha ndiro zita rake. 4 Ngoro dzaFaro nehondo […]
Ekisodho 16
Mana neZvihuta 1 Ungano yose yavaIsraeri yakasimuka kubva paErimu vakasvika kuRenje reSini, riri pakati peErimu neSinai, pazuva regumi namashanu romwedzi wechipiri shure kwokubuda kwavo muIjipiti. 2 Murenje imomo ungano yose yavaIsraeri yakapopotera Mozisi naAroni. 3 VaIsraeri vakati kwavari, “Dai chete takafa zvedu noruoko rwaJehovha tiri muIjipiti! Uko kwataikomba makate enyama uye tichidya zvokudya zvose zvataida, […]
Ekisodho 17
Vanopiwa mvura kubva padombo 1 Ungano yose yavaIsraeri yakasimuka kubva paRenje reSini, vachifamba nzvimbo nenzvimbo sokurayira kwaJehovha. Vakadzika musasa paRefidhimi, asi pakanga pasina mvura yokuti vanhu vanwe. 2 Saka vanhu vakakavadzana naMozisi uye vakati, “Tipe mvura tinwe.” Mozisi akapindura akati, “Seiko muchikakavadzana neni? Seiko muchiedza Jehovha?” 3 Asi vanhu vakanga vane nyota yemvura ipapo, uye […]
Ekisodho 18
Jeturo anoshanyira Mozisi 1 Zvino Jeturo, muprista weMidhiani uye ari tezvara waMozisi, akanzwa zvinhu zvose zvakaitirwa Mozisi naMwari uye nokuvanhu vake ivo vaIsraeri, uye kuti Jehovha akanga abudisa vaIsraeri sei kubva muIjipiti. 2 Shure kwokunge Mozisi adzosera Zipora mukadzi wake, tezvara wake Jeturo akagamuchira Zipora 3 navanakomana vake vaviri. Mumwe mwanakomana akatumidzwa kunzi Gerishomi nokuti […]
Ekisodho 19
PaGomo reSinai 1 Mumwedzi wechitatu shure kwokunge vaIsraeri vabva kuIjipiti, pazuva racho iroro, vakasvika kuRenje reSinai. 2 Shure kwokusimuka kwavo kubva paRefidhimu, vakapinda muRenje reSinai, uye vaIsraeri vakadzika misasa imomo murenje pamberi pegomo. 3 Ipapo Mozisi akakwira kuna Mwari, uye Jehovha akadana kwaari ari mugomo akati, “Izvi ndizvo zvaunofanira kutaura kuimba yaJakobho uye zvaunofanira kuudza […]
Ekisodho 20
Mirayiro Gumi 1 Uye Mwari akataura mashoko aya ose akati: 2 “Ndini Jehovha Mwari wako, akakubudisa kubva muIjipiti, munyika youranda. 3 “Usava navamwe vamwari kunze kwangu. 4 “Usazviitira mufananidzo wechinhu chipi zvacho chiri kudenga kumusoro kana wechiri panyika pasi kana wechiri mumvura. 5 Usazvipfugamira kana kuzvinamata, nokuti ini Jehovha Mwari wako, ndiri Mwari ane godo, […]
Ekisodho 21
1 “Iyi ndiyo mirayiro yaunofanira kumisa pamberi pavo: Varanda vechiHebheru 2 “Kana ukatenga muranda wechiHebheru, anofanira kukushandira kwamakore matanhatu. Asi mugore rechinomwe, anofanira kusunungurwa aende, asina chinhu chaanoripa. 3 Kana akauya ari oga, anofanira kusunungurwa aende ari oga; asi kana ano mukadzi pakuuya kwake, anofanira kuenda nomukadzi wake. 4 Kana tenzi wake akamupa mukadzi uye […]