1 Uye Sauro akanga aripo achibvumirana nokufa kwake. Kereke inotambudzwa uye inoparadzirwa Nomusi uyo kutambudzwa kukuru kwakatanga pakereke yapaJerusarema, uye vose vakaparadzirwa muJudhea rose nomuSamaria. 2 Varume vaitya Mwari vakaviga Sitefani uye vakamuchema zvikuru. 3 Asi Sauro akatanga kuparadza kereke. Achipinda muimba neimba, akazvuzvurudza varume navakadzi achivaisa mutorongo. Firipi anoparidza muSamaria 4 Vaya vakanga vaparadzirwa […]
Monthly Archives: August 2017
Mabasa aVapostori 9
Kutendeuka kwaSauro 1 Zvichakadaro Sauro akanga ari mubishi rokutaura zvokuuraya vadzidzi vaShe. Akaenda kumuprista mukuru 2 akandomukumbira matsamba kuti agoenda nawo kumasinagoge okuDhamasiko, kuti kana akawana ani zvake ari weNzira iyo, vangava varume kana vakadzi, iye aizovabata savasungwa agoenda navo kuJerusarema. 3 Akati oswedera kuDhamasiko ari parwendo rwake, pakarepo chiedza chakabva kudenga chikamupenyera kumativi ose. […]
Mabasa aVapostori 10
Koniriasi anodana Petro 1 PaKesaria pakanga pano mumwe murume ainzi Koniriasi, mukuru wezana weHondo yavaItaria. 2 Iye nemhuri yake vakanga vakazvipira uye vaitya Mwari; aipa kwazvo kuna vanoshayiwa uye ainyengetera kuna Mwari nguva dzose. 3 Mumwe musi panguva inenge yechitatu masikati akaona chiratidzo. Akanyatsoona mutumwa waMwari, uyo akauya kwaari akati, “Koniriasi!” 4 Koniriasi akatarisa kwaari […]
Mabasa aVapostori 11
Petro anorondedzera Zvaakaita 1 Vapostori nehama dzomuJudhea yose vakanzwa kuti vahedheni vakanga vagamuchirawo shoko raMwari. 2 Saka Petro akati aenda kuJerusarema, vatendi vokudzingiswa vakamutsoropodza 3 vachiti, “Iwe wakapinda mumba yavanhu vasina kudzingiswa ukandodya navo.” 4 Petro akatanga kurondedzera zvinhu zvose kwavari zvichitevedzana sokuitika kwazvakanga zvaita achiti, 5 “Ndakanga ndiri muguta reJopa ndichinyengetera, ndikabatwa nomweya ndikaona […]
Mabasa aVapostori 12
Chishamiso choKubuda Mutorongo kwaPetro 1 Yakanga iri nguva inenge imwe cheteyo Mambo Herodhi paakasunga vamwe vaiva nhengo dzekereke, achida kuvatambudza. 2 Akanga aita kuti Jakobho mukoma waJohani aurayiwe nomunondo. 3 Paakaona kuti izvozvo zvakafadza vaJudha, akapfuurira mberi akandosungawo Petro. Izvi zvakaitika panguva yoMutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso. 4 Mushure mokumusunga, akamuisa mutorongo, akaita kuti arindwe namapoka […]
Mabasa aVapostori 13
Bhanabhasi naSauro Vanotumwa 1 Mukereke yapaAndioki maiva navaprofita navadzidzisi vaiti: Bhanabhasi, Simeoni ainzi Nigeri, Rusiasi wokuSairini, Manaeni (akanga arerwa naHerodhi mubati) naSauro. 2 Pavakanga vachinamata Ishe uye vachitsanya, Mweya Mutsvene akati, “Nditsaurirei Bhanabhasi naSauro kuti vabate basa randakavadanira.” 3 Saka vakati vapedza kutsanya nokunyengetera, vakaisa maoko avo pamusoro pavo vakavatuma. Vapostori vanoparidza paSaipurasi 4 Ava […]
Mabasa aVapostori 14
Pauro naBhanabhasi paIkoniamu 1 PaIkoniamu Pauro naBhanabhasi vakasvikopinda musinagoge ravaJudha sezvavaisiita nguva dzose. Imomo vakataura zvinobata mwoyo kwazvo zvokuti vaJudha vazhinji navaHedheni vakatenda. 2 Asi vaJudha vakaramba kutenda vakamutsa mwoyo yavaHedheni uye vakavakanganisa pfungwa dzavo kuti vavenge hama. 3 Saka Pauro naBhanabhasi vakapedza nguva refu varipo, vachitaura zvaIshe vasingatyi, iye akasimbisa shoko renyasha dzake nokuvagonesa […]
Mabasa aVapostori 15
Ungano paJerusarema 1 Vamwe varume vakauya vachibva kuJudhea vakaenda kuAndioki, uye vakanga vachidzidzisa hama vachiti: “Kunze kwokunge madzingiswa, maererano netsika yakadzidziswa naMozisi, hamungaponeswi.” 2 Izvi zvakasvitsa Pauro naBhanabhasi pakupesana kukuru uye nokukakavadzana navo. Saka Pauro naBhanabhasi vakasarudzwa kuti vaende kuJerusarema pamwe chete navamwe vatendi, kuti vandoona vapostori navakuru pamusoro peshoko iri. 3 Kereke yakavatuma parwendo […]
Mabasa aVapostori 16
Timoti anobatana naPauro naSirasi 1 Akasvika kuDhebhe uyezve nokuRistira, kwaigara mudzidzi ainzi Timoti, mai vake vakanga vari muJudha uye vaiva mutendi, asi baba vake vakanga vari muGiriki. 2 Hama dzapaRistira neIkoniamu dzakanga dzichimupupurira zvakanaka. 3 Pauro akada kumutora kuti aende naye parwendo, saka akamudzingisa nokuda kwavaJudha vaigara munzvimbo iyoyo, nokuti vose vaiziva kuti baba vake […]
Mabasa aVapostori 17
Pauro naSirasi muTesaronika 1 Vakati vapfuura nomuAmufipori neAporonia, vakasvika muTesaronika umo makanga mune sinagoge ravaJudha. 2 Setsika yake Pauro akapinda musinagoge, uye kwamaSabata matatu, akataurirana navo zvaibva muMagwaro, 3 achitsanangura nokuvaratidza kuti Kristu aifanira kutambudzika uye agomuka kubva kuvakafa. Akati, “Jesu uyu wandinokuparidzirai ndiye Kristu.” 4 Vamwe vaJudha vakatenda ndokubva vabatana naPauro naSirasi, sezvakaitwawo navazhinji […]