Zvakazarurwa 21

Jerusarema Idzva 1 Ipapo ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuura, uye pakanga pasisina gungwa. 2 Ndakaona Guta Dzvene, Jerusarema idzva, richiburuka kubva kudenga richibva kuna Mwari, rakagadzirwa somwenga akashongera murume wake zvakaisvonaka. 3 Uye ndakanzwa inzwi guru richibva pachigaro choushe richiti, “Zvino imba yaMwari yava pakati pavanhu, uye achagara […]

Zvakazarurwa 22

Rwizi rwoUpenyu 1 Ipapo mutumwa akandiratidza rwizi rwemvura youpenyu, inoonekera sekristaro, ruchiyerera kubva pachigaro chaMwari necheGwayana 2 pakati penzira huru yeguta. Parutivi rumwe norumwe rwerwizi pakanga pano muti woupenyu, waibereka mhando gumi nembiri dzomuchero, ichibereka michero yayo pamwedzi woga woga. Mashizha omuti uyu ndeokuporesa ndudzi. 3 Hakuchazovizve nokutukwa. Chigaro choushe chaMwari necheGwayana zvichava muguta, uye […]

Judha 1

1 Judha, muranda waJesu Kristu uye munun’una waJakobho, Kuna vaya vakadanwa, vanodikanwa naMwari Baba uye vanochengetwa naJesu Kristu: 2 Ngoni, rugare norudo ngazviwande kwamuri. Chivi noKuparadzwa kwaVanhu Vasina Mwari 3 Shamwari dzinodikanwa, kunyange ndakanga ndichishingairira kuti ndinyore kwamuri pamusoro poruponeso rwatinogovana, ndakafunga kuti ndinofanira kunyora ndichikukurudzirai kuti murwire kutenda kwakapiwa vatsvene kamwe. 4 Nokuti vamwe […]

3 Johani 1

1 Mukuru, Kushamwari yangu inodikanwa Gayo, wandinoda muchokwadi. 2 Mudikani shamwari, ndinonyengetera kuti uve noutano hwakanaka uye kuti zvose zvikunakire kunyange sokufara kwomweya wako. 3 Ndakafara kwazvo dzimwe hama padzakauya dzikandiudza nezvokutendeka kwako pachokwadi uye kuti unoramba uchifamba sei muchokwadi. 4 Hapana chimwe chinhu chinondifadza kupfuura kunzwa kuti vana vangu vari kufamba muchokwadi. 5 Mudikani […]

2 Johani 1

1 Mukuru, Kumudzimai akasanangurwa navana vake, vandinoda muchokwadi, uye kwete ini ndoga, asiwo navose vanoziva chokwadi, 2 nokuda kwechokwadi chinogara matiri uye chichava nesu nokusingaperi: 3 Nyasha, ngoni norugare zvinobva kuna Mwari Baba nokuna Jesu Kristu, Mwanakomana waBaba, zvichava nesu muchokwadi nomurudo. 4 Zvakandifadza zvikuru kuwana vamwe vana venyu vachifamba muchokwadi, sezvatakarayirwa naBaba. 5 Uye […]

1 Johani 1

Shoko roUpenyu 1 Izvo zvakanga zviripo kubva pakutanga, izvo zvatakanzwa, zvatakaona nameso edu, zvatakatarira uye zvatakabata namaoko, izvozvi ndizvo zvatinoparidza zveShoko roupenyu. 2 Upenyu hwakaonekwa; takahuona uye tikapupura nezvahwo, uye tinoparidza kwamuri upenyu husingaperi, hwakanga huri kuna Baba uye hwakaratidzwa kwatiri. 3 Tinoparidza kwamuri zvatakaona nezvatakanzwa, kuti nemiwo mugowadzana nesu. Uye tinowadzana naBaba noMwanakomana wavo, […]

1 Johani 2

1 Vana vangu vandinoda, ndinonyora izvi kwamuri kuti murege kutadza. Asi kana munhu akatadza, tine murevereri kuna Baba, Jesu Kristu, Iye Akarurama. 2 Ndiye chibayiro chinoyananisira zvivi zvedu, uye kwete zvivi zvedu bedzi, asi wezvivi zvenyika yose. 3 Tinoziva kuti isu tinomuziva kana tichiteerera mirayiro yake. 4 Munhu anoti, “Ndinomuziva,” asi asingaiti zvaanorayira, iyeye murevi […]

1 Johani 3

1 Tarirai kukura kworudo rwatakaitirwa naBaba, kuti tinzi vana vaMwari! Uye ndizvo zvatiri! Chinoita kuti nyika itadze kutiziva ndechokuti haina kumuziva iye. 2 Shamwari dzinodiwa, zvino tiri vana vaMwari, uye zvatichazova zvichigere kuzivikanwa. Asi tinoziva kuti paachaonekwa, isu tichafanana naye, nokuti tichamuona sezvaari. 3 Mumwe nomumwe ane tariro iyi maari anozvichenesa, sezvo iye akachena. 4 […]

1 Johani 4

Edzai Mweya 1 Shamwari dzinodikanwa, musatenda mweya yose yose, asi edzai mweya kuti muone kana ichibva kuna Mwari, nokuti vaprofita vazhinji venhema vakapinda munyika. 2 Aya ndiwo maziviro amungaita Mweya waMwari: mweya mumwe nomumwe unopupura kuti Jesu Kristu akauya munyama unobva kuna Mwari, 3 asi mweya wose usingapupuri Jesu haubvi kuna Mwari. Ndiwo mweya waandikristu, […]

1 Johani 5

Kutenda muMwanakomana waMwari 1 Mumwe nomumwe anotenda kuti Jesu ndiye Kristu, akaberekwa naMwari, uye mumwe nomumwe anoda baba anodawo mwana wavo. 2 Izvi ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinoda vana vaMwari: kana tichida Mwari uye tichiita mirayiro yake. 3 Uku ndiko kuda Mwari: kuteerera mirayiro yake. Uye mirayiro yake hairemi, 4 nokuti vose vakaberekwa naMwari vanokunda […]