1 Pauro, Sirasi naTimoti, Kukereke yavaTesaronika muna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu: 2 Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari ivo Baba nokuna Ishe wedu Jesu Kristu. Kuvonga noKunyengetera 3 Tinofanira kuramba tichivonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu, hama, uye zvakanaka izvozvo, nokuti kutenda kwenyu kuri kukura zvakanyanya, uye rudo rwamunarwo kuno mumwe nomumwe wenyu rwuri […]
Monthly Archives: August 2017
2 VaTesaronika 2
Munhu w oKutsauka 1 Pamusoro pezvokuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu uye nokuungana kwedu kwaari, tinokukumbirai, hama, 2 kuti murege kuzungunuswa kana kuvhundutswa nechimwe chiprofita, chiziviso kana tsamba inonzi yakabva kwatiri, ichiti zuva raShe ratosvika. 3 Musarega munhu upi zvake achikunyengerai nenzira ipi zvayo, nokuti zuva iro harisviki kusvikira kumukira kwaitika uye munhu wokutsauka aratidzwa, iye […]
2 VaTesaronika 3
Chikumbiro choMunyengetero 1 Pakupedzisira, hama, mutinyengetererewo kuti shoko raShe rikurumidze kuparadzirwa uye kuti rikudzwe, sezvazvakanga zvakaita kwamuri. 2 Uye munyengetere kuti tirwirwe kubva pano wakaipa, nokuti havasi vose vanotenda. 3 Asi Ishe akatendeka, uye achakusimbisai nokukudzivirirai kubva kunowakaipa. 4 Tinotenda muna She kuti muri kuita uye mucharamba muchiita zvinhu zvatinokurayirai. 5 Mwari ngaatungamirire mwoyo yenyu […]
1 VaTesaronika 1
1 Pauro, Sirasi naTimoti, Kukereke yavaTesaronika muna Mwari Baba naIshe Jesu Kristu: Nyasha norugare ngazvive nemi. Anovonga vaTesaronika paKutenda kwavo 2 Tinogara tichivonga Mwari nokuda kwenyu mose, tichikutaurai muminyengetero yedu. 3 Tinoramba tichirangarira pamberi paMwari wedu naBaba vedu, basa renyu rinobva pakutenda, nokushanda kwenyu kunobva parudo, uye nokutsungirira kwenyu kunobva patariro iri muna Ishe Jesu […]
1 VaTesaronika 2
Ushumiri hwaPauro muTesaronika 1 Munoziva, hama, kuti kushanya kwedu kwamuri hakuna kuva pasina. 2 Takanga tambotambudzika uye tikatukwa muFiripi, sezvamunoziva, asi norubatsiro rwaMwari wedu hatina kurega kukuparidzirai vhangeri rake pakati pokupikiswa kukuru. 3 Nokuti chikumbiro chatinoita hachibvi pakukanganisa kana pamufungo usina kunaka, uye hatisi kuedza kukunyengerai. 4 Asi, tinotaura savanhu vakatenderwa naMwari kuti tipiwe vhangeri. […]
1 VaTesaronika 3
1 Saka patakanga tisingagoni kuramba takamira, takafunga kuti zvaiva nani kuti tisare toga paAtene. 2 Takatuma Timoti, anova ndiye hama yedu nomushandi waMwari pamwe chete nesu pakuparadzira vhangeri raKristu, kuti akusimbisei nokukukurudzirai mukutenda kwenyu, 3 kuti parege kuva nomunhu anozungunutswa nemiedzo iyi. Munozviziva chose kuti takanga takagadzirirwa izvozvo. 4 Kunyanya pataiva nemi, takaramba tichikuudzai kuti […]
1 VaTesaronika 4
Kuraramira Kufadza Mwari 1 Pakupedzisira, hama, takakurayirai kuti munofanira kurarama sei kuitira kuti mugofadza Mwari, sezvamuri kurarama. Zvino tinokukumbirai uye tinokukurudzirai muna She Jesu kuti murambe muchiita izvi uye muchiwedzera. 2 Nokuti munoziva zvatakakurayirai nesimba raIshe Jesu. 3 Kuda kwaMwari kuti muitwe vatsvene: 4 kuti murege upombwe; kuti mumwe nomumwe wenyu adzidze kudzora muviri wake […]
1 VaTesaronika 5
1 Zvino, hama, kana dziri nguva kana misi hatifaniri kuti tikunyorerei, 2 nokuti imi munoziva kwazvo kuti zuva raShe richauya sembavha usiku. 3 Vanhu pavanenge vachiti, “Rugare norunyararo,” kuparadzwa kuchasvika pamusoro pavo nokukurumidza, somukadzi ane mimba worwadziwa, uye havangapunyuki. 4 Asi imi, hama, hamusi murima zvokuti zuva iri rikusvikirei sembavha. 5 Imi mose muri vanakomana […]
VaKorose 1
1 Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, naTimoti hama yedu, 2 Kuhama tsvene uye dzakatendeka dziri muna Kristu paKorose: Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba ngazvive nemi. Kuvonga noKunyengetera 3 Tinogara tichivonga Mwari, Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, patinokunyengetererai, 4 nokuti takanzwa nezvokutenda kwenyu muna Kristu Jesu uye nezvorudo rwamunarwo kuvatsvene vose, 5 kutenda norudo […]
VaKorose 2
1 Ndinoda kuti muzive kuti ndiri kurwa sei pamusoro penyu uye naavo vari paRaodhikea, navose vasina kuonana neni pachangu. 2 Vavariro yangu ndeyokuti vakurudzirwe mumwoyo uye vabatane murudo, kuitira kuti vave nepfuma izere yokunzwisisa kwakakwana, kuti vagoziva chakavanzika chaMwari, iye Kristu, 3 maari pfuma yose youchenjeri nokuziva yakachengetwamo. 4 Ndinokuudzai izvi kuitira kuti parege kuva […]