Mapisarema 113

1 Rumbidzai Jehovha. Rumbidzai, imi varanda vaJehovha, rumbidzai zita raJehovha.

2 Zita raJehovha ngarirumbidzwe, kubva zvino kusvikira narini.

3 Kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro, zita raJehovha rinofanira kurumbidzwa.

4 Jehovha anosimudzirwa pamusoro pendudzi dzose; kubwinya kwake kuri pamusoro pamatenga.

5 Ndianiko akaita saJehovha Mwari wedu, iye anogara pachigaro choushe chokumusorosoro,

6 anokotamira pasi kuti aone zviri kudenga napanyika?

7 Anosimudza murombo muguruva, uye anosimudza vanoshayiwa kubva padurunhuru ramadota;

8 anovagadza namachinda, namachinda avanhu vavo.

9 Anogarisa mukadzi asingabereki mumba make, samai vavana vanofara. Rumbidzai Jehovha.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

eighteen − 14 =