Mapisarema 111

1 Rumbidzai Jehovha. Ndicharumbidza Jehovha nomwoyo wangu wose, paungano yavakarurama napagungano.

2 Mabasa aJehovha makuru; anorangarirwa navose vanofara maari.

3 Mabasa ake ndeokukudzwa noumambo, uye kururama kwake kunogara nokusingaperi.

4 Akaita kuti zvishamiso zvake zvirangarirwe; Jehovha ane nyasha nengoni.

5 Anopa zvokudya kuna avo vanomutya; anorangarira sungano yake nokusingaperi.

6 Akaratidza vanhu vake simba ramabasa ake, achivapa nyika dzedzimwe ndudzi.

7 Mabasa amaoko ake akatendeka uye akarurama, mitemo yake yose yakavimbika.

8 Yakasimba kusvika nokusingaperi-peri, yakaitwa mukutendeka nokururama.

9 Anopa dzikinuro kuvanhu vake; akarayira sungano yake nokusingaperi.

10 Kutya Jehovha ndiwo mavambo enjere; vose vanotevera mitemo yake vanonzwisisa. Kurumbidzwa ndokwake nokusingaperi.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

thirteen − three =