Mapisarema 98

Pisarema.

1 Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, nokuti akaita zvinhu zvinoshamisa; ruoko rwake rworudyi nechanza chake chitsvene zvakamukundisa.

2 Jehovha akazivisa ruponeso rwake uye akaratidza kururama kwake kundudzi,

3 Akarangarira rudo rwake nokutendeka kwake kuimba yaIsraeri; migumo yose yenyika yakaona ruponeso rwaMwari wedu.

4 Danidzirai nomufaro kuna Jehovha, imi nyika yose, imbai nziyo mupembere nomufaro;

5 imbirai Jehovha nembira, nembira nenzwi rokuimba,

6 nehwamanda nokurira kworunyanga rwegondohwe, danidzirai nomufaro pamberi paJehovha, iye Mambo.

7 Gungwa ngaritinhire, nezvose zviri mariri, nenyika, navose vanogaramo.

8 Nzizi ngadziuchire maoko adzo, makomo ngaaimbe pamwe chete nomufaro;

9 ngaaimbe pamberi paJehovha, nokuti anouya kuzotonga nyika. Achatonga nyika zvakarurama navanhu nokururamisira.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

thirteen − 2 =