Mapisarema 96

1 Imbirai Jehovha rwiyo rutsva; imbirai Jehovha, nyika yose.

2 Imbirai Jehovha, rumbidzai zita rake; paridzai ruponeso rwake zuva nezuva.

3 Paridzai kubwinya kwake pakati pendudzi, namabasa ake anoshamisa pakati pamarudzi.

4 Nokuti Jehovha mukuru uye anofanira kurumbidzwa, iye anofanira kutyiwa pamusoro pavamwari vose.

5 Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo, asi Jehovha akaita matenga.

6 Kubwinya noumambo zviri pamberi pake; simba nokubwinya zviri munzvimbo yake tsvene.

7 Remekedzai Jehovha, imi mhuri dzavanhu, ipai rukudzo nesimba kuna Jehovha.

8 Ipai kuna Jehovha rukudzo rwakafanira zita rake; uyai nechipiriso mugopinda pavanze dzake.

9 Namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake; dederai pamberi pake, imi nyika dzose.

10 Muti pakati pendudzi, “Jehovha ndiye anobata ushe.” Nyika yakanyatsosimbiswa, haingazungunuswi; uye achatonga marudzi nokururama.

11 Kudenga denga ngakufare, nyika ngaifarisise; gungwa ngaritinhire, nezvose zviri mariri;

12 masango ngaafare, nezvose zviri maari. Ipapo miti yose yesango ichaimba nomufaro.

13 ichaimba pamberi paJehovha, nokuti anouya, anouya kuzotonga nyika. Achatonga nyika nokururama, uye vanhu nechokwadi chake.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

four × 5 =