Mapisarema 92

Pisarema. Rwiyo rweSabata.

1 Zvakanaka kurumbidza Jehovha nokuimbira zita renyu nziyo, imi Wokumusoro-soro,

2 kuparidza rudo rwenyu mangwanani nokutendeka kwenyu usiku,

3 nechiridzwa chine hungiso gumi namaririro akanaka embira.

4 Nokuti munondifadza namabasa enyu, imi Jehovha; ndinoimba nomufaro nokuda kwamabasa amaoko enyu.

5 Haiwa Jehovha, mabasa enyu makuru seiko, ndangariro dzenyu dzakadzika sei!

6 Munhu asina njere haazivi, mapenzi haanzwisisi,

7 kuti kunyange vakaipa vachimera souswa, uye vaiti vezvakaipa vose vachikura, vachaparadzwa nokusingaperi.

8 Asi imi, iyemi Jehovha, munosimudzirwa nokusingaperi.

9 Nokuti zvirokwazvo vavengi venyu, imi Jehovha, zvirokwazvo vavengi venyu vachaparadzwa; vaiti vezvakaipa vose vachaparadzirwa.

10 Makasimudzira runyanga rwangu sorwenyati; mafuta akaisvonaka akadururirwa pamusoro pangu.

11 Meso angu akaona kukundwa kwavadzivisi vangu; nzeve dzangu dzakanzwa kuparadzwa kwavavengi vangu vakaipa.

12 Vakarurama vachakura kwazvo somuchindwe, vachakura somusidhari weRebhanoni;

13 wakadyarwa muimba yaJehovha, vachakura kwazvo muvanze dzaMwari wedu.

14 Vacharamba vachibereka zvibereko pakukwegura kwavo, vachagara vari vanyoro uye vari vatsva.

15 Vachiparidza kuti, “Jehovha akarurama; ndiye Dombo rangu, uye maari hamuna chakaipa.”

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

6 − 4 =