Mapisarema 87

Zvavanakomana vaKora. Pisarema. Rwiyo.

1 Akateya nheyo dzake pagomo dzvene;

2 Jehovha anoda masuo eZioni kupfuura pose panogara Jakobho.

3 Zvinhu zvakaisvonaka zvinotaurwa pamusoro pako, iwe guta raMwari:Sera

4 “Ndichanyora nezvaRahabhi neBhabhironi pakati pavanondiziva, neFiristiawo neTire, pamwe chete neEtiopia, uye vachati, “Uyu akaberekerwa muZioni.”

5 Zvirokwazvo, pamusoro peZioni vachati, “Uyu nowoyo vakaberekerwamo, uye Wokumusoro-soro pachake acharisimbisa.”

6 Jehovha achanyora panonyorwa mazita amarudzi, kuti, “Uyu akaberekerwa muZioni.”Sera

7 Pavanoimba, vachaimba vachiti, “Matsime angu ose ari mamuri.”

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

twenty − 4 =