Mapisarema 82

Pisarema raAsafi.

1 Mwari anogara paungano huru; anotonga pakati pa“vamwari” achiti,

2 “Muchasvika riniko muchirwira vasakarurama uye muchisanangura vanhu vakaipa?Sera

3 Tongai mhaka dzavasina simba nenherera; chengetedzai kodzero dzavarombo navakadzvinyirirwa.

4 Nunurai vasina simba navanoshayiwa; varwirei paruoko rwowakaipa.

5 “Havana chavanoziva, havana chavanonzwisisa. Vanongofamba-famba murima; nheyo dzose dzenyika dzinozungunuswa.

6 “Ndakati, ‘Muri vamwari; imi mose muri vanakomana voWokumusorosoro.’

7 Asi muchafa savanhuwo zvavo; muchawa savatongi vose.”

8 Simukai, imi Mwari, mutonge nyika, nokuti ndudzi dzose inhaka yenyu.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

eighteen + four =