Mapisarema 75

Kumutungamiri wokuimba namaimbiro okuti, “Regai kuparadza.” Pisarema raAsafi. Rwiyo.

1 Tinokuvongai, imi Mwari, tinokuvongai, nokuti Zita renyu riri pedyo; vanhu vanotaura nezvamabasa enyu anoshamisa.

2 Imi munoti, “Ndinosarudza nguva yakatarwa; ndini ndinotonga zvakarurama.

3 Panozununguka nyika yose navanhu vayo, ini ndini ndinobata mbiru dzayo zvakasimba.Sera

4 Kuna vanozvikudza ndinoti, ‘Regai kuzvikudzazve,’ uye kuna vakaipa, ndinoti, ‘Regai kusimudza nyanga dzenyu.

5 Regai kusimudzira nyanga dzenyu kudenga; regai kutaura nemitsipa mikukutu.’ ”

6 Hakuna munhu anobva kumabvazuva kana kumavirira, kana anobva kugwenga angasimudzira munhu.

7 Asi Mwari ndiye anotonga: Anoderedza mumwe, achisumudzira mumwe.

8 Muruoko rwaJehovha mune mukombe uzere newaini inopupuma, yakavhenganiswa nezvinonhuwira; anoidururira pasi, uye vakaipa vose vapanyika vanoinwa kusvikira pamasese ayo.

9 Kana ndirini, ndichaparidza izvi nokusingaperi; ndichaimbira Mwari waJakobho rwiyo rwokurumbidza.

10 Ndichagura nyanga dzavakaipa vose, asi nyanga dzavakarurama dzichasimudzirwa kumusoro.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

three × two =