Mapisarema 67

Kumutungamiri wokuimba nomutengeranwa une hungiso. Pisarema. Rwiyo.

1 Mwari ngaatinzwire tsitsi atiropafadze, uye apenyese chiso chake pamusoro pedu,Sera

2 kuti nzira dzenyu dzizivikanwe panyika, ruponeso rwenyu pakati pendudzi dzose.

3 Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari; marudzi ose ngaakurumbidzei.

4 Ndudzi ngadzifare uye dziimbe nomufaro, nokuti munotonga marudzi nokururamisira, uye munotungamirira ndudzi dzenyika.Sera

5 Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari; marudzi ose ngaakurumbidzei.

6 Ipapo nyika ichabereka mukohwo wayo, uye Mwari, Mwari wedu, achatiropafadza.

7 Mwari achatiropafadza, uye migumo yose yepasi ichamutya.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

20 + four =