Mapisarema 64

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1 Ndinzweiwo, imi Mwari, pandinotaura chichemo changu; dzivirirai upenyu hwangu pakutyisidzira kwavavengi.

2 Ndivanzei pakurangana kwavakaipa, ndibve pazhowezhowe yeungano yavaiti vezvakaipa.

3 Vanorodza ndimi dzavo seminondo, uye vanonanga namashoko avo semiseve inouraya.

4 Vanopfura vari pakavanda munhu asina mhosva; vanomupfura pakarepo, vasingatyi.

5 Vanokurudzira mumwe nomumwe wavo pakufunga zvakaipa, vanotaura pamusoro pokuteya misungo yavo, uye vanoti, “Ndianiko achaiona?”

6 Vanorangana kusaruramisira vachiti, “Tafunga zano rakakwana!” Zvirokwazvo mwoyo nomurangariro womunhu zvinonyengera.

7 Asi Mwari achavapfura nemiseve; pakarepo vachawira pasi.

8 Achaita kuti ndimi dzavo dzivashandukire, uye achavaisa pakuparadzwa; vose vanovaona vachavadzungudzira misoro vachivaseka.

9 Marudzi ose avanhu achatya; achaparidza mabasa aMwari, uye achafungisisa zvaakaita.

10 Vakarurama ngavafare muna Jehovha uye vavande maari; vose vakarurama mumwoyo ngavamurumbidze!

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

nine + 20 =