Mapisarema 61

Kumutungamiri wokuimba, nomutengeranwa une hungiso. Pisarema raDhavhidhi.

1 Inzwai kuchema kwangu, imi Mwari; rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu.

2 Kubva kumigumo yenyika, ndinodanidzira kwamuri, ndinodana sezvo mwoyo wangu woziya; nditungamirirei kudombo rakareba kundipfuura.

3 Nokuti imi makanga muri utiziro hwangu, shongwe yakasimba pamusoro pavavengi vangu.

4 Ndinopanga kugara mutende renyu nokusingaperi, uye nokuvanda mumumvuri wamapapiro enyu.Sera

5 Nokuti makanzwa mhiko dzangu, imi Mwari; makandipa nhaka yaavo vanotya zita renyu.

6 Wedzerai mazuva oupenyu hwamambo, makore ake kumarudzi namarudzi.

7 Ngaagare pachigaro choushe pamberi paMwari nokusingaperi; gadzai rudo nokutendeka kwenyu kuti zvimudzivirire.

8 Ipapo ndichagara ndichirumbidza zita renyu nenziyo, uye ndichazadzisa mhiko dzangu zuva nezuva.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

seventeen − three =