Madzimambo akakundwa
1 Aya ndiwo madzimambo enyika iyoyo akakundwa navaIsraeri uye nenyika yavo yavakatora kumabvazuva eJorodhani, kubva kuMupata weAnoni kusvikira kuGomo reHemoni, zvichisanganisira divi rose rokumabvazuva eArabha:
2 Sihoni mambo wavaAmori,
aitonga muHeshibhoni. Aitonga kubva kuAroeri kumucheto woMupata weAnoni, kubva pakati pomupata, kusvikira kuRwizi rweJabhoki, unova muganhu wavaAmori. Izvi zvaisanganisira hafu yeGireadhi.
3 Akatongawo kumabvazuva eArabha kubva kuGungwa reKinereti kusvikira kuGungwa reArabha (Gungwa roMunyu), kusvikira kuBheti Jeshimoti, nokurutivi rwezasi nyasi kwemawere ePisiga.
4 Nenyika yaOgi mambo weBhashani,
mumwe wevokupedzisira wavaRefi, akatonga muAshitaroti nomuEdhirei.
5 Akatonga Gomo reHemoni, neSareka, neBhashani yose kusvikira kumuganhu wavanhu veGeshiri neMaaka, nehafu yeGireadhi kusvikira kumuganhu waSihoni mambo weHeshibhoni.
6 Mozisi, muranda waJehovha, navaIsraeri vakavakunda. Uye Mozisi muranda waJehovha akapa nyika yavo kurudzi rwaRubheni, norudzi rwaGadhi norudzi rwehafu rwaManase kuti ive nhaka yavo.
7 Aya ndiwo madzimambo enyika iyoyo akakundwa naJoshua navaIsraeri kurutivi rwokumavirazuva eJorodhani, kubva paBhaari Gadhi muMupata weRebhanoni kusvikira kuGomo reHaraki, rakakwirira richienda kuSeiri (nyika dzavo Joshua akadzipa kumarudzi avaIsraeri kuti ive nhaka yavo zvichienderana namarudzi avo,
8 nyika yamakomo, mujinga mamakomo kwakadziva kumavirazuva, Arabha, mawere amakomo, gwenga neNegevhi, nenyika yavaHivhi navaAmori, navaKenani, navaPerizi navaJebhusi):
9 mambo weJeriko mumwe chete 
namambo weAi (pedyo neBheteri) mumwe chete 
10 mambo weJerusarema mumwe chete 
mambo weHebhuroni mumwe chete 
11 mambo weJarumuti mumwe chete 
mambo weRakishi mumwe chete 
12 mambo weEgironi mumwe chete 
mambo weGezeri mumwe chete 
13 mambo weDhebhiri mumwe chete 
mambo weGedheri mumwe chete 
14 mambo weHoma mumwe chete 
mambo weAradhi mumwe chete 
15 mambo weRibhina mumwe chete 
mambo weAdhuramu mumwe chete 
16 mambo weMakedha mumwe chete 
mambo weBheteri mumwe chete 
17 mambo weTapua mumwe chete 
mambo weHeferi mumwe chete 
18 mambo weAfeki mumwe chete 
mambo weRasharoni mumwe chete 
19 mambo weMadhoni mumwe chete 
mambo weHazori mumwe chete 
20 mambo weShimuroni Meroni mumwe chete 
mambo weAkishafi mumwe chete 
21 mambo weTaanaki mumwe chete 
mambo weMegidho mumwe chete 
22 mambo weKadheshi mumwe chete 
mambo weJokineamu muKarimeri mumwe chete 
23 mambo weDhori (muNafoti Dhori) mumwe chete 
mambo weGoyimi muGirigari mumwe chete 
24 mambo weTiriza mumwe chete 
madzimambo makumi matatu nomumwe pamwe chete.