Genesisi 42

Madzikoma aJosefa anoenda kuIjipiti 1 Jakobho akati anzwa kuti kuIjipiti kwaiva nezviyo, akati kuvanakomana vake, “Seiko muchiramba makangotarisana?” 2 Akaenderera mberi akati, “Ndanzwa kuti kuIjipiti kune zviyo. Burukai muende ikoko mundotitengera zviyo, kuitira kuti tirarame tirege kufa.” 3 Ipapo madzikoma aJosefa gumi vakaburuka vakaenda kundotenga zviyo kuIjipiti. 4 Asi Jakobho haana kuendesa Bhenjamini, munun’una waJosefa, […]

Genesisi 43

Rwendo rwechipiri rwokuenda kuIjipiti 1 Zvino nzara yakanga ichakanyanya munyika. 2 Saka vakati vadya zviyo zvose zvavakanga vabva nazvo kuIjipiti, baba vavo vakati kwavari, “Dzokerai mundotitengera zvimwe zvokudya.” 3 Asi Judha akati kwavari, “Murume uya akatiyambira kwazvo akati, ‘Hamungazooni chiso changuzve kunze kwokunge munun’una wenyu auya nemi.’ 4 Kana mukaendesa munun’una wedu nesu, tichaenda kundokutengerai […]

Genesisi 44

Mukombe weSirivha muSaga 1 Zvino Josefa akarayira mutariri weimba yake achiti, “Zadza masaga avarume ava nezvokudya zvakawanda zvavanokwanisa kutakura, uye uise mari yomumwe nomumwe mumuromo wesaga. 2 Ipapo ugoisa mukombe wangu, iwo wesirivha, mumuromo wesaga remuduku kuna vose, pamwe chete nemari yezviyo zvake.” Uye akaita sezvaakanga audzwa naJosefa. 3 Kwakati kuchiedza, varume vaya vakaendeswa panzira […]

Genesisi 45

Josefa Anozvizivisa 1 Ipapo Josefa akanga asisagoni kuzvidzora pamberi pavashandiri vake vose, uye akadanidzira akati, “Munhu wose ngaabve pamberi pangu!” Saka pakanga pasisina mumwe munhu pana Josefa paakazvizivisa kuhama dzake. 2 Uye akachema zvikuru kwazvo zvokuti vaIjipita vakamunzwa, uye veimba yaFaro vakanzwa nezvazvo. 3 Josefa akati kuhama dzake, “Ndini Josefa! Ko, baba vangu vachiri vapenyu […]

Genesisi 46

Jakobho anoenda kuIjipiti 1 Saka Israeri akasimuka nezvose zvakanga zviri zvake, uye akati asvika kuBheerishebha, akapa zvibayiro kuna Mwari wababa vake Isaka. 2 Uye Mwari akataura kuna Israeri muchiratidzo usiku akati, “Jakobho! Jakobho!” Iye akati, “Ndiri pano.” 3 Mwari akati, “Ndini Mwari, iye Mwari wababa vako. Usatya kuenda kuIjipiti, nokuti ndichakuita rudzi rukuru ikoko. 4 […]

Genesisi 47

1 Josefa akaenda akandoudza Faro akati, “Baba vangu namadzikoma angu, pamwe chete nezvipfuwo zvavo uye nemombe dzavo nezvavo zvose, vauya vachibva kunyika yeKenani uye vava muGosheni zvino.” 2 Akasarudza vashanu pamadzikoma ake akavaendesa pamberi paFaro. 3 Faro akabvunza madzikoma aJosefa akati, “Basa renyu ndereiko?” Ivo vakapindura Faro vakati, “Varanda venyu vafudzi, sezvakanga zvakangoita madzibaba edu.” […]

Genesisi 48

Manase naEfuremu 1 Shure kwaizvozvo Josefa akaudzwa kuti, “Baba vako vanorwara.” Saka akatora vanakomana vake vaviri Manase naEfuremu pamwe chete naye. 2 Jakobho akati audzwa kuti, “Mwanakomana wako Josefa auya,” Israeri akazvisimbaradza uye akagara panhoo. 3 Jakobho akati kuna Josefa, “Mwari Wamasimba Ose akazviratidza kwandiri paRuzi munyika yeKenani, uye akandiropafadza ipapo, 4 uye akati kwandiri, […]

Genesisi 49

Jakobho anoropafadza vanakomana vake 1 Ipapo Jakobho akadana vanakomana vake akati, “Unganai kuti ndikuudzei zvichaitika kwamuri pamazuva anouya. 2 “Unganai muteerere, imi vanakomana vaJakobho; teererai kuna baba venyu Israeri. 3 “Rubheni, iwe uri dangwe rangu, simba rangu, chiratidzo chokutanga chesimba rangu, unokunda mukukudzwa, unokunda musimba. 4 Unozunguzika semvura zhinji, hauchazokundizve, nokuti wakakwira panhoo yababa vako, […]

Genesisi 50

1 Josefa akazviwisira pamusoro pababa vake uye akachema pamusoro pavo uye akavatsvoda. 2 Ipapo Josefa akarayira varapi vaimushandira kuti vasasike baba vake Israeri. Saka varapi vakamusasika, 3 vakapedza mazuva makumi mana azere, nokuti ndiyo yakanga iri nguva yaidikanwa yokusasika. Uye vaIjipiti vakamuchema kwamazuva makumi manomwe. 4 Mazuva okuchema akati apera, Josefa akati kune veimba yaFaro, […]