1 Makoronike 21

Dhavhidhi anoverenga varwi 1 Satani akamukira Israeri akakurudzira Dhavhidhi kuti averenge vaIsraeri. 2 Saka Dhavhidhi akati kuna Joabhu navatungamiri vamapoka avarwi, “Endai mundoverenga vaIsraeri vose kubva kuBheerishebha kusvikira kuDhani. Uye mugozondiudza kuitira kuti ndizive kuti vangani variko.” 3 Asi Joabhu akapindura akati, “Jehovha ngavawedzere uwandu hwavarwi vake kakapetwa kazana. Ishe wangu mambo, ava vose havasi […]

1 Makoronike 22

1 Ipapo Dhavhidhi akati, “Imba yaJehovha Mwari inofanira kuva pano, pamwe chete nearitari yezvipiriso zvinopisirwa Israeri.” Kugadzirira kuvaka Temberi 2 Saka Dhavhidhi akarayira kuti vatorwa vose vaigara muIsraeri vaungane pamwe chete, uye kubva mukati mavo akasarudza vacheki vamatombo kuti vagadzire matombo akavezwa zvakanaka okuvakisa imba yaMwari. 3 Akapa simbi dzakawanda kwazvo kuti dzigoshandiswa kugadzirisa zvipikiri […]

1 Makoronike 23

VaRevhi 1 Dhavhidhi paakanga akwegura ava namakore mazhinji, akaita mwanakomana wake Soromoni mambo pamusoro peIsraeri. 2 Akaunganidzawo vatungamiri vose veIsraeri pamwe chete navaprista navaRevhi. 3 VaRevhi vose vana makore makumi matatu zvichienda mberi vakaverengwa, uye varume vose vakasvika zviuru makumi matatu nezvisere. 4 Dhavhidhi akati, “Pane ava, zviuru makumi maviri nezvina vachava vatariri vebasa rokuvakwa […]

1 Makoronike 24

Mapoka aVaprista 1 Aya ndiwo aiva mapoka avanakomana vaAroni: Vanakomana vaAroni vaiva: Nadhabhi, Abhihu, Ereazari naIthamari. 2 Asi Nadhabhi naAbhihu vakafa baba vavo vasati vafa, uye vakanga vasina vanakomana; saka Ereazari naItamari vakashumira savaprista. 3 Achibatsirwa naZadhoki chizvarwa chaEreazari naAhimereki chizvarwa chaItamari, Dhavhidhi akavapatsanura akavaisa mumapoka kuti vaite basa ravo roushumiri ravakanga varayirwa. 4 Vatungamiri […]

1 Makoronike 25

Vaimbi 1 Dhavhidhi, pamwe chete navatungamiri vehondo: vakatsaura vamwe vavanakomana vaAsafi, Hemari naJedhutuni kuti vaite ushumiri hwokuprofita kuchiridzwa mbira, mitengeranwa namakandira. Aya ndiwo mazita avarume vaiita basa iri. 2 Kubva kuvanakomana vaAsafi: Zakuri, Josefa, Netania naAsarera. Vanakomana vaAsafi vaitungamirirwa naAsafi uyo aiprofita achitungamirirwa namambo. 3 Kana ari Jedhutuni, kuvanakomana vake: Gedharia, Zeri, Jeshaya, Shimei, Hashabhia […]

1 Makoronike 26

Vachengeti veMikova 1 Mapoka avachengeti vemikova aiva: Kubva kuvaKorati: Mesheremia mwanakomana waKore, mumwe wavanakomana vaAsafi. 2 Mesheremia aiva navanakomana vaiti: Zekaria dangwe, Jedhiaeri wechipiri Zebhadhia wechitatu, Jatinieri wechina, 3 Eramu wechishanu, Jehoanani wechitanhatu, naEriehoenai wechinomwe. 4 Obedhi-Edhomu aivawo navanakomana vaiti: Shemaya dangwe, Jehozabhadhi wechipiri, Joa wechitatu, Sakari wechina, Netaneri wechishanu, 5 Amieri wechitanhatu, Isakari wechinomwe […]

1 Makoronike 27

Mapoka eHondo 1 Aya ndiwo mazita avaIsraeri, vakuru vemhuri, vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana, namachinda avo, vaishandira mambo mune zvose pamusoro pamapoka avarwi ainge ari pabasa mwedzi nomwedzi mugore rose. Boka rimwe nerimwe raiva navarume zviuru makumi maviri nezvina. 2 Aitungamirira boka rokutanga mwedzi wokutanga, aiva Jashobheami mwanakomana waZabhidhieri. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri […]

1 Makoronike 28

Urongwa hwaDhavhidhi pamusoro peTemberi 1 Dhavhidhi akarayira vabati veIsraeri vose kuti vaungane paJerusarema: vabati pamusoro pamarudzi, vatungamiri vamapoka aishandira mambo, vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana, navabati vaichengeta zvinhu nezvipfuwo zvamambo uye navanakomana vake, pamwe chete navabati vomumuzinda wamambo, varume vane simba nemhare dzose dzakashinga. 2 Mambo Dhavhidhi akasimuka akamira akati, “Teererai kwandiri, hama dzangu navanhu vangu. […]

1 Makoronike 29

Zvipo Zvokuvakisa Temberi 1 Ipapo Mambo Dhavhidhi akati kuungano yose, “Mwanakomana wangu Soromoni uyo asarudzwa naMwari mudiki uye haasati ava kunyatsogona. Basa iri iguru kwazvo nokuti muzinda uyu hausi womunhu asi ndowaJehovha Mwari. 2 Nokuwana kwangu kwose ndapa kutemberi yaMwari wangu, goridhe pabasa regoridhe, sirivha pabasa resirivha, ndarira pabasa rendarira, simbi pabasa resimbi uye matanda […]