1 Samueri 31

Sauro anozviuraya 1 Zvino vaFiristia vakarwa navaIsraeri; vaIsraeri vakatiza pamberi pavo, uye vazhinji vakawira pasi vaurayiwa paGomo reGiribhoa. 2 VaFiristia vakasimbirira kwazvo kuteverera Sauro navanakomana vake, uye vakauraya vanakomana vake, Jonatani, Abhinadhabhi naMariki-Shua. 3 Hondo yakapisa pakanga pana Sauro, uye vapfuri vouta vakati vasvika pedyo naye, vakamukuvadza zvakaipisisa. 4 Sauro akati kune aibata nhumbi dzake […]