1 VaKorinde 11

1 Teverai muenzaniso wangu, sezvandinotevera muenzaniso waKristu. Zvinofanira kuitwa paKunamata 2 Ndinokurumbidzai nokuti munondirangarira pazvinhu zvose, uye muchichengeta dzidziso, sezvandakakudzidzisai. 3 Zvino ndinoda kuti muzive kuti musoro womurume wose ndiKristu, uye musoro womukadzi murume, uye musoro waKristu ndiye Mwari. 4 Murume mumwe nomumwe anonyengetera kana kuprofita musoro wake wakafukidzwa, anoninipisa musoro wake. 5 Uye mukadzi […]

1 VaKorinde 12

Zvipo zvoMweya 1 Zvino pamusoro pezvipo zvoMweya, hama, handidi kuti muve musingazivi. 2 Munoziva kuti pamakanga muri vahedheni, makanga muchitungamirirwa uye nokutsauswa muchiiswa kuzvifananidzo zvisingagoni kutaura. 3 Naizvozvo ndinokuudzai kuti hakuna munhu anotaura noMweya waMwari anoti, “Jesu ngaatukwe.” Uye hakuna munhu anoti, “Jesu ndiye Ishe,” asi naMweya Mutsvene. 4 Kuna marudzi akasiyana ezvipo, asi Mweya […]

1 VaKorinde 13

Rudo Uye zvino ndichakuratidzai nzira yakanaka kupfuura dzose. 1 Kunyange ndikataura nendimi dzavanhu nedzavatumwa, asi kana ndisina rudo, ndakaita sedare rinorira kana ndarira dzinongoti ngwerengwere. 2 Kana ndine chipo chokuprofita uye ndichinzwisisa zvakavanzika zvose noruzivo rwose, uye kana ndino kutenda kunofambisa makomo, asi ndisina rudo, handizi chinhu. 3 Kana ndikagovera zvose zvandinazvo kuvarombo uye kana […]

1 VaKorinde 14

Zvipo zvoKuprofita noKutaura neNdimi 1 Teverai nzira yorudo uye mushuve kwazvo zvipo zvomweya, zvikuru sei chipo chokuprofita. 2 Nokuti ani naani anotaura nendimi haatauri kuvanhu asi kuna Mwari. Zvirokwazvo, hapana anomunzwa; anotaura zvakavanzika mumweya wake. 3 Asi anoprofita anotaura kuvanhu kuti vasimbiswe, vakurudzirwe uye kuti vanyaradzwe. 4 Uyo anotaura nendimi anozvisimbisa iye asi anoprofita anosimbisa […]

1 VaKorinde 15

Kumuka kwaKristu 1 Zvino hama, ndinoda kukuyeuchidzai vhangeri randakakuparidzirai, iro ramakagamuchira uye ramakamira mariri. 2 Nevhangeri irori munoponeswa, kana mukabatirira kwazvo pashoko randakakuparidzirai. Zvimwe makatenda pasina. 3 Nokuti zvandakagamuchira sezvinokosha pakutanga ndizvo zvandakakupaiwo: kuti Kristu akafira zvivi zvedu sezvazvakanyorwa muMagwaro, 4 kuti akavigwa, akamutswa pazuva rechitatu sezvazvakanyorwa muMagwaro, 5 uye kuti akazviratidza kuna Petro, tevere […]

1 VaKorinde 16

Zvipo zvakaunganidzirwa vanhu vaMwari 1 Zvino pamusoro pezvipo zvakaunganidzirwa vanhu vaMwari: Itaiwo sezvandakarayira kereke dzavaGaratia kuti dziite. 2 Nomusi wokutanga wevhiki roga roga, mumwe nomumwe wenyu ngaakamure mari kubva pamari yake zvichienderana napaanowana napo, muiunganidze pamwe chete, kuitira kuti pandinouya kurege kuzounganidzwa zvipo. 3 Zvino, kana ndasvika, ndichazopa matsamba okuzivisa kuvarume vamunenge masarudza uye ndichavatuma […]