2 Madzimambo 11

Ataria naJoashi 1 Ataria mai vaAhazia vakati vaona kuti mwanakomana wavo akanga afa, vakapfuurira mberi nokuparadza veimba youmambo vose. 2 Asi Jehoshebha, mwanasikana waMambo Jehoramu nehanzvadzi yaAhazia, vakatora Joashi mwanakomana waAhazia ndokumuba kubva pakati pavana voumambo, vakanga vava pedyo nokuurayiwa. Akamuisa muimba yake yokurara nomureri wake achimuvanza kubva pana Ataria; saka haana kuurayiwa. 3 Akagara […]

2 Madzimambo 12

Joashi anogadziridza Temberi 1 Mugore rechinomwe raJehu, Joashi akava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mana. Zita ramai vake rainzi Zibhia; vaibva kuBheerishebha. 2 Joashi akaita zvakanaka pamberi paJehovha pamakore ose aakadzidziswa naJehoyadha muprista. 3 Kunyange zvakadaro, matunhu akakwirira haana kubviswa; vanhu vakaramba vachibayira zvibayiro nokupisira zvinonhuwira ikoko. 4 Joashi akati kuvaprista, “Unganidzai mari yose […]

2 Madzimambo 13

Jehoahazi Mambo weIsraeri 1 Mugore ramakumi maviri namatatu raJoashi mwanakomana waAhazia mambo weJudha, Jehoahazi mwanakomana waJehu akava mambo weIsraeri muSamaria, uye akatonga kwamakore gumi namanomwe. 2 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha nokutevera zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakanga aita kuti vaIsraeri vaite, uye haana kutendeuka kubva pazvivi. 3 Naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwakabvira somoto pamusoro peIsraeri, uye kwenguva […]

2 Madzimambo 14

Amazia Mambo weJudha 1 Mugore rechipiri raJehoashi mwanakomana waJehoahazi mambo weIsraeri, Amazia mwanakomana waJoashi mambo weJudha akatanga kutonga. 2 Akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi maviri namapfumbamwe. Zita ramai vake rainzi Jehoadhini vakanga vachibva muJerusarema. 3 Iye akaita zvakanaka pamberi paJehovha, asi kwete sezvakaitwa nababa vake Dhavhidhi. Pazvinhu […]

2 Madzimambo 15

Azaria Mambo weJudha 1 Mugore ramakumi maviri namanomwe raJerobhoamu mambo weIsraeri, Azaria mwanakomana waAmazia mambo weJudha akatanga kutonga. 2 Akanga ava namakore gumi namatanhatu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mashanu namaviri. Zita ramai vake rainzi Jekoria; vaibva muJerusarema. 3 Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa nababa vake Amazia. a13 mamita angaita 180 4 […]

2 Madzimambo 16

Ahazia Mambo weJudha 1 Mugore regumi namanomwe raPeka mwanakomana waRemaria, Ahazia mwanakomana waJotamu mambo weJudha akatanga kutonga uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi namatanhatu. 2 Ahazia akanga ava namakore makumi maviri paakava mambo. Haana kuita zvakarurama pamberi paJehovha Mwari wake, sababa vake Dhavhidhi. 3 Akafamba munzira dzamadzimambo eIsraeri, uye akasvika pakubayira vanakomana vake mumoto achitevera zvainyangadza […]

2 Madzimambo 17

Hoshea Mambo weIsraeri wokupedzisira 1 Mugore regumi namaviri raAhazia mambo weJudha, Hoshea mwanakomana waEra akava mambo weIsraeri muSamaria, uye akatonga kwamakore mapfumbamwe. 2 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, asi haana kuita samadzimambo eIsraeri akamutangira. 3 Sharimaneseri mambo weAsiria akauya kuzorwisa Hoshea, iye akava muranda wake akaripa mutero kwaari. 4 Asi mambo weAsiria akazoziva kuti Hoshea yaiva […]

2 Madzimambo 18

Hezekia Mambo weJudha 1 Mugore rechitatu raHoshea mwanakomana waEra Mambo weIsraeri, Hezekia mwanakomana waAhazia mambo weJudha akatanga kutonga. 2 Akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi maviri namapfumbamwe. Zita ramai vake rainzi Abhiya mwanasikana waZekaria. 3 Akaita zvakanaka pamberi paJehovha, sezvakanga zvaita baba vake Dhavhidhi. 4 Akabvisa matunhu akakwirira, […]

2 Madzimambo 19

Kununurwa kweJerusarema kunoziviswa 1 Mambo Hezekia akati achizvinzwa, akabvarura nguo dzake akafuka masaga akapinda mutemberi yaJehovha. 2 Akatuma Eriakimi mutariri womuzinda wamambo, naShebhina munyori navatungamiri vavaprista, vose vakapfeka masaga, kumuprofita Isaya mwanakomana waAmozi. 3 Vakati kwaari, “Zvanzi naHezekia: Nhasi izuva rokutambudzika, nerokutukwa, nokunyadziswa, sezvinoita vana vasvika pakuzvarwa ipo pasina simba rokusununguka. 4 Zvimwe Jehovha Mwari […]

2 Madzimambo 20

Kurwara kwaHezekia 1 Mumazuva iwayo Hezekia akarwara zvokuda kufa. Muprofita Isaya mwanakomana waAmozi akaenda kwaari akati, “Zvanzi naJehovha: Gadzira imba yako, nokuti uchafa, hausi kuzorarama.” 2 Hezekia akatendeukira kumadziro uye akanyengetera kuna Jehovha akati, 3 “Haiwa Jehovha, rangarirai kuti ndakafamba sei pamberi penyu nokutendeka uye nomwoyo wose uye ndikaita zvakanaka pamberi penyu.” Hezekia akachema zvikuru. […]