2 VaKorinde 11

Pauro naVapostori Venhema 1 Ndinovimba kuti muchava nomwoyo murefu zvishoma nokuda kwoupenzi hwangu; asi mava kutozviita kare. 2 Ndine godo pamusoro penyu negodo raMwari. Ndakakuitai vakavimbika kumurume mumwe chete, kuna Kristu, kuitira kuti ndigozogona kukusvitsai kwaari semhandara yakachena. 3 Asi ndinotya kuti sokunyengerwa kwakaita Evha nenyoka nemano ayo, ndangariro dzenyu dzingangotsauswa kubva pakururama nokuchena kwomwoyo, […]

2 VaKorinde 12

Chiratidzo chaPauro noMunzwa muMuviri Wake 1 Ndinofanira kuramba ndichizvirumbidza. Kunyange zvisina zvazvinobatsira, ndichapfuurira mberi ndigotaura pamusoro pezviratidzo nezvakazarurwa zvaShe. 2 Ndinoziva mumwe munhu ari muna Kristu, uyo makore gumi namana akapfuura akakwidzwa kudenga rechitatu. Kana zvakaitwa mumuviri kana kunze kwomuviri handizivi, Mwari ndiye anoziva. 3 Uye ndinoziva kuti munhu uyu, kana akanga ari mumuviri kana […]

2 VaKorinde 13

Yambiro Yokupedzisira 1 Uku ndiko kuchava kushanya kwangu kwechitatu kwamuri. Nyaya yose inofanira kusimbiswa nezvapupu zviviri kana zvitatu. 2 Ndakakupai yambiro kare pandakanga ndinemi kechipiri. Zvino ndava kuzvipamhazve ndisipo: Pakuuya kwangu handizorege vaya vakatadza pakutanga kana vamwe vose, 3 sezvo muchitsvaka chiratidzo chokuti Kristu ndiye anotaura kubudikidza neni. Haana utera pakubata kwake pakati penyu, asi […]