Dhanieri 11

1 Uye mugore rokutanga raDhariasi muMedhia, ini ndakasimuka kuti ndimutsigire nokumudzivirira. Madzimambo eZasi neoKumusoro 2 “Zvino ipapo, ndinokuudza chokwadi: Mamwezve madzimambo matatu achavamo muPezhia, uye ipapozve mumwe wechina, achava akafuma kupfuura vamwe vose. Paachava nesimba nokuda kwepfuma yake, achamutsa vamwe vose kuzorwa noumambo hweGirisi. 3 Ipapo mambo ane simba achavapo, uyo achatonga nesimba guru nokuita […]

Dhanieri 12

Nguva Yokupedzisira 1 “Panguva iyoyo Mikaeri, muchinda mukuru anodzivirira vanhu vako, achasimuka. Pachava nenguva yenhamo isina kumbovapo kubva pakuvamba kwendudzi kusvikira zvino. Asi panguva iyoyo vanhu vako, ani naani ane zita rakanyorwa mubhuku, acharwirwa. 2 Vazhinji vanovata muguruva renyika vachamuka: vamwe kuupenyu husingaperi, vamwe kukunyadziswa nokuzvidzwa kusingaperi. 3 Avo vakachenjera vachapenya sokupenya kwokudenga, uye vanodzorera […]