Dhuteronomi 31

Joshua anotevera Mozisi pakutungamirira 1 Ipapo Mozisi akaenda akandotaura mashoko aya kuvaIsraeri vose achiti: 2 “Zvino ndava namakore zana namakumi maviri uye handichagoni kukutungamirirai. Jehovha akati kwandiri, ‘Iwe haufaniri kuyambuka Jorodhani urwu.’ 3 Jehovha Mwari wenyu pachake ndiye achayambuka ari pamberi penyu. Achaparadza ndudzi idzi dzose pamberi penyu, mugotora nyika yavo. Joshua ndiye achayambuka ari […]

Dhuteronomi 32

1 Inzwai, imi matenga, zvino ndichataura; inzwa, iwe nyika, mashoko omuromo wangu. 2 Regai dzidziso yangu inaye semvura uye mashoko angu ayerere sedova, sokupfunha pauswa hunyoro, semvura zhinji papfumvudza nyoro. 3 Ndichaparidza zita raJehovha. Haiwa, rumbidzai ukuru hwaMwari wedu! 4 Iye ndiye ibwe, mabasa ake akakwana, uye nzira dzake dzakarurama. Mwari akatendeka asina chaanotadza, akarurama […]

Dhuteronomi 33

Mozisi Anoropafadza Marudzi 1 Uku ndiko kuropafadza kwaMozisi munhu waMwari kwaakataura kuvaIsraeri asati afa. 2 Akati: “Jehovha akabva kuSinai akavabudira samambakwedza achibva kuSeiri; akapenya kubva paGomo reParani. Akauya nezviuru gumi zvavatsvene kubva rutivi rwezasi, kubva kumawere amakomo ake. 3 Zvirokwazvo ndimi makada vanhu; vatsvene vose vari muruoko rwenyu. Patsoka dzenyu vose vanopfugama, uye kubva kwamuri […]

Dhuteronomi 34

Kufa kwaMozisi 1 Ipapo Mozisi akakwira mugomo reNebho kubva pamapani aMoabhu kusvika pamusoro pePisiga, mhiri uchibva kuJeriko. Ipapo Jehovha akamuratidza nyika yose, kubva kuGireadhi kusvika kuDhani. 2 Nafutari yose, nenyika yaEfuremu naManase, nenyika yose yaJudha zvichibva nechokugungwa rokumavirira, 3 Negevhi uye dunhu rose zvichibvira kuMupata weJeriko. Neguta remichindwe, kusvika kuZoari. 4 Ipapo Jehovha akati kwaari, […]