Jeremia 51

1 Zvanzi naJehovha, “Tarirai, ndichamutsa mwoyo womuparadzi pamusoro peBhabhironi navanhu veRebhi Kamai. 2 Ndichatumira vatorwa kuBhabhironi kundoriridza nokuparadza nyika yaro; vacharirwisa kumativi ose, pazuva rokuparara kwaro. 3 Musarega mupfuri achiwembura uta hwake, kana kumurega achipfeka nhumbi dzake dzokurwa. Regai kunzwira majaya aro tsitsi; paradzai hondo yaro zvachose. 4 Vachawira pasi vaurayiwa muBhabhironi, vachakuvadzwa mumigwagwa zvokuti […]

Jeremia 52

Kuwa kweJerusarema 1 Zedhekia akanga ana makore makumi maviri nerimwe paakatanga kuva mambo, uye akatonga muJerusarema kwemakore gumi nerimwe. Zita ramai vake rainzi Hamutari mwanasikana waJeremia; aibva kuRibhuna. 2 Iye akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakangoitwa naJehoyakimi. 3 Izvi zvakaitika kuJerusarema neJudha nokuda kwehasha dzaJehovha, uye pakupedzisira akavabvisa pamberi pake. Zvino Zedhekia akamukira mambo weBhabhironi. 4 […]