Johani 11

Kufa kwaRazaro 1 Zvino mumwe murume ainzi Razaro akanga achirwara. Aibva kuBhetani, musha waMaria naMarita mukoma wake. 2 Maria uyu, ane hanzvadzi yake Razaro akanga avete achirwara, ndiye uya akadururira mafuta anonhuwira pana Ishe uye akapukuta tsoka dzake nebvudzi rake. 3 Saka hanzvadzi dzake dzakatuma shoko kuna Jesu, dzikati, “Ishe, uya wamunoda ari kurwara.” 4 […]

Johani 12

Jesu anozodzwa Mafuta paBhetani 1 Kwakati kwasara mazuva matanhatu kuti Pasika isvike, Jesu akasvika paBhetani, kuya kwaigara Razaro, uyo akanga amutswa naJesu kubva kuvakafa. 2 Ipapo vakamubikira kudya kwamanheru. Marita akavashandira uye Razaro akanga ari pakati pavanhu vakanga vari patafura naye. 3 Ipapo Maria akatora chinu chamafuta anonhuwira, enaridho omutengo unokosha kwazvo; akaadururira patsoka dzaJesu […]

Johani 13

Jesu anoshambidza Tsoka dzaVadzidzi Vake 1 Mutambo wePasika wakanga uchigere kusvika. Jesu akanga achiziva kuti nguva yakanga yasvika yokuti iye abve panyika uye kuti aende kuna Baba. Sezvo akanga achida vake avo vakanga vari munyika, akavaratidza zvino kuzara kworudo rwake. 2 Kudya kwamadekwana kwakanga kwava kugoverwa, uye dhiabhori akanga aisa mumwoyo maJudhasi Iskarioti, mwanakomana waSimoni, […]

Johani 14

Jesu anonyaradza Vadzidzi Vake 1 “Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika. Tendai kuna Mwari; mutendewo kwandiri. 2 Mumba maBaba vangu mune nzvimbo zhinji dzokugara; dai zvaiva zvisizvo, ndingadai ndakuudzai. Ndiri kuenda ikoko kundokugadzirirai nzvimbo. 3 Uye kana ndikaenda kundokugadzirirai nzvimbo, ndichadzoka ndozokutorai kuti muve neni, kuti nemiwo mugova kwandinenge ndiri. 4 Imi munoziva nzira yokuenda nayo kunzvimbo […]

Johani 15

Muzambiringa naMatavi 1 “Ndini muzambiringa wechokwadi, uye Baba vangu murimi. 2 Davi rimwe nerimwe riri mandiri risingabereki vanoritema, asi davi rimwe nerimwe rinobereka michero vanorichekerera kuitira kuti rigozobereka michero yakawanda. 3 Imi matonatswa nokuda kweshoko randataura kwamuri. 4 Garai mandiri, uye ini ndichagara mamuri. Hakuna davi rinobereka michero riri roga; rinofanira kugara mumuzambiringa. Nemi hamungabereki […]

Johani 16

1 “Ndakuudzai zvose izvi kuitira kuti murege kutsauka. 2 Vachakubudisai musinagoge; chokwadi ndechokuti, nguva iri kuuya yokuti munhu anokuurayai achafunga kuti ari kushandira Mwari. 3 Vachaita zvinhu zvakadai nokuti havana kuziva Baba kana ini. 4 Ndakuudzai izvi, kuitira kuti kana nguva yacho yasvika, imi mucharangarira kuti ndakakuyambirai. Handina kukutaurirai izvi pakutanga nokuti ndakanga ndinemi. Basa […]

Johani 17

Jesu anozvinyengeterera 1 Jesu akati ataura izvi, akatarira kudenga akanyengetera achiti: “Baba, nguva yasvika. Kudzai Mwanakomana wenyu, kuti Mwanakomana wenyu akukudzei. 2 Nokuti makamupa simba pamusoro pavanhu vose kuti ape upenyu husingaperi kuna vose vamakamupa. 3 Zvino uhu ndihwo upenyu husingaperi: kuti vakuzivei imi, Mwari oga wechokwadi, naJesu Kristu wamakatuma. 4 Ndakauyisa kukudzwa kwamuri panyika […]

Johani 18

Kusungwa kwaJesu 1 Akati apedza kunyengetera, Jesu akabva navadzidzi vake ndokuyambuka Mupata weKidhironi. Parutivi rwenzvimbo iyi paiva nebindu remiorivhi, uye iye navadzidzi vake vakapindamo. 2 Zvino Judhasi uyo akamupandukira, aiziva nzvimbo yacho, nokuti Jesu aichimbosanganamo navadzidzi vake. 3 Saka Judhasi akasvika kubindu, achitungamirira boka ravarwi navamwe vatariri vaibva kuvaprista vakuru nokuvaFarisi. Vakanga vane mwenje namarambi […]

Johani 19

Jesu anotongerwa kuti arovererwe pamuchinjikwa 1 Ipapo Pirato akatora Jesu akaita kuti arohwe. 2 Varwi vakaita korona yeminzwa vakaidzika pamusoro wake. Vakamupfekedza nguo dzepepuru 3 vakaenda kwaari vaendazve vachiti, “Kwaziwai, mambo wavaJudha!” Uye vakamurova kumeso. 4 Pirato akabuda akatizve kuvaJudha, “Tarirai, ndava kumuisa kwamuri kuti muzive kuti ndashaya mhosva paari.” 5 Jesu akati abuda kunze […]

Johani 20

Guva risina chinhu 1 Mangwanani, pazuva rokutanga revhiki, kuchakasviba, Maria Magadharena akaenda kuguva uye akaona kuti ibwe rakanga rabviswa pamukova. 2 Saka akauya achimhanya kuna Simoni Petro nokuno mumwe mudzidzi, uya aidikanwa naJesu, akati, “Vabudisa Ishe muguva, uye hatizivi pavamuisa!” 3 Saka Petro nomumwe mudzidzi vakabuda vakaenda kuguva. 4 Vose vari vaviri vaimhanya, asi mumwe […]