Mabasa aVapostori 21

Pauro anoenda kuJerusarema 1 Shure kwokuparadzana kwedu navo, takaenda kugungwa tikandokwira chikepe tikananga kuKosi. Zuva rakatevera takaenda kuRhodzi uye tichibva ikoko takaenda kuPatara. 2 Takawana chikepe chaiyambuka chichienda kuFonisia, tikakwira machiri tikaenda. 3 Takati taona Saipurasi takaipfuura nechezasi kwayo, tikaenda kuSiria. Takandoburuka chikepe paTire, paiburutsa chikepe chedu nhumbi dzacho. 4 Takati tawana vadzidzi ipapo, takagara […]

Mabasa aVapostori 22

1 “Hama nemi madzibaba, teererai kuzvidavirira kwangu zvino.” 2 Pavakanzwa achitaura kwavari nechiHebheru, vakanyanya kunyarara. Ipapo Pauro akati, 3 “Ini ndiri muJudha, akaberekerwa kuTasasi yeSirisia, asi ndakarerwa muguta rino. Pasi paGamarieri ndakanyatsodzidziswa mutemo wamadzibaba edu uye ndakanga ndichishingairira Mwari sezvamunoita imi nhasi. 4 Ndakatambudza vateveri veNzira iyi kusvikira pakufa kwavo, ndichisunga zvose varume navakadzi ndichivaisa […]

Mabasa aVapostori 23

1 Pauro akatarisisa kuDare Guru ravaJudha akati kwavari, “Hama dzangu, ini ndakaita basa rangu kuna Mwari nehana yakanaka kusvikira zuva ranhasi.” 2 Ipapo muprista mukuru ainzi Ananiasi akarayira vaya vakanga vamire pedyo naye kuti vamurove pamuromo. 3 Ipapo Pauro akati kwaari, “Mwari achakurova, iwe rusvingo rwakacheneswa! Ugere ipapo kuti unditonge maererano nomurayiro, asi iwe pachako […]

Mabasa aVapostori 24

Pauro anomira pamberi paFerikisi 1 Mazuva mashanu akati apfuura, Ananiasi muprista mukuru akaburuka kuKesarea navamwe vakuru nerimwe gweta rainzi Teturo, vakataura mhosva dzavo pamusoro paPauro pamberi pomubati. 2 Pauro akati adaidzwa kuti apinde, Teturo akasvitsa nyaya yake kuna Ferikisi achiti, “Isu takafadzwa nenguva refu yorugare pasi poutongi hwenyu, uye kuchenjera kwenyu kwakashandura rudzi urwu. 3 […]

Mabasa aVapostori 25

Pauro anotongwa pamberi paFesitasi 1 Kwakati kwapera mazuva matatu mushure mokusvika kwake munyika iyo, Fesitasi akakwira kubva kuKesaria akaenda kuJerusarema, 2 vaprista vakuru navakuru vavaJudha vakamira pamberi pake vakapira mhosva yaPauro kwaari. 3 Vakakumbira zvikuru kuna Fesitasi, sechinhu chinofadza kwavari, kuti Pauro aendeswe kuJerusarema, nokuti vakanga vachigadzirira kumuvandira kuti vagomuuraya munzira imomo. 4 Fesitasi akapindura […]

Mabasa aVapostori 26

1 Ipapo Agiripa akati kuna Pauro, “Unotenderwa kuzvidavirira.” Saka Pauro akaninira noruoko rwake akatanga kuzvidavirira achiti, 2 “Mambo Agiripa, ndinoona kuti ndine rombo rakanaka kuti ndimire pamberi penyu nhasi ndichizvidavirira pamusoro pezvose zvandinopomerwa navaJudha, 3 uye zvikuru nokuti imi munonyatsoziva tsika dzavaJudha uye namakakatanwa avo. Naizvozvo ndinokukumbirai kuti munditeerere nomwoyo murefu chaizvo. 4 “VaJudha vose […]

Mabasa aVapostori 27

Pauro anoenda kuRoma nechikepe 1 Kwakati kwarongwa kuti tiende nechikepe kuItari, Pauro navamwe vasungwa vakaiswa mumaoko omukuru wezana ainzi Juriasi akanga ari wehondo yaAgasito. 2 Takakwira chikepe chaibva kuAdhiramitiami chakanga chava kuenda nomunzvimbo dzaiva kumahombekombe enyika yeEzhia, ndokubva taenda kugungwa. Takanga tiina Arisitako, muMasedhonia aibva kuTesaronika, pamwe chete nesu. 3 Zuva rakatevera takasvika paSidhoni; uye […]

Mabasa aVapostori 28

Pauro paMarita 1 Takati tasvika zvakanaka kumahombekombe, takazoziva kuti chitsuwa ichi chainzi Marita. 2 Vanhu vomuchitsuwa ichi vakatiitira tsitsi dzinoshamisa. Vakavesa moto vakatigamuchira tose nokuti kwakanga kuchinaya uye kuchitonhora. 3 Pauro akaunganidza svinga retutsotso paakanga ava kutuisa mumoto, nyoka, yanzwa kupisa kwomoto, yakanamatira paruoko rwake. 4 Vanhu vomuchitsuwa ichi pavakaona nyoka yakarembera paruoko rwake, vakataurirana […]