Jesu anopinda muJerusarema saMambo 1 Pavakanga vava kusvika kuJerusarema uye vasvika kuBhetifage nokuBhetani paGomo reMiorivhi, Jesu akatuma vaviri vavadzidzi vake, 2 achiti kwavari, “Endai mumusha wakatarisana nemi, uye pamunongopinda mauri, muchawana mwana wembongoro akasungirirwa ipapo, asina kumbotasvwa nomunhu. Mumusunungure mugouya naye pano. 3 Kana mukabvunzwa nomunhu kuti, ‘Seiko muchiita izvi?’ muti kwaari, ‘Ishe anomuda uye […]
Category Archives: Mako
Mako 12
Mufananidzo waVarimi Vakaipa 1 Zvino akatanga kutaura navo nemifananidzo achiti, “Mumwe murume akasima munda wemizambiringa. Akaukomberedza noruzhowa, akachera gomba rechisviniro chewaini uye akavaka shongwe yokurinda. Ipapo akauchengetesa kuvarimi uye akaenda parwendo. 2 Pakukohwa akatuma muranda kumuchengeti womunda kuti andotora kwavari zvimwe zvemichero yomunda wemizambiringa. 3 Asi vakamubata, vakamurova vakamudzosa asina chinhu. 4 Ipapo akatuma mumwe […]
Mako 13
Zviratidzo zvaMazuva Okupedzisira 1 Paakanga ava kubuda mutemberi, mumwe wavadzidzi vake akati, “Mudzidzisi, tarirai kukura kwakaita matombo! Iko kunaka kwedzimba!” 2 Jesu akapindura akati, “Uri kuona dzimba huru dzose idzi? Hapana ibwe pano richasiyiwa riri pamusoro perimwe; ose achawisirwa pasi.” 3 Jesu paakanga agere paGomo reMiorivhi pakatarisana netemberi, Petro, Jakobho, Johani naAndirea vakamubvunza vari voga […]
Mako 14
Jesu anozodzwa paBhetani 1 Zvino kwakanga kwangosara mazuva maviri kuti Pasika noMutambo weChingwa Chisina Mbiriso zviitwe, uye vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakanga vachitsvaka nzira yokuti vasunge Jesu nayo uye kuti vamuuraye. 2 Vakati, “Asi kwete panguva yoMutambo, kuti vanhu varege kuita bope.” 3 Uye paakanga ari muBhetani, agere pakudya mumba momumwe murume ainzi Simoni waMaperembudzi, […]
Mako 15
Jesu pamberi paPirato 1 Mangwanani-ngwanani, vaprista vakuru navakuru, vadzidzisi vomurayiro uye neDare Guru rose, vakapa mutongo. Vakasunga Jesu, vakaenda naye vakandomuisa mumaoko aPirato. 2 Pirato akamubvunza akati, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akapindura akati, “Hongu, ndizvo sokutaura kwamaita.” 3 Vaprista vakuru vakamupomera zvinhu zvizhinji kwazvo. 4 Saka Pirato akabvunzazve akati, “Ko, haupinduri here? Tarira kuwanda […]
Mako 16
Kumuka 1 Sabata rakati rapfuura, Maria Magadharena, Maria mai vaJakobho, naSarome vakatenga zvinonhuwira kuti vagondozodza mutumbi waJesu. 2 Mangwanani-ngwanani pazuva rokutanga revhiki, zuva risati rabuda, vakanga vapinda munzira, 3 uye vakabvunzana vachiti, “Ndianiko achatikungurutsira ibwe pamukova weguva?” 4 Asi vakati vatarira, vakaona kuti ibwe rakanga rakungurutswa. 5 Pavakapinda muguva, vakaona jaya rakapfeka nguo chena rakagara […]