Nehemia 11

Vagari veJerusarema Vatsva 1 Zvino vatungamiri vavanhu vakagara muJerusarema, uye vamwe vanhu vose vakakanda mijenya kuti vasarudze mumwe chete kubva mugumi roga roga kuti andogara muJerusarema, guta dzvene, kwozoti vapfumbamwe vanenge vasara vachizogara mumaguta avo pachavo. 2 Vanhu vakarumbidza varume vose vakanga vazvipira kugara muJerusarema. 3 Ava ndivo vakuru vamatunhu vakandogara muJerusarema (zvino vamwe vavaIsraeri, […]

Nehemia 12

Vaprista navaRevhi 1 Zvino ava ndivo vaprista navaRevhi vakadzokera naZorubhabheri, mwanakomana waShearitieri naJeshua: Seraya, Jeremia, naEzira, 2 Amaria, Maruki, Hatushi, 3 Shekania, Rehumi, Meremoti, 4 Idho, Ginetoni, Abhija, 5 Mijamini Moadhia, Bhiriga, 6 Shemia, Joirabhi, naJedhaya. 7 Saru, Amoki, Hirikia naJedhaya. Ava ndivo vaiva vatungamiri vavaprista pamwe chete nehama dzavo pamazuva aJeshua. 8 VaRevhi vaiti: […]

Nehemia 13

Zvakashandurwa naNehemia pakupedzisira 1 Pazuva iroro Bhuku raMozisi rakaverengwa nenzwi guru vanhu vachizvinzwa uye zvakawanikwa zvakanyorwa kuti muAmoni nomuMoabhu havabvumirwi kupinda muungano yaMwari, 2 nokuti havana kundosangana navaIsraeri nezvokudya nemvura asi vakaripira Bharamu kuti avatuke. Kunyange zvakadaro, Mwari wedu, akashandura kutuka kukava ropafadzo. 3 Vanhu vakati vanzwa murayiro uyu, vakabvisa vose vakanga vari vatorwa pakuberekwa. […]