Numeri 11

Moto wakabva kuna Jehovha 1 Zvino vanhu vakanyunyuta, Jehovha achizvinzwa, pamusoro pokuomerwa kwavo, uye paakavanzwa hasha dzake dzakamutswa. Ipapo moto wakabva kuna Jehovha ukapisa pakati pavo uye ukaparadza vamwe kumucheto womusasa. 2 Vanhu vakati vachema kuna Mozisi, akanyengetera kuna Jehovha moto ukadzima. 3 Saka nzvimbo iyo yakanzi Tabhera, nokuti moto wakabva kuna Jehovha ukapisa pakati […]

Numeri 12

Miriamu naAroni vanopikisana naMozisi 1 Miriamu naAroni vakatanga kupopotera Mozisi nokuda kwomukadzi wake aiva muEtiopia, nokuti akanga awana muEtiopia. 2 “Ko, Jehovha akangotaura naMozisi oga here? Ko, haana kutaura kubudikidza nesuwo here?” Uye Jehovha akazvinzwa. 3 Zvino Mozisi akanga ari munhu akapfava kwazvo, akapfava kupfuura ani zvake pamusoro penyika. 4 Pakarepo Jehovha akati kuna Mozisi, […]

Numeri 13

Vasori vanoona nyika yeKenani 1 Jehovha akati kuna Mozisi, 2 “Tuma vamwe varume kuti vandosora nyika yeKenani, yandiri kupa kuvaIsraeri. Tuma mutungamiri mumwe kubva kurudzi rumwe norumwe rwamadzitateguru avo.” 3 Saka, sokurayira kwaJehovha, Mozisi akavatuma vachibva nokurenje reParani. Vose vakanga vari vatungamiri vavaIsraeri. 4 Haano mazita avo: kubva kurudzi rwaRubheni, Shamua mwanakomana waZakuri; 5 kubva […]

Numeri 14

Vanhu vanomukira Mozisi 1 Usiku ihwohwo vanhu vose veungano vakasimudza manzwi avo vakachema zvikuru. 2 VaIsraeri vose vakapopotera Mozisi naAroni uye ungano yose yakati kwavari, “Dai bedzi takanga tafira muIjipiti! Kana murenje rino! 3 Ko, Jehovha ari kuuyireiko nesu kunyika ino zvoongotirega tichindourayiwa nomunondo? Vakadzi navana vedu vachatorwa senhapwa. Hazvaiva nani here kuti tidzokore kuIjipiti?” […]

Numeri 15

Zvimwe Zvipiriso 1 Jehovha akati kuna Mozisi, 2 “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mapinda munyika yandinokupai kuti mugare, 3 uye mukauya nezvipiriso zvinopiswa kuna Jehovha, kubva kumombe kana makwai, kuti muite zvinonhuwira zvinofadza Jehovha, zvingava zvinopiswa kana zvibayiro, zvemhiko dzakasarudzika kana zvipo zvokungopa kana zvipiriso zvemitambo, 4 ipapo munhu anouya nechipiriso chake achapa kuna Jehovha […]

Numeri 16

Kora, Dhatani naAbhiramu 1 Kora mwanakomana waIzhari, mwanakomana waKohati, mwanakomana waRevhi, navamwe vaRubheni, Dhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriabhu, naOni mwanakomana waPoreti, vakazvikudza 2 uye vakamukira Mozisi. Vakanga vane varume mazana maviri namakumi mashanu avaIsraeri, vatungamiri vaizivikanwa kwazvo muungano vakanga vagadzwa kuti vave nhengo dzamakurukota. 3 Vakauya vari chikwata kuti vazopikisa Mozisi naAroni vakati kwavari, “Mazonyanya zvino! […]

Numeri 17

Tsvimbo yaAroni inobukira mashizha 1 Jehovha akati kuna Mozisi, 2 “Taura kuvaIsraeri utore tsvimbo gumi nembiri kubva kwavari, imwe chete kubva kuno mumwe nomumwe wavatungamiri vamarudzi amadzitateguru avo. Unyore zita romurume mumwe nomumwe patsvimbo yake. 3 Patsvimbo yaRevhi unyore zita raAroni, nokuti panofanira kuva netsvimbo imwe chete yomukuru mumwe nomumwe worudzi rwamadzitateguru avo. 4 Udziise […]

Numeri 18

Mabasa aVaprista navaRevhi 1 Jehovha akati kuna Aroni, “Iwe, navanakomana vako nemhuri yababa vako munofanira kuva nebasa rokutakura mhosva dzinotadzirwa nzvimbo tsvene, uye iwe navanakomana vako bedzi ndimi munofanira kuita basa rokutakura mhosva dzinotadzirwa basa rouprista. 2 Uya nehama dzako ivo vaRevhi vanobva kurudzi rwamadzitateguru ako kuti vazobatana newe uye vagokubatsira iwe navanakomana vako pamunoshumira […]

Numeri 19

Mvura yoKunatsa 1 Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, 2 “Izvi ndizvo zvinodikanwa pamurayiro wakarayirwa naJehovha. Udza vaIsraeri kuti vakuvigire tsiru dzvuku risina kuremara, kana charingapomerwa uye risina kumbosungwa pajoko. 3 Uripe kuna Ereazari muprista; rinofanira kubudiswa kunze kwomusasa rigourayiwa pamberi pake. 4 Ipapo Ereazari muprista anofanira kutora rimwe reropa raro nomunwe agorisasa kanomwe akananga mberi […]

Numeri 20

Mvura yakabva padombo 1 Mumwedzi wokutanga, ungano yose yeIsraeri yakasvika murenje reZini, uye vakandogara paKadheshi. Ndipo pakafira Miriamu uye akavigwapo. 2 Zvino pakanga pasisina mvura yeungano, uye vanhu vakaungana vakapopotera Mozisi naAroni. 3 Vakapopotera Mozisi vachiti, “Dai zvedu takafa pakafira hama dzedu pamberi paJehovha! 4 Seiko wakauya neungano yaJehovha murenje rino, kuti isu nezvipfuwo zvedu […]