VaHebheru 11

Kutenda 1 Zvino kutenda ndiko kuva nechokwadi chezvinhu zvatinotarisira, nechiratidzo chezvinhu zvatisingaoni. 2 Nokuti izvi ndizvo zvakaita kuti vanhu vekare vapupurirwe zvakanaka. 3 Nokutenda tinonzwisisa kuti nyika yakaitwa nokurayira kwaMwari, zvokuti zvinhu zvinoonekwa zvakaitwa kubva pane zvinhu zvisingaonekwi. 4 Nokutenda Abheri akapa Mwari chibayiro chiri nani pane chaKaini. Nokutenda akapupurirwa kuti akanga ari munhu akarurama, […]

VaHebheru 12

Mwari anoranga Vanakomana Vake 1 Naizvozvo nesuwo, zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rikadai, ngatibvisei zvose zvinoremedza, nechivi chinongotinamatira nyore, uye ngatimhanyei nokutsungirira, nhangemutange yatakaisirwa. 2 Tichitarira kuna Jesu muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu; iye akatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashora kunyadziswa kwawo, uye akandogara kurudyi rwechigaro choushe chaMwari. 3 Cherechedzai iye akatsunga pakupikiswa kwakadai navatadzi, […]

VaHebheru 13

Mashoko Okupedzisira 1 Rambai mune rudo pakati penyu sehama. 2 Musakanganwa kuitira vaeni rudo, nokuti vamwe mukuita izvi vakashumira vatumwa vasingazvizivi. 3 Rangarirai vaya vari mutorongo somunenge makasungwa pamwe chete navo, uye navaya vanoitirwa zvakaipa sokunge imi pachenyu ndimi muri kutambudzwa. 4 Kuwanana ngakukudzwe navose, uye nhoo yewanano ngairege kusvibiswa, nokuti Mwari achatonga mhombwe navose […]