Vatongi 11

1 Jefuta muGireadhi, akanga ari murwi ane simba. Baba vake vainzi Gireadhi; mai vake vakanga vari chifeve. 2 Mukadzi waGireadhi akamuberekerawo vanakomana, uye vakati vakura, vakadzinga Jefuta. Vakati, “Iwe hauna nhaka ipi zvayo yauchawana mumhuri yedu, nokuti uri mwanakomana womumwe mukadzi.” 3 Saka Jefuta akatiza kubva pavanun’una vake akandogara munyika yeTobhi, uko kwaakandounganirwa navarume vakaipa […]

Vatongi 12

Jefuta neEfuremu 1 Varume veEfuremu vakadana varwi vavo, vakayambuka mhiri vakaenda kuZafani uye vakati kuna Jefuta, “Wakaendereiko kundorwa navaAmoni ukasatidana kuti tiende newe? Tichapisa imba yako iwe uri mukati.” 2 Jefuta akapindura akati, “Ini navanhu vangu takanga tiri pakutambudzika kukuru navaAmoni, uye kunyange ndakadana, imi hamuna kundiponesa kubva mumaoko avo. 3 Pandakaona kuti hamusi kuda […]

Vatongi 13

Kuberekwa kwaSamusoni 1 VaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, saka Jehovha akavaisa mumaoko avaFiristia kwamakore makumi mana. 2 Mumwe murumwe weZora ainzi Manoa, aibva muimba yavaDhani, akanga ano mukadzi akanga asingabereki asina mwana. 3 Mutumwa waJehovha akazviratidza kwaari uye akati, “Iwe haubereki uye hauna mwana, asi uchava nemimba uye ugova nomwanakomana. 4 Zvino uone kuti warega […]

Vatongi 14

Kuwana kwaSamusoni 1 Samusoni akaburuka akaenda kuTimina akandoona ikoko mukadzi muduku wechiFiristia. 2 Akati adzoka, akasvikoti kuna baba namai vake, “Ndaona mukadzi wechiFiristia muTimina; zvino nditorerei iye ave mukadzi wangu.” 3 Baba namai vake vakapindura vakati, “Hapana here mukadzi akakodzera pakati pehama dzako kana pakati pavanhu vokwedu vose? Ungaenda here kuvaFiristia vasina kudzingiswa kuti undotora […]

Vatongi 15

Kutsiva kwaSamusoni pavaFiristia 1 Mushure mechinguva, panguva yokukohwa gorosi, Samusoni akatora mbudzana akaenda kundoshanyira mukadzi wake. Iye akati, “Ndinoda kupinda mumba nomukadzi wangu.” Asi baba vomukadzi wake havana kumutendera kupinda. 2 Baba vomukadzi wake vakati, “Ndakanga ndine chokwadi chaizvo kuti unomuvenga kwazvo zvokuti ndakamupa kushamwari yako. Ko, munun’una wake haana kunaka kukunda iye here? Chimutora […]

Vatongi 16

Samusoni naDherira 1 Rimwe zuva Samusoni akaenda kuGaza, kwaakandoona chifeve. Akapinda usiku kuti andovata naye. 2 Vanhu veGaza vakaudzwa kuti, “Samusoni ari pano!” Saka vakakomba nzvimbo iyo vakamuvandira usiku pasuo reguta. Havana kumbosuduruka panguva yousiku vachiti, “Tichamuuraya panguva yamambakwedza.” 3 Asi Samusoni akavatamo kusvikira pakati pousiku chete. Ipapo akamuka akabata masasa amasuo eguta, pamwe chete […]

Vatongi 17

Zvifananidzo zvaMika 1 Zvino mumwe murume ainzi Mika aibva kunyika yezvikomo yaEfuremu 2 akati kuna mai vake, “Mashekeri aya esirivha chiuru nezana rimwe chetea akatorwa kwamuri andakanzwa muchituka munhu wacho akatora, sirivha yacho ndini ndinayo; ndini ndakaitora.” Ipapo mai vake vakati, “Jehovha ngaakuropafadze, mwanakomana wangu!” 3 Akati adzorera mashekeri esirivha chiuru nezana rimwe chete, kuna […]

Vatongi 18

VaDhani vanondogara muRaishi 1 Mumazuva iwayo Israeri yakanga isina mambo. Uye mumazuva iwayo vorudzi rwavaDhani vakanga vachitsvaka nzvimbo yavo pachavo yavangagara, nokuti vakanga vasati vapiwa nhaka pakati pamarudzi eIsraeri. 2 Saka vaDhani vakatuma varwi vashanu vaibva kuZora neEshitaori kuti vandoshora nyika nokuitarisisa. Varume ava vakanga vachimirira dzimba dzavo dzose. Vakavaudza kuti, “Endai munotarisisa nyika.” Varume […]

Vatongi 19

MuRevhi noMurongo wake 1 Mumazuva iwayo Israeri yakanga isina mambo. Zvino mumwe muRevhi akanga achigara munyika iri kure yezvikomo yeEfuremu akatora murongo aibva kuBheterehema muJudha. 2 Asi akanga asina kutendeka kwaari. Akamusiya akadzokerazve kumba kwababa vake kuBheterehema, Judha. Mushure mokunge agarako kwemwedzi mina, 3 murume wake akaenda kwaari kundomunyengetedza kuti adzoke. Akanga ane muranda wake […]

Vatongi 20

VaIsraeri vanorwa navaBhenjamini 1 Ipapo vaIsraeri vose kubva kuDhani kusvikira kuBheerishebha uye nokubva munyika yeGireadhi vakabuda somunhu mumwe chete vakaungana pamberi paJehovha muMizipa. 2 Vatungamiriri vavanhu vose vamarudzi eIsraeri vakandomira panzvimbo dzavo paungano yavanhu vaMwari, zviuru zvamazana mana zvavarwi vakapakata minondo. 3 (VaBhenjamini vakanzwa kuti vaIsraeri vakanga vakwira kuMizipa.) Ipapo vakati, “Dotiudzai kuti chinhu chakaipisisa […]