Numeri 15

Zvimwe Zvipiriso

1 Jehovha akati kuna Mozisi,

2 “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mapinda munyika yandinokupai kuti mugare,

3 uye mukauya nezvipiriso zvinopiswa kuna Jehovha, kubva kumombe kana makwai, kuti muite zvinonhuwira zvinofadza Jehovha, zvingava zvinopiswa kana zvibayiro, zvemhiko dzakasarudzika kana zvipo zvokungopa kana zvipiriso zvemitambo,

4 ipapo munhu anouya nechipiriso chake achapa kuna Jehovha chipiriso chezvipo chiri chegumi cheefaa youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nechikamu chimwe chete muzvina chehinib yamafuta.

5 Pagwayana rimwe nerimwe rechipiriso chinopiswa kana rechibayiro, munofanira kugadzira chikamu chimwe chete muzvina chehini yewaini chive chipiriso chokunwa.

6 “ ‘Munofanira kugadzira negondohwe chipiriso chezviyo chezvikamu zviviri mugumi zveefac youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nechetatu chehinid yamafuta,

7 uye chetatu chehini yewaini chive chipiriso chokunwa. Muchipe sechinonhuwira chinofadza kuna Jehovha.

8 “ ‘Pamunogadzirira Jehovha nzombe duku sechipiriso chinopiswa kana sechibayiro, chemhiko yakasarudzika kana chipiriso chokuwadzana,

9 munofanira kuuya nechipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu mugumi cheefae youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nehafu yehinif yamafuta pamwe chete nehando.

10 Uyezve muuye nehafu yehini yewaini sechipiriso chokunwa. Chichava chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuwira chinofadza Jehovha.

11 Hando imwe neimwe kana gondohwe, gwayana rimwe nerimwe kana mbudzana, zvinofanira kugadzirwa nenzira iyoyi.

12 Munofanira kuita izvi pane chimwe nechimwe chazvo, sokuwanda kwezvamunenge magadzira.

13 “ ‘Munhu wose anoberekwa munyika yenyu, anofanira kuita zvinhu izvi nenzira iyi paanenge achiuya nechipiriso chinoitwa nomoto, chive chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha.

14 Kumarudzi anotevera kana mutorwa kana mumwe munhuwo zvake agere pakati penyu akapa chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuwira zvinofadza Jehovha, anofanira kuita zvakangofanana nezvamunoita imi.

15 Ungano inofanira kuva nomutemo mumwe chete kumutorwa agere pakati penyu; uyu murayiro usingaperi kusvikira kumarudzi anotevera. Muchafanana pamberi paJehovha imi nomutorwa.

16 Mirayiro mimwe cheteyo ichashanda kwamuri mose, imi nomutorwa agere pakati penyu.’ ”

17 Jehovha akati kuna Mozisi,

18 “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mopinda munyika yandinokuendesai

19 uye mukadya zvokudya zvenyika iyo, munofanira kupa chikamu kuna Jehovha sechipiriso.

20 Munofanira kupa keke rinoitwa noupfu hwenyu hwokutanga mugoripa sechipiriso chinobva paburiro.

21 Kusvikira kumarudzi anotevera munofanira kupa chipiriso ichi kuna Jehovha kubva paupfu hwenyu hwokutanga.

Zvipiriso zvezvivi zvisina kuitwa nobwoni

22 “ ‘Zvino kana musingatadzi nobwoni kuchengeta mirayiro iyi yakapiwa kuna Mozisi naJehovha,

23 zvipi zvazvo zvakarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi, kubva nezuva razvakapiwa naJehovha uye zvichienda mberi kusvikira kumarudzi anotevera,

24 uye kana izvi zvikaitwa kwete nobwoni zvisina kuzivikanwa neungano, ungano yose inofanira kupa hando duku sechipiriso chinopiswa, sezvinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha, nehando yembudzi kuti ive chipiriso chechivi.

25 Muprista anofanira kuyananisira ungano yose yavaIsraeri, uye vachakanganwirwa, nokuti zvakanga zvisina kuitwa nobwoni, uye, nokuda kwokukanganisa kwavo, vakavigira Jehovha chipiriso chinopiswa uye nechipiriso chechivi.

26 Ungano yose yavaIsraeri navatorwa vagere pakati pavo vachakanganwirwa, nokuti vanhu vose vakatadza vasingazivi.

27 “ ‘Asi kana munhu mumwe chete akatadza nokusaziva, anofanira kuuya nembudzana hadzi yegore rimwe chete kuti chive chipiriso chechivi.

28 Muprista anofanira kuyananisira uyo akatadza pamberi paJehovha nokutadza nokusaziva, uye kana ayananisirwa, achakanganwirwa.

29 Murayiro mumwe chete iwoyu unoshanda kuna vose vanotadza vasingazivi, angava akaberekerwa muIsraeri kana mutorwa.

30 “ ‘Asi ani naani anotadza nokuzvikudza, angava akaberekwa muIsraeri kana mutorwa, anomhura Jehovha, munhu uyo anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.

31 Nokuti akazvidza shoko raJehovha uye akaputsa mirayiro yake, munhu uyo anofanira kubviswa zvachose; mhosva yake inogara pamusoro pake.’ ”

Munhu akaputsa murayiro weSabata anourayiwa

32 VaIsraeri vachiri murenje, mumwe munhu akawanikwa achiunganidza huni nezuva reSabata.

33 Avo vakamuwana achiunganidza huni vakauya naye kuna Mozisi naAroni nokuungano yose,

34 uye vakamuchengeta mutorongo, nokuti vakanga vasingazivi zvinofanira kuitwa kwaari.

35 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Munhu uyo anofanira kufa. Ungano yose inofanira kumutaka namabwe kunze kwomusasa.”

36 Saka ungano yakamubudisa kunze kwomusasa vakamutaka namabwe kusvikira afa, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

Pfunha paNguo

37 Jehovha akati kuna Mozisi,

38 “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kusvikira, kumarudzi achatevera, munofanira kugadzira pfunha pamakona enguo dzenyu, dzinenge dzine tambo yebhuruu papfunha imwe neimwe.

39 Muchava nepfunha idzi kuti mudzitarire uye naizvozvo mucharangarira zvakarayirwa naJehovha zvose, kuti muzviteerere mugorega kuita ufeve muchitevera kuchiva kwemwoyo yenyu nameso enyu.

40 Ipapo mucharangarira kuteerera mirayiro yangu yose uye muchazvitsaura kuti muve vanhu vaMwari wenyu.

41 Ndini Jehovha Mwari wenyu, akakubudisai kubva muIjipiti kuti ndive Mwari wenyu. Ndini Jehovha Mwari wenyu.’ ”

Numeri 16

Kora, Dhatani naAbhiramu

1 Kora mwanakomana waIzhari, mwanakomana waKohati, mwanakomana waRevhi, navamwe vaRubheni, Dhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriabhu, naOni mwanakomana waPoreti, vakazvikudza

2 uye vakamukira Mozisi. Vakanga vane varume mazana maviri namakumi mashanu avaIsraeri, vatungamiri vaizivikanwa kwazvo muungano vakanga vagadzwa kuti vave nhengo dzamakurukota.

3 Vakauya vari chikwata kuti vazopikisa Mozisi naAroni vakati kwavari, “Mazonyanya zvino! Ungano yose itsvene, mumwe nomumwe wavo zvake, uye Jehovha ari pakati pavo. Zvino munozviisireiko pamusoro peungano yaJehovha?”

4 Mozisi akati anzwa izvozvo, akawira pasi nechiso.

5 Ipapo akati kuna Kora navateveri vake vose, “Mangwanani Jehovha acharatidza kuti vanhu vake ndavapi uye kuti mutsvene ndiani, uye achaita kuti munhu uyo aswedere kwaari. Munhu waachasarudza ndiye waachaswededza kwaari.

6 Iwe Kora, navateveri vako vose munofanira kuita izvi: Torai hadyana dzezvinonhuwira

7 uye mangwana muise moto nezvinonhuwira madziri mugoenda nadzo pamberi paJehovha. Munhu achasarudzwa naJehovha ndiye achava mutsvene. Imi vaRevhi mazonyanya zvino!”

8 Mozisi akatizve kuna Kora, “Chinzwai zvino, imi vaRevhi!

9 Ko, hazvina kukwana kwamuri here kuti Mwari wavaIsraeri akakutsaurai pakati peungano yavaIsraeri vose akakuswededzai pedyo naye kuti muite basa patabhenakeri yaJehovha uye kuti mumire pamberi peungano mugovashandira?

10 Akakuswededzai imi nehama dzenyu ivo vaRevhi, asi zvino mava kuedza kubvuta upristawo.

11 Uku kurwa naJehovha zvamadai kusungana pamwe chete iyemi navose vanokuteverai. Aroni ndianiko wamunopopotera?”

12 Ipapo Mozisi akadana Dhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriabhu. Asi ivo vakati, “Hatiuyiko!

13 Hazvina kukwana here kuti makatibudisa munyika inoyerera mukaka nouchi kuti muzotiurayira murenje? Uye iye zvino munoda kubata ushe pamusoro pedu here?

14 Pamusoro pezvo, hamuna kutisvitsa kunyika inoyerera mukaka nouchi kana kutipa nhaka yeminda neminda yemizambiringa. Muchada kutumbura meso avanhu ava here? Haiwa, isu hatiuyiko!”

15 Ipapo Mozisi akatsamwa zvikuru akati kuna Jehovha, “Musagamuchira chipiriso chavo. Handina kutovatorera kana mbongoro, uye handina kutadzira kana mumwe wavo.”

16 Mozisi akati kuna Kora, “Iwe navose vanokutevera munofanira kumira pamberi paJehovha mangwana, iwe, naivo naAroni.

17 Murume mumwe nomumwe ngaatore hadyana yake aise zvinonhuwira mairi, hadyana mazana maviri namakumi mashanu pamwe chete mugodziisa pamberi paJehovha. Iwe naAroni munofanira kuuyawo nehadyana dzenyu.”

18 Saka murume mumwe nomumwe akatora hadyana yake, akaisa moto nezvinonhuwira mairi, uye vakamira naMozisi naAroni pamukova wokupinda muTende Rokusangana.

19 Kora akati aunganidza vateveri vake vose vaipikisana navo pamukova wokupinda muTende Rokusangana, kubwinya kwaJehovha kukaonekwa neungano yose.

20 Jehovha akati kuna Mozisi naAroni,

21 “Zvitsaurei imi paungano iyi kuitira kuti ndivaparadze izvozvi.”

22 Asi Mozisi naAroni vakawira pasi nezviso zvavo vakadanidzira zvikuru vachiti, “Haiwa Mwari, Mwari wemweya yavanhu vose, mungatsamwira ungano yose here munhu mumwe chete angotadza?”

23 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,

24 “Uti kuungano, ‘Sudurukai mubve pamatende aKora, Dhatani naAbhiramu.’ ”

25 Mozisi akasimuka akaenda kuna Dhatani naAbhiramu uye vakuru veIsraeri vakamutevera.

26 Akayambira ungano akati, “Sudurukai mubve pamatende avanhu vakaipa ava! Musabata chinhu chipi zvacho chinenge chiri chavo, kuti murege kuparadzwa nokuda kwezvivi zvavo zvose.”

27 Saka vakasuduruka vakabva pamatende aKora, Dhatani naAbhiramu. Dhatani naAbhiramu vakanga vabuda kunze uye vakanga vakamira navakadzi vavo, vana navacheche vari pamukova pamatende avo.

28 Ipapo Mozisi akati, “Muchaziva nezvizvi kuti Jehovha akandituma kuti ndiite zvinhu izvi zvose uye kuti dzakanga dzisiri pfungwa dzangu:

29 Kana varume ava vakafa savamwe vanhu uye vakasangana nezvinongoitika kuvanhu vose, ipapo Jehovha anenge asina kundituma.

30 Asi kana Jehovha akauyisa chimwe chinhu chitsva uye nyika ikashamisa muromo wayo ikavamedza, nezvose zvavo, uye vakaburukira muguva vari vapenyu, ipapo muchaziva kuti varume ava vazvidza Jehovha.”

31 Akati achangopedza kutaura zvose izvi, pasi pavo pakatsemuka

32 uye nyika ikashamisa muromo wayo ikavamedza, nenhumbi dzavo navanhu vose vaKora nezvinhu zvavo zvose.

33 Vakaburukira muguva vari vapenyu, nezvinhu zvavo zvose; nyika ikavafukidza, vakaparara vakabva pakati peungano.

34 Pavakachema, vaIsraeri vose vakanga vakavakomba vakatiza, vachidanidzira vachiti, “Nyika ichatimedza nesuwo!”

35 Ipapo moto wakabuda uchibva kuna Jehovha ukaparadza varume mazana maviri namakumi mashanu vakanga vachipisira zvinonhuwira.

36 Jehovha akati kuna Mozisi,

37 “Taurira Ereazari mwanakomana waAroni, muprista, kuti abvise hadyana parufuse agoparadzira mazimbe kure nokuti hadyana itsvene,

38 idzo hadyana dzavarume vaye vakatadza vakaurayiwa. Pwanyai hadyana mugoita chifukidziro chearitari nadzo, nokuti dzakauyiswa pamberi paJehovha dzikava tsvene. Ngadzive chiratidzo kuvaIsraeri.”

39 Saka Ereazari muprista akaunganidza hadyana dzendarira dzakauya navaya vakanga vapiswa, akaita kuti dzipwanyiwe kuti dzigova chifukidzo chearitari,

40 sezvaakarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi. Ichi chaiva chirangaridzo kuvaIsraeri chokuti hakuna munhu anofanira kupisira zvinonhuwira pamberi paJehovha kunze kwechizvarwa chaAroni kuti aregere kuzofanana naKora navateveri vake.

41 Fume mangwana, ungano yose yavaIsraeri yakapopotera Mozisi naAroni. Vakati, “Imi makauraya vanhu vaJehovha.”

42 Asi ungano yakati yaungana pamwe chete ichipikisana naMozisi naAroni vakatarira kuTende Rokusangana, pakarepo gore rikaifukidza uye kubwinya kwaJehovha kukaonekwa.

43 Ipapo Mozisi naAroni vakaenda mberi kweTende Rokusangana,

44 uye Jehovha akati kuna Mozisi,

45 “Ibva paungano iyi kuti ndivaparadze iye zvino.” Ipapo vakawira pasi nezviso zvavo.

46 Zvino Mozisi akati kuna Aroni, “Tora hadyana yako ugoisa zvinonhuwira mairi pamwe chete nomoto unobva paaritari, uchimbidze kuenda kuungano undovayananisira. Hasha dzabuda dzichibva kuna Jehovha; denda ratotanga.”

47 Saka Aroni akaita sezvakarehwa naMozisi, akamhanyira pakati peungano. Denda rakanga ratotanga pakati pavanhu, asi Aroni akapisira zvinonhuwira akavayananisira.

48 Akamira pakati pavapenyu navakafa, denda rikamirawo.

49 Asi vanhu zviuru gumi nezvina namazana manomwe vakafa nedenda, vachiwedzera pane vaya vakanga vafa nokuda kwaKora.

50 Ipapo Aroni akadzokera kuna Mozisi pamukova wokupinda muTende Rokusangana, nokuti denda rakanga rapera.

Numeri 17

Tsvimbo yaAroni inobukira mashizha

1 Jehovha akati kuna Mozisi,

2 “Taura kuvaIsraeri utore tsvimbo gumi nembiri kubva kwavari, imwe chete kubva kuno mumwe nomumwe wavatungamiri vamarudzi amadzitateguru avo. Unyore zita romurume mumwe nomumwe patsvimbo yake.

3 Patsvimbo yaRevhi unyore zita raAroni, nokuti panofanira kuva netsvimbo imwe chete yomukuru mumwe nomumwe worudzi rwamadzitateguru avo.

4 Udziise muTende Rokusangana pamberi peChipupuriro, pandinosangana nemi.

5 Tsvimbo yomunhu wandichasarudza ichabukira mashiza, uye ndichagumisa kupopota uku kwavaIsraeri kuri kuramba kuripo pamusoro pako.”

6 Saka Mozisi akataura navaIsraeri, uye vatungamiri vavo vakamupa tsvimbo gumi nembiri, imwe chete iri yomutungamiri mumwe nomumwe wamarudzi amadzitateguru avo, uye tsvimbo yaAroni yakanga iri pakati padzo.

7 Mozisi akaisa tsvimbo idzi pamberi paJehovha muTende reChipupuriro.

8 Fume mangwana Mozisi akapinda muTende reChipupuriro uye akaona kuti tsvimbo yaAroni, iyo yaiva yakamirira imba yaRevhi, yakanga isina kungobukira bedzi asi yakanga yatungira, yava namaruva uye yabereka maarimondi.

9 Ipapo Mozisi akatora tsvimbo dzose kubva pamberi paJehovha akaenda nadzo kuvaIsraeri vose. Vakadzitarisa, ipapo murume mumwe nomumwe akatora tsvimbo yake.

10 Jehovha akati kuna Mozisi, “Dzorera tsvimbo yaAroni pamberi peTende reChipupuriro, kuti ichengetwe sechiratidzo kuvanhu vanondimukira. Izvozvi zvichagumisa kundipopotera kwavo, kuti varege kufa.”

11 Mozisi akaita sezvaakarayirwa naJehovha, izvozvo ndizvo zvaakaita.

12 VaIsraeri vakati kuna Mozisi, “Isu tichafa hedu! Takarasika, takarasika isu tose!

13 Ani naani achaswedera patabhenakeri yaJehovha achafa. Ko, isu tose tichafa here?”

Numeri 18

Mabasa aVaprista navaRevhi

1 Jehovha akati kuna Aroni, “Iwe, navanakomana vako nemhuri yababa vako munofanira kuva nebasa rokutakura mhosva dzinotadzirwa nzvimbo tsvene, uye iwe navanakomana vako bedzi ndimi munofanira kuita basa rokutakura mhosva dzinotadzirwa basa rouprista.

2 Uya nehama dzako ivo vaRevhi vanobva kurudzi rwamadzitateguru ako kuti vazobatana newe uye vagokubatsira iwe navanakomana vako pamunoshumira pamberi peTende reChipupuriro.

3 Vanofanira kuva pasi pako uye vanofanira kuita mabasa ose eTende asi havafaniri kuswedera pedyo nemidziyo yenzvimbo tsvene kana aritari, kana kuti mose ivo newe muchafa.

4 Vanofanira kubatana newe vagoita basa rokuchengeta Tende Rokusangana, basa rose rapaTende uye hakuna mumwezve anofanira kuswedera pauri.

5 “Munofanira kuva nebasa rokuchengeta nzvimbo tsvene nearitari, kuti hasha dzirege kuwira pavaIsraerizve.

6 Ini pachangu ndakasarudza hama dzako ivo vaRevhi pakati pavaIsraeri kuti vave sechipo kwauri, vakumikidzwe kuna Jehovha kuti vaite basa paTende Rokusangana.

7 Asi iwe chete navanakomana vako ndimi mungashanda savaprista pazvinhu zvose zviri paaritari nezviri mukati mechifukidziro. Ndiri kukupai basa rouprista sechipo. Ani naani anoswedera panzvimbo tsvene anofanira kuurayiwa.”

Zvipiriso zvaVaprista navaRevhi

8 Ipapo Jehovha akati kuna Aroni, “Ini ndimene ndakugadza kuti uve muchengeti wezvipiriso zvinopiwa kwandiri; zvipiriso zvose zvitsvene zvinopiwa kwandiri navaIsraeri ndinozvipa kwauri iwe navanakomana vako somugove wako uye ugova mugove wako wamazuva ose.

9 Iwe unofanira kuva nomugove wezvipiriso zvitsvene-tsvene zvinosiyiwa pamoto. Pazvipo zvose zvavanondivigira sezvipiriso zvitsvene-tsvene, zvingava zvezviyo kana zvechivi kana chipiriso chemhosva, chikamu ichocho ndechako iwe navanakomana vako.

10 Muchidye sechinhu chitsvene-tsvene; murume wose achachidya. Chinofanira kuva chitsvene kwamuri.

11 “Izvi, ndezvako zvakare: chimwe nechimwe chinotsaurwa kubva pazvipo zvose zvezvipiriso zvinoninirwa zvavaIsraeri. Ndinokupa izvi iwe navanakomana vako navanasikana vako somugove wako wamazuva ose. Munhu wose weimba yako anenge akachena angazvidya hake.

12 “Ndinokupa mafuta omuorivhi akaisvonaka uye waini yose yakaisvonaka nezviyo zvavanovigira Jehovha sezvibereko zvokutanga zvegohwo ravo.

13 Zvibereko zvose zvenyika zvavanovigira Jehovha zvichava zvako. Munhu wose weimba yako anenge akachena angazvidya.

14 “Zvinhu zvose zvakatsaurirwa Jehovha muIsraeri ndezvako.

15 Chibereko chinotanga kuzarura chizvaro, chingava chomunhu kana chechipfuwo, chinopiwa kuna Jehovha, ndechako. Asi unofanira kudzikinura mwanakomana wose wedangwe uye dangwe rose remhuka dzisina kunaka.

16 Kana zvava nomwedzi mumwe chete, unofanira kuzvidzikinura nomutengo wedzikinuro wakatarwa wamashekeri mashanua esirivha, maererano neshekeri renzvimbo tsvene, rinorema magera makumi maviri.

17 “Asi haufaniri kudzikinura mhuru nzombe yedangwe, gwai kana mbudzi zvitsvene. Usase ropa razvo paaritari ugopisa mafuta azvo sechipiriso chinoitwa nomoto, chive chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha.

18 Nyama yazvo ichava yako, sezvakangoita chityu chechipiriso chokuninira nechidya chokurudyi zvagara zviri zvako.

19 Ndinokupa zvose zvipiriso zvitsvene zvakatsaurirwa Jehovha navaIsraeri, iwe navanakomana navanasikana vako somugove wako wenguva yose. Isungano yemunyu nokusingaperi pamberi paJehovha kwamuri mose iwe nezvizvarwa zvako.”

20 Jehovha akati kuna Aroni, “Iwe haungawani nhaka munyika mavo, uye haungavi nomugove nenhaka pakati pavaIsraeri.

21 “VaRevhi ndinovapa zvegumi zvose zvavaIsraeri senhaka yavo kutsiva basa ravanoita pavanenge vachishumira paTende Rokusangana.

22 Kubva zvino zvichienda mberi, vaIsraeri havafaniri kuswedera kuTende Rokusangana, kuti varege kuva nemhosva yezvivi zvavo vakazofa.

23 VaRevhi ndivo vanofanira kuita basa paTende Rokusangana uye vagotakura zvakaipa zvavo. Uyu mutemo uchagara uripo kusvikira kumarudzi anotevera. Ivo havangawani nhaka pakati pavaIsraeri.

24 Pachinzvimbo chaizvozvo ndinopa kuvaRevhi nhaka yezvegumi zvinopiwa kuna Jehovha navaIsraeri. Ndokusaka ndakati kwavari: ‘Havangavi nenhaka pakati pavaIsraeri.’ ”

25 Jehovha akati kuna Mozisi,

26 “Taura kuvaRevhi uti kwavari: ‘Pamunogamuchira zvegumi kubva kuvaIsraeri zvandinokupai senhaka yenyu, munofanira kupa chegumi chezvegumi sechipiriso chaJehovha.

27 Chipiriso chako chichaverengwa kwauri sechezviyo zvinobva paburiro kana muto wewaini unobva pachisviniro chewaini.

28 Nenzira iyi nemiwo munofanira kupa chipiriso kuna Jehovha kubva pazvegumi zvose zvamunogamuchira kubva kuvaIsraeri. Kubva pazvegumi izvi, munofanira kupa mugove waJehovha kuna Aroni muprista.

29 Munofanira kupa somugove waJehovha chakanakisisa uye chikamu chitsvene chezvinhu zvose zvamunenge mapiwa.’

30 “Uti kuvaRevhi: ‘Pamunouyisa chikamu chakanakisisa, chichagamuchirwa kubva kwamuri sechakabva paburiro kana pachisviniro chewaini,

31 iwe nemhuri yako mungadya henyu zvakasara zvose chero pamunenge muri, nokuti ndiwo mubayiro wenyu webasa renyu rapaTende Rokusangana.

32 Hamungazovi nemhosva pachinhu kana muchiuyisa chikamu chakanakisisa chacho; ipapo hamungazosvibisi zvitsvene zvavaIsraeri, uye hamuzofi.’ ”

Numeri 19

Mvura yoKunatsa

1 Jehovha akati kuna Mozisi naAroni,

2 “Izvi ndizvo zvinodikanwa pamurayiro wakarayirwa naJehovha. Udza vaIsraeri kuti vakuvigire tsiru dzvuku risina kuremara, kana charingapomerwa uye risina kumbosungwa pajoko.

3 Uripe kuna Ereazari muprista; rinofanira kubudiswa kunze kwomusasa rigourayiwa pamberi pake.

4 Ipapo Ereazari muprista anofanira kutora rimwe reropa raro nomunwe agorisasa kanomwe akananga mberi kweTende Rokusangana.

5 Akatarisa, tsiru rinofanira kupiswa, dehwe raro, nyama yaro namazvizvi aro.

6 Muprista anofanira kutora huni dzomusidhari, hisopi nomucheka mutsvuku agozvikanda pamusoro petsiru riri kutsva.

7 Shure kwaizvozvo, muprista anofanira kusuka nguo dzake uye azvishambidze nemvura. Ipapo angachipinda hake mumusasa, asi achange asina kunatswa kusvikira madekwana.

8 Munhu acharipisa naiyewo anofanira kusuka nguo dzake uye agoshamba nemvura uye iyewo achava asina kuchena kusvikira madekwana.

9 “Munhu akachena achaunganidza madota etsiru agoaisa panzvimbo yakanaka iri kunze kwomusasa. Achachengetwa neungano yavaIsraeri kuti agoshandiswa pamvura yokunatsa; ndeyokunatswa kubva pachivi.

10 Munhu anounganidza madota etsiru anofanirawo kusuka nguo dzake, naiyewo achava asina kuchena kusvikira madekwana. Mutemo uyu uchagara uripo pakati pavaIsraeri navatorwa vagere pakati pavo.

11 “Ani naani anobata chitunha chaani zvake achava asina kuchena kwamazuva manomwe.

12 Anofanira kuzvinatsa nemvura nezuva retatu uye nezuva rechinomwe; ipapo achava akachena.

13 Ani naani anobata chitunha chaani zvake akasazvinatsa anosvibisa tabhenakeri yaJehovha. Munhu uyu anofanira kubviswa pakati pavaIsraeri. Nokuti mvura yokunatsa haina kumbosaswa pamusoro pake, haana kuchena; kusachena kwake kucharamba kuri paari.

14 “Uyu ndiwo murayiro unobata pamunhu anofira mutende: Ani naani anopinda mutende uye ani zvake ari mariri achava asina kuchena kwamazuva manomwe,

15 uye midziyo yose yakazarurwa, isina kukwidibirwa, ichava isina kuchena.

16 “Ani naani ari musango anobata munhu akaurayiwa nomunondo kana mumwe munhu akangofawo zvake, kana munhu anobata bvupa romunhu kana guva, achava asina kuchena kwamazuva manomwe.

17 “Kana munhu asina kuchena, utore dota rinobva pachipiriso chokunatsa chakapiswa ugoriisa muchirongo ugoridira mvura yakachena.

18 Ipapo munhu akachena anofanira kutora hisopi, ainyike mumvura agosasa tende nemidziyo yose uye navanhu vanga varimo. Anofanira kusasawo ani zvake akabata bvupa romunhu kana guva kana mumwe munhu akaurayiwa kana munhu akangofawo zvake.

19 Munhu akachena anofanira kusasa munhu asina kuchena nezuva rechitatu uye nerechinomwe, uye pazuva rechinomwe anofanira kumunatsa. Munhu ari kunatswa anofanira kusuka nguo dzake agozvishambidza nemvura, uye manheru iwayo anofanira kuva akachena.

20 Asi kana munhu asina kuchena akasazvinatsa, anofanira kubviswa paungano, nokuti iye asvibisa nzvimbo tsvene yaJehovha. Mvura yokunatsa haina kumbosaswa paari, nokudaro haana kuchena.

21 Uyu mutemo uchagara uripo kwavari.

“Munhu anosasa mvura yokunatsa anofanirawo kusuka nguo dzake, uye ani naani anobata mvura yokunatsa achava asina kunaka kusvikira madekwana.

22 Chinhu chose chinobatwa nomunhu asina kuchena chinova chisina kuchena, uye ani naani anochibata anova asina kuchena kusvikira madekwana.”

Numeri 20

Mvura yakabva padombo

1 Mumwedzi wokutanga, ungano yose yeIsraeri yakasvika murenje reZini, uye vakandogara paKadheshi. Ndipo pakafira Miriamu uye akavigwapo.

2 Zvino pakanga pasisina mvura yeungano, uye vanhu vakaungana vakapopotera Mozisi naAroni.

3 Vakapopotera Mozisi vachiti, “Dai zvedu takafa pakafira hama dzedu pamberi paJehovha!

4 Seiko wakauya neungano yaJehovha murenje rino, kuti isu nezvipfuwo zvedu tifire muno.

5 Seiko wakatibudisa muIjipiti uchitiuyisa munzvimbo yakaipa kudai? Haina zviyo kana maonde, mazambiringa kana matamba. Uye mvura yokunwa hapana!”

6 Mozisi naAroni vakabva paungano vakaenda kumukova weTende Rokusangana vakawira pasi nezviso zvavo, uye kubwinya kwaJehovha kukaratidzwa kwavari.

7 Jehovha akati kuna Mozisi,

8 “Tora tsvimbo uye iwe nomukoma wako Aroni muunganidze ungano pamwe chete. Utaure kudombo pamberi pavo uye richabudisa mvura yaro. Iwe uchabudisa mvura kubva mudombo kuti vanwe ivo nezvipfuwo zvavo.”

9 Saka Mozisi akatora tsvimbo pamberi paJehovha, sezvaakanga amurayira.

10 Iye naAroni vakaunganidza ungano pamwe chete pamberi pedombo, uye Mozisi akati kwavari, “Teererai imi vokumukira, tinofanira kukubudisirai mvura padombo iri here?”

11 Ipapo Mozisi akasimudza ruoko rwake akarova dombo kaviri netsvimbo yake. Mvura yakabuda, ungano nezvipfuwo zvikanwa.

12 Asi Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, “Nokuti hamuna kuvimba neni zvakakwana kuti mundikudze somutsvene pamberi pavaIsraeri, imi hamuchapinzi ungano iyi munyika yandakavapa.”

13 Iyi ndiyo mvura yeMeribha, apo vaIsraeri vakarwa naJehovha uye paakazviratidza kuti mutsvene pakati pavo.

VaEdhomu vanorambidza vaIsraeri kupfuura

14 Mozisi akatuma nhume ari kuKadheshi kuna mambo weEdhomu, achiti,

“Zvanzi nomunun’una wako Israeri: Iwe unoziva matambudziko ose akatiwira.

15 Madzibaba edu akaburuka achienda kuIjipiti, uye takandogarako kwamakore mazhinji. VaIjipita vakatibata zvakaipa isu namadzibaba edu,

16 asi takati tadana kuna Jehovha, iye akatinzwa akatuma mutumwa akatibudisa muIjipiti.

“Zvino tiri pano paKadheshi, guta riri kumucheto wenyika yenyu.

17 Tapota titendereiwo kupfuura nomunyika yenyu. Hatizopindi nomuminda ipi zvayo kana minda yemizambiringa kana kunwa zvako mvura mutsime ripi zvaro. Tichafamba hedu nomunzira huru yamambo uye hatingatsaukiri kurudyi kana kuruboshwe kusvikira tapfuura nomunyika yenyu.”

18 Asi Edhomu akapindura akati,

“Hamupfuuri napano; kana mukaedza, tichabuda tigokurwisai nomunondo.”

19 VaIsraeri vakapindura vakati,

“Tichaenda nenzira huru, uye kana isu kana zvipfuwo zvedu zvikanwa mvura yenyu, ticharipa. Tinongoda kupfuura tichifamba netsoka, hapanazve chimwe.”

20 Vakapindurazve vachiti,

“Hamungapfuuri.”

Ipapo Edhomu akauya kuzovarwisa nehondo huru uye ine simba.

21 Sezvo Edhomu akaramba kuvabvumira kupfuura nomunyika yavo, vaIsraeri vakatsauka havo kubva kwavari.

Kufa kwaAroni

22 Ungano yose yeIsraeri yakasimuka kubva kuKadheshi uye vakasvika paGomo reHori.

23 PaGomo reHori, pedyo nomuganhu weEdhomu, Jehovha akati kuna Mozisi naAroni,

24 “Aroni achachengetwa kuvanhu vokwake. Haangapindi munyika yandakapa vaIsraeri, nokuti mose muri vaviri makamukira murayiro wangu pamvura yepaMeribha.

25 Tora Aroni nomwanakomana wake Ereazari ukwire navo muGomo reHori.

26 Ubvise nguo dzaAroni udzipfekedze mwanakomana wake Ereazari nokuti Aroni achasanganiswa navanhu vokwake; achafira ipapo.”

27 Mozisi akaita sezvaakanga arayirwa naJehovha: Vakakwira muGomo reHori pamberi peungano yose.

28 Mozisi akabvisa nguo dzaAroni akadzipfekedza mwanakomana wake Ereazari. Uye Aroni akafira ipapo pamusoro pegomo. Ipapo Mozisi naEreazari vakaburuka kubva mugomo.

29 Uye ungano yose yakati yazvinzwa kuti Aroni akanga afa, imba yose yeIsraeri yakamuchema kwamazuva makumi matatu.

Numeri 21

Aradhi rinoparadzwa

1 Mambo weAradhi muKenani aigara kuNegevhi, akati anzwa kuti vaIsraeri vakanga vachiuya nenzira inoenda kuAtarimi, akarwisa vaIsraeri akatapa vamwe vavo.

2 Ipapo vaIsraeri vakaita mhiko iyi kuna Jehovha, vakati: “Kana mukaisa vanhu ava mumaoko edu, tichaparadza maguta avo zvachose.”

3 Jehovha akateerera chikumbiro chavaIsraeri akapa vaKenani kwavari. Vakavaparadza zvachose ivo namaguta avo; naizvozvo nzvimbo iyo ikatumidzwa kunzi Homa.

Nyoka yeNdarira

4 Vakafamba vachibva nokuGomo reHori vachitevedza nzira yaienda nokuGungwa Dzvuku, kuti vapoterere Edhomu. Asi vanhu vakaora mwoyo panzira;

5 vakapopotera Mwari naMozisi, vachiti, “Makatibudisireiko muIjipiti kuti tizofira murenje? Chingwa hapana! Mvura hapana! Uye hatidi zvokudya zvokungotamburira izvi!”

6 Ipapo Jehovha akatuma nyoka dzino uturu pakati pavo, dzikaruma vanhu uye vaIsraeri vazhinji vakafa.

7 Vanhu vakauya kuna Mozisi vakati, “Takatadza, patakapopotera Jehovha nemi. Nyengeterai kuti Jehovha atibvisire nyoka idzi pakati pedu.” Saka Mozisi akanyengeterera vanhu.

8 Jehovha akati kuna Mozisi, “Gadzira nyoka ino uturu ugoiturika padanda; ani naani anorumwa, akatarira kwairi achararama.”

9 Saka Mozisi akagadzira nyoka yendarira akaiturika padanda. Ipapo vaiti kana ani naani akange arumwa nenyoka, akatarisa panyoka yendarira, airarama.

Rwendo rwokuenda kuMoabhu

10 VaIsraeri vakaramba vachifamba vakandodzika musasa paObhoti.

11 Ipapo vakasimuka kubva paObhoti vakandodzika musasa paIye Abharimi, mugwenga rakatarisana neMoabhu kwakanangana nokumabudazuva.

12 Kubva ipapo vakaenderera mberi vakandodzika musasa muMupata weZeredhi.

13 Vakasimuka vakabvapo vakandodzika musasa mujinga meAnoni, riri murenje rinosvika kunyika yavaAmori. Anoni ndiwo muganhu weMoabhu, pakati peMoabhu navaAmori.

14 Ndokusaka Bhuku reHondo dzaJehovha richiti:

“Wahebhi muSufa nehova, Anoni

15 nemateru ehova dzinonanga kunzvimbo yeAri uye dzinowanikwa pamuganhu weMoabhu.”

16 Kubva ipapo vakapfuurira mberi vachienda vakasvika kuBheeri, patsime apo pakanzi naJehovha kuna Mozisi, “Unganidza vanhu pamwe chete uye ini ndichavapa mvura.”

17 Ipapo vaIsraeri vakaimba rwiyo urwu:

“Tubuka, iwe tsime! Imbai pamusoro paro,

18 pamusoro petsime rakacherwa namachinda, rakacherwa namakurukota avanhu, makurukota akanga ane tsvimbo dzoushe nemidonzvo.”

Ipapo vakabva murenje vakaenda kuMatana,

19 vachibva kuMatana vakaenda kuNaharieri, vachibva kuNaharieri vakaenda kuBhamoti,

20 uye vachibva kuBhamoti vakaenda kumupata uri muMoabhu pamusoro pegomo rePisiga rinotarira pasi kurenje.

Kukundwa kwaSihoni naOgi

21 VaIsraeri vakatuma nhume kundoti kuna Sihoni mambo wavaAmori:

22 “Titendereiwo kupfuura nomunyika yenyu. Hatingatsaukiri muminda yenyu kana minda yemizambiringa, kana kunwa mvura kubva patsime ripi zvaro. Tichangofamba hedu nomunzira huru yamambo kusvikira tapfuura munyika yenyu.”

23 Asi Sihoni haana kutendera vaIsraeri kupfuura nomunyika yake. Akaunganidza hondo yake yose vakafamba vachienda kurenje kundorwisa vaIsraeri. Akati asvika paJahazi, vakarwa navaIsraeri.

24 Kunyange zvakadaro, vaIsraeri vakamukunda nomunondo vakamutorera nyika yake kubva paAnoni kusvikira kuJabhoki, asi kusvikira kuvaAmoni bedzi, nokuti muganhu wavo wakanga wakasimba.

25 VaIsraeri vakatapa maguta ose avaAmori vakagaramo, pamwe chete neHeshibhoni nenzvimbo dzaro dzose dzokugara.

26 Heshibhoni rakanga riri guta raSihoni mambo wavaAmori, akanga arwa namambo akanga ari weMoabhu kare akamutorera nyika yake yose kundosvika kuAnoni.

27 Ndokusaka vadetembi vachiti:

“Uyai kuHeshibhoni uye ngarivakwezve; guta raSihoni ngaridzorerwezve.

28 “Moto wakabuda muHeshibhoni, iwo murazvo kubva muguta raSihoni. Wakaparadza Ari reMoabhu, ivo vagari vokwakakwirira kweAnoni.

29 Une nhamo, iwe Moabhu! Maparadzwa, imi vanhu veKemoshi! Akapa vanakomana vake savatizi navanasikana vake senhapwa kuna Sihoni mambo wavaAmori.

30 “Asi takavakunda; Heshibhoni yakaparadzwa yose kusvikira kuDhibhoni. Takavaparadza kusvikira kuNofa, iyo inosvika kuMedhebha.”

31 Saka vaIsraeri vakagara munyika yavaAmori.

32 Shure kwokunge Mozisi atuma vasori kuJazeri, vaIsraeri vakatapa nzvimbo dzaro dzakanga dzakaripoteredza uye vakadzinga vaAmori vakanga vageremo.

33 Ipapo vakadzoka vakakwira nenzira inoenda nokuBhashani, uye Ogi mambo weBhashani nehondo yake yose akabuda kuti andosangana navo kuti arwe navo paEdhirei.

34 Jehovha akati kuna Mozisi, “Usamutya, nokuti ndamupa kwauri, nehondo yake yose uye nenyika yake. Umuitire zvawakaitira Sihoni mambo wavaAmori, uyo aitonga muHeshibhoni.”

35 Saka vakamuuraya, pamwe chete navanakomana vake nehondo yake yose, vakasiya pasina kana mupenyu. Uye vakatora nyika yake.

Numeri 22

Bharaki anodana Bharamu

1 Ipapo vaIsraeri vakafamba vachienda kumapani eMoabhu vakadzika misasa yavo vakatevedza Jorodhani nechemhiri kweJeriko.

2 Zvino Bharaki mwanakomana waZipori akaona zvose zvakanga zvaitwa navaIsraeri kuvaAmori,

3 Moabhu akatya nokuti pakanga pana vanhu vazhinji. Zvirokwazvo, Moabhu yakazara nokudedera nokuda kwavaIsraeri.

4 VaMoabhu vakati kuvakuru veMidhiani, “Vanhu vazhinji ava vachananzva zvinhu zvose zvakatipoteredza, semombe inonanzva sora romusango.” Saka Bharaki mwanakomana waZipori, uyo akanga ari Mambo weMoabhu panguva iyoyo,

5 akatuma nhume kundodana Bharamu mwanakomana waBheori, uyo akanga ari paPetori, pedyo noRwizi, munyika yaakaberekerwa. Bharaki akati:

“Vanhu vakabva kuIjipiti; vakazadza nyika yose uye vagara pedyo neni.

6 Zvino, uya utuke vanhu ava, nokuti simba ravo iguru kwazvo kwandiri. Zvichida ipapo ndingagona kuvakunda ndikavadzinga vabude munyika ino. Nokuti ndinoziva kuti avo vaunoropafadza vanoropafadzwa, uye vaunotuka vanotukwa.”

7 Vakuru veMoabhu neveMidhiani vakabva, vakatora mari yokuripa kuvuka. Vakati vasvika kuna Bharamu vakamuudza zvakanga zvarehwa naBharaki.

8 Bharamu akati kwavari, “Chivatai pano, uye ndichauya nemhinduro yandichapiwa naJehovha.” Saka machinda eMoabhu akagara naye.

9 Mwari akauya kuna Bharamu akamubvunza akati, “Vanhu vaunavo ndivanaaniko?”

10 Bharamu akati kuna Mwari, “Bharaki mwanakomana waZipori, mambo weMoabhu, akanditumira nhume idzi achiti, ‘Vanhu vakabuda kubva kuIjipiti vakazadza nyika yose.

11 Zvino uya unditukire vanhu ava. Zvichida izvozvi ndingagona kurwa navo ndikavadzingira kure.’ ”

12 Asi Mwari akati kuna Bharamu, “Usaenda navo. Haufaniri kutuka vanhu avo, nokuti vakaropafadzwa.”

13 Fume mangwana, Bharamu akamuka akati kumachinda aBharaki, “Dzokerai kunyika yokwenyu, nokuti Jehovha aramba kuti ndiende nemi.”

14 Saka machinda eMoabhu akadzokera kuna Bharaki akati, “Bharamu akaramba kuuya nesu.”

15 Ipapo Bharaki akatumazve mamwe machinda, akawanda chose uye aikudzwa kupinda vokutanga.

16 Vakasvika kuna Bharamu vakati,

17 “Zvanzi naBharaki mwanakomana waZipori: Usatendera chimwe chinhu kukukonesa kuuya kwandiri, nokuti ndichakupa mubayiro wakanaka kwazvo uye ndichaita zvose zvaunoreva. Uya unditukire vanhu ava.”

18 Asi Bharamu akavapindura akati, “Kunyange dai Bharaki akandipa muzinda wake uzere nesirivha negoridhe, handingagoni kuita chimwe chinhu chikuru kana chiduku kuti tiite zvinodarika murayiro waJehovha Mwari wangu.

19 Zvino chivatai pano manheru ano sezvakaita vamwe, ini ndichanzwa kana Jehovha ane zvimwe zvaangandiudza.”

20 Usiku ihwohwo Mwari akauya kuna Bharamu akati kwaari, “Sezvo vanhu ava vauya kuzokudana, enda hako navo, asi uite chete zvandinokuudza.”

Mbongoro yaBharamu

21 Bharamu akamuka mangwanani, akaisa chigaro pambongoro yake akaenda namachinda eMoabhu.

22 Asi Mwari akamutsamwira zvikuru paakaenda, uye mutumwa waJehovha akamira munzira kuti amukonese. Bharamu akanga akatasva mbongoro yake, uye varanda vake vaviri vaiva naye.

23 Mbongoro yakati ichiona mutumwa waJehovha amire munzira ane munondo wakavhomorwa muruoko rwake, ikapinda musango. Bharamu akairova kuti idzokere munzira ikatsauka munzira.

24 Ipapo mutumwa waJehovha akamira pakamanikana pakati peminda miviri yemizambiringa, paiva namasvingo kumativi ose.

25 Mbongoro yakati ichiona mutumwa waJehovha, yakazvimanikidzira kurusvingo uye ikatsimbirira rutsoka rwaBharamu parwuri. Saka akapamhazve kuirova.

26 Ipapo mutumwa waJehovha akapfuurira mberi akandomira panzvimbo yakamanikana pakanga pasina mukana wokutendeukira kurudyi kana kuruboshwe.

27 Mbongoro yakati ichiona mutumwa waJehovha, yakavata pasi paBharamu, iye akatsamwa zvikuru akairova netsvimbo yake.

28 Ipapo Jehovha akashamisa muromo wembongoro, ikati kuna Bharamu, “Ndaiteiko kwamuri zvaita kuti mundirove katatu kose aka?”

29 Bharamu akapindura mbongoro akati, “Wandiita benzi iwe! Dai ndanga ndiine munondo muruoko rwangu ndingadai ndakuuraya izvozvi.”

30 Mbongoro ikati kuna Bharamu, “Ko, handizi mbongoro yenyu, yamunogara muchitasva kusvikira zuva rino here? Ko, ndinogara ndichikuitirai zvakadai here?” Iye akati, “Kwete.”

31 Ipapo Jehovha akasvinudza meso aBharamu, iye akaona mutumwa waJehovha amire munzira ane munondo wake wakavhomorwa. Saka iye akakotama akawira pasi nechiso chake.

32 Mutumwa waJehovha akamubvunza achiti, “Warovereiko mbongoro yako rutatu rwose urwu? Ini ndauya pano kuzokudzivisa nokuti nzira yako haina kururama kwandiri.

33 Mbongoro yandiona ikatsauka ichibva pandiri katatu aka kose. Dai isina kutsauka, zvirokwazvo ndingadai ndakuuraya izvozvi, asi iyo ndairaramisa.”

34 Bharamu akati kumutumwa waJehovha, “Ndatadza. Handina kuziva kuti manga mumire munzira kuti mundidzivise. Zvino kana musingafari, ndodzokera hangu.”

35 Mutumwa waJehovha akati kuna Bharamu, “Chienda hako navarume ava, asi utaure zvandinokuudza zvoga.” Saka Bharamu akaenda namachinda aBharaki.

36 Bharaki akati anzwa kuti Bharamu akanga achiuya, akabuda kuti andosangana naye paguta ravaMoabhu pamuganhu weAnoni, kumagumo kwenyika yake.

37 Bharaki akati kuna Bharamu, “Handina kukudana nokukurumidza here? Seiko usina kuuya kwandiri? Ini handigoni kukupa mubayiro here?”

38 Bharamu akapindura akati, “Zvakanaka, zvino ndauya kwauri. Asi ndingataura zvose zvose here? Ndinofanira kungotaura chete zvinenge zvaiswa mumuromo mangu naMwari.”

39 Ipapo Bharamu akaenda naBharaki kuKiriati Huzoti.

40 Bharaki akabayira mombe namakwai, akapa zvimwe kuna Bharamu namachinda akanga anaye.

41 Fume mangwana, Bharaki akatora Bharamu akakwira naye kuBhamoti Bhaari, uye ipapo akaona chikamu chavanhu.

Numeri 23

Chirevo chaBharamu Chokutanga

1 Bharamu akati, “Ndivakirei aritari nomwe pano, mugondigadzirira hando nomwe namakondohwe manomwe.”

2 Bharaki akaita sezvakataurwa naBharamu, uye vose vari vaviri vakabayira hando negondohwe paaritari imwe neimwe.

3 Ipapo Bharamu akati kuna Bharaki, “Gara pano parutivi pechipiriso chako, ini ndimbotsaukira parutivi apa. Zvichida Jehovha angauya kuzosangana neni. Zvose zvaanondiratidza, ndichazokuudza.” Ipapo akabva akaenda pakakwirira, pakanga pasina chinhu.

4 Mwari akasangana naye, Bharamu akati, “Ndagadzira aritari nomwe uye paaritari imwe neimwe ndabayira hando negondohwe.”

5 Jehovha akaisa shoko mumuromo waBharamu akati, “Dzokera kuna Bharaki utaure kwaari shoko iri.”

6 Saka akadzokera kwaari akamuwana amire parutivi rwechipiriso chake, ana machinda ose eMoabhu.

7 Ipapo Bharamu akataura chirevo chake akati:

“Bharaki akanditora kubva kuAramu, iye mambo weMoabhu kubva kumakomo okumabvazuva. Akati, ‘Uya unditukirewo Jakobho; uya, utsoropodze Israeri.’

8 Ndingatuka seiko avo vasina kutukwa naMwari? Ndingatsoropodza seiko avo vasina kutsoropodzwa naJehovha?

9 Ndiri pamusoro pamatombo, ndinovaona, ndiri pakakwirira, ndinovaona. Ndinoona vanhu vanogara vari voga uye havazviverengi pakati pendudzi.

10 Ndianiko angaverenga guruva raJakobho kana kuverenga chikamu chechina chaIsraeri? Regai ndife rufu rwowakarurama, uye kuguma kwangu ngakuve sokwavo!”

11 Bharaki akati kuna Bharamu, “Waiteiko kwandiri? Ndakakutora kuti uzotuka vavengi vangu, asi hauna chinhu chawaita asi kutovaropafadza!”

12 Iye akapindura akati, “Ko, handifaniri kuti nditaure zvaiswa mumuromo mangu naJehovha here?”

Chirevo chaBharamu Chechipiri

13 Ipapo Bharaki akati kwaari, “Uya uende neni kune imwe nzvimbo yaunogona kuvaona; uchangoona chikamu chavo asi kwete vose. Uye uri ipapo ugonditukira vanhu ava.”

14 Saka akamutora akaenda naye kumunda waZofimi pamusoro pePisiga, uye akavaka aritari nomwe ipapo akabayira hando negondohwe paaritari imwe neimwe.

15 Bharamu akati kuna Bharaki, “Gara pano iwe parutivi rwechipiriso chako ini ndichindosangana naye uko.”

16 Jehovha akasangana naBharamu akaisa shoko mumuromo make akati, “Dzokera kuna Bharaki undotaura mashoko aya.”

17 Saka akadzokera kwaari akamuwana amire parutivi rwechipiriso chake, ana machinda eMoabhu. Bharaki akamubvunza akati, “Jehovha ati kudiniko?”

18 Ipapo akataura chirevo chake akati:

“Simuka, Bharaki, uye uteerere; ndinzwe, iwe mwanakomana waZipori.

19 Mwari haasi munhu, kuti angareva nhema, uye mwanakomana womunhu kuti ashandure pfungwa dzake. Ko, anotaura akasazviita here? Anovimbisa akasazadzisa here?

20 Ndakagamuchira murayiro wokuti ndiropafadze; iye aropafadza, uye ini handigoni kuzvishandura.

21 “Haana kuona chakaipa kuna Jakobho, hapana chakashata chakaonekwa muIsraeri. Jehovha Mwari wavo anavo; kudanidzira kwaMambo kuri pakati pavo.

22 Mwari akavabudisa muIjipiti; vane simba renyati.

23 Hapana un’anga hungarwa naJakobho, hapana kuvuka kunorwa naIsraeri. Zvino zvichanzi pamusoro paJakobho, napamusoro paIsraeri, ‘Tarirai zvaitwa naMwari!’

24 Vanhu vanosimuka seshumba hadzi; vanozvisimudza seshumba isingazorori kusvikira yadya chayauraya uye igonwa ropa rezvayabata.”

25 Ipapo Bharaki akati kuna Bharamu, “Usatombovatuka kana kuvaropafadza napaduku!”

26 Asi Bharamu akapindura akati, “Handina kukuudza here kuti ndinofanira kuita zvose zvinotaurwa naJehovha?”

Chirevo chaBharamu Chechitatu

27 Ipapo Bharaki akati kuna Bharamu, “Uya, ndiende newe kune imwe nzvimbo. Zvimwe Mwari achafara nazvo kuti unditukire vanhu ava ikoko.”

28 Saka Bharaki akatora Bharamu akakwira naye pamusoro pePeori pakatarisana nerenje.

29 Bharamu akati, “Ndivakire aritari nomwe pano, ugogadzira hando nomwe namakondohwe manomwe.”

30 Bharaki akaita sezvakanga zvataurwa naBharamu, akabayira hando negondohwe paaritari imwe neimwe.

Numeri 24

1 Zvino Bharamu akati aona kuti zvinofadza Jehovha kuti aropafadze Israeri, haana kuzoita zvouroyi sepane dzimwe nguva, asi akaringisa chiso chake kurenje.

2 Bharamu akati atarisa kunze akaona vaIsraeri vagere pamusasa, rudzi norudzi, Mweya waMwari wakauya pamusoro pake

3 uye akataura chirevo chake achiti:

“Chirevo chaBharamu mwanakomana waBheori, chirevo chaiye ana meso anonyatsoona,

4 chirevo chaiye anonzwa mashoko aMwari, anoona chiratidzo chinobva kuna Wamasimba Ose, anowira pasi nedumbu rake, uye ana meso akasvinura.

5 “Matende ako akanaka seiko, iwe Jakobho, nougaro hwako, iwe Israeri!

6 “Semipata, vakaita fararira, samapindu pedyo norwizi, segavakava rakasimwa naJehovha, semisidhari pedyo nemvura.

7 Mvura ichayerera ichibva muzvirongo zvavo; mbeu dzavo dzichawana mvura yakawanda.

“Mambo wavo achava mukuru kupinda Agagi; umambo hwavo huchasimudzirwa.

8 “Mwari akavabudisa muIjipiti; vane simba renyati. vanomedza ndudzi dzine hasha uye vanovhunavhuna mapfupa adzo; Vanovabaya nemiseve yavo.

9 Seshumba vanoti vhumba vagovata pasi, seshumbakadzi, ndianiko angashinga kuvamutsa?

“Vose vanokuropafadza, ngavaropafadzwe uye vose vanokutuka, ngavatukwe!”

10 Ipapo kutsamwa kwaBharaki kwakapfuta pamusoro paBharamu. Akarova maoko ake pamwe chete akati kwaari,

“Ndakakudanira kuzotuka vavengi vangu, asi wavaropafadza katatu kose aka.

11 Zvino chibva izvozvi uende kwako! Ndakati ndichakupa mubayiro wakaisvonaka, asi Jehovha akudzivisa kuti upiwe mubayiro.”

12 Bharamu akapindura Bharaki akati, “Ko, handina kutaurira nhume dzawakatuma kwandiri here kuti,

13 ‘Kunyange dai Bharaki andipa muzinda wake wakazara nesirivha negoridhe, handaigona kuita chinhu nokuda kwangu, chakanaka kana chakaipa, kuti ndidarike murayiro waJehovha, uye kuti ndinofanira kutaura chete zvinenge zvataurwa naJehovha here?’

14 Zvino ndava kudzokera kuvanhu vokwangu, asi uya ndikuyambire zvichaitirwa vanhu vako navanhu ava pamazuva anouya.”

Chirevo chaBharamu Chechina

15 Ipapo akataura chirevo chake akati:

“Chirevo chaBharamu mwanakomana waBheori,

16 chirevo chaiye anonzwa mashoko aMwari, ano ruzivo runobva kuno Wokumusorosoro, anoona chiratidzo chinobva kuna Wamasimba Ose, anowira pasi nedumbu rake, uye ana meso akasvinura:

17 “Ndiri kumuoona, asi kwete iye zvino; ndinomuona, asi haasi pedyo. Nyeredzi ichabuda muna Jakobho; Tsvimbo youshe ichamera kubva muna Israeri. Achapwanya huma dzavaMoabhu, madehenya avanakomana vose vaSeti.

18 Edhomu achakundwa; Seiri, muvengi wake, achakundwa, asi Israeri achasimba.

19 Mutongi achabuda muna Jakobho uye achaparadza vakasara veguta.”

Zvirevo zvaBharamu Zvokupedzisira

20 Ipapo Bharamu akaona Amareki uye akataura chirevo chake achiti,

“Amareki akanga ari wokutanga pakati pendudzi, asi pakupedzisira achaparadzwa.”

21 Ipapo akaona vaKeni uye akataura chirevo chake achiti:

“Ugaro hwako hwakachengetedzeka, dendere rako rakavakwa padombo;

22 asi imi vaKeni muchaparadzwa, Ashuri paachakutapai.”

23 Ipapo akataura chirevo chake akati:

“Haiwa, ndianiko angararama kana Mwari akaita izvi?

24 Zvikepe zvichauya zvichibva kumahombekombe eKitimu; zvichakunda Ashuri neEbheri, asi naizvowo zvichaparadzwa.”

25 Ipapo Bharamu akasimuka akadzokera kunyika yake, uye Bharaki akaenda kwakewo.