Zvakazarurwa 11

Zvapupu Zviviri

1 Ndakapiwa rutsanga rwakaita setsvimbo yokuyera uye ndikaudzwa kuti, “Enda undoyera temberi yaMwari uye nearitari, ugoverenga vanamati vari imomo.

2 Asi usiye ruvazhe rwokunze; usaruyera, nokuti rwakapiwa kuvaHedheni. Vachafamba-famba muguta dzvene kwemwedzi makumi mana nemiviri.

3 Uye ndichapa simba kuzvapupu zvangu zviviri, uye vachaprofita kwamazuva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi matanhatu, vakapfeka nguo dzamasaga.”

4 Ava ndivo miti miviri yomuorivhi nezvigadziko zviviri zvemwenje zvimire pamberi paIshe wenyika.

5 Kana munhu upi zvake akaedza kuvakuvadza, moto unobuda mumiromo yavo ugoparadza vavengi vavo. Aya ndiwo mafiro achaita ani zvake anoda kuvakuvadza.

6 Varume ava vane simba rokuzarira denga kuti mvura irege kunaya panguva yavanenge vachiprofita; uye vane simba rokushandura mvura kuti ive ropa nokurova nyika namatenda amarudzi ose sapavanodira zvavo.

7 Zvino pavanenge vapedza kupupura kwavo, chikara chinobva mugomba rakadzika zvisina mugumo chichavarwisa, chigovakunda uye chichavauraya.

8 Mitumbi yavo icharaswa munzira yomuguta guru, rinonzi kana richifananidzirwa, Sodhomu neIjiipiti, uko kwakarovererwawo Ishe wavo.

9 Kwamazuva matatu nehafu, vanhu vanobva kuvanhu vose, kumarudzi ose, kundimi dzose, nokundudzi dzose vacharamba vakatarira mitumbi yavo uye vachadzivisa kuvigwa kwayo.

10 Vanogara panyika vachafara pamusoro pavo uye vachapembera vagotumirana zvipo, nokuti vaprofita vaviri ava vakatambudza avo vanogara panyika.

11 Asi mushure mamazuva matatu nehafu, mweya woupenyu wakabva kuna Mwari wakapinda mavari, vakamira netsoka dzavo, uye kutya kukabata avo vakavaona.

12 Ipapo vakanzwa inzwi guru richibva kudenga richiti, “Kwirai kuno.” Uye vakakwira kudenga vari mugore, vavengi vavo vachizviona.

13 Panguva yacho iyoyo kwakava nokudengenyeka kukuru kwenyika uye chegumi cheguta chikawondomoka. Zviuru zvinomwe zvavanhu zvakaurayiwa mukudengenyeka kwenyika ikoko, uye vakasara vakavhundutswa nazvo uye vakarumbidza Mwari wokudenga.

14 Nhamo yechipiri yapfuura; nhamo yechitatu iri kuuya nokukurumidza.

Hwamanda yeChinomwe

15 Mutumwa wechinomwe akaridza hwamanda yake, uye kudenga kukava namanzwi makuru aiti:

“Umambo hwenyika hwava umambo waIshe wedu naKristu wake,

uye achatonga nokusingaperi-peri.”

16 Uye vakuru makumi maviri navana, vakanga vagere pazvigaro zvavo zvoushe pamberi paMwari, vakawira pasi nezviso zvavo uye vakanamata Mwari,

17 vachiti:

“Tinokuvongai imi,

Ishe Mwari Wamasimba Ose,

Iye aripo uye akanga aripo,

nokuti matora simba renyu guru uye matanga kutonga.

18 Ndudzi dzakatsamwa;

uye hasha dzenyu dzauya.

Nguva yokutonga vakafa yasvika,

neyokupa varanda venyu vaprofita mubayiro,

uye navatsvene venyu naavo vanotya zita renyu,

zvose vaduku navakuru,

uye neyokuparadza avo vanoparadza nyika.”

19 Ipapo temberi yaMwari iri kudenga yakazarurwa, uye mukati metemberi yake makaonekwa areka yake yesungano. Uye ipapo kwakava nokupenya kwemheni, muroromero, maungira omutinhiro, kudengenyeka nemvura yechimvuramabwe yakawanda.

Zvakazarurwa 12

Mukadzi neShato

1 Chiratidzo chikuru uye chinoshamisa chakaonekwa kudenga: mukadzi akanga akapfeka zuva, uye mwedzi uri pasi petsoka dzake, nekorona ine nyeredzi gumi nembiri pamusoro wake.

2 Akanga ane mimba uye akadanidzira mukurwadziwa sezvo akanga ava kupona.

3 Ipapo chimwe chiratidzo chakaonekwa kudenga: shato huru tsvuku ine misoro minomwe nenyanga gumi nekorona nomwe mumisoro yayo.

4 Muswe wayo wakatsvaira chetatu chenyeredzi kubva kudenga uye ukadzikanda pasi. Shato yakamira pamberi pomukadzi akanga ava kuzvara, kuitira kuti iparadze mwana wake kana angozvarwa.

5 Akazvara mwanakomana, munhurume, achazotonga ndudzi dzose netsvimbo yesimbi. Uye mwana wake akatorwa akaendeswa kuna Mwari nokuchigaro chake choushe.

6 Mukadzi akatizira kugwenga kunzvimbo yaakanga agadzirirwa naMwari, kwaaizochengetwa kwamazuva chiuru namazana maviri namakumi matanhatu.

7 Uye kudenga kwakava nehondo. Mikaeri navatumwa vake vakarwa neshato, uye shato navatumwa vayo ikadzorerawo.

8 Asi yakanga isina simba rakakwana, uye nzvimbo yavo yakashayikwa kudenga.

9 Shato huru yakakandwa pasi, iyo nyoka yekare inonzi dhiabhori, kana kuti Satani, anotsausa nyika yose. Akakandwa panyika pamwe chete navatumwa vake.

10 Ipapo ndakanzwa inzwi guru kudenga richiti:

“Zvino ruponeso nesimba noumambo hwaMwari wedu zvasvika,

uye nesimba raKristu wake.

Nokuti mupomeri wehama dzedu,

Iye akavapomera pamberi paMwari wedu masikati nousiku,

akandwa panyika.

11 Vakamukunda neropa reGwayana

uye neshoko rokupupura kwavo;

havana kuda upenyu hwavo zvakanyanya zvokuti vangatya kufa.

12 Naizvozvo farai,

imi matenga nemi munogara maari!

Asi mune nhamo imi nyika negungwa,

nokuti dhiabhori aburuka kwamuri!

Akatsamwa kwazvo,

nokuti anoziva kuti nguva yake ipfupi.”

13 Shato yakati yaona kuti yakanga yakandwa panyika, yakadzinganisa mukadzi akanga azvara mwana mukomana.

14 Mukadzi akapiwa mapapiro maviri egondo guru, kuitira kuti agobhururuka achienda kunzvimbo yaakanga agadzirirwa kugwenga, uko kwaaizochengetwa kwenguva nedzimwe nguva nehafu yenguva, kusingasviki nyoka.

15 Ipapo nyoka yakabudisa mvura yakaita sorwizi kubva mumuromo mayo, kuti ikukure mukadzi namafashamu.

16 Asi nyika yakabatsira mukadzi nokuzarura muromo wayo uye ikamedza rwizi rwakanga rwabudiswa neshato mumuromo wayo.

17 Ipapo shato yakatsamwira mukadzi uye ikaenda kundorwa navana vake vakanga vasara, vaya vanoteerera mirayiro yaMwari uye vachibatirira pauchapupu hwaJesu.

Zvakazarurwa 13

1 Uye shato yakamira pamahombekombe egungwa.

Chikara chakabva muGungwa

Uye ndakaona chikara chichibuda mugungwa. Chakanga chine nyanga gumi nemisoro minomwe, nekorona gumi panyanga dzacho, uye pamusoro mumwe nomumwe paiva nezita rokumhura.

2 Chikara chandakaona chakanga chakaita sembada, asi chakanga china makumbo akaita seebere uye muromo wakaita soweshumba. Shato yakapa chikara simba rayo nechigaro chayo choushe nesimba rayo guru.

3 Mumwe wemisoro yechikara wakaita sowakuvadzwa kusvikira parufu, asi vanga raifanira kuchiuraya rakanga rapora. Nyika yose yakashamiswa uye ikatevera chikara.

4 Vanhu vakanamata shato nokuti yakanga yapa simba kuchikara, uye vakanamatawo chikara vachiti, “Ndianiko akaita sechikara? Ndianiko angarwa nacho?”

5 Chikara chakapiwa muromo wokutaura mashoko okuzvikudza neokumhura nokushandisa simba racho kwemwedzi makumi mana nemiviri.

6 Chakashamisa muromo wacho kuti chimhure Mwari, uye kuti chituke zita rake nenzvimbo yake yokugara, neyaavo vanogara kudenga.

7 Chakapiwa simba kuti chirwe navatsvene uye kuti chivakunde. Uye chakapiwa simba pamusoro pamarudzi ose, navanhu vose, nendimi dzose uye nendudzi dzose.

8 Vose vanogara panyika vachanamata chikara, vose vana mazita asina kunyorwa mubhuku roupenyu reGwayana rakabayiwa kubva pakusikwa kwenyika.

9 Ane nzeve, ngaanzwe.

10 Kana munhu achifanira kupinda muutapwa,

muutapwa achapinda hake.

Kana munhu achifanira kuurayiwa nomunondo,

nomunondo achaurayiwa hake.

Apa ndipo panodikanwa kutsungirira nokutendeka kwavatsvene.

Chikara chakabva muNyika

11 Ipapo ndakaona chimwe chikara, chichibva munyika. Chakanga chine nyanga mbiri segwayana, asi chaitaura seshato.

12 Chakashandisa simba rose rechikara chokutanga pachinzvimbo chacho, uye chakaita kuti nyika navageremo vanamate chikara chokutanga, chiya chakanga chapora vanga racho raifanira kuchiuraya.

13 Uye chakaita zviratidzo nezvishamiso zvikuru, kunyange kuita kuti moto uburuke kubva kudenga uchiuya panyika vanhu vachinyatsoona.

14 Nokuda kwesimba rachakapiwa kuti chiite pachinzvimbo chechikara chokutanga, chakanyengera vanogara panyika. Chakavarayira kuti vamise chifananidzo chokuremekedza chikara chiya chakanga chakuvadzwa nomunondo asi chikararama.

15 Chakapiwa simba rokupa upenyu kuchifananidzo chechikara chokutanga, kuti chigone kutaura uye chigoita kuti vose vanoramba kunamata chifananidzo vaurayiwe.

16 Chakamanikidza munhu wose, muduku nomukuru, mupfumi nomurombo, akasununguka nomutapwa, kuti vapiwe mucherechedzo paruoko rwavo rworudyi kana pahuma yavo,

17 kuitira kuti kurege kuva nomunhu angagona kutenga kana kutengesa kunze kwokunge ano mucherechedzo, unova ndiwo zita rechikara kana chiverengo chezita racho.

18 Izvi zvinoda uchenjeri. Kana pano munhu anoziva, ngaaverenge chiverengo chechikara, nokuti ndicho chiverengo chomunhu. Chiverengo chacho ndichochi: Mazana matanhatu namakumi matanhatu nenhanhatu.

Zvakazarurwa 14

Gwayana naVanhu Zviuru Zana Namakumi Mana Navana

1 Ipapo ndakatarisa, uye ipapo pamberi pangu pakanga pane Gwayana, rimire paGomo reZioni, uye rakanga rina vanhu zviuru zana namakumi mana navana vakanga vakanyorwa zita raro nezita raBaba varo pahuma dzavo.

2 Uye ndakanzwa inzwi richibva kudenga rakaita somubvumo wemvura zhinji uye samaungira omutinhiro. Inzwi randakanzwa rakanga rakaita seravaridzi vorudimbwa vanoridza rudimbwa rwavo.

3 Uye vakaimba rwiyo rutsva pamberi pechigaro choushe napamberi pezvisikwa zvipenyu zvina uye napamberi pavakuru. Hakuna munhu aigona kudzidza rwiyo urwo kunze kwaava zviuru zana namakumi mana navana vakanga vadzikinurwa kubva panyika.

4 Ava ndivo vaya vasina kuzvisvibiswa navakadzi, nokuti vakazvichenesa. Vanotevera Gwayana kwose kwarinoenda. Vakatengwa pakati pavanhu uye vakapiwa kuti vave sezvipiriso zvezvibereko zvokutanga kuna Mwari nokuGwayana.

5 Nhema hadzina kuwanikwa mumiromo yavo; havana chavanopomerwa.

Vatumwa Vatatu

6 Ipapo ndakaona mumwe mutumwa achibhururuka pakati pechadenga, uye akanga ane vhangeri risingaperi kuti aparidzire avo vanogara panyika, kundudzi dzose, namarudzi ose, nendimi dzose uye navanhu vose.

7 Akati nenzwi guru, “Ityai Mwari uye mumupe mbiri, nokuti nguva yokutonga kwake yasvika. Namatai iye akaita matenga, nyika, gungwa namatsime emvura.”

8 Mutumwa wechipiri akatevera akati, “Rawa! Rawa Bhabhironi Guta Guru, rakaita kuti ndudzi dzose dzinwe waini inopengesa youpombwe hwaro.”

9 Mutumwa wechitatu akavatevera uye akati nenzwi guru: “Kana munhu achinamata chikara nechifananidzo chacho uye akapiwa mucherechedzo wacho pahuma kana pamaoko,

10 naiyewo achanwa waini yokutsamwa kwaMwari, yakadirwa sezvairi mumukombe wehasha dzaMwari. Achatambudzwa nesafuri inopfuta pamberi pavatumwa vatsvene napamberi peGwayana.

11 Uye utsi hwokutambudzika kwavo hunokwira nokusingaperi-peri. Hapana zororo masikati kana usiku kuna avo vanonamata chikara nechifananidzo chacho, kana kuna ani zvake anogamuchira mucherechedzo wezita racho.”

12 Izvi zvinoda kutsungirira kwavatsvene vanoteerera mirayiro yaMwari uye vachiramba vakatendeka kuna Jesu.

13 Ipapo ndakanzwa inzwi richibva kudenga richiti, “Nyora uti: Vakaropafadzwa vakafa vanofira muna She kubva zvino.”

“Hongu,” ndizvo zvinoreva Mweya, “vachazorora pakubata kwavo kukuru, nokuti mabasa avo achavatevera.”

Kukohwewa kweNyika

14 Ndakatarira, ipapo pamberi pangu pakanga pane gore jena, uye akanga agere pagore akanga ari mumwe “akaita somwanakomana womunhu” ane korona yegoridhe pamusoro wake uye ane jeko rinopinza muruoko rwake.

15 Ipapo mumwe mutumwa akabuda mutemberi uye akadanidzira nenzwi guru kuna iye akanga agere pagore akati, “Tora jeko rako ugokohwa, nokuti nguva yokukohwa yasvika, nokuti goho renyika raibva.”

16 Saka iye akanga agere pagore akavheyesa jeko rake panyika, uye nyika ikakohwewa.

17 Mumwe mutumwa akabuda mutemberi iri mudenga, naiyewo akanga ane jeko rinopinza.

18 Mumwezve mutumwa, akanga ane simba pamusoro pomoto, akabuda achibva paaritari akadanidzira nenzwi guru kuna iye akanga ane jeko rinopinza akati, “Tora jeko rako rinopinza ugounganidza masumbu amazambiringa anobva pamuzambiringa wenyika, nokuti mazambiringa awo aibva.”

19 Mutumwa akavheyesa jeko rake panyika, akaunganidza mazambiringa awo uye akaakanda muchisviniro chikuru chewaini chehasha dzaMwari.

20 Akatsikwa muchisviniro, kunze kweguta, uye ropa rikayerera richibuda muchisviniro rikakwira kusvikira pamatomu amabhiza kwechinhambwe chinoita makiromita mazana matatu.

Zvakazarurwa 15

Vatumwa Vanomwe naMatenda Manomwe

1 Ndakaona kudenga chimwe chiratidzo chikuru chinoshamisa ichi: vatumwa vanomwe namatambudziko manomwe okupedzisira, nokuti nawo hasha dzaMwari dzakapera.

2 Uye ndakaona chaitaridzika segungwa regirazi rakavhenganiswa nomoto uye parutivi rwegungwa pakanga pamire, avo vakanga vakunda chikara nomufananidzo wacho uye nechiverengo chezita racho. Vakabata madimbwa avakanga vapiwa naMwari

3 uye vakaimba rwiyo rwaMozisi muranda waMwari norwiyo rweGwayana, vachiti:

“Mabasa enyu makuru uye anoshamisa,

Ishe Mwari Wamasimba Ose.

Nzira dzenyu dzakarurama uye ndedzechokwadi,

imi Mambo wamakore.

4 Ndianiko angarega kukutyai,

imi Ishe, nokupa mbiri kuzita renyu?

Nokuti ndimi moga mutsvene.

Ndudzi dzose dzichauya dzigonamata pamberi penyu,

nokuti mabasa enyu akarurama akaratidzwa.”

5 Shure kwaizvozvi ndakatarira kudenga, uye temberi, iyo tabhenakeri yeChipupuriro, yakanga yakazaruka.

6 Mutemberi makabuda vatumwa vanomwe vana matambudziko manomwe. Vakanga vakapfeka nguo dzomucheka wakachena, unopenya uye vakamonera mabhanire egoridhe pazvipfuva zvavo.

7 Ipapo chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chakapa kuvatumwa vanomwe ndiro nomwe dzizere nehasha dzaMwari, iye anogara nokusingaperi-peri.

8 Uye temberi yakazadzwa noutsi hunobva pakubwinya kwaMwari napasimba rake, uye hakuna munhu aigona kupinda mutemberi kusvikira matambudziko manomwe avatumwa vanomwe apera.

Zvakazarurwa 16

Ndiro Nomwe dzoKutsamwa kwaMwari

1 Ipapo ndakanzwa inzwi guru richibva mutemberi richiti: kuvatumwa vanomwe, “Endai, mundodurura ndiro nomwe dzehasha dzaMwari panyika.”

2 Mutumwa wokutanga akaenda akandodurura ndiro yake panyika, uye maronda akaipa, anorwadza akabuda muvanhu vakanga vano mucherechedzo wechikara uye vachinamata mufananidzo wacho.

3 Mutumwa wechipiri akadurura ndiro yake pagungwa, uye rikashanduka rikava ropa seromunhu akafa, uye zvipenyu zvose zvomugungwa zvikafa.

4 Mutumwa wechitatu akadurura ndiro yake panzizi nomumatsime emvura, uye zvikava ropa.

5 Ipapo ndakanzwa mutumwa aichengeta mvura achiti:

“Imi makarurama mukutonga uku,

imi muripo uye makanga muripo,

Mutsvene Oga, nokuti makatonga saizvozvo;

6 nokuti vakateura ropa ravatsvene venyu navaprofita,

uye mavapa ropa kuti vanwe sezvavakafanirwa nazvo.”

7 Uye ndakanzwa aritari ichipindura ichiti:

“Hongu, Ishe Mwari Wamasimba Ose

kutonga kwenyu kwakarurama uye ndokwechokwadi.”

8 Mutumwa wechina akadurura ndiro yake pazuva, uye zuva rikapiwa simba rokupisa vanhu nomoto.

9 Vakapiswa nokupisa kukuru uye vakatuka zita raMwari, iye akanga ane simba pamusoro pamatambudziko aya, asi vakaramba kutendeuka kuti vamukudze.

10 Mutumwa wechishanu akadurura ndiro yake pamusoro pechigaro choushe chechikara, uye umambo hwacho hukakandwa murima. Vanhu vakatsenga rurimi mukurwadziwa

11 uye vakatuka Mwari wokudenga nokuda kwokurwadziwa kwavo namaronda avo, asi vakaramba kutendeuka pane zvavakanga vaita.

12 Mutumwa wechitanhatu akadurura ndiro yake parwizi rukuru Yufuratesi, uye mvura yarwo ikapwa kuti nzira yamadzimambo okumabvazuva ivepo.

13 Ipapo ndakaona mweya yakaipa mitatu yakanga yakaita samatafi; yakabuda mumuromo meshato, mumuromo mechikara nomumuromo momuprofita wenhema.

14 Iyi ndiyo mweya yamadhimoni inoita zvishamiso nezviratidzo, uye inobuda ichienda kumadzimambo enyika yose, kundovaunganidza kuti vandorwa pazuva guru raMwari Wamasimba Ose.

15 “Tarirai ndinouya sembavha? Akaropafadzwa uyo anogara akasvinura uye anochengeta nguo dzake, kuti arege kufamba akashama uye afukurwe zvinonyadzisa.”

16 Ipapo vakaunganidza madzimambo pamwe chete panzvimbo inonzi nechiHebheru Arimagedhoni.

17 Mutumwa wechinomwe akadurura ndiro yake mudenga, uye mutemberi makabuda inzwi guru richibva pachigaro choushe, richiti, “Zvaitwa!”

18 Ipapo kwakava nokupenya kwemheni, muroromero, maungira omutinhiro nokudengenyeka kwenyika kukuru. Hakuna kumbova nokudengenyeka kwakadaro kubva pakutanga kwavanhu kugara panyika; kwaiva kudengenyeka kukuru kwazvo.

19 Guta guru rakatsemuka rikaita mapandi matatu uye maguta endudzi akakoromoka. Mwari akarangarira Bhabhironi guta guru akaripa mukombe uzere newaini yokutsamwa kwehasha dzake.

20 Zvitsuwa zvose zvakatiza uye makomo haana kugona kuwanikwa.

21 Kudenga kwakabva chimvuramabwe chikuru chaiva neibwe rairema tarenda uye ibwe rimwe nerimwe rakawira pavanhu. Uye vakatuka Mwari nokuda kwedambudziko rechimvuramabwe, nokuti dambudziko iri rakanga rakaipa kwazvo.

Zvakazarurwa 17

Mukadzi akanga agere pamusoro peChikara

1 Mumwe wavatumwa vanomwe vakanga vane ndiro nomwe akauya kwandiri akati, “Uya ndizokuratidza kurangwa kwechifeve chikuru, chinogara pamusoro pemvura zhinji.

2 Naye, madzimambo enyika akaita upombwe uye vanogara panyika vakadhakwa newaini youpombwe hwake.”

3 Ipapo mutumwa akanditakura ndiri muMweya akaenda neni kugwenga. Ikoko ndakaona mukadzi agere pamusoro pechikara chitsvuku chakanga chakafukidzwa namazita okumhura uye chakanga chine misoro minomwe nenyanga gumi.

4 Mukadzi uyu akanga akapfeka nguo yepepuru nezvitsvuku uye aitaima negoridhe, mabwe anokosha namaparera. Akanga akabata mukombe wegoridhe muruoko rwake, uzere nezvinonyangadza uye netsvina youpombwe hwake.

5 Zita iri rakanga rakanyorwa pahuma yake:

CHAKAVANZIKA

BHABHIRONI GUTA GURU

MAI VEMHOMBWE

NEZVINONYANGADZA ZVENYIKA

6 Ndakaona kuti mukadzi uyu akanga araradza neropa ravatsvene, ropa ravaya vanopupura Jesu.

Pandakamuona, ndakakatyamara zvikuru.

7 Ipapo mutumwa akati kwandiri, “Seiko wakatyamara? Ndichakutsanangurira chakavanzika chomukadzi uye nechechikara chaanotasva, chine misoro minomwe nenyanga gumi.

8 Chikara, chawaona, chaivapo kare, zvino hachisisipo, uye chichabuda mugomba rakadzika chigoenda kundoparadzwa. Vanogara panyika vana mazita asina kunyorwa mubhuku roupenyu kubva pakusikwa kwenyika, vachakatyamara pavachaona chikara, nokuti chakanga chiripo, asi zvino hachisisipo, asi chichauya.

9 “Izvi zvava kuda pfungwa dzine njere. Misoro minomwe ndiwo makomo manomwe anogarwa nomukadzi uyu.

10 Pane madzimambo manomwewo. Vashanu vakawa, mumwe chete aripo, mumwe wacho haasati auya; asi paanouya, anofanira kugara kwechinguva chiduku.

11 Chikara chiya chaivapo, uye chisisipo zvino, ndiye mambo worusere. Ndiye mumwe wavanomwe uye ari kuzoparadzwa.

12 “Nyanga gumi dzawaona ndiwo madzimambo gumi vasati vagamuchira umambo, asi paawa imwe chete vachagamuchira simba samadzimambo pamwe chete nechikara.

13 Vane chinangwa chimwe chete uye vachapa umambo hwavo nesimba ravo kuchikara.

14 Vachaita hondo neGwayana, asi Gwayana richavakunda nokuti ndiye Ishe wamadzishe naMambo wamadzimambo, uye vakadanwa varo ndivo vachava naro, vakasanangurwa uye vateveri vakatendeka.”

15 Ipapo mutumwa akati kwandiri, “Mvura zhinji yawaona, panogara chifeve, ndiwo marudzi, navazhinji zhinji, nendudzi nemitauro mizhinji.

16 Chikara nenyanga gumi dzawaona zvichavenga chifeve. Zvichachiparadza zvigochisiya chisina kupfeka; zvichadya nyama yacho zvigochipisa nomoto.

17 Nokuti Mwari akazviisa mumwoyo yavo kuti apedze zvaaifunga nokubvuma kupa chikara simba rokutonga, kusvikira mashoko aMwari azadziswa.

18 Mukadzi wawaona ndiro guta guru rinotonga pamusoro pamadzimambo enyika.”

Zvakazarurwa 18

Kuwa kweBhabhironi

1 Shure kwaizvozvi ndakaona mumwe mutumwa achiburuka kubva kudenga. Akanga ane simba guru, uye nyika yakavhenekerwa nokubwinya kwake.

2 Akadanidzira nenzwi guru achiti:

“Rawa! Rawa Bhabhironi Guta Guru!

Rava musha wamadhimoni nougaro hwemweya yose yakaipa,

ugaro hweshiri dzose dzine tsvina nedzinonyangadza.

3 Nokuti ndudzi dzose dzakanwa waini inopengesa youpombwe hwaro.

Madzimambo enyika akaita upombwe naro,

uye vashambadziri venyika vakapfuma kubva pakufadzwa kwaro kuzhinji.”

4 Ipapo ndakanzwa rimwe inzwi kudenga richiti:

“Budai mariri, vanhu vangu,

kuti murege kugovana naro muzvivi zvaro,

kuti murege kugamuchira matambudziko aro api zvawo;

5 nokuti zvivi zvaro zvaita murwi unosvika kudenga,

uye Mwari arangarira mhosva dzaro.

6 Ritsivei sokutsiva kwarakaita;

ritsivei kaviri pane zvarakaita.

Murivhenganisire migove miviri mumukombe waro.

7 Rirwadzisei zvikuru uye murichemedze sokuzvipa mbiri nomufaro kwarakaita.

Rinozvikudza mumwoyo maro richiti,

‘Ndigere samambokadzi;

handizi chirikadzi, uye handingatongochemi.’

8 Naizvozvo, nezuva rimwe chete matambudziko ake achamukunda anoti:

rufu, kuchema nenzara.

Achaparadzwa nomoto,

nokuti Ishe Mwari anomutonga mukuru.

9 “Madzimambo enyika, akaita upombwe naro uye akagovana naro pamufaro waro achati achiona utsi hwokutsva kwaro, achachema nokuungudza pamusoro paro.

10 Vachitya kurwadziwa kwaro, vachamira kure uye vagochema vachiti:

“ ‘Nhamo! Nhamo, Iwe guta guru,

Iwe Bhabhironi, guta resimba!

Kuparara kwako kwasvika munguva imwe chete!’

11 “Vashambadziri venyika vachachema nokuungudza pamusoro paro nokuti hakuna munhu anotenga nhumbi dzavozve,

12 nhumbi dzegoridhe, sirivha, mabwe anokosha namaparera; micheka yakanaka, yepepuru, sirika nemicheka mitsvuku; mhando dzose dzemiti inonhuwira nezvinhu zvemhando dzose zvakagadzirwa nenyanga dzenzou, namatanda ano mutengo unokosha, ndarira, simbi namabwe akaurungana;

13 nhumbi dzesinamoni nezvinonhuwira, mura nezvizoro zvinonhuwira, waini namafuta omuorivhi, upfu hwakatsetseka negorosi; mombe namakwai; mabhiza nengoro; nemiviri nemweya yavanhu.

14 “Vachati, ‘Muchero wawaipanga wabviswa kwauri. Upfumi hwako hwose nezvinobwinya zvako zvose zvapera, hazvichazowanikwizve.’

15 Vashambadziri vakatengesa zvinhu izvi uye vakawana pfuma yavo kwariri vachamira kure, vachityiswa nokurwadziwa kwaro. Vachachema nokuungudza

16 uye vachadanidzira vachiti:

“ ‘Nhamo! Nhamo, iwe guta guru,

wakapfeka mucheka wakanaka, nowepepuru, nomutsvuku,

uye unotaima negoridhe, namatombo anokosha namaparera!

17 Muawa imwe chete upfumi hwakakura kudai hwaparara!’

“Vafambisi vose vezvikepe mugungwa, navose vanofamba nezvikepe, vashandi vomuzvikepe navose vanorarama nezvinobva mugungwa, vachamira kure.

18 Pavachaona utsi hwokutsva kwaro, vachati, ‘Pakambova neguta rakaita seguta guru iri here?’

19 Vachakanda guruva pamisoro yavo, uye nokuchema nokuungudza vachadanidzira vachiti:

“ ‘Nhamo! Nhamo, iro guta guru,

vose vaiva nezvikepe pagungwa vakapfuma noupfumi hwaro!

Muawa imwe chete, raparara!

20 Farai pamusoro paro, imi denga!

Farai, vatsvene navapostori navaprofita!

Mwari aritonga nokuda kwamabatiro arakakuitai.’ ”

21 Ipapo mutumwa ane simba akasimudza dombo rakaenzana neguyo guru akarikanda mugungwa, akati:

“Nechisimba chakadai

guta guru reBhabhironi richakandwa pasi,

risingazombowanikwizve.

22 Kuimba kwavaridzi vorudimbwa navaimbi, navaridzi venyere navaridzi vehwamanda,

havachazonzwikwizve mauri.

Hakuna munhu webasa ripi zvaro

achazowanikwazve mauri.

Inzwi reguyo

harichazonzwikwizve mauri.

23 Chiedza chomwenje

hachichazovhenekerizve mauri.

Inzwi rechikomba neromwenga

hazvichazonzwikwizve mauri.

Vashambadziri vako vakanga vari vakuru venyika.

Nouroyi hwako ndudzi dzose dzakatsauswa.

24 Mariri makawanikwa ropa ravaprofita neravatsvene,

neravose vakaurayiwa panyika.”

Zvakazarurwa 19

Hareruya!

1 Shure kwaizvozvi, ndakanzwa inzwi kudenga rakaita somutinhiro wavazhinji zhinji richiti:

“Hareruya!

Ruponeso nokubwinya nesimba ndezvaMwari wedu,

2 nokuti kutonga kwake ndokwechokwadi uye kwakarurama.

Akatonga chifeve chikuru chakaodza nyika noupombwe hwacho.

Akatsiva paari ropa ravaranda vake.”

3 Uyezve vakati:

“Hareruya!

Utsi hunobuda maari hunokwira nokusingaperi-peri.”

4 Vakuru makumi maviri navana nezvisikwa zvipenyu zvina vakawira pasi uye vakanamata Mwari, akanga agere pachigaro choushe. Uye vakadanidzira vachiti:

“Ameni, Hareruya!”

5 Ipapo inzwi rakabva pachigaro choushe, richiti:

“Rumbidzai Mwari wedu,

imi varanda vake mose,

imi munomutya,

mose vaduku navakuru!”

6 Ipapo ndakanzwa zvakanga zvichiita savazhinji zhinji, somumvumo wemvura zhinji uye senzwi guru rokuunga kwomutinhiro, richiti:

“Hareruya!

Nokuti Ishe Mwari wedu Wamasimba Ose anotonga.

7 Ngatifarei uye tifarisise

uye timurumbidze!

Nokuti mutambo wokuwana weGwayana wasvika,

uye mwenga waro azvigadzirira.

8 Akapiwa mucheka wakachena,

wakanaka uye unopenya kuti aupfeke.”

Mucheka wakanaka ndiwo mabasa akarurama avatsvene.

9 Ipapo mutumwa akati kwandiri, “Nyora uti: ‘Vakaropafadzwa avo vakakokwa kuchirariro chokuwana cheGwayana!’ ” Uye akatizve, “Aya mashoko echokwadi aMwari.”

10 Pakarepo ndakawira patsoka dzake kuti ndimunamate. Asi iye akati kwandiri, “Rega kudaro! Ndiri muranda pamwe chete newe uye nehama dzako dzinobatirira pakupupura Jesu. Namata Mwari! Nokuti uchapupu hwaJesu ndiwo mweya wouprofita.”

Murume akanga akatasva Bhiza Jena

11 Ndakaona denga razaruka uye ipapo pamberi pangu pakanga pane bhiza jena, mutasvi waro anonzi Akatendeka uye Chokwadi. Nokururamisira anotonga uye anorwa hondo.

12 Meso ake akaita somurazvo womoto, uye pamusoro wake pane korona zhinji. Ane zita rakanyorwa paari risingazikanwi nomunhu asi naiye oga.

13 Akapfeka nguo dzakanyikwa muropa, uye zita rake ndiye Shoko raMwari.

14 Hondo dzokudenga dzakanga dzichimutevera, akatasva bhiza jena uye akapfeka mucheka wakanaka, wakachena uye usina tsvina.

15 Mumuromo make munobuda munondo unopinza waanouraya nawo ndudzi. “Achavatonga netsvimbo yesimbi.” Anotsika chisviniro chewaini yokutsamwa kwehasha dzaMwari Wamasimba Ose.

16 Panguo yake napachidya chake ane zita iri rakanyorwa:

MAMBO WAMADZIMAMBO

NAISHE WAMADZISHE

17 Uye ndakaona mutumwa amire muzuva, akadanidzira nenzwi guru kushiri dzose dzinobhururuka muchadenga achiti, “Uyai, unganai pamwe chete pachirariro chaMwari,

18 kuti muzodya nyama yamadzimambo, vakuru, uye varume vane simba, yamabhiza neyavatasvi vawo, nenyama yavanhu vose, vakasununguka nenhapwa, vaduku navakuru.”

19 Ipapo ndakaona chikara namadzimambo enyika uye nehondo dzavo dzakaungana pamwe chete kuti dzindorwa nomutasvi akanga ari pabhiza uye nehondo yake.

20 Asi chikara chakabatwa, pamwe chete nomuprofita wenhema akanga aita zviratidzo pachinzvimbo chacho. Nezviratidzo izvi akanga atsausa avo vakanga vagamuchira mucherechedzo wechikara uye vanamata mufananidzo wacho. Vaviri ava vakakandwa mudziva romoto unopfuta nesafuri vari vapenyu.

21 Vakasara vavo vakaurayiwa nomunondo wakabuda mumuromo wouyo akanga akatasva bhiza, uye shiri dzose dzakagutswa nenyama yavo.

Zvakazarurwa 20

Makore Chiuru

1 Uye ndakaona mutumwa achiburuka kubva kudenga, ane kiyi dzokugomba rakadzika zvisina mugumo uye akabata ngetani huru muruoko rwake.

2 Akabata shato, iyo nyoka yakare, anova ndiye dhiabhori, kana kuti Satani, uye akamusunga kwamakore chiuru.

3 Akamukanda mugomba rakadzika zvisina mugumo, akarikiya uye akaisa chisimbiso pamusoro pake, kuti amudzivise kuzonyengerazve ndudzi kusvikira makore chiuru apera. Shure kwaizvozvo, anofanira kusunungurwa kwechinguva chiduku.

4 Ndakaona zvigaro zvoushe zvakanga zvakagarwa navaya vakanga vapiwa simba rokutonga. Uye ndakaona mweya yavaya vakanga vagurwa misoro nokuda kwokupupura kwavo nezvaJesu uye nokuda kweshoko raMwari. Vakanga vasina kunamata chikara kana mufananidzo wacho uye vakanga vasina kugamuchira mucherechedzo pahuma dzavo kana pamaoko avo. Vakararama uye vakatonga pamwe chete naJesu kwamakore chiuru.

5 Vamwe vakafa havana kurarama kusvikira makore chiuru apera. Uku ndiko kumuka kwokutanga.

6 Vakaropafadzwa uye vatsvene, avo vano mugove pakumuka kwokutanga. Rufu rwechipiri haruna simba pamusoro pavo, asi vachava vaprista vaMwari nevaKristu uye vachatonga pamwe chete naye kwamakore chiuru.

Kuparadzwa kwaSatani

7 Makore chiuru paanopera, Satani achasunungurwa kubva mutorongo rake

8 uye achabuda kundonyengera ndudzi dziri kumativi mana enyika, Gogi naMagogi, kuti avaunganidzire kundorwa. Vakawanda sejecha rokumahombekombe egungwa.

9 Vakafamba vachidimbura napaupamhi hwenyika vakakomba misasa yavanhu vaMwari, iro guta raanoda. Asi moto wakaburuka uchibva kudenga ukavaparadza.

10 Uye dhiabhori, uyo akavanyengera, akakandwa mudziva rinopfuta nesafuri, makanga makandwa chikara nomuprofita wenhema. Vacharwadziwa masikati nousiku nokusingaperi-peri.

Vakafa Vanotongwa

11 Ipapo ndakaona chigaro chikuru chichena naiye akanga agere pachiri. Nyika nedenga zvakatiza pamberi pake, uye zvikashayirwa nzvimbo.

12 Uye ndakaona vakafa, vakuru navaduku, vamire pamberi pechigaro choushe, uye mabhuku akazarurwa. Rimwe bhuku rakazarurwa, iro bhuku roupenyu. Vakafa vakatongwa maererano nezvavakanga vaita sezvazvakanga zvakanyorwa mumabhuku.

13 Gungwa rakabudisa vakafa vakanga vari mariri, uye rufu neHadhesi zvakabudisa vakafa vakanga vari mazviri, uye munhu mumwe nomumwe akatongwa sezvaakabata.

14 Ipapo rufu neHadhesi zvakakandwa mudziva romoto. Dziva romoto ndirwo rufu rwechipiri.

15 Kana munhu akawanikwa zita rake risina kunyorwa mubhuku roupenyu, akakandwa mudziva romoto.