Mako 5

Kuporeswa kwoMurume Akanga Akabatwa naMadhimoni

1 Vakayambuka mhiri kwegungwa kunyika yavaGeraseni.

2 Jesu akati abuda mugwa, mumwe murume akanga ano mweya wakaipa akauya achibva kumakuva kuti azosangana naye.

3 Murume uyu aigara kumakuva, uye kwakanga kusisina munhu aigona kumusungazve, kunyange kana nengetani.

4 Nokuti kazhinji aisungwa maoko namakumbo, asi aidambura ngetani napakati uye achivhuna simbi dzaiva pamakumbo ake. Hakuna munhu aiva nesimba rokumukunda.

5 Usiku namasikati aingochema uye achizvicheka-cheka namabwe ari pakati pamakuva uye nomuzvikomo.

6 Akati aona Jesu achiri chinhambwe, akamhanya akandowira pamabvi ake mberi kwake.

7 Akadanidzira nenzwi riri pamusoro achiti, “Munodeiko kwandiri, Jesu, Mwanakomana waMwari woWokumusoro-soro? Pikai kuna Mwari kuti hamuzonditambudzi!”

8 Nokuti Jesu akanga ati kwaari, “Buda mumunhu uyu, iwe mweya wakaipa!”

9 Ipapo Jesu akamubvunza akati, “Zita rako ndiwe ani?”

Akapindura akati, “Zita rangu ndiRegioni, nokuti tiri vazhinji.”

10 Uye akakumbira akumbirazve kuna Jesu kuti arege kuidzinga kubva munyika iyo.

11 Boka guru renguruve raifura riri pazvikomo zvaiva pedyo nenzvimbo iyi.

12 Madhimoni akakumbirisa kuna Jesu akati, “Titumei henyu pakati penguruve, titenderei henyu kuti tinopinda madziri.”

13 Akaatendera, uye mweya yakaipa yakabuda ikaenda ikandopinda munguruve. Boka rinenge zviuru zviviri pakuwanda, rakamhanya richiburukira kumawere rikapinda mugungwa uye rikanyuramo.

14 Vaya vakanga vachifudza nguruve vakatiza vakandozivisa izvi muguta nomumaruwa, uye vanhu vakabuda kuti vandoona zvakanga zvaitika.

15 Vakati vasvika kuna Jesu, vakaona murume uya akanga akabatwa neRegioni ramadhimoni, agere ipapo, akapfeka uye ava munhu kwaye; uye vakatya.

16 Vaya vakanga vazviona vakavaudza zvakanga zvaitika kumunhu akanga akabatwa namadhimoni, uye vakataura nezvenguruvewo.

17 Ipapo vanhu vakatanga kukumbira Jesu kuti abve munyika yavo.

18 Jesu paakanga opinda mugwa, munhu akanga akabatwa namadhimoni akakumbira zvikuru kuti aende naye.

19 Jesu haana kumutendera, asi akati kwaari, “Chienda kumba kumhuri yako undovaudza zvawaitirwa naShe, uye kuti akunzwira ngoni sei.”

20 Saka murume uyu akabva akaenda uye akatanga kutaura muDhekapori zvinhu zvikuru zvaakanga aitirwa naJesu. Uye vanhu vose vakashamiswa.

Musikana Akanga Afa noMukadzi Airwara

21 Jesu akati ayambukazve mhiri negwa kuno rumwe rutivi rwegungwa, vazhinji zhinji vakaungana vakamukomberedza paakanga ari pagungwa.

22 Ipapo mumwe wavabati vomusinagoge, ainzi Jairosi, akasvikapo. Paakaona Jesu akawira patsoka dzake

23 uye akamukumbirisa zvikuru achiti, “Mwanasikana wangu mudiki ava kufa. Ndapota uyai muise maoko enyu pamusoro kuti agoporeswa uye ararame.”

24 Saka Jesu akaenda naye.

Vazhinji zhinji vakatevera vachimanikidzirana.

25 Uye pakanga pano mukadzi aiva nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri.

26 Akanga atambudzika zvikuru uye achirapwa navanachiremba vazhinji uye akanga apedza zvose zvaaiva nazvo, asi pachinzvimbo chokuva nani akatonyanyisa kurwara.

27 Akati anzwa nezvaJesu, akauya mushure make mukati mavazhinji uye akabata nguo yake,

28 nokuti akati mumwoyo make, “Kana ndikangobata nguo dzake, ndichaporeswa.”

29 Pakarepo tsime reropa rake rakapwa uye akanzwa mumuviri wake kuti akanga asunungurwa kubva pakutambudzika kwake.

30 Pakarepo Jesu akanzwa kuti simba rakanga rabuda maari. Akatendeukira kuruzhinji rwavanhu akabvunza achiti, “Ndianiko abata nguo dzangu?”

31 Vadzidzi vake vakati, “Muri kuona vanhu vachikutsimbirirai, zvino moti, ‘Ndianiko andibata?’ ”

32 Asi Jesu akaramba achitarisa-tarisa kuti aone kuti ndiani akanga aita izvozvo.

33 Ipapo mukadzi, achiziva zvakanga zvaitika kwaari, akauya akawira patsoka dzake, uye achidedera nokutya, akamuudza chokwadi chose.

34 Iye akati kwaari, “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda norugare uye usunungurwe pakutambudzika kwako.”

35 Jesu achiri kutaura, vamwe varume vakauya vachibva kumba kwaJairosi, mukuru wesinagoge. Vakati, “Mwanasikana wenyu afa. Muchanetsereiko mudzidzisi?”

36 Asina hanya nezvavakanga vataura, Jesu akati kumukuru wesinagoge, “Usatya; tenda bedzi.”

37 Haana kutendera mumwe munhu kuti amutevere kunze kwaPetro, Jakobho naJohani munun’una waJakobho.

38 Vakati vasvika pamba pomukuru wesinagoge, Jesu akanzwa mheremhere, vanhu vachichema nokuungudza zvikuru.

39 Akapinda akati kwavari, “Ko, mheremhere ndeyeiko nokuungudza uku? Mwana haana kufa asi avete.”

40 Asi vakamuseka.

Asi akavabudisa vose panze, akatora baba namai vomwana navadzidzi vaakanga anavo, vakapinda makanga muno mwana.

41 Akamubata noruoko akati kwaari, “Tarita kumi!” (zvichireva kuti, “Musikana, ndinoti kwauri, muka!”)

42 Pakarepo musikana akasimuka akafamba-famba (akanga ana makore gumi namaviri okuberekwa). Nokuda kwaizvozvi, vakashamiswa zvikuru.

43 Akarayira nokurayira kukuru kuti parege kuva nomunhu anoziva nezvazvo, uye akavaudza kuti vamupe zvokudya.

Mako 6

Muprofita haakudzwi

1 Jesu akabva ipapo akaenda kuguta rokwake, vadzidzi vake vachimutevera.

2 Sabata rakati rasvika, akatanga kudzidzisa musinagoge, uye vazhinji vakamunzwa vakashamiswa.

Vakabvunza vachiti, “Munhu uyu akawanepi zvinhu izvi? Uchenjeri hupi uhu hwaakapiwa hwokuti anotoita zvishamiso?

3 Ko, haasiye muvezi here? Ko, haasiye mwanakomana waMaria here nomukoma waJakobho, Josefa, Judhasi naSimoni? Ko, hanzvadzi dzake hadzisi pano nesu here?” Uye vakagumburwa naye.

4 Jesu akati kwavari, “Muprofita haakudzwi muguta romunyika yokwake, pakati pehama dzake, nomumba make chete.”

5 Haana kugona kuita zvishamiso zvipi zvazvo imomo, kunze kwokuisa maoko ake pamusoro pavanhu vashoma vairwara uye akavaporesa.

6 Uye akashamiswa nokusatenda kwavo.

Jesu anotuma vane Gumi naVaviri Ipapo Jesu akapota nemisha achidzidzisa.

7 Akadana kwaari vane gumi navaviri akavatuma vari vaviri vaviri uye akavapa simba pamusoro pemweya yakaipa.

8 Akavarayira achiti, “Musatora chinhu parwendo kunze kwetsvimbo; musatora chingwa, kana hombodo, kana mari muzvikwama zvenyu.

9 Mupfeke shangu asi kwete nguo yechipiri.

10 Pose pamunopinda mumba, garai imomo kusvikira mabva muguta iroro.

11 Uye kana pane nzvimbo icharamba kukugamuchirai kana kukuteererai, muzunze guruva retsoka dzenyu pamunenge mobva, chive chapupu pamusoro pavo.”

12 Vakabuda vakaenda kundoparidza kuti vanhu vatendeuke.

13 Vakadzinga madhimoni mazhinji uye vakazodza mafuta vanhu vazhinji vairwara uye vakavaporesa.

Johani Mubhabhatidzi anogurwa musoro

14 Mambo Herodhi akanzwa nezvazvo, nokuti zita raJesu rakanga rozivikanwa kwazvo. Vamwe vakanga vachiti, “Johani Mubhabhatidzi akamutswa kubva kuvakafa; uye ndokusaka zviratidzo zvesimba zvichiitika.”

15 Vamwe vakati, “NdiEria.”

Uye vamwezve vakati, “Ndiye muprofita, akaita somumwe wavaprofita vekare.”

16 Asi Herodhi akati anzwa izvozvo, akati, “Johani, murume wandakagura musoro, akamutswa kubva kuvakafa!”

17 Nokuti Herodhi pachake akanga arayira kuti Johani asungwe, uye akaita kuti asungwe nengetani uye aiswe mutorongo. Akaita izvi nokuda kwaHerodhiasi mukadzi womunun’una wake Firipi waakanga awana.

18 Nokuti Johani akanga ati kuna Herodhi, “Hazvitenderwi kuti utore mukadzi womunun’una wako.”

19 Saka Herodhiasi akachengeta ruvengo mumwoyo make pamusoro paJohani uye akada kumuuraya. Asi akanga asingakwanisi kuita izvozvo,

20 nokuti Herodhi aitya Johani uye akamudzivirira, achimuziva somunhu akanga akarurama nomutsvene. Herodhi akati anzwa Johani, akakanganisika zvikuru; asi akanga achifarira kumuteerera.

21 Pakupedzisira mukana wakazovapo. Pazuva rokuberekwa kwake, Herodhi akaitira vabati vake vakuru, navakuru vamauto uye navarume vaitungamirira muGarirea mabiko.

22 Mwanasikana waHerodhiasi akati apinda akatamba, akafadza Herodhi navakanga vakokwa kuzodya. Mambo akati kumusikana, “Ndikumbire chipi zvacho chaunoda, uye ndichakupa chinhu ichocho.”

23 Uye akamuvimbisa nemhiko achiti, “Chose chauchakumbira ndichakupa chinhu ichocho, kusvikira pahafu youmambo hwangu.”

24 Akabuda kunze akandoti kuna mai vake, “Ndichakumbireiko?”

Ivo vakati, “Musoro waJohani Mubhabhatidzi.”

25 Pakarepo musikana akamhanya akapinda kuna mambo nechikumbiro akati, “Ndinoda kuti mundipe iye zvino musoro waJohani Mubhabhatidzi mundiro umu.”

26 Mambo akatambudzika zvikuru, asi nokuda kwemhiko yake uye nokuda kwevaakanga achidya navo, haana kuda kumurambira.

27 Saka pakarepo akatuma murwi akarayira kuti vauye nomusoro waJohani. Murume akaenda akandogura musoro waJohani mutorongo,

28 akadzoka nomusoro wake uri mundiro. Iye akaupa kumusikana, uye musikana akaupa kuna mai vake.

29 Vadzidzi vaJohani vakati vanzwa izvi vakauya vakatora mutumbi wake vakauviga mubwiro.

Vanhu zviuru zvishanu vanopiwa zvokudya naJesu

30 Vapostori vakaungana pana Jesu uye vakamuudza zvose zvavakanga vaita nezvavakanga vadzidzisa.

31 Zvino nokuda kwokuti vanhu vazhinji vakanga vachingouya nokuenda zvokuti havana kugona kuwana kunyange mukana wokudya, akati kwavari, “Handei tose, imi neni chete, kunzvimbo yakanyarara kuti mumbondozorora.”

32 Saka vakaenda voga mugwa kunzvimbo yakanyarara.

33 Asi vazhinji vakavaona vachibva vakavaziva uye vakamhanya netsoka vachibva kumaguta ose vakavatangira kusvikako.

34 Jesu akati aburuka uye achiona vanhu vazhinji zhinji, akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vakaita samakwai asina mufudzi. Saka akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji.

35 Zvino zuva rava kuvira, vadzidzi vake vakauya kwaari, vakati, “Nzvimbo ino irenje, uye kwava kudoka.

36 Itai kuti vanhu vaende kumaruwa nemisha yakapoteredza kuti vandozvitengera zvokudya.”

37 Asi iye akapindura akati, “Imi vapei zvokudya.”

Vakati kwaari, “Izvo zvinotoda muripo womunhu wemwedzi misere! Ko, tingashandisa mari yakawanda kudaro kutenga chingwa kuti tigovapa kuti vadye here?”

38 Akati, “Mune zvingwa zvinganiko? Endai mundotarisa.”

Vakati vazviona, vakati, “Zvishanu, uye nehove mbiri.”

39 Ipapo Jesu akavarayira kuti vagarise vanhu vose pasi mumapoka pauswa hunyoro.

40 Saka vakagara pasi mumapoka ane zana uye ane makumi mashanu.

41 Akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri uye akatarisa kudenga, akavonga akamedura chingwa. Ipapo akazvipa kuvadzidzi vake kuti vazvigadzike pamberi pavanhu. Akagoverawo hove mbiri dziya pakati pavo vose.

42 Vose vakadya vakaguta,

43 uye vadzidzi vakanonga zvimedu zvezvingwa nehove zvikazara matengu gumi namaviri.

44 Varume vakanga vadya vaisvika zviuru zvishanu.

Jesu anofamba pamusoro pemvura

45 Pakarepo Jesu akaita kuti vadzidzi vake vakwire mugwa uye kuti vafanotungamira kuBhetisaidha, iye achiri kuendesa vanhu vazhinji.

46 Akati aonekana navo, akakwira mugomo kundonyengetera.

47 Ava madekwana, igwa rakanga rava pakati pegungwa, uye iye aiva oga kunyika.

48 Akaona vadzidzi vachitambudzika pakukwasva, nokuti mhepo yaivarova. Nenguva inenge yechina yousiku akaenda kwavari, achifamba pamusoro pegungwa. Akanga oda kuvapfuura,

49 asi pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa, vakafunga kuti aiva dzimudzangara. Vakadanidzira,

50 nokuti vose vakamuona uye vakatya.

Pakarepo akataura kwavari akati, “Tsungai mwoyo! Ndini. Musatya.”

51 Ipapo akakwira mugwa navo, uye mhepo ikadzikama. Vakakatyamara zvikuru,

52 nokuti vakanga vasati vanzwisisa nezvezvingwa, mwoyo yavo yakanga iri mikukutu.

53 Vakati vayambuka mhiri, vakasvika paGenesareti uye vakamisa igwa ipapo.

54 Vakati vachingobuda mugwa, vanhu vakaziva Jesu.

55 Vakamhanya nomunyika iyo yose vakatakura vanorwara pamaponde vachienda navo kwavakanga vanzwa kuti ndiko kwaari.

56 Uye pose paakaenda mumisha, mumaguta kana mumaruwa, vakaisa varwere mumisika. Vakamukumbira kuti avabvumire kubata kunyange mupendero wejasi rake, uye vose vakamubata vakaporeswa.

Mako 7

Zvakachena neZvisina Kuchena

1 VaFarisi navamwe vavadzidzisi vomurayiro vakanga vauya kuJerusarema vakaungana pana Jesu

2 uye vakaona vamwe vavadzidzi vake vachidya zvokudya namaoko akanga ane “tsvina,” ndiko kuti, asina kushambwa.

3 VaFarisi navaJudha vose havadyi kunze kwokunge vamboshamba maoko avo, vachichengeta tsika dzavakuru.

4 Pavanenge vadzoka kumusika, havadyi kunze kwokunge vashamba. Uye vanocherechedza dzimwe tsika zhinji, dzakadai sokushambidza mikombe, matende, nemidziyo yokuvirisa mvura.

5 Saka vaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakabvunza Jesu vakati, “Seiko vadzidzi venyu vachirega kurarama zviri maererano netsika dzavakuru, zvavanodya zvokudya zvavo ‘namaoko ane tsvina’?”

6 Akapindura akati, “Isaya akataura zvakanaka paakaprofita pamusoro penyu imi vanyengeri; sezvazvakanyorwa zvichinzi:

“ ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo,

asi mwoyo yavo iri kure neni.

7 Vanondinamata pasina;

dzidziso dzavo dzinongova mirayiro inodzidziswa navanhu.’

8 Makasiya mirayiro yaMwari uye mukachengetedza tsika dzavanhu.”

9 Uye akati kwavari, “Mune nzira chaiyo yokuisa parutivi nayo mirayiro yaMwari kuitira kuti mucherechedze tsika dzenyuwo!

10 Nokuti Mozisi akati, ‘Kudza baba vako namai vako,’ uye ‘Munhu upi zvake achatuka baba vake kana mai vake anofanira kuurayiwa.’

11 Asi imi munoti, kana munhu akati kuna baba kana mai vake, ‘Rubatsiro rupi zvarwo rwamungadaro makagamuchira kubva kwandiri iKobhani’ (ndiko kuti, chipo chakapirwa kuna Mwari),

12 ipapo hamuchamuregi achiitira baba kana mai vake chinhu chipi zvacho.

13 Nokudaro munoparadza shoko raMwari nokuda kwetsika dzenyu dzamakachengeta kusvika zvino. Uye munoita zvinhu zvizhinji zvakadaro.”

14 Jesu akadanazve kwaari vanhu vazhinji akati kwavari, “Nditeererei, imi mose, uye munzwisise izvi.

15 Hakuna chinhu chinobva kunze ‘chinosvibisa’ munhu nokupinda maari. Asi icho chinobuda mumunhu ndicho chinoita kuti ‘asvibe.’

16 Kana munhu ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.”

17 Zvino akati abva pavanhu vazhinji uye apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza pamusoro pomufananidzo uyu.

18 Akati, “Hamunzwisisi seiko? Hamuoni kuti hakuna chinhu chinopinda mumunhu chichibva kunze chinogona ‘kumusvibisa’?

19 Nokuti hazvipindi mumwoyo make asi mudumbu make, uyezve zvichizobuda mumuviri wake.” Nokutaura uku, Jesu akati zvokudya zvose zvakanaka.

20 Akaenderera mberi achiti, “Zvinobuda mumunhu ndizvo zvinomusvibisa.

21 Nokuti kubva mukati, kubva mumwoyo yavanhu ndimo munobuda mirangariro yakaipa, upombwe, kuba, kuuraya, ufeve,

22 ruchiva, nouipi, kunyengera, utere, godo, kureva, manyawi noupenzi.

23 Zvakaipa izvozvi zvose zvinobuda kubva mukati uye ‘zvinosvibisa munhu.’ ”

Rutendo rwoMukadzi wokuFonishia

24 Jesu akabva panzvimbo iyo akaenda pedyo neTire. Akapinda mumba akasada kuzivikanwa nomunhu; asi akanga asingagoni kuzvivanza.

25 Zvakaitika ndezvokuti, paakangonzwa nezvake, mukadzi aiva nomwanasikana akanga akabatwa nomweya wetsvina akauya akawira patsoka dzake.

26 Mukadzi uyu aiva muGiriki, akaberekerwa muFonishia yomuSiria. Akakumbirisa Jesu kuti adzinge dhimoni mumwanasikana wake.

27 Jesu akati kwaari, “Vana vanofanira kutanga kudya zvavanoda, nokuti hazvina kunaka kutora chingwa chavana uchichikandira kumbwa dzavo.”

28 Iye akapindura akati, “Hongu Ishe, asi kunyange imbwa dziri pasi petafura dzinodya zvimedu zvezvokudya zvavana wani.”

29 Ipapo akati kwaari, “Nokuda kwemhinduro yakadai, enda hako; dhimoni rabva pamwanasikana wako.”

30 Akadzokera kumba kwake akawana mwana wake avete pamubhedha, uye dhimoni raenda.

Kuporeswa kwoMurume Aiva Matsi neMbeveve

31 Ipapo Jesu akabva kunzvimbo yeTire akaenda nokuSidhoni, akaburukira kuGungwa reGarirea uye nokudunhu reDhekapori.

32 Ikoko vamwe vanhu vakauya kwaari nomurume akanga ari matsi uye asingagoni kutaura zvakawanda, uye vakamukumbira kwazvo kuti aise ruoko rwake pamusoro pomurume uyu.

33 Akati aenda naye parutivi, kure noruzhinji, Jesu akaisa minwe yake munzeve dzake. Ipapo akapfira mate akabata rurimi rwomurume uya.

34 Akatarisa kudenga uye nokugomera kukuru akati kwaari, “Efata!” (kureva kuti, “Dziuka!”)

35 Pakarepo, nzeve dzomurume uya dzakadziuka, rurimi rwake rukasunungurwa uye akatanga kutaura zvakanaka.

36 Jesu akavarayira kuti varege kutaurira kana munhu. Asi paakanyanya kuita izvozvo, ndipo pavakanyanya kutaura nezvazvo.

37 Vanhu vakashamiswa zvikuru kwazvo. Vakati, “Akaita zvinhu zvose nenzira yakanaka. Anoita kuti kunyange matsi dzinzwe uye nembeveve dzitaure.”

Mako 8

Vanhu zviuru zvina vanopiwa zvokudya naJesu

1 Mumazuva iwayo vamwe vanhu vazhinji zhinji vakaungana. Sezvo vakanga vasina zvokudya, Jesu akadana vadzidzi vake kwaari akati,

2 “Ndino urombo kwazvo navanhu ava; atova mazuva matatu vaneni uye havana chokudya.

3 Kana ndikavaendesa vane nzara kumusha, vachaziya vakawira pasi nenzara munzira, nokuti vamwe vavo vakabva kure.”

4 Vadzidzi vake vakati, “Asi munhu angawanepiko murenje muno zvingwa zvavangapiwa vakaguta?”

5 Jesu akati kwavari, “Mune zvingwa zvinganiko?”

Vakati, “Zvinomwe.”

6 Akaudza vanhu vazhinji ava kuti vagare pasi. Akati atora zvingwa zvinomwe uye akavonga, akazvimedura akazvipa kuvadzidzi vake kuti vaise pamberi pavanhu, uye vakaita saizvozvo.

7 Vakanga vane hove duku shoma shoma zvakare; uye akavongazve akaudza vadzidzi kuti vadzigovere kuvanhu.

8 Vanhu vakadya uye vakaguta. Shure kwaizvozvo vadzidzi vakanonga matengu manomwe azere ezvimedu.

9 Pakanga pane varume vangangosvika zviuru zvina. Uye akati avaendesa,

10 akapinda mugwa navadzidzi vake akaenda kudunhu reDharimanuta.

11 VaFarisi vakasvika ndokutanga kubvunza Jesu. Kuti vamuedze, vakamukumbira chiratidzo chaibva kudenga.

12 Akagomera zvikuru akati, “Seiko rudzi urwu ruchikumbira chiratidzo? Ndinokuudzai chokwadi, hakuna chiratidzo chichapiwa kwarwuri.”

13 Ipapo akavasiya, akadzokera mugwa akayambukira kuno rumwe rutivi.

Mbiriso yavaFarisi neyaHerodhi

14 Vadzidzi vakanga vakanganwa kuuya nechingwa, kunze kwechimwe chete chavakanga vanacho mugwa.

15 Jesu akavayambira achiti, “Chenjerai. Ngwarirai mbiriso yavaFarisi neyaHerodhi.”

16 Vakataurirana vachiti, “Imhaka yokuti hatina chingwa.”

17 Achiziva zvavaitaurirana, Jesu akavabvunza akati, “Seiko muchitaura pamusoro pokuti hamuna chingwa? Heya, muchigere kuona kana kunzwisisa nhai? Mwoyo yenyu ichiri mikukutu nhai?

18 Heya, mune meso asi hamuoni, uye mune nzeve asi hamugoni kunzwa nhai? Uye hamurangariri here?

19 Pandakamedurira zviuru zvishanu zvavanhu zvingwa zvishanu, makazadza matengu mangani ezvimedu zvakasara?”

Vakati, “Gumi namaviri.”

20 “Uye pandakamedurira zviuru zvina zvavanhu zvingwa zvinomwe, makazadza matengu mangani ezvimedu?”

Vakapindura vakati, “Manomwe.”

21 Akati kwavari, “Hamunzwisisi nazvino here?”

Kuporeswa kwebofu paBhetisaidha

22 Vakasvika kuBhetisaidha, uye vamwe vanhu vakauya nomunhu akanga ari bofu uye vakakumbira zvikuru kuti Jesu amubate.

23 Akabata munhu akanga ari bofu noruoko akamutungamirira kunze kwomusha. Akati apfira mate pamaziso ake Jesu akaisa maoko ake pamusoro pake, akamubvunza akati, “Pane zvauri kuona here?”

24 Iye akatarisa kumusoro akati, “Ndinoona vanhu; vanotarisika semiti inofamba-famba.”

25 Jesu akaisazve maoko ake pameso omurume uyu. Ipapo meso ake akasvinudzwa, akadzorerwa kuona kwake, uye akaona zvinhu zvose zvakanaka.

26 Jesu akamuendesa kumba achiti, “Usapinda mumusha.”

Petro anopupura kuti Jesu ndiye Kristu

27 Jesu navadzidzi vake vakapfuurira kumisha yakapoteredza Kesaria Firipi. Vari munzira akavabvunza achiti, “Vanhu vanoti ndini aniko?”

28 Vakapindura vakati, “Vamwe vanoti Johani Mubhabhatidzi; vamwe vanoti Eria; vamwezve vanoti, mumwe wavaprofita.”

29 Iye akati, “Asi imi munoti kudini? Munoti ndini aniko?”

Petro akapindura akati, “Ndimi Kristu.”

30 Jesu akavayambira kuti vasaudza munhu nezvake.

Jesu anotaura nezvokufa kwake

31 Akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana woMunhu anofanira kutambudzika pazvinhu zvizhinji uye agorambwa navakuru, vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, uye kuti anofanira kuurayiwa, uye shure kwamazuva matatu agomukazve.

32 Akataura pachena pamusoro pazvo, uye Petro akaenda naye parutivi akatanga kumutsiura.

33 Asi Jesu akati atendeuka akatarira kuvadzidzi vake, akatsiura Petro akati, “Enda shure kwangu, Satani! Iwe hauna zvinhu zvaMwari mupfungwa dzako, asi zvinhu zvavanhu.”

34 Ipapo akadana vanhu vazhinji kwaari pamwe chete navadzidzi vake akati, “Kana munhu upi zvake achida kunditevera, anofanira kuzviramba, atakure muchinjikwa wake agonditevera.

35 Nokuti ani naani anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu uye nokuda kwevhangeri achahuponesa.

36 Munhu achabatsirweiko kana akawana nyika yose, asi akarasikirwa noupenyu hwake?

37 Kana kuti munhu angaripeiko kuti adzikinure upenyu hwake?

38 Kana munhu achinyadzwa uye achinyadzwa namashoko angu murudzi urwu rwoufeve uye runotadza, Mwanakomana woMunhu achanyadzwawo naye paanouya mukubwinya kwaBaba navatumwa vatsvene.”

Mako 9

1 Uye akati kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, kuti vamwe vamire pano havazoraviri rufu vasati vaona umambo hwaMwari huchisvika nesimba.”

Kubwinya kwaJesu

2 Shure kwamazuva matanhatu, Jesu akatora Petro, Jakobho naJohani pamwe chete naye akavatungamirira kugomo refu, kwavakanga vari voga. Akashanduka ikoko pamberi pavo.

3 Nguo dzake dzakapenya, dzikachena kupfuura zvingacheneswa nomunhu upi zvake munyika muno.

4 Uye ipapo pakaonekwa pamberi pavo Eria naMozisi, uye vakanga vachitaurirana naJesu.

5 Petro akati kuna Jesu, “Rabhi, zvakanaka kuti isu tigare pano. Ngativakei matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMozisi uye rimwe raEria.”

6 Akashaya zvokutaura, vakanga votya zvikuru.

7 Ipapo gore rakaonekwa rikavafukidza, uye inzwi rakabuda mugore rikati, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, wandinoda. Munzwei!”

8 Pakarepo, vakatarisa kwose kwose, uye havana kuzoona munhu aripo navo kunze kwaJesu.

9 Pavakanga vava kuburuka mugomo, Jesu akavarayira kuti varege kutaurira kana munhu upi zvake zvavakanga vaona kusvikira Mwanakomana woMunhu amuka kuvakafa.

10 Vakachengeta shoko iri pakati pavo, vachikurukurirana pamusoro pokuti, “kumuka kwavakafa” kunorevei.

11 Uye vakamubvunza vakati, “Seiko vadzidzisi vomurayiro vachiti Eria anofanira kutanga kuuya?”

12 Jesu akapindura akati, “Kutaura chokwadi, Eria anofanira kutanga kuuya, uye agovandudza zvinhu zvose. Zvino kwakanyorerwei kuchinzi Mwanakomana woMunhu anofanira kutambudzika zvikuru uye agorambwa?

13 Asi ndinoti kwamuri, Eria akauya, uye vakaita kwaari zvinhu zvose zvavaida, sezvazvakanyorwa pamusoro pake.”

Kuporeswa kwoMukomana Aiva noMweya Wakaipa

14 Vakati vasvika kuna vamwe vadzidzi, vakaona vanhu vazhinji zhinji vakavakomberedza uye vadzidzisi vomurayiro vachiita nharo navo.

15 Vanhu vose pavakangoona Jesu, vakashamiswa zvikuru uye vakamhanya kundomukwazisa.

16 Akati, “Muri kuvabvunzeiko?”

17 Mumwe murume aiva pakati pavanhu vazhinji akapindura akati, “Mudzidzisi, ndauya kwamuri nomwanakomana wangu, akabatwa nomweya wakamupa umbeveve.

18 Pose pose paunomubata, unomukanda pasi. Anopupuma furo pamuromo, worumanisa meno ake uye anobva aoma. Ndakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge asi havana kugona kuzviita.”

19 Jesu akati, “Haiwa rudzi rusingatendi, ndichagara nemi kusvikira riniko? Ndichakuitirai mwoyo murefu kusvikira riniko? Uyai nomukomana kwandiri.”

20 Saka vakauya naye. Mweya wakati uchiona Jesu, pakarepo wakawisira mukomana pasi ukamubvundisa. Akawira pasi akaumburuka, achipupuma furo pamuromo.

21 Jesu akabvunza baba vomukomana akati, “Ane nguva yakadii achiita izvi?”

Vakapindura vakati, “Kubva pauduku hwake.

22 Kazhinji unosimuwisira mumoto kana mumvura kuti umuuraye. Asi kana muchigona kuita chinhu, tinzwirei tsitsi mutibatsire.”

23 Jesu akati, “Kana muchigona? Zvinhu zvose zvinogoneka kuna anotenda.”

24 Pakarepo baba vomukomana vakadanidzira vachiti, “Ndinotenda; ndibatsirei pakusatenda kwangu!”

25 Jesu akati aona kuti vanhu vazhinji vakanga vomhanyira panzvimbo iyo, akarayira mweya wakaipa akati, “Iwe mweya woumatsi nomweya woumbeveve, ndinokurayira, buda maari, uye usazopindazve maari.”

26 Mweya wakadanidzira, ukamubvundisa zvikuru uye ukabuda. Mukomana akaita sokunge chitunha zvokuti vazhinji vakati, “Afa.”

27 Asi Jesu akamubata noruoko akamumisa netsoka dzake, uye akasimuka.

28 Mushure mokunge Jesu apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza vari voga vachiti, “Seiko isu takakonewa kuudzinga?”

29 Akapindura achiti, “Rudzi urwu runongobva chete nokunyengetera nokutsanya.”

30 Vakabva panzvimbo iyoyo vakapfuura nomuGarirea. Jesu akanga asingadi kuti zvizivikanwe nomunhu kuti vaiva kupi,

31 nokuti akanga achidzidzisa vadzidzi vake. Akati kwavari, “Mwanakomana woMunhu achazopandukirwa achiiswa mumaoko avanhu. Vachamuuraya, uye shure kwamazuva matatu achamuka.”

32 Asi havana kunzwisisa zvaakanga achireva uye vakanga vachitya kumubvunza pamusoro pazvo.

Mukuru ndiani?

33 Vakasvika kuKapenaume. Paakanga ari mumba, akavabvunza akati, “Manga muchikakavadzana pamusoro peiko munzira?”

34 Asi vakanyarara nokuti vakanga vakakavadzana vari munzira pamusoro pokuti mukuru ndiani.

35 Agara pasi, Jesu akadana vane gumi navaviri akati, “Kana munhu achida kuva wokutanga, anofanira kuva iye wokupedzisira, uye muranda wavose.”

36 Akatora mwana muduku akamumisa pakati pavo. Akamubata mumaoko ake, akati kwavari,

37 “Ani naani anogamuchira mumwe wavaduku ava muzita rangu anogamuchira ini; uye ani naani anondigamuchira haagamuchiri ini asi iye akandituma.”

Uyo asingatirwisi ndowedu

38 Johani akati, “Mudzidzisi, taona munhu achidzinga madhimoni muzita renyu uye tikamudzivisa, nokuti anga asiri mumwe wedu.”

39 Jesu akati, “Musamudzivisa. Hakuna munhu anoita chishamiso muzita rangu angazotaura zvakaipa pamusoro pangu panguva dzinotevera,

40 nokuti ani naani asingarwisani nesu ndowedu.

41 Ndinokuudzai chokwadi, ani naani anokupai mukombe wemvura muzita rangu nokuda kwokuti muri vaKristu zvirokwazvo haangazorasikirwi nomubayiro wake.

Kuita kuti mumwe atadze

42 “Uye kana ani naani akaita kuti mumwe wavaduku ava vanotendeka kwandiri atadze, zvingava nani kwaari kuti akandwe mugungwa akasungirirwa guyo guru mumutsipa make.

43 Kana ruoko rwako ruchikuita kuti utadze, rugure. Zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri chirema pano kuti upinde mugehena namaoko maviri, uko kusingambodzimwi moto,

44 umo musingafi honye dzavo uye moto usingadzimwi.

45 Uye kana tsoka yako ichiita kuti utadze, igure. Zviri nani kwauri kupinda muupenyu uri chirema pano kupinda mugehena namakumbo maviri,

46 umo musingafi honye dzavo uye moto usingadzimwi.

47 Uye kana ziso rako richiita kuti utadze, ribvise. Zviri nani kwauri kuti upinde muumambo hwaMwari neziso rimwe chete pano kuti uve namaziso maviri uye ugokandwa kugehena,

48 uko

“ ‘kusingafi honye dzavo

uye moto wacho usingadzimwi.’

49 Munhu wose acharungwa nomoto.

50 “Munyu wakanaka, asi kana warasa kuvava kwawo, mungauita kuti urungezve here? Ivai nomunyu mukati menyu, uye muve norugare pakati penyu.”

Mako 10

Kurambana

1 Uye Jesu akabva panzvimbo iyoyo akaenda munyika yeJudhea uye akayambuka mhiri kweJorodhani. Vanhu vazhinji vakauyazve kwaari, uye sezvayakanga iri tsika yake, akavadzidzisa.

2 Vamwe vaFarisi vakauya vakamuedza nokumubvunza vachiti, “Zvinotenderwa here kuti munhu arambe mukadzi wake?”

3 Iye akati, “Mozisi akakurayirai kuti kudiniko?”

4 Ivo vakati, “Mozisi akatendera murume kuti anyore tsamba yokurambana uye agomuendesa.”

5 Jesu akapindura akati, “Nokuti mwoyo yenyu yakanga iri mikukutu, Mozisi akakunyorerai murayiro uyu.

6 Asi kubvira kumavambo okusikwa kwezvinhu, Mwari ‘akavaita murume nomukadzi.’

7 Nokuda kwaizvozvi, murume achasiya baba vake namai vake uye agonamatira kumukadzi wake,

8 uye vaviri ava vachava nyama imwe. Saka havachisiri vaviri, asi nyama imwe.

9 Naizvozvo izvo zvabatanidzwa naMwari, munhu ngaarege kuzviparadzanisa.”

10 Vakati vapindazve mumba, vadzidzi vakabvunza Jesu pamusoro paizvozvi.

11 Iye akapindura akati, “Ani naani anoramba mukadzi wake uye akawana mumwe mukadzi, ava kuita upombwe naye.

12 Uye kana iye akarambawo murume wake uye akawanikwa nomumwe murume, anoita upombwe naye.”

Jesu navana vaduku

13 Vanhu vakanga vachiuya navana vaduku kuna Jesu kuti avabate, asi vadzidzi vakavatsiura.

14 Jesu paakazviona, akatsamwa. Akati kwavari, “Regai vana vaduku vauye kwandiri, uye musavadzivisa, nokuti umambo hwaMwari ndohwavakadai.

15 Ndinokuudzai chokwadi, ani naani asingagamuchiri umambo hwaMwari somwana muduku haangatongopindi mahuri.”

16 Ipapo akatora vana akavafungatira mumaoko ake, akaisa maoko ake pamusoro pavo akavaropafadza.

Jaya Mupfumi

17 Jesu akati achifamba munzira, mumwe munhu akamhanyira kwaari akawira pasi namabvi ake pamberi pake. Akabvunza akati, “Mudzidzisi akanaka, ndinofanira kuiteiko kuti ndigare nhaka youpenyu husingaperi?”

18 Jesu akapindura akati, “Unondiidzireiko akanaka? Hakuna munhu akanaka kunze kwaMwari oga.

19 Mirayiro unoiziva here inoti: ‘Usauraya, usaita upombwe, usaba, usapupura nhema, usanyengera, kudza baba vako namai vako.’ ”

20 Iye akati, “Mudzidzisi, izvi zvose ndakazvichengeta kubvira ndichiri mukomana.”

21 Jesu akamutarira uye akamuda, akati kwaari, “Unoshayiwa chinhu chimwe chete. Enda undotengesa zvinhu zvose zvaunazvo upe kuvarombo, ugova nepfuma kudenga. Ipapo ugouya, unditevere.”

22 Anzwa izvi akasuwa kwazvo. Akaenda akasuwa, nokuti akanga ane pfuma zhinji.

23 Jesu akatarira-tarira ndokuti kuvadzidzi vake, “Zvakaoma sei kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari!”

24 Vadzidzi vakashamiswa namashoko ake. Asi Jesu akatizve, “Vana, zvakaoma sei kupinda muumambo hwaMwari!

25 Zviri nyore kuti ngamera ipinde napaburi retsono pano kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.”

26 Vadzidzi vakanyanya kushamiswa, uye vakati pakati pavo, “Zvino ndianiko angaponeswa?”

27 Jesu akatarisa kwavari akati, “Kumunhu hazvigoneki, asi kwete naMwari; zvinhu zvose zvinogoneka kuna Mwari.”

28 Petro akati kwaari, “Isu takasiya zvinhu zvose kuti tikuteverei!”

29 Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi, hakuna munhu akasiya musha, kana vanun’una kana hanzvadzi kana mai kana baba kana vana kana minda nokuda kwangu uye nokuda kwevhangeri

30 achakonewa kugamuchira zvakawanda kakapetwa kazana munguva ino (misha, vanun’una, hanzvadzi, vanamai, vana neminda, uye pamwe chete naizvozvo, kutambudzika) uye panguva inouya, upenyu husingaperi.

31 Asi vazhinji vanova vokutanga ndivo vachava vokupedzisira, uye vokupedzisira vachava vokutanga.”

Jesu anotaurazve nezvokufa kwake

32 Vakanga vari munzira vachikwira kuJerusarema, Jesu achivatungamirira nzira, uye vadzidzi vakakatyamara, asi vaya vakanga vachitevera vakanga vachitya. Akatorazve vane gumi navaviri vari voga uye akavaudza zvaizoitika kwaari.

33 Akati, “Tiri kuenda kuJerusarema, uye Mwanakomana woMunhu achapandukirwa agoiswa kuvaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro. Vachamutongera rufu uye vachamuisa mumaoko avaHedheni,

34 avo vachamuseka uye vagomupfira mate, vachamurova uye vagomuuraya. Shure kwamazuva matatu, achamuka.”

Chikumbiro chaJakobho naJohani

35 Ipapo Jakobho naJohani vanakomana vaZebhedhi, vakauya kwaari, vakati, “Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire zvose zvose zvatinokumbira.”

36 Akavabvunza akati, “Munoda kuti ndikuitireiko?”

37 Vakapindura vakati, “Titenderei kuti mumwe wedu agare kuruoko rwenyu rworudyi uye mumwe kuruboshwe rwenyu mukubwinya kwenyu.”

38 Jesu akati, “Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona here kunwa mukombe wandinonwa kana kubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo?”

39 Vakapindura vakati, “Tinogona.” Jesu akati, “Muchanwa mukombe wandinonwa uye muchabhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo,

40 asi zvokugara kuruoko rwangu rworudyi kana ruboshwe handisini ndinozvipa. Nzvimbo idzi ndedzavaya vakadzigadzirirwa.”

41 Vane gumi vakati vanzwa izvi, vakatsamwa nokuda kwaJakobho naJohani.

42 Jesu akavadana pamwe chete akati, “Munoziva kuti vaya vanonzi vatongi vavaHedheni vanotonga pamusoro pavo, uye vabati vavo vakuru vanoshandisa simba pamusoro pavo.

43 Hazvina kudaro kwamuri. Pachinzvimbo chaizvozvo, ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu,

44 uye ani naani anoda kuva wokutanga anofanira kuva nhapwa yavose.

45 Nokuti kunyange Mwanakomana woMunhu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira uye nokupa upenyu hwake kuti huve rudzikunuro rwavazhinji.”

Bhatimeo Bofu anosvinudzwa

46 Ipapo vakasvika kuJeriko. Jesu navadzidzi vake, pamwe chete navanhu vazhinji, vakati vobuda muguta, Bhatimeo, murume akanga ari bofu, (ndiye mwanakomana waTimeo), akanga agere parutivi penzira achikumbira.

47 Paakanzwa kuti akanga ari Jesu weNazareta, akatanga kudanidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!”

48 Vazhinji vakamutsiura uye vakamutaurira kuti anyarare, asi akanyanyisa kudanidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!”

49 Jesu akamira akati, “Mudanei.” Saka vakadana munhu uya bofu vakati, “Tsunga mwoyo! Simuka! Anokudana.”

50 Akarasa jasi rake parutivi, akakwakuka akauya kuna Jesu.

51 Jesu akamubvunza akati, “Unoda kuti ndikuitirei?”

Murume uya bofu akati, “Rabhi, ndinoda kuona.”

52 Jesu akati, “Enda hako, kutenda kwako kwakuporesa.” Pakarepo meso ake akasvinudzwa uye akatevera Jesu munzira.

Mako 11

Jesu anopinda muJerusarema saMambo

1 Pavakanga vava kusvika kuJerusarema uye vasvika kuBhetifage nokuBhetani paGomo reMiorivhi, Jesu akatuma vaviri vavadzidzi vake,

2 achiti kwavari, “Endai mumusha wakatarisana nemi, uye pamunongopinda mauri, muchawana mwana wembongoro akasungirirwa ipapo, asina kumbotasvwa nomunhu. Mumusunungure mugouya naye pano.

3 Kana mukabvunzwa nomunhu kuti, ‘Seiko muchiita izvi?’ muti kwaari, ‘Ishe anomuda uye achamudzosa pano nokukurumidza.’ ”

4 Vakaenda vakandowana mwana wembongoro ari kunze munzira yomumusha, akasungirirwa pamukova. Pavakamusunungura,

5 vamwe vanhu vakanga vamirepo vakabvunza vakati, “Muri kuitei, muchisunungura mwana wembongoro uyo?”

6 Vakapindura sezvavakanga vaudzwa naJesu, uye vanhu vakavarega vachienda.

7 Uye vakauya nembongoro iyi kuna Jesu uye vakakanda majasi avo pamusoro payo, iye akagara pairi.

8 Vanhu vazhinji vakawaridza majasi avo mumigwagwa, uye vamwe vachiwaridza matavi avakanga vatema musango.

9 Vakanga vari mberi navaya vaitevera vakadanidzira vachiti:

“Hosana!”

“Akaropafadzwa uyo anouya muzita raShe!”

10 “Hwakaropafadzwa umambo hunouya, hwababa vedu Dhavhidhi!”

“Hosana kumusoro-soro!”

11 Jesu akapinda muJerusarema uye akaenda kutemberi. Akatarisa-tarisa zvinhu zvose, asi sezvo kwakanga kwadoka, akabuda akaenda kuBhetani navane gumi navaviri.

Jesu anonatsa Temberi

12 Fume mangwana pavakanga vobva kuBhetani, Jesu akanzwa nzara.

13 Akaona muonde uri kure una mashizha, akaenda kundoona kana wakanga une muchero. Akati asvika pauri, haana chaakawana asi mashizha bedzi, nokuti yakanga isiri nguva yamaonde.

14 Ipapo akati kumuti, “Ngakurege kuva nomunhu anodya muchero paurizve.” Uye vadzidzi vake vakamunzwa achidaro.

15 Paakasvika muJerusarema, Jesu akapinda mutemberi uye akatanga kudzingira kunze vaya vakanga vachitenga uye vachitengesa imomo. Akapidigura tafura dzavaitsinhana mari uye nezvigaro zvavaitengesa njiva,

16 uye haana kutendera munhu kutakura zvaitengeswa achipinda nomuchivanze chetemberi.

17 Uye akavadzidzisa achiti, “Ko, hazvina kunyorwa here kuti:

“ ‘Imba yangu ichanzi

imba yokunyengetera yendudzi dzose’?

Asi imi maiita ‘bako ramakororo.’ ”

18 Vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakazvinzwa ndokubva vatanga kutsvaka nzira yokumuuraya nayo, nokuti vanhu vaimutya, nokuti vanhu vazhinji vose vaishamiswa nedzidziso yake.

19 Madekwana akati asvika, vakaenda kunze kweguta.

Muonde Wakaoma

20 Mangwanani, pavakanga vachifamba, vakaona muonde wakaoma kubva kumidzi.

21 Petro akarangarira akati kuna Jesu, “Rabhi, tarirai! Muonde wamakatuka waoma!”

22 Jesu akapindura akati, “Ivai nokutenda muna Mwari.

23 Ndinokuudzai chokwadi, kana munhu akati kugomo iri, ‘Enda, uzvikande mugungwa,’ uye asingakahadziki nazvo mumwoyo make, asi achitenda kuti zvaareva zvichaitika, achazviitirwa.

24 Naizvozvo ndinoti kwamuri, zvose zvamunokumbira mukunyengetera, tendai kuti mazvigamuchira, uye zvichava zvenyu.

25 Uye paunomira uchinyengetera, kana mumwe munhu akakutadzira, muregerere, kuitira kuti Baba vako vari kudenga vagokuregerera zvivi zvako:

26 Asi kana usingaregereri, Baba vako vari kudenga havazoregereri zvivi zvako.”

Simba raJesu

27 Vakasvikazve muJerusarema, uye Jesu paaifamba mutemberi, vaprista vakuru, vadzidzisi vomurayiro navakuru vakauya kwaari.

28 Vakati, “Unoita zvinhu izvi nesimba ripiko? Uye ndiani akakupa simba rokuita izvi?”

29 Jesu akapindura akati, “Ndichakubvunzai mubvunzo mumwe chete. Ndipindurei, uye ini ndigokuudzai simba randinoita naro zvinhu izvi.

30 Rubhabhatidzo rwaJohani, rwakabva kudenga kana kuti kuvanhu? Ndiudzei!”

31 Vakataurirana pakati pavo vakati, “Kana tikati, ‘Kudenga,’ achati, ‘Zvino makaregereiko kumutenda?’

32 Asi kana tikati kuvanhu…” (Vakanga vachitya vanhu, nokuti vanhu vose vaitenda kuti Johani akanga ari muprofita zvechokwadi.)

33 Saka vakapindura Jesu vachiti, “Hatizivi.”

Jesu akati, “Neniwo handikuudzei simba randinoita naro zvinhu izvi.”

Mako 12

Mufananidzo waVarimi Vakaipa

1 Zvino akatanga kutaura navo nemifananidzo achiti, “Mumwe murume akasima munda wemizambiringa. Akaukomberedza noruzhowa, akachera gomba rechisviniro chewaini uye akavaka shongwe yokurinda. Ipapo akauchengetesa kuvarimi uye akaenda parwendo.

2 Pakukohwa akatuma muranda kumuchengeti womunda kuti andotora kwavari zvimwe zvemichero yomunda wemizambiringa.

3 Asi vakamubata, vakamurova vakamudzosa asina chinhu.

4 Ipapo akatuma mumwe muranda; vakarova murume uyu mumusoro vakamunyadzisa zvikuru.

5 Akapamhazve kutuma mumwe, uye uyo vakamuuraya. Akatuma vamwe vazhinji; vamwe vavo vakavarova, vamwe vakavauraya.

6 “Akanga asara nomumwe chete wokutuma, mwanakomana, uyo waaida kwazvo. Akamutuma kwokupedzisira achiti, ‘Vacharemekedza mwanakomana wangu.’

7 “Asi vachengeti vakataurirana vakati, ‘Uyu ndiye mudyi wenhaka. Uyai, ngatimuurayei, nhaka igova yedu.’

8 Saka vakamutora vakamuuraya, vakamurasira kunze kwomunda wemizambiringa.

9 “Zvino muridzi womunda wemizambiringa achaiteiko? Achauya agouraya vachengeti vaya vomunda agopa munda wemizambiringa kuna vamwe.

10 Ko, hamuna kuverenga here rugwaro urwu runoti:

“ ‘Dombo rakarambwa navavaki

ndiro rava musoro wekona;

11 Ishe akaita izvi,

uye zvinoshamisa pamberi pedu’?”

12 Ipapo vakatsvaka nzira yokumusunga nayo nokuti vakaziva kuti akanga ataura mufananidzo uyu pamusoro pavo. Asi vakanga vachitya vanhu vazhinji; saka vakamusiya vakaenda.

Kuripa Mutero kuna Kesari

13 Shure kwaizvozvo vakatuma vamwe vavaFarisi navaHerodhi kuna Jesu kuti vandomubata namashoko ake.

14 Vakauya kwaari vakati, “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri munhu akarurama. Imi hamutsauswi navanhu, nokuti hamuteereri kuti ndivanaani, asi munodzidzisa nzira yaMwari zviri maererano nechokwadi. Zvakanaka here kuripa mutero kuna Kesari kana kuti kwete?

15 Tinofanira kuripa here kana kuti tinofanira kuregera?”

Asi Jesu achiziva kunyengera kwavo, akati, “Seiko muchiedza kunditeya? Ndipei kuno dhenari ndirione.”

16 Vakauya nemari yacho, iye akavabvunza akati, “Mufananidzo uyu ndowani? Uye runyoro urwu ndorwani?”

Vakapindura vakati, “NdezvaKesari.”

17 Ipapo Jesu akati kwavari, “Ipai Kesari zvaKesari uye kuna Mwari zvaMwari.”

Uye vakashamiswa naye.

Kuwanana paKumuka kwaVakafa

18 Ipapo vaSadhusi, vaya vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakauya kwaari nomubvunzo.

19 Vakati, “Mudzidzisi, Mozisi akatinyorera kuti kana mukoma womunhu akafa uye akasiya mukadzi asi asina vana, munun’una wake anofanira kuwana chirikadzi uye amutsire mukoma wake vana.

20 Zvino kwakanga kuna vanakomana vomunhu mumwe chete vanomwe. Wokutanga akawana uye akafa akasasiya vana.

21 Wechipiri akatora chirikadzi iya, asi naiyewo akafa, akasasiya vana. Ndizvo zvakaitikawo kuno wechitatu.

22 Zviripo ndezvokuti, hakuna pavanomwe ava akasiya kana mwana. Pakupedzisira mukadzi akazofawo.

23 Pakumuka kwavakafa, achava mukadzi waani, sezvo akanga akawanikwa navanomwe ava?”

24 Jesu akapindura akati, “Hamuna kurasika here nokuda kwokusaziva Magwaro kana simba raMwari?

25 Vakafa pavanomuka, havazowani uye havazowaniswi; vachaita savatumwa vokudenga.

26 Zvino pamusoro pokumuka kwavakafa, hamuna kuverenga here mubhuku raMozisi, panhoroondo dzegwenzi raipfuta, kuti Mwari akati kwaari, ‘Ndini Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka, naMwari waJakobho?’

27 Haazi Mwari wavakafa, asi wavapenyu. Makarasika kwazvo!”

Murayiro Mukuru

28 Mumwe wavadzidzisi vomurayiro akauya akavanzwa vachitaurirana. Akaona kuti Jesu akanga avapa mhinduro yakanaka, akamubvunza akati, “Pamirayiro yose, ndoupiko unonyanya kukosha?”

29 Jesu akapindura akati, “Unonyanya kukosha, ndouyu: ‘Inzwa, iwe Israeri, Ishe Mwari wedu, Ishe ndiye mumwe chete.

30 Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose uye nomweya wako wose nokufunga kwako kwose uye nesimba rako rose.’

31 Wechipiri ndouyu: ‘Ida wokwako sezvaunozvida iwe.’ Hakuna murayiro mukuru kupfuura iyi.”

32 Murume akapindura akati, “Mapindura zvakanaka, mudzidzisi. Mataura chokwadi pamataura kuti Mwari ndiye mumwe chete uye hakuna mumwe kunze kwake.

33 Kumuda nomwoyo wako wose, nokunzwisisa kwako kwose uye nesimba rako rose, uye kuda wokwako sezvaunozvida iwe ndizvo zvinonyanya kukosha kupfuura zvipiriso zvose zvinopiswa, nezvibayiro.”

34 Jesu akati aona kuti akanga apindura nokuchenjera, akati kwaari, “Hausi kure noumambo hwaMwari.” Uye kubvira ipapo hakuna munhu akazotsunga kumubvunza mimwezve mibvunzo.

Kristu Mwanakomana Waani?

35 Jesu paakanga achidzidzisa ari mutemberi, akabvunza akati, “Seiko vadzidzisi vomurayiro vachiti Kristu mwanakomana waDhavhidhi?

36 Dhavhidhi pachake achitaura noMweya Mutsvene, akati:

“ ‘Ishe akati kuna She wangu:

“Gara kuruoko rwangu rworudyi

kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako.” ’

37 Davhidhi pachake anomuti ‘Ishe.’ Zvino anogova mwanakomana wake seiko?”

Vanhu vazhinji vakateerera kwaari nomufaro.

38 Pakudzidzisa kwake, Jesu akati, “Chenjererai vadzidzisi vomurayiro. Vanoda kufamba-famba nenguo refu uye vachikwaziswa mumisika,

39 uye kuti vave nezvigaro zvakakwirira kwazvo mumasinagoge uye nenzvimbo dzinokudzwa pamabiko.

40 Vanopedza dzimba dzechirikadzi uye vanoita munyengetero mirefu kuti vaonekwe navanhu. Vanhu vakadai vacharangwa zvikuru kwazvo.”

Chipo cheChirikadzi

41 Jesu akagara pasi akatarisana nenzvimbo yaiiswa zvipo uye akatarisisa vanhu vazhinji vachiisa mari yavo muchivigiro chemari mutemberi. Vapfumi vazhinji vaikandamo mari zhinji.

42 Asi chirikadzi yakasvika ikaisamo tumari tuviri tuduku.

43 Jesu akadana vadzidzi vake kwaari, akati, “Ndinokuudzai chokwadi, chirikadzi murombo iyi yaisa mari zhinji muchivigiro kupfuura vamwe vose.

44 Vose vapa kubva paupfumi hwavo; asi chirikadzi iyi yapa, ichitora pakushayiwa kwayo, yaisa zvose zvose zvayanga ichifanira kurarama nazvo.”

Mako 13

Zviratidzo zvaMazuva Okupedzisira

1 Paakanga ava kubuda mutemberi, mumwe wavadzidzi vake akati, “Mudzidzisi, tarirai kukura kwakaita matombo! Iko kunaka kwedzimba!”

2 Jesu akapindura akati, “Uri kuona dzimba huru dzose idzi? Hapana ibwe pano richasiyiwa riri pamusoro perimwe; ose achawisirwa pasi.”

3 Jesu paakanga agere paGomo reMiorivhi pakatarisana netemberi, Petro, Jakobho, Johani naAndirea vakamubvunza vari voga vakati,

4 “Tiudzei, kuti zvinhu izvi zvichaitika rini? Uye chii chichava chiratidzo chokuti zvose zvava pedyo nokuzozadziswa?”

5 Jesu akati kwavari, “Chenjerai kuti kurege kuva nomunhu anokutsausai.

6 Vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti, ‘Ndini iye,’ uye vachatsausa vazhinji.

7 Pamunonzwa nezvehondo uye neguhu rehondo, musavhunduka. Zvinhu zvakadaro zvinofanira kuitika, asi kuguma kuchazosvika hako.

8 Rudzi ruchamukira rumwe rudzi, uye ushe huchamukira humwe ushe. Pachava nokudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakasiyana-siyana, uye nenzara. Izvi ndizvo zvichava kutanga kwokurwadziwa kwokusununguka.

9 “Munofanira kugara makarinda. Muchaendeswa kumatare mugorohwa mumasinagoge avo. Muchamira pamberi pavabati napamberi pamadzimambo nokuda kwangu, sezvapupu kwavari.

10 Uye vhangeri rinofanira kuparidzwa kundudzi dzose.

11 Pose pamunenge masungwa uye mamiswa pakutongwa, musatanga kufunganya pamusoro pezvamuchataura. Taurai zvose zvose zvamunenge mapiwa panguva iyoyo, nokuti hamusimi munotaura, asi Mweya Mutsvene.

12 “Mukoma achaurayisa munun’una, uye baba vachadarowo mwana wavo. Vana vachamukira vabereki vavo uye vachavaurayisa.

13 Vanhu vose vachakuvengai nokuda kwangu, asi uyo anotsungirira kusvikira kumagumo achaponeswa.

14 “Pamunenge moona nyangadzi yokuparadza yamira paisingafaniri, anoverenga ngaanzwisise, ipapo vari muJudhea ngavatizire kumakomo.

15 Ari pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka kana kupinda mumba kuti abudise chinhu chipi zvacho chiri mumba.

16 Munhu ari kumunda ngaarege kudzokera kumba kuti andotora jasi rake.

17 Zvichava zvinotyisa zvakadiniko kuvakadzi vane mimba navanoyamwiswa mumazuva iwayo!

18 Nyengeterai kuti izvi zvirege kuitika munguva yechando,

19 nokuti ayo achava mazuva okutambudzika asina kumbovapo kubva pakutanga, Mwari paakasika nyika, kusvikira zvino, uye haachazombovapozve.

20 Dai Ishe akanga asina kutapudza mazuva iwayo, hakuna munhu airarama. Asi nokuda kwavasanangurwa, avo vaakasarudza, akaatapudza hake.

21 Panguva iyo kana munhu akati kwauri, ‘Tarira, houno Kristu!’ kana kuti, ‘Tarira, uyo apo!’ musazvitenda.

22 Nokuti vanaKristu venhema navaprofita venhema vachaonekwa uye vachaita zviratidzo nezvishamiso kuti vatsause vatsvene, kana dai zvichigona.

23 Saka mugare makarinda; ndagara ndakuudzai zvinhu zvose zvisati zvaitika.

24 “Asi mumazuva iwayo, shure kwokutambudzika ikoko,

“ ‘zuva richasvibiswa,

uye mwedzi hauchazovhenekeri;

25 nyeredzi dzichawa kudenga,

uye masimba okudenga achadengenyeka.’

26 “Panguva iyoyo vanhu vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya ari mumakore nesimba guru uye nokubwinya.

27 Uye achatuma vatumwa vake, vagounganidza vasanangurwa kubva kumhepo ina, kubva kumagumo enyika kusvikira kumigumo yamatenga.

28 “Zvino dzidzai chidzidzo ichi kubva pamuonde: Paunongotanga kuva namatavi manyoro uye mashizha awo otungira, munoziva kuti zhizha rava pedyo.

29 Naizvozvo kana moona zvinhu izvi zvoitika, zivai kuti ava pedyo, atova pamukova.

30 Ndinokuudzai chokwadi, zvirokwazvo rudzi urwu harungapfuuri kusvikira zvinhu zvose izvi zvaitika.

31 Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.

Zuva neNguva Hazvizivikanwi

32 “Hakuna munhu anoziva nezvezuva iro kana nguva iyo, kunyange vatumwa kudenga, kana Mwanakomana, asi Baba voga.

33 Rindai! Svinurai! Hamuzivi kuti nguva iyo inosvika rini.

34 Zvakaita somunhu anoenda kure: Anosiya imba yake akaichengetesa varanda vake, mumwe nomumwe pabasa rake, uye agoudza ari pamukova kuti agare akarinda.

35 “Naizvozvo rindai nokuti hamuzivi musi unouya muridzi weimba, zvimwe madekwana, kana usiku, kana pakurira kwejongwe, kana mambakwedza.

36 Kana akakurumidza kuuya, musamurega achiwana muvete.

37 Zvandinotaura kwamuri, ndinotaura kuvanhu vose ndichiti, ‘Rindai!’ ”

Mako 14

Jesu anozodzwa paBhetani

1 Zvino kwakanga kwangosara mazuva maviri kuti Pasika noMutambo weChingwa Chisina Mbiriso zviitwe, uye vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakanga vachitsvaka nzira yokuti vasunge Jesu nayo uye kuti vamuuraye.

2 Vakati, “Asi kwete panguva yoMutambo, kuti vanhu varege kuita bope.”

3 Uye paakanga ari muBhetani, agere pakudya mumba momumwe murume ainzi Simoni waMaperembudzi, mumwe mukadzi akauya nechinu chamafuta earabhasita, mafuta anokosha kwazvo, akanga akaitwa nenaridho yakaisvonaka. Akaputsa chinu akadururira mafuta mumusoro wake.

4 Vamwe vakanga varipo vakanga vachitaura vakatsamwa pakati pavo vachiti, “Seiko vachitambisa mafuta aya kudai?

5 Angadai atengeswa nomutengo uno mubayiro kupfuura wegore rose, uye mari yacho yapiwa kuvarombo.” Uye vakatsiura mukadzi uyu nehasha.

6 Jesu akati kwavari, “Musiyei akadaro. Munomunetsereiko? Aita chinhu chakanaka kwandiri.

7 Varombo munavo nguva dzose, uye munogona kuvabatsira panguva ipi zvayo yamunoda. Asi hamuzogari muneni nguva dzose.

8 Aita zvaanogona. Adururira mafuta anonhuwira pamuviri wangu zvichigere kusvika, kuti agadzirire kuvigwa kwangu.

9 Ndinokuudzai chokwadi, kwose kunozoparidzwa vhangeri panyika yose, zvaaita izvi zvicharehwawo, vachimurangarira nazvo.”

10 Ipapo Judhasi Iskarioti, mumwe wavane gumi navaviri, akaenda kuvaprista vakuru kuti andotengesa Jesu kwavari.

11 Vakafara kunzwa izvi uye vakavimbisa kumupa mari. Saka akamirira mukana wokumuisa kwavari.

Chirariro chaShe

12 Pazuva rokutanga roMutambo weChingwa Chisina Mbiriso, zvayakanga iri tsika yavo yokubayira gwayana rePasika, vadzidzi vaJesu vakamubvunza vakati, “Munoda kuti tiende kupi kwatingandokugadzirirai Pasika kuti mudye?”

13 Saka akatuma vadzidzi vake vaviri akati kwavari, “Endai muguta, uye muchasangana nomurume akatakura chirongo chemvura. Mumutevere.

14 Muti kumwene weimba yaanopinda mairi, ‘Mudzidzisi anobvunza kuti: Imba yangu yavaeni, mandingadyira Pasika navadzidzi vangu ndeipiko?’

15 Achakuratidzai imba huru yapamusoro, yakatorongedzwa uye yakagadzirwa. Mutigadziriremo.”

16 Vadzidzi vakabva, vakapinda muguta vakawana zvinhu zvakaita sezvavakanga vaudzwa naJesu. Saka vakagadzira Pasika.

17 Ava madekwana, Jesu akasvika navane gumi navaviri.

18 Vakati vagere pakudya, iye akati, “Ndinokuudzai chokwadi, mumwe wenyu achandipandukira, mumwe ari kudya neni.”

19 Vakasuwiswa nazvo, mumwe nomumwe akati kwaari, “Zvirokwazvo, kwete ini?”

20 Iye akapindura akati, “Ndomumwe wavane gumi navaviri, iye anoseva chingwa chake mundiro neni.

21 Mwanakomana woMunhu achaenda hake sezvazvakanyorwa pamusoro pake. Asi ane nhamo munhu uyo anopandukira Mwanakomana woMunhu! Zvaiva nani kwaari dai akanga asina kuzvarwa.”

22 Vakati vari pakudya, Jesu akatora chingwa, akavonga uye akachimedura, akapa vadzidzi vake achiti, “Torai mudye, uyu ndiwo muviri wangu.”

23 Ipapo akatora mukombe, akavonga akaupa kwavari, uye vose vakanwa pauri.

24 Akati kwavari, “Iri ndiro ropa rangu resungano, rinodururirwa vazhinji.

25 Ndinokuudzai chokwadi kuti handichazonwizve chibereko chomuzambiringa kusvikira pazuva iro pandichazonwa zvava zvitsva muumambo hwaMwari.”

26 Vakati vaimba rwiyo, vakabuda vakaenda kuGomo reMiorivhi.

Jesu anotaura nezvokurambwa kwake naPetro

27 Jesu akati kwavari, “Imi mose muchapararira, nokuti kwakanyorwa kuchinzi:

“ ‘Ndicharova mufudzi,

makwai agopararira.’

28 Asi mushure mokumuka kwangu, ndichatungamira kuGarirea.”

29 Petro akati, “Kunyange dai vose vakakurambai, ini kwete.”

30 Jesu akapindura akati, “Ndinokuudza chokwadi, nhasi, manheru ano chaiwo, jongwe risati rarira kaviri, iwe pachako uchandiramba katatu.”

31 Asi Petro akaramba akasimbisisa achiti, “Kunyange dai ndichifanira kufa nemi, handizombokurambai.” Uye vose vakadarowo.

Getsemani

32 Vakaenda kunzvimbo inonzi Getsemani, uye Jesu akati kuvadzidzi vake, “Garai pano, ini ndichambondonyengetera.”

33 Akatora Petro, Jakobho naJohani pamwe chete naye, akatanga kushungurudzika zvikuru uye akatambudzika.

34 Akati, “Mweya wangu wazara neshungu kwazvo kusvikira pakufa. Garai pano uye murambe makarinda.”

35 Akati aenda chinhambwe zvishoma, akawira pasi uye akanyengetera kuti kana zvichibvira nguva iyi ipfuure, ibve kwaari.

36 Akati, “Abha, Baba, zvinhu zvose zvinogoneka kwamuri. Bvisai mukombe uyu kwandiri. Asi kwete kuda kwangu, asi kuda kwenyu.”

37 Ipapo akadzokazve kuvadzidzi vake akavawana vavete. Akati kuna Petro, “Wavata here? Wanga usingagoni kurinda kwenguva imwe here?

38 Rindai uye munyengetere kuti murege kuwira mumuedzo. Mweya unoda hawo, asi muviri hauna simba.”

39 Akaendazve kundonyengetera zvimwe chetezvo.

40 Paakadzoka, akawanazve vavete, nokuti meso avo akanga aremerwa nehope. Havana kuziva chokutaura kwaari.

41 Achidzokerazve kechitatu akati kwavari, “Muchakavata uye muchiri kuzorora here? Zvaringana! Nguva yasvika. Tarirai, Mwanakomana woMunhu oiswa mumaoko avatadzi.

42 Simukai! Ngatiendei! Hoyo mutengesi wangu ouya!”

Jesu anosungwa

43 Achiri kutaura, Judhasi Iskarioti, mumwe wavane gumi navaviri, akaonekwa. Akanga ana vanhu vazhinji vakapakata minondo netsvimbo, vatumwa navaprista vakuru, vadzidzisi vomurayiro, uye navakuru.

44 Zvino mutengesi akanga aronga navo chiratidzo achiti, “Munhu wandichatsvoda ndiye wacho; mumusunge mugoenda naye navarindi.”

45 Paakangosvika, Judhasi akaenda kuna Jesu, akati, “Rabhi!” ndokumutsvoda.

46 Vanhu vakabata Jesu vakamusunga.

47 Ipapo mumwe akanga amire pedyo akavhomora munondo wake akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeve yake.

48 Jesu akati, “Ko, ndiri kutungamirira vapanduki here zvamauya neminondo netsvimbo kuti muzondibata?

49 Mazuva ose ndaiva nemi, ndichidzidzisa mutemberi, uye hamuna kundisunga. Asi Magwaro anofanira kuzadziswa.”

50 Ipapo vose vakamusiya vakatiza.

51 Rimwe jaya, rakanga rakapfeka mucheka bedzi, rakanga richitevera Jesu. Vakati varibata,

52 rakatiza risina kupfeka, rikasiya nguo yaro mumashure.

Jesu pamberi peDare Guru

53 Vakaenda naJesu kumuprista mukuru, uye vamwe vaprista vose vakuru navadzidzisi vomurayiro vakaungana pamwe chete.

54 Petro akamutevera ari nechokure, kusvikira apinda muruvazhe rwomuprista mukuru. Akagara navarindi achidziya moto.

55 Vaprista vakuru namakurukota ose vakanga vachitsvaka chavangapa Jesu mhosva nacho kuitira kuti vagomuuraya, asi havana kuwana chinhu.

56 Vazhinji vakamupupurira nhema, asi uchapupu hwavo hahuna kupindirana.

57 Ipapo vamwe vakasimuka vakapa uchapupu hwenhema uhu pamusoro pake vachiti,

58 “Takamunzwa achiti, ‘Ndichaparadza temberi iyi yakavakwa navanhu uye shure kwamazuva matatu ndichavaka imwe, isina kuitwa navanhu.’ ”

59 Kunyange ipapozve uchapupu hwavo hahuna kupindirana.

60 Ipapo muprista mukuru akamira pamberi pavo akabvunza Jesu achiti, “Ko, haupinduri here? Uchapupu hwaunopomerwa navanhu ava ndohweiko?”

61 Asi Jesu akaramba anyerere uye akasapindura.

Muprista mukuru akamubvunzazve achiti, “Ndiwe Kristu here, Mwanakomana waIye Akaropafadzwa?”

62 Jesu akati, “Ndini. Uye muchaona Mwanakomana woMunhu agere kuruoko rworudyi rwaIye Wamasimba uye achiuya ari pamakore okudenga.”

63 Muprista mukuru akabvarura nguo dzake, akati, “Tichatsvakireiko zvimwe zvapupu?

64 Manzwa kumhura kwake. Munofungeiko?”

Vose vakamutonga vachiti aifanira kufa.

65 Ipapo vamwe vakatanga kumupfira mate; vakamusunga kumeso, vakamurova nezvibhakera, vachiti, “Profita!” Uye varindi vakamutora vakamurova.

Petro anoramba Jesu

66 Petro paakanga achiri muruvazhe, mumwe musikana, murandakadzi womuprista mukuru akasvikapo.

67 Akati aona Petro achidziya moto akamucherechedza.

Akati kwaari, “Newewo wakanga una Jesu, weNazareta.”

68 Asi iye akaramba akati, “Handizivi kana kunzwisisa zvaunoreva,” uye akabuda akandomira pamukova wokupinda nawo.

69 Akati aonekwazve nomusikana uyu aiva murandakadzi, musikana akatizve kuna avo vakanga vamirepo, “Munhu uyu ndomumwe wavo.”

70 Iye akarambazve izvozvo.

Mushure menguva pfupi, vaya vakanga vamirepo vakati kuna Petro, “Chokwadi, iwe uri mumwe wavo, nokuti uri muGarirea.”

71 Akatanga kutuka nokupika achiti, “Handizivi munhu uyu wamunotaura nezvake.”

72 Pakarepo jongwe rakarira kechipiri. Ipapo Petro akarangarira shoko raJesu raakanga ataura kwaari achiti, “Jongwe risati rarira kaviri uchandiramba katatu.” Akawira pasi uye akachema.