Mako 15

Jesu pamberi paPirato

1 Mangwanani-ngwanani, vaprista vakuru navakuru, vadzidzisi vomurayiro uye neDare Guru rose, vakapa mutongo. Vakasunga Jesu, vakaenda naye vakandomuisa mumaoko aPirato.

2 Pirato akamubvunza akati, “Ndiwe mambo wavaJudha here?”

Jesu akapindura akati, “Hongu, ndizvo sokutaura kwamaita.”

3 Vaprista vakuru vakamupomera zvinhu zvizhinji kwazvo.

4 Saka Pirato akabvunzazve akati, “Ko, haupinduri here? Tarira kuwanda kwezvinhu zvavanokupomera.”

5 Asi Jesu haana kupindura, uye Pirato akashamiswa nazvo.

6 Zvino yakanga iri tsika yapaMutambo kuti asunungure musungwa anenge akumbirwa navanhu.

7 Murume ainzi Bharabhasi akanga ari mutorongo pamwe chete navamwe vakanga vamutsa bope vakauraya munhu.

8 Vanhu vazhinji vakauya vakakumbira Pirato kuti avaitire zvaaisiita.

9 Pirato akabvunza akati, “Munoda kuti ndikusunungurirei mambo wavaJudha here?”

10 achiziva kuti zvaingova zvegodo ravaprista vakuru kuti vakaisa Jesu mumaoko ake.

11 Asi vaprista vakuru vakamutsa mwoyo yavazhinji kuti vaite kuti Pirato asunungure Bharabhasi pachinzvimbo chaJesu.

12 Pirato akabvunza akati, “Ndichaiteiko, zvino, nouyo wamunoti mambo wavaJudha?”

13 Vakadanidzira vachiti, “Murovererei pamuchinjikwa!”

14 Pirato akavabvunza akati, “Nemhaka yeiko? Akapara mhosva yeiko?”

Asi vakanyanya kudanidzira vachiti, “Murovererei pamuchinjikwa!”

15 Achida kufadza vanhu, Pirato akasunungura Bharabhasi. Akaita kuti Jesu arohwe, uye akamuendesa kuti andorovererwa.

Varwi Vanodadira Jesu

16 Varwi vakatora Jesu vakapinda naye mumuzinda wainzi Piritoriamu uye vakaunganidza pamwe chete ungano yose yavarwi.

17 Vakamupfekedza nguo dzepepuru, ipapo vakamurukira ngundu yeminzwa vakaigadzika pamusoro wake.

18 Uye vakatanga kudanidzira kwaari vachiti, “Kwaziwaika, mambo wavaJudha!”

19 Vakaramba vachingomurova mumusoro netsvimbo uye vachimupfira mate. Vachipfugama namabvi avo, vakaita savanomunamata.

20 Uye vakati vamudadira, vakabvisa nguo yepepuru vakamupfekedza dzake. Ipapo vakabuda naye kundomuroverera pamuchinjikwa.

Kurovererwa

21 Mumwe murume aibva kuKurini, Simoni baba vaArekizanda naRufasi, akanga achipfuura achibva kumaruwa, vakamumanikidza kuti atakure muchinjikwa.

22 Vakaenda naJesu kunzvimbo yainzi Gorokota (kureva kuti Nzvimbo yeDehenya).

23 Ipapo vakamupa waini yakavhenganiswa nemura, asi haana kuinwa.

24 Uye vakamuroverera pamuchinjikwa. Vakagovana nguo dzake, vakakanda mijenya kuti vaone kuti mumwe nomumwe angawanei.

25 Yakanga iri nguva yechitatu pavakamuroverera.

26 Zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake zvaiti: MAMBO WAVAJUDHA.

27 Vakamuroverera pamwe chete namakororo maviri, mumwe kurudyi uye mumwe kuruboshwe.

28 Uye rugwaro rwakazadziswa runoti, “Akaverengwa pamwe chete navadariki.”

29 Vaya vakanga vachipfuura vaimutuka, vachidzungudza misoro yavo vachiti, “Saka! Iwe uri kuzoputsa temberi nokuivaka mumazuva matatu,

30 chiburuka pamuchinjikwa uzviponese!”

31 Nenzira imwe cheteyo vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakamuseka pakati pavo, vakati, “Akaponesa vamwe, asi haagoni kuzviponesa!

32 Kristu uyu, Mambo wavaIsraeri uyu, ngaaburuke iye zvino pamuchinjikwa, kuti tione tigotenda.” Navaya vakanga vakarovererwa pamwe chete naye vakamutukawo.

Kufa kwaJesu

33 Nenguva yechitanhatu rima rakauya pamusoro penyika yose kusvikira panguva yepfumbamwe.

34 Uye panguva yepfumbamwe, Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti, “Eroi, Eroi, rama sabhakitani?” zvinoreva kuti “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?”

35 Vaya vakanga vamire pedyo vakati vanzwa izvi, vakati, “Inzwai, ari kudana Eria.”

36 Mumwe murume akamhanya, akazadza chipanje newaini yaivava, akaisa parutanda, akaipa kuna Jesu kuti anwe, akati “Muregei zvino. Regai tione kana Eria achiuya kuti azomuburutsa.”

37 Ipapo Jesu akadanidzira nenzwi guru, akabudisa mweya wake.

38 Chidzitiro chapatemberi chakabvaruka napakati kubva kumusoro kusvikira pasi.

39 Uye mukuru wezana, akanga amirepo, pamberi paJesu, akati anzwa kudanidzira kwake uye akaona mafiro aakaita, akati, “Zvirokwazvo munhu uyu akanga ari Mwanakomana waMwari!”

40 Vamwe vakadzi vakanga vachitarira vari kure. Pakati pavo paiva naMaria Magadharena, Maria mai vaJakobho, munun’una waJosesi, naSarome.

41 Vakadzi ava vomuGarirea ndivo vaimutevera uye vachimushandira. Vakadzi vazhinji vakanga vauya naye kuJerusarema vakanga varipowo.

Kuvigwa kwaJesu

42 Rakanga riri Zuva roKugadzirira (ndiro rinotangira Sabata.) Saka kwovira,

43 Josefa weArimatea, nhengo yeDare Guru yaiva nomukurumbira, uyo akanga akamirirawo umambo hwaMwari, akatsunga kuenda kuna Pirato kundokumbira mutumbi waJesu.

44 Pirato akashamiswa kunzwa kuti akanga atofa. Akatuma mukuru wezana, akamubvunza kana Jesu akanga afa.

45 Akati anzwa kubva kumukuru wezana kuti zvakanga zviri izvo, akapa mutumbi kuna Josefa.

46 Saka akauya nemimwe micheka, akaburutsa mutumbi, akauputira nomucheka, akauyisa muguva rakacherwa paruware. Ipapo akakungurutsira ibwe pamuromo weguva.

47 Maria Magadharena naMaria mai vaJosesi vakaona paakavigwa.

Mako 16

Kumuka

1 Sabata rakati rapfuura, Maria Magadharena, Maria mai vaJakobho, naSarome vakatenga zvinonhuwira kuti vagondozodza mutumbi waJesu.

2 Mangwanani-ngwanani pazuva rokutanga revhiki, zuva risati rabuda, vakanga vapinda munzira,

3 uye vakabvunzana vachiti, “Ndianiko achatikungurutsira ibwe pamukova weguva?”

4 Asi vakati vatarira, vakaona kuti ibwe rakanga rakungurutswa.

5 Pavakapinda muguva, vakaona jaya rakapfeka nguo chena rakagara kuruoko rworudyi, uye vakavhunduka.

6 Iye akati, “Musavhunduka. Muri kutsvaka Jesu weNazareta, uya akarovererwa pamuchinjikwa. Amuka! Haapo pano. Tarisai pavakanga vamuisa.

7 Asi chiendai mundoudza vadzidzi vake naPetro, kuti, ‘Iye afanotungamira kuGarirea. Muchandomuona ikoko sezvaakakuudzai.’ ”

8 Vachibvunda uye vachishamiswa, vakabuda vakatiza kubva muguva. Havana chavakataura kuno munhu, nokuti vakanga vachitya.

9 Jesu akati amuka mangwanani nezuva rokutanga revhiki, akatanga kuzviratidza kuna Maria Magadharena, uya waakanga abudisa kubva maari mweya yakaipa minomwe.

10 Akaenda akandoudza vaya vaimbova naye uye vakanga vachiungudza uye vachichema.

11 Vakati vanzwa kuti Jesu akanga ari mupenyu, uye kuti Maria akanga amuona, havana kuzvitenda.

12 Shure kwaizvozvo Jesu akaonekwazve neimwe nzira navaviri vavo pavakanga vachifamba kuruwa.

13 Ava vakadzoka vakandozivisa vakasara; asi naivowo havana kuvatenda.

14 Mushure maizvozvo Jesu akazviratidza kuna vane gumi nomumwe pavakanga vachidya; akavatsiura pamusoro pokusatenda kwavo uye nokusindimara kwemwoyo yavo pakuramba kutenda vaya vakanga vamuona mushure mokumuka kwake.

15 Akati kwavari, “Endai munyika yose muparidze vhangeri kuzvisikwa zvose.

16 Ani naani anotenda uye akabhabhatidzwa achaponeswa, asi asingatendi achatongwa.

17 Uye zviratidzo izvi zvichatevera vanotenda: Vachadzinga mweya yakaipa muzita rangu, vachataura nendimi itsva;

18 vachabata nyoka namaoko avo, uye kunyange vakanwa muchetura unouraya haungavakuvadzi napaduku; vachaisa maoko avo pamusoro pavarwere, uye vachapora.”

19 Mushure mokunge Ishe Jesu ataura kwavari, akatorwa akakwidzwa kudenga uye akandogara kuruoko rworudyi rwaMwari.

20 Ipapo vadzidzi vakabuda vakandoparidza kwose kwose, uye Ishe akashanda navo uye akasimbisa shoko rake nezviratidzo zvakatevera.

Mateo 1

Nhoroondo yaMadzitateguru aJesu

1 Iyi ndiyo nhoroondo yamadzitateguru aJesu Kristu mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waAbhurahama:

2 Abhurahama aiva baba vaIsaka,

Isaka baba vaJakobho,

Jakhobho baba vaJudha namadzikoma ake, navanun’una vake,

3 Judha baba vaPerezi naZera,

mai vake vaiva Tamari,

Perezi baba vaHezironi,

Hezironi baba vaRamu,

4 Ramu baba vaAminadhabhu,

Aminadhabhu baba vaNashoni,

Nashoni baba vaSarimoni,

5 Sarimoni baba vaBhoazi,

mai vake vari Rahabhu,

Bhoazi baba vaObhedhi, mai vake vari Rute,

Obhedhi baba vaJese,

6 naJese baba vamambo Dhavhidhi.

Dhavhidhi aiva baba vaSoromoni, mai vake ndivo vaimbova mukadzi waUria.

7 Soromoni baba vaRehobhoamu,

Rehobhoamu baba vaAbhija,

Abhija baba vaAsa,

8 Asa baba vaJehoshofati,

Jehoshafati baba vaJehoramu,

Jehoramu baba vaUzia,

9 Uzia baba vaJotamu,

Jotamu baba vaAhazi,

Ahazi baba vaHezekia.

10 Hezekia baba vaManase,

Manase baba vaAmoni,

Amoni baba vaJosia,

11 naJosia baba vaJekonia navanun’una vake panguva yavaiva muutapwa muBhabhironi.

12 Vabva kuutapwa kuBhabhironi:

Jekonia aiva baba vaShearitieri,

Shearitieri baba vaZerubhabheri,

13 Zerubhabheri baba vaAbhiudhi,

Abhiudhi baba vaEriakimu,

Eriakimu baba vaAzori.

14 Azori baba vaZadhoki,

Zadhoki baba vaAkimu,

Akimu baba vaEriudhi,

15 Eriudhi baba vaEreazari,

Ereazari baba vaMatani,

Matani baba vaJakobho.

16 Jakobho baba vaJosefa, uyo aiva murume waMaria, uyo akabereka Jesu, anonzi Kristu.

17 Nokudaro kwaiva nezvizvarwa gumi nezvina pamwe chete kubvira pana Abhurahama kusvika pana Dhavhidhi, zvizvarwa gumi nezvina kubva pana Dhavhidhi kusvika pakutapwa kwavo vachiendwa navo kuBhabhironi, zvizvarwa gumi nezvina kubva pakudzoka kwavo kuutapwa kusvika panguva yaKristu.

Kuberekwa kwaJesu Kristu

18 Uku ndiko kuberekwa kwakaitwa Jesu Kristu: Maria, mai vake vainge vatsidzirwa kuroorwa naJosefa, asi vasati vagara vose, achiri mhandara, akaonekwa ava napamuviri nokuda kwaMweya Mutsvene.

19 Asi nokuda kwokuti Josefa akanga ari munhu akarurama akafunga zvokumuramba chinyararire, asingamunyadzisi pavazhinji.

20 Asi achiri kufunga nezvenyaya iyi, mutumwa waIshe akauya kwaari mukurota akasvikoti, “Josefa, mwana waDhavhidhi, usatya kutora Maria somukadzi wako nokuti pamuviri paava napo akapabata nokuda kwesimba raMweya Mutsvene.

21 Achava nomwana mukomana wauchazotumidza zita rokuti Jesu nokuti ndiye achaponesa vanhu vake kubva muzvivi zvavo.”

22 Izvi zvose zvakaitika kuti zvizadzise zvakanga zvataurwa naIshe kubudikidza navaprofita vake zvokuti:

23 “Mhandara ichava napamuviri, igozvara mwana mukomana, uye vachamutumidza zita rokuti Emanueri, zvichireva kuti, ‘Mwari anesu.’ ”

24 Josefa paakapepuka, akaita sezvaakanga arayirwa nomutumwa waIshe, uye akatora Maria somukadzi wake,

25 asi haana kusangana naye kusvikira azvara mwana mukomana. Akamutumidza zita rokuti Jesu.

Mateo 2

Kushanya kwaVachenjeri

1 Mushure mokuberekwa kwaJesu muBheterehema reJudhea munguva yaMambo Herodhi, vachenjeri vaibva kumabvazuva vakasvika muJerusarema,

2 uye vakabvunza vakati, “Aripiko uyo achangoberekwa anova mambo wavaJudha? Takaona nyeredzi yake kumabvazuva, uye tauya kuzomunamata.”

3 Mambo Herodhi akati achinzwa izvi, akatambudzika kwazvo pamwe chete neJerusarema rose.

4 Kuzoti akakokera pamwe chete vaprista navadzidzisi vomutemo, akavabvunza kwaizoberekerwa Kristu.

5 Vakapindura vachiti, “MuBheterehema reJudhea nokuti izvi ndizvo zvakanyorwa nomuprofita achiti:

6 “Asi iwe Bheterehema, munyika

yeJudhea hausi muduku

pamadzimambo ose aJudha,

nokuti mauri muchabuda mutongi uyo

achava mufudzi wavanhu vangu vaIsraeri.”

7 Ipapo Herodhi akadana Vachenjeri pakavanda akavabvunzisisa nguva chaiyo yainge yaonekwa nyeredzi.

8 Akavatuma kuBheterehema akati, “Endai mundotsvakisisa mwana uyu. Kana muchinge mamuwana, mugondizivisawo kuitira kuti neniwo ndigoenda kundomunamata.”

9 Mushure mokunge vanzwa zvainge zvataurwa naMambo, vakapfuurira mberi norwendo rwavo, uye nyeredzi yavakanga vaoona kumabvazuva yakavatungamirira kusvikira yandomira panzvimbo paiva nomwana.

10 Pavakaona nyeredzi, vakafara kwazvo.

11 Vakati vasvika pamba apa, vakaona mwana namai vake Maria, uye vakakotamira pasi vakamunamata. Vakasunungura pfuma yavo vakapa zvipo zvegoridhe, nezvinonhuwira nemura.

12 Uye vakati vayambirwa mukurota kuti vasadzokera nokuna Herodhi, vakadzokera kwavo neimwe nzira.

Kutizira kuIjipiti

13 Zvino kuzoti vaenda, mutumwa waShe akazviratidza kuna Josefa mukurota, akati, “Kurumidza kutora mwana namai vake mutizire kuIjipiti. Mugareko kusvikira ndakuudzai, nokuti Herodhi achatsvaka mwana uyu kuti amuuraye.”

14 Saka akabva amuka ndokutora mwana namai vake usiku akatizira kuIjipiti,

15 kwaakandogara kusvikira Herodhi afa. Saizvozvo zvakazadziswa zvakanga zvataurwa naShe kubudikidza nomuprofita achiti, “Ndakadana mwanakomana wangu kubva kuIjipiti.”

16 Kuzoti Herodhi aziva kuti vachenjeri vaya vainge vamunyengera, akashatirwa kwazvo, ndokubva arayira kuti vana vechikomana vose vaiva muBheterehema nomunzvimbo yakapoteredza vaiva namakore maviri zvichidzika vaurayiwe, maererano nenguva yaakanga audzwa naVachenjeri.

17 Ipapo zvakarehwa kubudikidza nomuprofita Jeremia zvakazadziswa, zvinoti:

18 “Inzwi rakanzwikwa muRama

rokuchema nokuungudza kukuru,

Rakeri achichema vana vake,

uye achiramba kunyaradzwa nokuti havachipo.”

Vanodzokera kuNazareta

19 Mushure mokufa kwaHerodhi, mutumwa waShe akazviratidza kuna Josefa muIjipiti mukurota

20 akati, “Tora mwana namai vake mudzokere kunyika yeIsraeri nokuti vaya vaida kuuraya mwana vakafa.”

21 Saka akasimuka akatora mwana namai vake akaenda kunyika yeIsraeri.

22 Asi paakanzwa kuti Arikerao akanga otonga muJudhea panzvimbo yababa vake Herodhi, akatya kuendako. Akati ayambirwa mukurota, akabva aenda kudunhu reGarirea,

23 uye akaenda akandogara muguta rainzi Nazareta. Izvi zvakabva zvazadzisa zvakarehwa kubudikidza navaprofita zvichinzi, “Achanzi muNazareta.”

Mateo 3

Johani Mubhabhatidzi anogadzira nzira

1 Mumazuva iwayo Johani Mubhabhatidzi akauya achiparidza murenje reJudhea,

2 achiti, “Tendeukai, nokuti umambo hwokudenga hwava pedyo.”

3 Uyu ndiye akataurwa kubudikidza nomuprofita Isaya zvichinzi:

“Inzwi rounodanidzira murenje richiti,

‘Gadzirai nzira yaShe,

ruramisai migwagwa yake.’ ”

4 Nguo dzaJohani dzakanga dzakagadzirwa nemvere dzengamera uye akanga akasunga bhanhire redehwe muchiuno chake. Zvokudya zvake zvaiva mhashu nouchi.

5 Vanhu vakabuda vakaenda kwaari vachibva muJerusarema nomuJudhea yose nomudunhu rose reJorodhani.

6 Vachireurura zvivi zvavo vakabhabhatidzwa naye murwizi rweJorodhani.

7 Asi paakaona vaFarisi navaSadhusi vachiuya kwaaibhabhatidzira akati kwavari, “Imi vana venyoka! Ndiani akakuyambirai kuti mutize kutsamwa kuchauya?

8 Berekai zvibereko zvakafanira kutendeuka.

9 Uye musafunga kuti mungati, ‘Tina Abhurahama sababa vedu.’ Ndinokuudzai kuti Mwari anogona kumutsa vamwe vana vaAbhurahama kubva pamabwe aya.

10 Demo ratoiswa pamidzi yemiti uye muti wose usingabereki zvibereko zvakanaka uchatemwa ugokandwa mumoto.

11 “Ini ndinokubhabhatidzai nemvura kuti mutendeuke. Asi shure kwangu kuchauya mumwe mukuru kwandiri, wandisina kukodzera kunyange kutakura shangu dzake. Achakubhabhatidzai noMweya Mutsvene nomoto.

12 Rusero rwuri muruoko rwake, uye achanatsa buriro rake, achiunganidza gorosi mudura, uye achizopisa hundi mumoto usingadzimi.”

Kubhabhatidzwa kwaJesu

13 Ipapo Jesu akabva kuGarirea akauya kuJorodhani kuti azobhabhatidzwa naJohani.

14 Asi Johani akaedza kumudzivisa achiti, “Ini ndini ndinotofanira kubhabhatidzwa nemi, imi mouya sei kwandiri?”

15 Jesu akati, “Ngazvive saizvozvo iye zvino; zvakafanirwa kuti tiite izvi kuti tizadzise kururama kwose.” Ipapo Johani akabvuma hake.

16 Jesu angobhabhatidzwa, akabuda mumvura. Panguva iyoyo denga rakazaruka, uye akaona Mweya waMwari uchiburuka senjiva uye ukasvikogara paari.

17 Inzwi rakabva kudenga richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wandinoda, wandinofarira.”

Mateo 4

Kuedzwa kwaJesu

1 Ipapo Jesu akatungamirirwa naMweya Mutsvene kurenje kuti andoedzwa nadhiabhori.

2 Mushure mokunge atsanya kwamazuva makumi mana nousiku huna namakumi mana, akanzwa nzara.

3 Muedzi akauya kwaari akasvikoti, “Kana uri Mwanakomana waMwari, rayira mabwe aya kuti ave chingwa.”

4 Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haararame nechingwa bedzi, asi neshoko rimwe nerimwe rinobva mumuromo waMwari.’ ”

5 Ipapo dhiabhori akamutora akaenda naye muguta dzvene uye akandomuita kuti amire pachiruvi chetemberi, akati,

6 “Kana uri Mwanakomana waMwari, zviwisire pasi, nokuti kwakanyorwa kuchinzi:

“Acharayira vatumwa vake pamusoro

pako uye vachakusimudza namaoko

avo kuti urege kugumburisa rutsoka rwako nebwe.”

7 Jesu akamupindura akati, “Kwakanyorwawo kuchinzi, ‘Usaedza Ishe Mwari wako.’ ”

8 Dhiabhori akamutorazve akaenda naye pamusoro pegomo refu kwazvo uye akamuratidza ushe hwose hwenyika nokubwinya kwahwo,

9 akati, “Zvose izvi ndichakupa kana ukandikotamira uye ukandinamata.”

10 Jesu akati kwaari, “Ibva pandiri Satani! Nokuti kwakanyorwa kuchinzi, ‘Namata Ishe Mwari wako uye umushumire iye oga.’ ”

11 Ipapo dhiabhori akamusiya, uye vatumwa vakauya vakamushandira.

Jesu anotanga kuparidza

12 Jesu akati anzwa kuti Johani akanga aiswa mutorongo, akadzokera kuGarirea.

13 Achibva kuNazareta, akaenda akandogara kuKapenaume, guta raiva pamahombekombe egungwa mudunhu reZebhuruni neNafutari,

14 kuti azadzise zvakarehwa nomuprofita Isaya achiti:

15 “Nyika yeZebhuruni nenyika yeNafutari,

nzira inoenda kugungwa, ichitevedza Jorodhani,

Garirea ravaHedheni,

16 vanhu vaigara murima vakaona chiedza chikuru;

kune avo vaigara munyika yomumvuri worufu,

chiedza chavhenekera.”

17 Kubva panguva iyoyo zvichienda mberi, Jesu akatanga kuparidza achiti, “Tendeukai nokuti umambo hwokudenga hwava pedyo.”

Kudanwa kwaVadzidzi Vokutanga

18 Jesu paakanga achifamba pedyo negungwa reGarirea, akaona varume vaviri, Simoni ainzi Petro nomunun’una wake Andirea. Vakanga vachikanda mambure avo mugungwa nokuti vaiva vabati vehove.

19 Jesu akati kwavari, “Uyai munditevere, uye ndichakuitai vabati vavanhu.”

20 Pakarepo vakabva vasiya mambure avo, vakamutevera.

21 Achibva ipapo, akaonazve vamwe varume vaviri vaiva mukoma nomunun’una, Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomunun’una wake Johani. Vakanga vari mugwa nababa vavo Zebhedhi vachigadzira mambure avo. Jesu akavadana,

22 uye pakarepo vakasiya igwa nababa vavo vakamutevera.

Jesu anoporesa vanorwara

23 Jesu akapota neGarirea rose achidzidzisa mumasinagoge avo nokuparidza nhau dzakanaka dzoumambo uye achiporesa hosha dzose nourwere hwose pakati pavanhu.

24 Mukurumbira wake wakapararira muSiria yose, uye vanhu vakauya kwaari navose vairwara nezvirwere zvakasiyanasiyana, avo vaitambudzwa namarwadzo akanyanya, vakanga vakabatwa namadhimoni, vaiva nezvipusha, nevakanga vakafa mitezo, uye akavaporesa.

25 Vanhu vazhinji kwazvo vaibva kuGarirea, Dhekapori, Jerusarema, Judhea nedunhu riri mhiri kweJorodhani vakamutevera.

Mateo 5

Mharidzo yaJesu paGomo

1 Zvino akati aona vanhu vazhinji, akakwira mugomo uye akagara pasi. Vadzidzi vake vakauya kwaari,

2 uye akatanga kuvadzidzisa achiti:

3 “Vakaropafadzwa varombo pamweya,

nokuti umambo hwokudenga ndohwavo.

4 Vakaropafadzwa vanochema

nokuti vachanyaradzwa.

5 Vakaropafadzwa vanyoro

nokuti vachagara nhaka yenyika.

6 Vakaropafadzwa avo vane nzara nenyota yokuita zvakarurama

nokuti vachagutswa kwazvo.

7 Vakaropafadzwa vane tsitsi

nokuti naivowo vachaitirwa tsitsi.

8 Vakaropafadzwa vakachena pamwoyo,

nokuti vachaona Mwari.

9 Vakaropafadzwa vanoyananisa

nokuti vachanzi vana vaMwari.

10 Vakaropafadzwa vanotambudzwa nokuda kwokururama

nokuti umambo hwokudenga ndohwavo.

11 “Makaropafadzwa imi kana vanhu vachikutukai, vachikutambudzai uye vachikupomerai zvakaipa zvose nokuda kwangu.

12 Farai mufarisise kwazvo nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga, nokuti nenzira imwe cheteyo vakatambudza vaprofita vakakutangirai.

Munyu neChiedza

13 “Imi muri munyu wenyika. Asi kana munyu usisavavi ungavaviswe nei? Hauchabatsiri chinhu, kunze kwokuti uraswe ugotsikwa zvawo navanhu.

14 “Imi muri chiedza chenyika. Guta riri pamusoro pegomo haringavanziki.

15 Uye vanhu havangatungidzi mwenje vagouisa pasi pedengu. Asi kutoti vanouisa pachigadziko kuti uvhenekere vose vari mumba.

16 Nenzira imwe cheteyo, chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu kuti vaone mabasa enyu akanaka, vagokudza Baba venyu vari kudenga.

Kuzadziswa kwoMurayiro

17 “Musafunga kuti ndakauya kuzoparadza Murayiro kana Vaprofita; handina kuuya kuzozviparadza asi kuzozvizadzisa.

18 Ndinokuudzai chokwadi, kuti kusvikira denga nenyika zvapfuura, hakuna vara duku sei kana chimwe chinhu chiduku sei chichabviswa paMurayiro, kusvikira zvose zvazadziswa.

19 Asi ani naani anotyora mumwe chete wemirayiro miduku iyi uye achizodzidzisawo vamwe kuita zvimwe chetezvo achanzi muduku muumambo hwokudenga. Asi ani naani anochengeta uye anodzidzisa mirayiro iyi, achanzi mukuru muumambo hwokudenga.

20 Nokuti ndinokuudzai zvirokwazvo kuti kana kururama kwenyu kukasapfuura kwavaFarisi nokwavadzidzisi vemirayiro, zvirokwazvo hamungapindi muumambo hwokudenga.

Kuuraya

21 “Makanzwa zvakataurwa kune vanhu vekare zvichinzi, ‘Usauraya uye ani naani anouraya achatongwa.’

22 Asi ini ndinokuudzai kuti ani naani anotsamwira hama yake achatongwa. Uyezve ani naani anoti, ‘Raka’ kuhama yake achamiswa pamberi pedare ravatongi. Asizve ani naani anoti kuhama yake, ‘Iwe benzi!’ achapara mhosva yokuti atongerwe moto wegehena.

23 “Naizvozvo kana wada kupa chipo chako paaritari, ukayeuka pakarepo kuti wakatadzira hama yako,

24 siya chipo chako ipapo pamberi pearitari. Tanga waenda undoyanana nehama yako, wozouya wopa chipo chako.

25 “Kurumidza kutenderana nomudzivisi wako uyo ari kukuendesa kudare. Ita izvi uchiri munzira naye, kana kuti angangokuisa kumutongi uye mutongi agokuisa kumutariri, uye ugokandwa mutorongo.

26 Ndinokuudzai chokwadi kuti haungabudimo kusvikira waripa kamari kokupedzisira.

Upombwe

27 “Makanzwa zvichinzi, ‘Usaita upombwe.’

28 Asi ini ndinoti kwamuri ani naani anotarisa mukadzi neziso roruchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.

29 Kana ziso rako rorudyi richikuita kuti utadze, ribvise urirase. Zviri nani kwauri kuti urasikirwe nomumwe mutezo womuviri wako pano kuti muviri wako wose ukandwe mugehena.

30 Uye kana ruoko rwako rworudyi ruchikuita kuti utadze, rucheke ururase. Zviri nani kwauri kuti urasikirwe nomumwe mutezo womuviri wako, pano kuti muviri wako wose uende kugehena.

Kurambana

31 “Zvakanzi, ‘Ani naani anoramba mukadzi wake anofanira kumupa gwaro rokurambana.’

32 Asi ndinokuudzai kuti ani naani anoramba mukadzi wake kunze kwemhosva yokusatendeka muwaniso anomuitisa upombwe, uye ani naani anowana mukadzi akarambwa anoita upombwe.

Mhiko

33 “Makanzwa zvakare zvichitaurwa kuvanhu vekare kare zvichinzi, ‘Usatyora mhiko dzako, asi zadzisa mhiko dzose dzaunenge waita kuna Ishe.’

34 Asi ndinokuudzai kuti, Musatongopika: kunyange nedenga nokuti ndiro chigaro chaMwari choumambo;

35 kana nenyika nokuti ndiyo chitsiko chetsoka dzake; kana Jerusarema nokuti ndiro guta raMambo Mukuru.

36 Uye usapika nomusoro wako nokuti haugoni kuita kuti bvudzi rimwe chete rive jena kana dema.

37 Hongu yako ngaingova ‘Hongu’, ne‘Kwete’ yako ive ‘Kwete’; zvimwe zvinopfuura izvi zvinobva kuno wakaipa.

Ziso neziso

38 “Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ziso rinotsiviwa neziso, uye zino rinotsiviwa nezino.’

39 Asi ndinokuudzai kuti, ‘Musadzivisa munhu akaipa. Kana munhu akakurova padama rorudyi, murinzire roruboshwewo.

40 Kana munhu akakukwirira kumatare achida kukutorera nguo yako, rega atorewo nejasi rako.

41 Kana munhu akakumanikidza kufamba mutunhu mumwe chete, famba naye miviri.

42 Kana munhu akakukumbira chinhu, mupe, uye usafuratira munhu anoda kukwereta kwauri.’

Rudo kuVavengi Venyu

43 “Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ida wokwako, uvenge muvengi wako.’

44 Asi ini ndinokuudzai kuti, ‘Idai vavengi venyu, mugonyengeterera avo vanokutambudzai,’

45 kuitira kuti mugova vana vaBaba venyu vari kudenga. Ivo vanoita kuti zuva ravo ribude pane vakaipa nevakanaka uye vanonayisa mvura yavo pane vakarurama nevasakarurama.

46 Kana mukangoda avo vanokudai, muchawana mubayiro wei? Vateresi havaiti zvimwe chetezvo here?

47 Kana muchingokwazisana nehama dzenyu bedzi, mungakunda vamwe pakudii? Ko, vasingatendi havaiti zvimwe chetezvo here?

48 Naizvozvo, ivai vakakwana, sezvo Baba venyu vari kudenga vari vakakwana.

Mateo 6

Kupa kuVarombo

1 “Chenjerai kuti murege kuita ‘mabasa enyu okururama’ pamberi pavanhu kuti muonekwe navo. Kana mukaita saizvozvo, hamuzovi nomubayiro kuna Baba venyu vari kudenga.

2 “Saka kana mopa kuna vanoshaya, musaridza hwamanda sezvinoitwa navanyengeri mumasinagoge nomumigwagwa kuti vakudzwe navanhu. Ndinokuudzai chokwadi kuti vatowana mubayiro wavo wakazara.

3 Asi kana wopa kuna vanoshaya ruoko rwako rworuboshwe ngarurege kuziva zviri kuitwa noruoko rwako rworudyi,

4 kuitira kuti kupa kwako kuve pakavanda. Ipapo Baba vako, vanoona zvinoitwa pakavanda, vachakupa mubayiro.

Kunyengetera

5 “Uye pamunonyengetera, musava savanyengeri nokuti vanofarira kunyengetera vamire mumasinagoge napamharadzano dzenzira kuti vaonekwe navanhu. Ndinokuudzai chokwadi kuti vatowana mubayiro wavo wakazara.

6 Asi paunonyengetera, pinda mumba mako, ugopfiga musiwo uye ugonyengetera kuna Baba vako avo vasingaonekwi. Ipapo Baba vako avo vanoona zvinoitwa pakavanda, vachakupa mubayiro.

7 Uye pamunonyengetera, musangoramba muchidzokorora zvimwe chetezvo sezvinoitwa navasingatendi nokuti vanofunga kuti vachanzwikwa nokuda kwamashoko avo mazhinji.

8 Musafanana navo nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoshayiwa musati mavakumbira.

9 “Zvino aya ndiwo manyengeterero amunofanira kuita:

“ ‘Baba vedu vari kudenga,

zita renyu ngarikudzwe,

10 umambo hwenyu ngahuuye,

kuda kwenyu ngakuitwe panyika

sezvinoitwa kudenga.

11 Tipei nhasi chingwa chedu chamazuva namazuva.

12 Tiregererei zvatinokutadzirai,

sezvatinoregererawo vanotitadzira isu.

13 Tibatsirei kuti tisapinda mukuedzwa,

uye mutinunure kubva kuno wakaipa.’

14 “Nokuti kana mukaregerera vanokutadzirai, Baba venyu vari kudenga vachakuregereraiwo.

15 Asi kana musingaregereri vamwe zvitadzo zvavo, Baba venyu havazokuregererai zvitadzo zvenyu.

Kutsanya

16 “Pamunotsanya, musaunyanisa zviso sezvinoita vanyengeri nokuti vanounyanisa zviso zvavo kuti vaonekwe navanhu kuti vari kutsanya. Ndinokuudzai chokwadi kuti vatowana mubayiro wavo wakazara.

17 Asi pamunotsanya, zorai mafuta mumisoro yenyu uye mugogeza kumeso kwenyu,

18 kuitira kuti zvirege kuonekwa navanhu kuti muri kutsanya, asi zvizivikanwe chete naBaba venyu avo vasingaonekwi. Uye Baba venyu vanoona pakavandika, vachakupai mubayiro.

Pfuma yoKudenga

19 “Musazviunganidzira pfuma panyika, pane zvipfukuto nengura zvinoparadza, uye pane mbavha dzinopaza dzichiba.

20 Asi zviunganidzirei pfuma kudenga uko kusina zvipfukuto nengura zvinoparadza, uye kusina mbavha dzinopaza dzichiba.

21 Nokuti apo pane pfuma yako ndipo pane mwoyo wakowo.

22 “Ziso ndiwo mwenje womuviri. Kana maziso ako akanaka, muviri wako wose uchava nechiedza.

23 Asi kana maziso ako akaipa muviri wako wose uchange uzere nerima. Zvino kana chiedza chiri mauri riri rima, richange riri rima rakakura zvakadii!

24 “Hapana angakwanise kushandira vatenzi vaviri. Achavenga mumwe uye agoda mumwe, kana kuti achazvipira kushandira mumwe uye agozvidza mumwe. Haungashandire zvose Mwari neMari.

Musafunganya

25 “Naizvozvo ndinokutaurirai kuti, musafunganya nezvoupenyu hwenyu, kuti muchadyei kana kuti muchanwei, kana nezvemiviri kuti muchapfekei. Ko, upenyu hausi hwakakosha here kudarika zvokudya, nomuviri kudarika nguo?

26 Tarirai shiri dzinobhururuka, hadzidyari kana kukohwa kana kuisa zvokudya mumatura, asi Baba venyu vari kudenga vanodzipa zvokudya. Imi hamuna kukosha kudzipfuura nokure kwazvo here?

27 Ndiani pakati penyu angawedzera awa imwe chete paupenyu hwake nokuda kwokufunganya?

28 “Ko, munofunganyirei pamusoro pezvokupfeka? Tarirai kuti maruva esango anokura sei? Haashandi kana kuruka.

29 Asi ndinokuudzai kuti kunyange naSoromoni mukubwinya kwake kwose, haana kumboshonga serimwe ramaruva aya.

30 Zvino kana Mwari achishongedza saizvozvo uswa hwesango huripo nhasi uye mangwana huchizokandwa mumoto, haangakushongedzei kupfuura izvi here, imi vokutenda kuduku?

31 Naizvozvo musafunganya muchiti, ‘Tichadyei?’ kana kuti, ‘Tichanwei?’ kana ‘Tichapfekei?’

32 Izvi ndizvo zvinoitwa navahedheni, nokuti Baba venyu vari kudenga vanoziva kuti munoda zvinhu izvi.

33 Asi tangai kutsvaka umambo hwake nokururama kwake, uye zvinhu zvose izvi zvichapiwawo kwamuri.

34 Naizvozvo musafunganya nezvamangwana nokuti mangwana achazvifunganyira zvawo. Zuva rimwe nerimwe rine nhamo dzaro dzakarikwanira.

Mateo 7

Kutonga vamwe

1 “Usatonga kuti newewo urege kutongwa.

2 Nokuti nzira yaunotonga nayo vamwe ndiyo yauchatongwa nayo, uye chiero chaunoshandisa ndicho chichashandiswa kwauri.

3 “Unotarisirei kabanzu kari muziso rehama yako, asi usina hanya nepuranga riri muziso rako?

4 Ungati sei kuhama yako, ‘Rega ndibvise kabanzu kari muziso rako,’ asi iwe nguva dzose uine puranga riri muziso rako?

5 Iwe munyengeri, tanga wabvisa puranga riri muziso rako, ipapo unozoona zvakanaka kuti ukwanise kubvisa kabanzu kari muziso rehama yako.

6 “Musapa imbwa zvinhu zvitsvene, uye musakanda maparera enyu kunguruve. Kana mukadaro, dzinogona kuatsikatsika pasi petsoka dzadzo, uye ipapo dzikazokutendeukirai dzokubvamburabvamburai.

Kumbirai, Tsvakai, Gogodzai

7 “Kumbirai mugopiwa, tsvakai mugowana, gogodzai mugozarurirwa.

8 Nokuti munhu wose anokumbira anopiwa, anotsvaka anowana; uye anogogodza anozarurirwa musiwo.

9 “Ndiani pakati penyu angati kana mwanakomana wake akamukumbira chingwa, omupa ibwe?

10 Kana kuti akakumbira hove iye omupa nyoka?

11 Zvino imi, kunyange zvenyu makaipa, muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu, Baba venyu vari kudenga vachapa zvipo zvakanaka sei kuna avo vanokumbira!

12 Saka muzvinhu zvose itirai vamwe zvamunoda kuti vakuitirei imi, nokuti uyu ndiwo Murayiro naVaprofita.

Suo Rakamanikana neSuo Rakapamhamha

13 “Pindai napasuo rakamanikana nokuti suo rakafara nenzira yakapamhamha zvinotungamirira kukuparadzwa, uye vazhinji vanopinda naro.

14 Asi suo duku nenzira yakamanikana ndizvo zvinotungamirira kuupenyu, uye vashoma chete, ndivo vanozviwana.

Muti nomuchero wawo

15 “Chenjererai vaprofita venhema, vanouya kwamuri vakapfeka matehwe emakwai asi mukati mavo vari mapere anoparadza.

16 Muchavaziva nemichero yavo. Vanhu vanganhonga mazambiringa pamuti weminzwa here, kana maonde parukato?

17 Saizvozvo muti wose wakanaka unobereka michero yakanaka, muti wakaipa unobereka michero yakaipa.

18 Muti wakanaka haungabereki michero yakaipa, nemuti wakaipa haungabereki michero yakanaka.

19 Muti wose usingabereki michero yakanaka unotemwa uye ugokandwa mumoto.

20 Naizvozvo muchavaziva nemichero yavo.

21 “Havasi vose vanoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe’ vachapinda muushe hwokudenga, asi uyo chete anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga.

22 Vazhinji pazuva iro vachati kwandiri, ‘Ishe, Ishe, ko, hatina kuprofita muzita renyuwo here, uye muzita renyu tikadzinga madhimoni, tikaita zvishamiso?’

23 Ipapo ndichavaudza pachena kuti, ‘Handina kutombokuzivai. Ibvai zvenyu pandiri, imi vaiti vezvakaipa!’

Muvaki Akachenjera noMuvaki Benzi

24 “Naizvozvo munhu anonzwa mashoko angu aya, uye akaaita, akafanana nemurume akachenjera uyo akavaka imba yake paruware.

25 Mvura yakanaya, nzizi dzikazara, uye dutu remhepo rakauya rikarova imba iya, asi haina kuputsika, nokuti hwaro hwayo hwaiva paruware.

26 Asi munhu wose anonzwa mashoko angu aya akasaaita, akafanana nomurume benzi akavakira imba yake mujecha.

27 Mvura yakanaya, nzizi dzikazara, uye dutu remhepo rakauya rikarova imba iya uye ikawa nokuwa kukuru.”

28 Jesu akati apedza kutaura zvinhu izvi vazhinji vaivapo vakashamiswa nokudzidzisa kwake,

29 nokuti akadzidzisa somunhu aiva nesimba kwete samadzidzisiro aitwa navadzidzisi vavo vomurayiro.

Mateo 8

Murume aiva namaperembudzi

1 Akati aburuka kubva mugomo, vanhu vazhinji vakamutevera.

2 Mumwe murume aiva namaperembudzi akauya akasvikopfugama paari akati, “Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.”

3 Jesu akatambanudza ruoko rwake akabata murume uya akati, “Ndinoda. Chinatswa!” Pakarepo akabva aporeswa maperembudzi ake.

4 Ipapo Jesu akati kwaari, “Ona kuti hapana waunotaurira uye ugopa chipo chakarayirwa naMozisi sechapupu kwavari.”

Kutenda kwoMukuru weZana

5 Jesu akati apinda muKapenaume, mukuru wezana akauya kwaari achikumbira rubatsiro.

6 Akasvikoti, “Ishe, muranda wangu arere kumba, akafa mitezo, uye ari kurwadziwa zvikuru.”

7 Jesu akati kwaari, “Ndichauya kuzomuporesa.”

8 Mukuru wezana akapindura akati, “Ishe, handina kukodzera kuti imi mupinde mumba mangu. Asi ingotaurai henyu shoko, uye muranda wangu achapora.

9 Nokuti ini pachangu ndiri munhu anorayirwa, ndine varwi pasi pangu. Ndinoudza uyu kuti, ‘Enda,’ achienda; neuyo ndichimuti, ‘Uya,’ achiuya. Ndinoti kumuranda wangu, ‘Ita izvi,’ achizviita.”

10 Jesu akati anzwa izvi, akashamiswa akati kuna avo vaimutevera, “Ndinokuudzai chokwadi, handisati ndaona munhu ane rutendo rwakadai muIsraeri.

11 Ndinoti kwamuri, vazhinji vachabva kumabvazuva nokumadokero uye vachagara panzvimbo dzavo pamutambo pamwe chete naAbhurahama, Isaka naJakobho muumambo hwokudenga.

12 Asi vadyi venhaka youshe vachakandwa kunze, kurima uko kuchava nokuchema nokurumanya kwameno.”

13 Ipapo Jesu akati kumukuru wezana, “Enda! Zvichaitika sokutenda kwawaita.” Muranda wake akabva apora panguva iyoyo.

Jesu anoporesa vazhinji

14 Jesu akati apinda mumba maPetro, akasvikowana mai vomukadzi waPetro varere vachirwara nefivha.

15 Akabata ruoko rwavo fivha ndokubva yapera, uye vakasimuka ndokubva vatanga kumushandira.

16 Ava madekwana, vazhinji vakanga vakabatwa namadhimoni vakauyiswa kwaari, uye akadzinga mweya iyoyo neshoko akaporesa vose vairwara.

17 Izvi zvaizadzisa zvakanga zvataurwa kubudikidza nomuprofita Isaya zvichinzi: “Akatakura kurwadziwa kwedu kwose uye akatakura zvirwere zvedu zvose.”

Mutengo wokutevera Jesu

18 Jesu akati aona vanhu vazhinji vakamukomberedza akarayira kuti vayambuke vaende kune rimwe divi regungwa.

19 Ipapo mumwe mudzidzisi womurayiro akauya kwaari akati, “Mudzidzisi, ndichakuteverai kwose kwamunoenda.”

20 Jesu akapindura achiti, “Makava ane mwena yawo, shiri dzina matendere adzo, asi Mwanakomana woMunhu haana paangatsamidza musoro wake.”

21 Mumwewo mudzidzi akati, “Ishe chimboregai nditange ndambonoviga baba vangu.”

22 Asi Jesu akati kwaari, “Nditevere, rega vakafa vavige vakafa vavo.”

Jesu anonyaradza dutu

23 Ipapo akapinda muigwa uye vadzidzi vake vakamutevera.

24 Pakarepo, dutu guru rakamuka pagungwa zvokuti mafungu egungwa akapfachukira pamusoro peigwa. Asi Jesu akanga avete.

25 Vadzidzi vakaenda vakandomumutsa vachiti, “Ishe, tiponesei! Tava kunyura!”

26 Akavapindura achiti, “Imi vorutendo ruduku, munotyireiko kudai?” Ipapo akasimuka akatsiura mhepo namafungu uye kukadzikama kwazvo.

27 Varume ava vakashamiswa uye vakabvunza vachiti, “Munhu akaita seiko uyu? Kunyange mhepo namafungu zvinomuteerera!”

Kuporeswa kwavarume vaviri vakanga vakabatwa namadhimoni

28 Akati asvika mhiri kunyika yavaGadhara, akasangana navarume vaviri vakanga vakabatwa namadhimoni. Varume ava vaiva nehasha zvokuti hapana munhu aigona kupfuura naikoko.

29 Vakadanidzira vachiti, “Munodeiko kwatiri, Mwanakomana waMwari? Mauya kuzotirwadzisa here iyo nguva yakatarwa isati yasvika?”

30 Nechokure navo, kwakanga kune boka guru renguruve rakanga richifura.

31 Madhimoni akakumbirisa Jesu achiti, “Kana mukatidzinga, titumirei muboka renguruve.”

32 Akati kwaari, “Endai!” Ipapo akabuda akandopinda munguruve, uye boka rose rakamhanya richidzika kumawere amahombekombe rikasvikowira mugungwa dzichibva dzafira mumvura.

33 Vaya vakanga vachifudza nguruve vakamhanya vakandopinda muguta vakandotaura zvose izvi, kusanganisira nezvakanga zvaitika kuvarume vaya vakanga vane madhimoni.

34 Ipapo guta rose rakabuda rikandosangana naJesu. Uye vakati vamuona, vakamukumbirisa kuti abve munyika yavo.