Obhadhia 1

1 Zvakaratidzwa Obhadhia. Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro peEdhomu—

Takanzwa shoko rakabva kuna Jehovha richiti: Nhume yakatumwa kundudzi kuti indotaura ichiti, “Simukai, tiende tindorwa hondo naye”–

2 “Tarirai, ndichakudukupisai pakati pendudzi; muchamhurwa zvachose.

3 Kuzvikudza kwemwoyo yenyu kwakakunyengerai, iyemi mugere mumikaha yamatombo muchiita kwakakwirira misha yenyu, imi munoti mumwoyo yenyu, ‘Ndianiko angandiburutsira pasi?’

4 Kunyange mukabhururuka segondo mukaruka dendere renyu pakati penyeredzi, kubva ipapo ndichakukandai pasi,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

5 “Kana mbavha dzikauya kwamuri, kana makororo usiku– Haiwa, muchaparadzwa zvakadiniko– havaizoba kusvikira pavanoda here? Dai vatanhi vamazambiringa vaiuya kwamuri, ko, havaizosiya mazambiringa mashoma here?

6 Asi Esau achasiyiwa seiko asina chinhu, pfuma yake yakavigwa ichatorwa!

7 Vose vaiva nesungano newe vachakumanikidza kusvikira kumuganhu; shamwari dzako dzichakunyengera dzigokukunda; vanodya zvokudya zvako vachakuisira musungo, asi haungazvizivi.

8 “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “handingazoparadzi vachenjeri veEdhomu, varume vazere nokunzwisisa pakati pamakomo eEdhomu here?

9 Mhare dzako, iwe Temani, dzichavhunduka, uye vose vari mumakomo aEsau vachaparara pakuurayiwa ikoko.

10 Nokuda kwokuti wakarwisa munun’una wako Jakobho, uchafukidzwa nenyadzi; uchaparadzwa nokusingaperi.

11 Zuva iro makamira kure, vatorwa pavakatakura pfuma yake vakaenda nayo, uye vabvakure vakapinda mumasuo ake, vakakanda mijenya pamusoro peJerusarema, iwe wakaita somumwe wavo.

12 Haufaniri kutarisira munun’una wako pasi, pazuva rokushayiwa kwake, kana kufara pamusoro pavanhu veJudha, pazuva rokuparadzwa kwavo, kana kuzvikudza zvakanyanya pazuva rokutambudzika kwavo.

13 Hamufaniri kufamba napamasuo avanhu vangu, pazuva renjodzi yavo, kana kuvatarisira pasi vava munjodzi, pazuva renjodzi yavo, kana kuvatorera pfuma yavo pazuva renhamo yavo.

14 Hamufaniri kumira pamharadzano dzenzira, kuti muuraye vanotiza vavo, kana kuisa vakasara vavo kuvavengi vavo, pazuva rokutambudzika kwavo.

15 “Zuva raJehovha rava pedyo kundudzi dzose. Sezvamakaita, ndizvo zvichaitwawo kwamuri; mabasa enyu achadzokera pamisoro yenyu chaiyo.

16 Sezvamakanwa pagomo rangu dzvene, saizvozvowo ndudzi dzose dzicharamba dzichingonwa; dzichanwa nokunwa dzikaita sedzisina kumbovapo.

17 Asi paGomo reZioni pachava nokununurwa; richava dzvene, uye imba yaJakobho ichadzoserwa nhaka yayo.

18 Imba yaJakobho ichava moto, uye imba yaJosefa murazvo womoto; imba yaEsau ichava mashanga, uye vachaipisa nomoto vagoipedza. Hakuzovi navanopona muimba yaEsau.” Jehovha ataura izvozvo.

19 Vanhu vanobva kuNegevhi vachagara mumakomo aEsau, uye vanhu vanobva munyasi mezvikomo vachatora nyika yavaFiristia kuti ive yavo. Vachatora minda yaEfuremu pamwe chete neSamaria, kuti zvive zvavo, uye Benjamini achatora Gireadhi kuti ive yake.

20 Ungano iyi yavaIsraeri vakadzingwa vagere muKenani ichatora nyika kusvikira kuZarefati; vakadzingwa kubva muJerusarema vagere muSefaradhi vachatora maguta eNegevhi.

21 Vaponesi vachakwira pamusoro peGomo reZioni, kuti vandotonga makomo aEsau. Uye ushe huchava hwaJehovha.

Amosi 1

1 Mashoko aAmosi mumwe wavafudzi veTekoa, zvaakaona pamusoro peIsraeri makore maviri kudengenyeka kwenyika kusati kwaitika, Uzia paakanga ari mambo weJudha uye Jerobhoamu mwanakomana waJoashi ari mambo weIsraeri.

2 Akati, “Jehovha anoomba ari paZioni uye anotinhira ari paJerusarema; mafuro avafudzi anooma, pamusoro peKarimeri panosvava.”

Vavakidzani veIsraeri vanotongwa

3 Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yezvivi zvitatu zveDhamasiko, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti vakapura Gireadhi nemipuro ina meno amatare,

4 ndichatumira moto paimba yaHazaeri uchaparadza nhare dzaBheni Hadhadhi.

5 Ndichavhuna suo reDhamasiko; ndichaparadza mambo agere mumupata weAvheni uye nouyo akabata tsvimbo youshe muBheti Edheni. Vanhu veAramu vachaenda muutapwa kuKiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

6 Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yezvivi zvitatu zveGaza, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti vakatapa rudzi rwose uye vakavatengesa kuEdhomu,

7 ndichatuma moto pamusoro pamasvingo eGaza uchaparadza nhare dzake.

8 Ndichaparadza mambo weAshidhodhi uye nouyo akabata tsvimbo youshe muAshikeroni. Ndichatambanudzira ruoko rwangu kuti ndirwise Ekironi kusvikira vaFiristia vose vapera kufa,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

9 Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yezvivi zvitatu zveTire, kunyange zvina handingadzori hasha dzangu. Nokuti akatengesera Edhomu rudzi rwose savatapwa, vakasacherechedza sungano youkama,

10 ndichatuma moto pamasvingo eTire, uchaparadza nhare dzake.”

11 Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaEdhomu, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti akadzinganisa munun’una wake nomunondo, akaramba kumunzwira tsitsi, nokuti kutsamwa kwake kwakaramba kwakangodaro, uye hasha dzake dzakapfuta, hadzina akadzimika,

12 ndichatuma moto pamusoro peTemani uchaparadza nhare dzeBhozira.”

13 Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaAmoni, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti akatumbura vakadzi vane mimba veGireadhi, kuti awedzere miganhu yake,

14 ndichatungidza moto pamasvingo eRabha uchaparadza nhare dzaro, pakati pemheremhere yehondo pazuva rokurwa, pakati pemhepo huru nezuva redutu.

15 Mambo wake achaenda muutapwa, iye namakurukota ake pamwe chete,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Amosi 2

1 Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaMoabhu, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti akapisa, kuita madota, mapfupa amambo weEdhomu.

2 Ndichatuma moto pamusoro paMoabhu uchaparadza nhare dzeKerioti. Moabhu achawira pasi mubope guru pakati pemheremhere yehondo, nokurira kwehwamanda.

3 Ndichaparadza mutongi wake uye ndichauraya makurukota ake pamwe chete naye,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

4 Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaJudha, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti vakaramba murayiro waJehovha uye havana kuchengeta mitemo yake, nokuti vakatsauswa mukurasika navamwari venhema, vamwari vakateverwa namadzitateguru avo,

5 ndichatuma moto pamusoro peJudha, uchaparadza nhare dzeJerusarema.

Israeri inotongwa

6 Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaIsraeri, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Vanotengesa vakarurama kuti vawane sirivha, navanoshayiwa kuti vawane shangu.

7 Vanotsika-tsika pamisoro yavarombo savanotsika paguruva, uye vanoshayisa vakadzvinyirirwa kururamisirwa. Baba nomwanakomana vanorara nomusikana mumwe chete, nokudaro vanosvibisa zita rangu dzvene.

8 Vanovata pasi parutivi pearitari imwe neimwe panguo dzakatorwa norubatso. Mumba yamwari wavo vanonwa waini yakatorwa somuripo.

9 “Ndakaparadza Amori pamberi pavo, kunyange akanga akareba somusidhari uye akasimba somuouki. Ndakaparadza zvibereko zvake kumusoro nemidzi yake pasi.

10 “Ndakakubudisa kubva muIjipiti, ndikakutungamirira kwamakore makumi mana murenje, kuti ndikupe nyika yavaAmori.

11 Ndakamutsawo vaprofita kubva pakati pavanakomana venyu, navaNaziri kubva pakati pamajaya enyu. Ichi hachisi chokwadi here, nhai vanhu veIsraeri?” ndizvo zvinotaura Jehovha.

12 “Asi makaita kuti vaNaziri vamwe waini uye mukarayira vaprofita kuti varege kuprofita.

13 “Zvino ipapo ndichakupwanyai sokupwanya kunoita ngoro izere nezviyo.

14 Vanomhanya kwazvo havangapunyuki, vakasimba havangazovi nesimba ravo, uye murwi haangazoponesi upenyu hwake.

15 Anopfura nemiseve haangazoramba amire, murwi anogona kumhanya haangapunyuki, uye mutasvi webhiza haangazoponesi upenyu hwake.

16 Kunyange mhare dzakashinga dzichatiza dzisina nguo pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Amosi 3

Zvapupu zvinodaidzwa kuti zvizopomera Israeri mhosva

1 Inzwai shoko iri rakataurwa naJehovha pamusoro penyu, imi vanhu veIsraeri, pamusoro pemhuri yose yandakabudisa kubva muIjipiti:

2 “Ndimi moga vandakasarudza pamhuri dzose dzapanyika; naizvozvo ndichakurangai nokuda kwezvivi zvenyu zvose.”

3 Ko, vaviri vangafamba pamwe chete vasina kunge vatenderana here?

4 Ko, shumba ingaomba mudondo isina chayaruma here? Ko, ingarira mubako rayo isina chayabata here?

5 Ko, shiri ingawira pasi mumusungo pasina kuteyiwa rugombe here? Ko, musungo ungaurukira kumusoro pasina chawabata here?

6 Hwamanda ingarira muguta, vanhu vakasatya here? Njodzi painowira guta, ko, haazi Jehovha anenge azviita here?

7 Zvirokwazvo, Ishe Jehovha haaiti chinhu asina kuzivisa varanda vake, vaprofita, zvakavanzika zvake.

8 Shumba yaomba, ndiani angarega kutya? Ishe Jehovha ataura, ndiani angarega kuprofita?

9 Paridzirai nhare dzeAshidhodhi nenhare dzeIjipiti muchiti: “Unganai pamakomo eSamaria; onai kusagadzikana kukuru kuri mukati maro, noudzvinyiriri huri pakati pavanhu varo.”

10 “Havazivi kuita zvakarurama,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ivo vanounganidza zvakapambwa nezvakabiwa munhare dzaro.”

11 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, “Muvengi achatora nyika; achawisira pasi nzvimbo dzako uye achapamba nhare dzako.”

12 Zvanzi naJehovha, “Mufudzi sezvaanobvuta pamuromo weshumba mapfupa maviri amakumbo chete kana chipandi chenzeve, vaIsraeri vachaponeswa saizvozvowo, avo vanogara muSamaria pamicheto yemibhedha yavo, nomuDhamasiko pazvigaro zvavo.”

13 “Inzwai izvi, mugopupura pamusoro peimba yaJakobho,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, Mwari Wamasimba Ose.

14 “Pazuva randicharanga Israeri nokuda kwezvivi zvayo, ndichaparadza aritari dzeBheteri; nyanga dzearitari dzichaparadzwa uye dzichawira pasi.

15 Ndichaparadza imba yenguva yechando, pamwe chete neimba yenguva yechirimo; dzimba dzakashongedzwa nenyanga dzenzou dzichaparadzwa uye dzimba huru dzichaparadzwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Amosi 4

Israeri haina kudzokera kuna Mwari

1 Inzwai shoko iri, imi mhou dzeBhashani paGomo reSamaria, imi vakadzi vanodzvinyirira varombo uye vanopwanya vanoshayiwa muchiti kuvarume venyu, “Tiunzirei zvokunwa.”

2 Ishe Jehovha apika noutsvene hwake achiti, “Zvirokwazvo nguva ichasvika yamuchatorwa nezvikokovono, vokupedzisira pakati penyu nezviredzo.

3 Muchabuda pakarepo mumwe nomumwe, napakakoromoka masvingo, uye mucharasirwa kunze makananga kuHamoni,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

4 “Endai kuBheteri mundotadza; endai kuGirigari mundowedzera kutadza kwenyu. Uyai nezvibayiro zvenyu mangwanani namangwanani, zvegumi zvenyu mushure mamakore matatu.

5 Pisai chingwa chine mbiriso sechibayiro chokuvonga muzvirumbidze pamusoro pezvipiriso zvenyu zvokungopa, zvirumbidzei nazvo, imi vaIsraeri, nokuti izvi ndizvo zvamunofarira kuita,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

6 “Ndakakupai matumbu asina chinhu mumaguta makuru ose uye ndikakushayisai chingwa mumaguta maduku ose, kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

7 “Ndakamisawo mvura kuti isanaya kwasara mwedzi mitatu kuti mukohwe. Ndakatumira mvura kuguta rimwe chete ndikasanayisa kune rimwe. Mumwe munda wakawana mvura mumwe wakashayiwa uye ukaoma.

8 Vanhu vakadzedzereka vachibva kune rimwe guta vachienda kune rimwe kundotsvaka mvura, asi havana kuwana yaivaringana kuti vanwe, kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

9 “Kakawanda kwazvo ndakarova mapindu neminda yenyu yemizambiringa, ndakairova nechirwere nokuvhuvha. Mhashu dzakaparadza mionde nemiti yenyu yemiorivhi, kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

10 “Ndakatumira hosha pakati penyu sezvandakaita kuIjipiti. Ndakauraya majaya enyu nomunondo, pamwe chete namabhiza enyu akapambwa. Ndakazadza mhino dzenyu nokunhuwa kwemisasa yenyu, asi hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

11 “Ndakaparadza vamwe venyu sokuparadza kwandakaita Sodhomu neGomora. Makanga makaita sorukuni runotsva, rwabviswa mumoto, asi hamuna kudzokera kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

12 “Naizvozvo izvi ndizvo zvandichaita kwauri, Israeri, uye nokuti ndichaita izvi kwauri, gadzirira kusangana naMwari wako, iwe Israeri.”

13 Iye anoita makomo, ndiye anosika mhepo, ndiyezve anozivisa pfungwa dzake kumunhu, Iye anoshandura mangwanani akava rima, anotsika panzvimbo dzakakwirira dzenyika, Jehovha Mwari Wamasimba Ose ndiro zita rake.

Amosi 5

Kuungudza nokudanidzira kuti vanhu vatendeuke

1 Inzwai shoko iri, imi imba yaIsraeri, kuchema uku kwandinoita pamusoro penyu:

2 “Yawira pasi Mhandara Israeri, haingazosimukizve, akasiyiwa ari oga munyika yake, pasina angamusimudza.”

3 Zvanzi naIshe Jehovha, “Guta richaendesa varwi chiuru vakasimba pakati peIsraeri richasarirwa nezana chete; guta richaendesa varwi zana vakasimba richasarirwa negumi chete.”

4 Zvanzi naJehovha kuimba yaIsraeri, “Nditsvakei murarame;

5 musatsvaka Bheteri, musaenda kuGirigari, musaita rwendo rwokuenda kuBheerishebha. Nokuti zvirokwazvo Girigari ichaendeswa kuutapwa, uye Bheteri richava sapasina chinhu.

6 Tsvakai Jehovha mugorarama, mukasadaro achatsvaira imba yaJosefa sezvinoita moto; uchaparadza, uye Bheteri richashaya anoudzima.

7 Imi vanoshandura kururamisira muchikuita gavakava uye muchikandira kururama pasi

8 (Iye akaita nyeredzi dzeChimutanhatu neOrioni, anoshandura rima richiva mambakwedza, uye anoita kuti zuva risvibe huve usiku, anodana mvura zhinji yegungwa achiidururira panyika, Jehovha ndiro zita rake,

9 kamwe kamwe anoparadza nhare nokuita kuti guta rina masvingo rive dongo),

10 munovenga anorayira padare uye munozvidza anotaura chokwadi.

11 Munotsika pamusoro pomurombo muchimumanikidza kuti akupei zviyo. Naizvozvo, kunyange makavaka dzimba huru dzamabwe, hamungagari madziri; kunyange makasima minda yakasvibira yemizambiringa, hamunganwi waini yayo.

12 Nokuti ndinoziva kuwanda kwemhosva dzenyu nokukura kwakaita zvivi zvenyu. Munodzvinyirira vakarurama uye munotora fufuro, uye munoshayisa varombo kururamisirwa pamatare.

13 Naizvozvo munhu akangwara anonyarara panguva dzakadai, nokuti inguva dzakaipa.

14 Tsvakai zvakanaka, kwete zvakaipa, kuti murarame. Ipapo Jehovha Mwari Wamasimba Ose achava nemi, sezvamunoti ndizvo zvaari.

15 Vengai zvakaipa, mude zvakanaka; chengetedzai kururamisira mumatare. Zvichida Jehovha Mwari Wamasimba Ose achanzwira tsitsi vakasara vaJosefa.

16 Naizvozvo zvanzi naIshe, Jehovha Mwari Wamasimba Ose, “Muchava nokuchema mumigwagwa yose nemhere yokurwadziwa pazvivara zvose. Varimi vachadanwa kuti vazochema uye vanochema vazoungudza.

17 Kuchava nokuungudza muminda yose yemizambiringa, nokuti ndichapfuura napakati penyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Zuva raJehovha

18 Mune nhamo imi munoshuva zuva raJehovha! Sei muchishuva zuva raJehovha? Zuva iro richava rima kwete chiedza.

19 Zvichaita somunhu akatiza shumba achibva asangana nebere, sokunge akapinda mumba make ndokubata madziro noruoko rwake achibva arumwa nenyoka.

20 Ko, zuva raJehovha haringavi rima here, kwete chiedza, rima guru, risina kana bwerazuva?

21 “Ndinovenga, ndinozvidza mitambo yenyu yechinamato; handifadzwi neungano dzenyu.

22 Kunyange mukandivigira zvipiriso zvenyu zvinopiswa nezvipiriso zvezviyo, handingazvigamuchiri. Kunyange mukandivigira zvipiriso zvakaisvonaka zvokuwadzana, handingavi nehanya nazvo.

23 Ibvai pamberi pangu noruzha rwenziyo dzenyu! Handidi kunzwa kurira kwembira dzenyu.

24 Asi kururamisira ngakuyerere sorwizi, kururama sorukova rusingapwi!

25 “Makandivigira zvibayiro nezvipiriso makore makumi mana muri murenje here, nhai imba yaIsraeri?

26 Makasimudzira temberi yamambo wenyu, chitsiko chezvifananidzo zvenyu, nyeredzi yamwari wenyu, wamakazvigadzirira.

27 Naizvozvo ndichakutamisai muende mberi kweDhamasiko,” ndizvo zvinotaura Jehovha ane zita rinonzi Mwari Wamasimba Ose.

Amosi 6

Vane nhamo vakavarairwa

1 Mune nhamo imi makavarairwa muZioni, nemi munofunga kuti mugere pakasimba paGomo reSamaria, imi varume vanozivikanwa vorudzi rukuru, kunoenda vanhu veIsraeri!

2 Endai kuKarine mundoritarisa; muchibvapo moenda kuHamati guta guru, uye mozodzika kuGati muFiristia. Vari nani kupfuura umambo hwenyu huviri here?

3 Munoti zuva rakaipa ngarirege kusvika muchiswededza pedyo utongi hwokuvhundutsira.

4 Munovata pamibhedha yenyanga dzenzou, muchizorora pazvigaro zvenyu. Munodya makwayana akaisvonaka nemhuru dzakakodzwa.

5 Munoridza zvenyu mbira dzenyu saDhavhidhi, uye munozvigadzirira zviridzwa.

6 Munonwa waini yakawanda, muchizora mafuta akaisvonaka, asi hamuchemi nokuda kwamatongo aJosefa.

7 Naizvozvo muchava pakati pevachatanga kuenda kuutapwa; mabiko enyu nokuzorora kwenyu zvichapera.

Jehovha anosema kuzvikudza kwaIsraeri

8 Ishe Jehovha akapika naiye pachake, Jehovha Mwari Wamasimba Ose anoti, “Ndinosema kuzvikudza kwaJakobho, uye ndinovenga nhare dzake; ndichaisa guta kuvavengi nezvose zviri mariri.”

9 Kana varume gumi vakasiyiwa muimba imwe chete naivowo vachafa.

10 Uye kana hama inofanira kupisa mitumbi ikauya kuzovabudisa mumba, uye ikabvunza munhu achakahwanda imomo ichiti, “Pane mumwe waunaye here?” uye akati, “Kwete,” ipapo iye achati, “Nyarara! Hatifaniri kuti titaure zita raJehovha.”

11 Nokuti Jehovha akarayira, uye achaparadza imba huru igoita murwi, nemba duku igoti mwarara.

12 Ko, mabhiza angamhanya paruware here? Ko, pana angaparima ipapo nemombe here? Asi makashandura kururamisira mukakuita muchetura, nezvibereko zvokururama mukazviita gavakava,

13 imi munopembera pakukundwa kweRo Dhibhari uye munoti, “Hatina kuzvitorera Karinaini nesimba redu here?”

14 Nokuti Jehovha Mwari Wamasimba Ose anoti, “Ndichakumutsirai rumwe rudzi kuti rukumukirei, imi imba yaIsraeri, ruchakutambudzai panzira yenyu yose, kubva kuRebho Hamati kusvikira kumupata weArabha.”

Amosi 7

Mhashu, Moto neRwodzi Rwokuyeresa

1 Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naIshe Jehovha: Akanga achigadzirira chimokoto chemhashu mushure mokukohwewa kwomugove wamambo uye mumera wechipiri uchangobuda.

2 Dzakati dzapedza zvose zvaiva munyika, ndakadanidzira ndichiti, “Ishe Jehovha chikanganwirai henyu! Ko, Jakobho angararame sei? Muduku kwazvo!”

3 Nokudaro Jehovha akadzora mwoyo. Jehovha akati, “Izvi hazvichazoitika.”

4 Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naIshe Jehovha: Ishe Jehovha akanga achidanidzira kuti pave nokutonga nomoto; wakaomesa gungwa rakadzika uye ukaparadza nyika.

5 Ipapo ndakadanidzira ndichiti, “Ishe Jehovha, ndinokukumbirai, imbomirai henyu. Ko, Jakobho angararame sei? Muduku kwazvo!”

6 Nokudaro Jehovha akadzora mwoyo. Ishe Jehovha akati, “Izviwo hazvichaitiki.”

7 Izvi ndizvo zvaakandiratidza: Jehovha akanga akamira pamadziro akanga akavakwa zvakaenzaniswa norwodzi, ane rwodzi rwokuyeresa muruoko rwake.

8 Uye Jehovha akandibvunza akati, “Unooneiko, Amosi?” Ndakapindura ndikati, “Rwodzi rwokuyeresa.” Ipapo Jehovha akati, “Tarira, ndichaisa rwodzi rwokuyeresa pakati pavanhu vangu vaIsraeri, handichavaponesazve.

9 “Nzvimbo dzakakwirira dzaIsaka dzichaparadzwa, uye nzvimbo tsvene dzaIsraeri dzichaitwa matongo; ndichamukira imba yaJerobhoamu nomunondo wangu.”

Amosi naAmazia

10 Ipapo Amazia muprista weBheteri akatumira shoko kuna Jerobhoamu mambo weIsraeri achiti, “Amosi akaita rangano yokukumukirai pakati chaipo pemwoyo weIsraeri. Nyika haigoni kugamuchira mashoko ake ose.

11 Nokuti izvi ndizvo zviri kutaurwa naAmosi: “ ‘Jerobhoamu achafa nomunondo, uye Israeri ichaenda muutapwa, zvirokwazvo kure nenyika yavo yechizvarwa.’ ”

12 Ipapo Amazia akati kuna Amosi, “Ibva muno, iwe muoni! Dzokera kunyika yeJudha. Uzviwanire zvokudya zvakoikoko uchiprofita ikoko.

13 Usaprofitazve paBheteri, nokuti iyi ndiyo nzvimbo tsvene yamambo uye netemberi youmambo.”

14 Amosi akapindura Amazia achiti, “Ndakanga ndisiri muprofita, kana mwanakomana womuprofita, asi ndaiva mufudzi nomutariri wemionde yemisikamo.

15 Asi Jehovha akanditora kubva paufudzi hwamakwai akati kwandiri, ‘Enda uprofite kuvanhu vangu Israeri.’

16 Zvino, chinzwa shoko raJehovha. Iwe unoti, “Usaprofita pamusoro paIsraeri, uye rega kuparidza pamusoro peimba yaIsaka.”

17 “Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Mukadzi wako achava chifeve muguta, uye vanakomana nevanasikana vako vachaparadzwa nomunondo. Nyika yako ichayerwa igoganhurwa, uyezve iwe pachako uchafira munyika yavahedheni, Uye zvirokwazvo Israeri ichaenda kuutapwa, kure nenyika yavo yechizvarwa.’ ”

Amosi 8

Tswanda yemichero yakaibva

1 Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naIshe Jehovha: tswanda ine michero yakaibva.

2 Akabvunza akati, “Unooneiko, Amosi?” Ndakapindura ndichiti, “Tswanda ine michero yakaibva.” Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Nguva yakwana kuvanhu vangu Israeri; handingavararamisizve.

3 “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, “nziyo dzomutemberi dzichashanduka dzigova kuchema. Mitumbi yevakafa ichava mizhinji. Munzvimbo dzose icharaswa vanhu vanyerere.”

4 Inzwai izvi imi munotsika-tsika vanoshayiwa uye muchiparadza varombo venyika,

5 muchiti, “Kugara kwoMwedzi kuchapfuura riniko kuti tigotengesa zviyo, uye kupera kweSabata kuti tigotengesa gorosi?” muchitapudza chiero, muchikwidza mitengo uye muchibiridzira nezvikero zvinonyengera,

6 muchitenga varombo nesirivha uye vanoshayiwa neshangu, muchitengesa kunyange makoto pamwe chete negorosi.

7 Jehovha apika noKuzvikudza kwaJakobho achiti, “Handizokanganwi chinhu chipi nechipi zvacho chavakaita.

8 “Ko, nyika haingadederi nokuda kwaizvozvi here uye vose vanogara mairi havangachemi? Nyika yose ichadira seNairi, ichabvongodzwa uye igoderera sorwizi rweIjipiti.

9 “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, “ndichaita kuti zuva rivire masikati makuru uye ndichauyisa rima panyika masikati machena.

10 Ndichashandura mitambo yenyu yechinamato ive kuchema, nokuimba kwose kuti kuve mhere. Ndichaita kuti mose mupfeke masaga uye mugoveura misoro yenyu. Ndichaita kuti nguva iyi ive samariro omwanakomana akaberekwa ari mumwe oga, uye magumo acho ave sezuva rakaipa kwazvo.

11 “Mazuva ari kuuya,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, “andichatumira nzara panyika yose, kwete nzara yezvokudya kana nyota yemvura, asi nzara yokunzwa mashoko aJehovha.

12 Vanhu vachadzedzereka vachibva kugungwa vachienda kune rimwe gungwa, uye vachadzungaira vachibva kumusoro vachienda kumabvazuva, vachitsvaka shoko raJehovha, asi havangariwani.

13 “Pazuva iro, mhandara dzakaisvonaka namajaya akasimba vachaziya nenyota.

14 Avo vanopika nokunyadzisa kweSamaria, kana vanoti, ‘Namwari wako mupenyu, iwe Dhani,’ kana kuti, ‘Namwari waBheerishebha mupenyu,’ vachawa, vakasazomukazve.”

Amosi 9

Israeri ichaparadzwa

1 Ndakaona Jehovha amire parutivi rwearitari, uye akati, “Rova misoro yembiru kuti zvikumbaridzo zvizunguzike. Zviputsire pasi pamisoro yevanhu vose; avo vachasara ndichavauraya nomunondo. Hapana kana mumwe chete achatiza, hapana achapunyuka.

2 Kunyange vakachera kusvikira panoperera guva, kubva imomo ruoko rwangu ruchavatora. Kunyange vakakwira kumatenga, kubva ikoko ndichavadzikisa pasi.

3 Kunyange vakazvivanza pamusoro peKarimeri, ipapo ndichavavhima ndigovabata. Kunyange vakahwanda kubva kwandiri pasi pegungwa, ipapo ndicharayira nyoka kuti ivarume.

4 Kunyange vakaendeswa kuutapwa navavengi vavo, ikoko ndicharayira munondo kuti uvaparadze. Ndichanan’anidza meso angu pavari kuti ndivaitire zvakaipa, kwete zvakanaka.”

5 Ishe, Jehovha Wamasimba Ose, iye anobata nyika igonyungudika, navose vagere mairi vagochema, nyika yose inokwira seNairi, uye igoderera serwizi rweIjipiti,

6 iye anovaka muzinda wake kumatenga agomisa hwaro hwawo panyika, anodana mvura dzegungwa agodzidururira pamusoro penyika, Jehovha ndiro zita rake.

7 “Nhai imi vaIsraeri, ko, hamuzi kwandiri vamwe chete savaEtiopia here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Handina kubudisa Israeri kubva kuIjipiti here, vaFiristia kubva kuKafitori navaAramu kubva kuKiri?

8 Zvirokwazvo meso aShe Jehovha ari paumambo hunotadza. Ndichahuparadza kubva pamusoro penyika, asi handingaparadzi zvachose imba yaJakobho,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

9 “Nokuti ndicharayira, uye ndichazunguza imba yaIsraeri pakati pendudzi dzose, sokuzunguzwa kunoitwa zviyo murusero, uye hapana kana tsanga imwe chete ichawira pasi.

10 Vatadzi vose pakati pavanhu vangu vachafa nomunondo, vose vanoti, ‘Njodzi haingatiwiri kana kusangana nesu.’

Israeri inomutsidzirwa

11 “Pazuva iro ndichamisazve tende raDhavhidhi rakawa. Ndichavakazve nzvimbo dzaro dzakaputsika, ndigovakazve matongo aro, uye ndicharivaka sezvarakanga rakaita,

12 kuti vazvitorere zvakasara zvaEdhomu nendudzi dzose dzine zita rangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, iye achaita zvinhu izvi.

13 “Mazuva ari kuuya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “mucheki paachapfuurwa nomurimi, uye mudyari paachapfuurwa neanosvina mazambiringa. Waini itsva ichadonha kubva kumakomo, uye ichayerera kubva pazvikomo zvose.

14 Ndichadzosazve vanhu vangu vakatapwa, ivo vaIsraeri; vachavakazve maguta akaitwa matongo uye vachagara maari. Vachasima minda yemizambiringa vagonwa waini yayo. Vacharima mapindu uye vachadya zvibereko zvawo.

15 Ndichasima Israeri munyika yavo voga, havangazodzurwizve kubva panyika yandakavapa,” ndizvo zvinotaura Jehovha Mwari wako.