Hosea 8

Israeri achakohwa chamupupuri

1 “Isa hwamanda pamuromo wako! Gondo riri pamusoro pemba yaJehovha. nokuti vanhu vakaputsa sungano yangu uye vakapandukira murayiro wangu.

2 VaIsraeri vanodana kwandiri vachiti, ‘Haiwa, Mwari wedu, tinokuzivai!’

3 Asi Israeri akaramba zvakanaka; muvengi achamutevera.

4 Vanogadza madzimambo vasina kutenderwa neni; vanosarudza machinda pasina mvumo yangu. Vanozvigadzirira zvifananidzo nesirivha negoridhe ravo kuti vagoparadzwa.

5 Rasira kunze chifananidzo chako chemhuru, iwe Samaria! Kutsamwa kwangu kunopisa somoto pamusoro pavo. Vachasvika riniko vasingagoni kuzvichenesa?

6 Izvi zvinobva kuIsraeri! chimhuru ichi, chakagadzirwa nomupfuri, hachizi Mwari. Chichaputsika kuita zvimedu zvimedu, icho chimhuru cheSamaria.

7 “Vanodyara mhepo vachikohwa chamupupuri. Dzinde harina kubereka; haringaburitsi upfu. Dai raizobereka zviyo, vatorwa vaizvimedza.

8 Israeri yamedzwa; zvino yava pakati pendudzi sechinhu chisina maturo.

9 Nokuti vakaenda kuAsiria sembizi inongombeya yoga. Efuremu akazvitengesa kuvadiwa.

10 Kunyange zvavo vakazvitengesa pakati pendudzi, ndichavaunganidza zvino pamwe chete. Vachatanga kuparara pasi poudzvinyiriri hwamambo ane simba guru.

11 “Kunyange Efuremu akavaka aritari zhinji dzezvipiriso zvechivi, idzi dzava aritari dzokuitira zvivi.

12 Ndakavanyorera zvinhu zvakawanda zvomurayiro wangu, asi vakazvitora sezvinhu zvisinei navo.

13 Vanopa zvibayiro kwandiri uye vodya nyama yacho, asi Jehovha haafadzwi navo. Zvino acharangarira uipi hwavo uye acharanga zvivi zvavo: Vachadzokera kuIjipiti.

14 Israeri akakanganwa Musiki wake ndokuvaka mizinda; Judha akomberedza maguta mazhinji namasvingo. Asi ndichatumira moto pamaguta avo uchaparadza masvingo avo.”

Hosea 9

Israeri inorangwa

1 Rega kufara, iwe Israeri; rega kupembera sezvinoita dzimwe ndudzi. Nokuti hauna kunge wakatendeka kuna Mwari wako; unofarira mubayiro wechifeve, pamapuriro ose.

2 Mapuriro nezvisviniro zvewaini hazvingagutsi vanhu. Waini itsva ichavanyengera.

3 Havangarambi vari munyika yaJehovha; Efuremu achadzokera kuIjipiti agodya zvokudya zvakasvibiswa muAsiria.

4 Havangadiri zvipiriso zvewaini kuna Jehovha, uye zvibayiro zvavo hazvingamufadzi. Zvibayiro zvakadai zvichava kwavari sechingwa chavanochema; vose vanozvidya vachava vakasvibiswa. Zvokudya izvi zvichava zvavo; hazvingaunzwi mutemberi yaJehovha.

5 Muchaiteiko pazuva rakatarwa remitambo yenyu, pamazuva emitambo yaJehovha?

6 Kunyange dai vakapukunyuka kubva pakuparadzwa, Ijipiti ichavaunganidza, uye Memufisi ichavaviga. Matura avo esirivha achafukidzwa norukato, uye minzwa ichamera mumatende avo.

7 Mazuva okurangwa ari kuuya, mazuva okutsiva ava pedyo. Israeri ngaazvizive izvi. Nokuti zvivi zvako zvizhinji kwazvo uye ukasha hwako hwakakura kwazvo. Muprofita anoonekwa sebenzi, nomurume ano mweya somunhu anopenga.

8 Muprofita, pamwe naMwari wangu, ndiye nharirire yaEfuremu, asi zvakadaro misungo yakamumirira panzira dzake dzose, uye ruvengo muimba yaMwari wake.

9 Vanyura kwazvo kwazvo muuori, sapamazuva eGibhea. Mwari acharangarira uipi hwavo uye achavaranga nokuda kwezvivi zvavo.

10 “Pandakawana Israeri, zvakanga zvakafanana nokuwana mazambiringa murenje; pandakaona madzibaba enyu, zvakanga zvakaita sokuona zvibereko zvokutanga pamuti womuonde. Asi pavakauya kuBhaari Peori, vakazvitsaura kuti vazviise kuchiumbwa ichocho chinonyadzisa, vakava vasina maturo uye vakafanana nechinhu chavakada.

11 Kukudzwa kwaEfuremu kuchabhururuka seshiri, pasina kubereka, pasina pamuviri, pasina kubata pamuviri.

12 Kunyange zvavo vakarera vana, ndichavauraya vose mumwe nomumwe. Vachava nenhamo pandichavafuratira!

13 Ndakaona Efuremu, seTire, akasimwa panzvimbo yakanaka. Asi Efuremu achabudisa vana vake kumuurayi.

14 Vapei, imi Jehovha, zvino muchavapeiko? Vapei zvibereko zvinopfupfudzika namazamu akaoma.

15 “Nokuda kwouipi hwavo hwose muGirigari, ndakavavenga ikoko. Nokuda kwamabasa avo akaipa, ndichavadzinga kubva mumba mangu. Handichazovadizve, vatungamiri vavo vose vakapanduka.

16 Efuremu arohwa, mudzi wavo, wasvava, havabereki chibereko. Kunyange vakabereka vana, ndichauraya vana vavo ivava vavanodisa.”

17 Mwari wangu achavaramba nokuti havana kumuteerera; vachava vadzungairi pakati pendudzi.

Hosea 10

1 Israeri akanga ari muzambiringa unotanda; akazviberekera zvibereko. Zvibereko zvake pazvakawanda, iye akavakawo aritari dzakawanda; nyika yake payakabudirira, iye akashongedzawo matombo ake akaereswa.

2 Mwoyo wavo unonyengera, uye zvino vanofanira kutakura mhosva yavo. Jehovha achaputsa aritari dzavo uye achaparadza matombo avo akaereswa.

3 Ipapo vachati, “Hatina mambo nokuti hatina kukudza Jehovha. Asi kunyange dai taiva namambo, angadai akatiitireiko?”

4 Vanovimbisa zvakawanda, vanoita mhiko dzenhema uye vanoita zvibvumirano; naizvozvo mhosva dzinoendeswa kudare dzinomera sebise rinouraya mumunda wakarimwa.

5 Vanhu vanogara muSamaria vanotyira chifananidzo chemhuru chaBheti Avheni. Vanhu vacho vachachichema, ndizvo zvichaitawo vaprista vanonamata chifananidzo chacho; ivavo vakafarira kukudzwa kwacho, nokuti vachachitorerwa chigoendeswa kuutapwa.

6 Chichatakurwa chigoendeswa kuAsiria somutero kuna mambo mukuru. Efuremu achanyadziswa; Israeri achanyarawo nokuda kwezvifananidzo zvakavezwa.

7 Samaria namambo wayo ichaeredzwa sechimuti pamusoro pemvura.

8 Nzvimbo dzakakwirira dzouipi dzichaparadzwa, ichi ndicho chivi chaIsraeri. Minzwa norukato zvichamera zvigofukidza aritari dzavo. Ipapo vachati kumakomo, “Tifukidzei!” nokuzvikomo, “Wirai pamusoro pedu!”

9 “Kubva pamazuva eGibhea, wakatadza, iwe Israeri, uye ukarambirapo. Hondo haina kukunda vaiti vezvakaipa paGibhea here?

10 Nenguva yandinoda ndichavaranga; ndudzi dzichaungana kuti dzivarwise nokuvaisa muusungwa nokuda kwezvivi zvavo zviviri.

11 Efuremu itsiru rakapingudzwa rinofarira kupura; saka ndichaisa joko pamutsipa waro wakanaka. Ndichatinha Efuremu, Judha anofanira kurima, uye Jakobho anofanira kuputsa mavhinga acho.

12 Zvidyarirei kururama, kohwai chibereko chorudo rusingaperi, mugorima gombo renyu; nokuti inguva yokutsvaka Jehovha, kusvikira auya kuzonayisa utsvene pamusoro penyu.

13 Asi makarima uipi, mukacheka zvakaipa, mukadya zvibereko zvounyengeri, nokuti makavimba nesimba renyu uye navarwi venyu,

14 kuomba kwehondo kuchamukira vanhu venyu, zvokuti masvingo enyu ose achaparadzwa, sokuparadzwa kwakaitwa Bheti Aribheri neSharimani pazuva rokurwa, vanamai pavakapanhirwa pasi pamwe chete navana vavo.

15 Ndizvo zvichaitika kwauri, iwe Bheteri, nokuti uipi hwako hukuru. Kana zuva iroro roswedera, mambo weIsraeri achaparadzwa zvachose.

Hosea 11

Rudo rwaMwari kuna Israeri

1 Israeri paakanga achiri muduku, ndaimuda, uye ndakadana mwanakomana wangu kubva kuIjipiti.

2 Asi pandakanyanya kuvadana, ivo vakatonyanya kunditiza. Vakabayira kuna vanaBhaari uye vakapisira zvinonhuwira kuzvifananidzo.

3 Ndini ndakadzidzisa Efuremu kufamba, ndichivasesedza namaoko avo; asi havana kuzvicherechedza kuti ndini ndakavarapa.

4 Ndakavatungamirira nerwodzi rwounyoro hwomunhu, nezvisungo zvorudo; ndakasimudza joko kubva pamutsipa wavo ndikakotama kuti ndivape zvokudya:

5 “Havangadzokerizve kuIjipiti uye vaAsiria havangavatongi here nokuti vakaramba kutendeuka?

6 Minondo ichapenya mumaguta avo, ichaparadza mazariro pamasuo avo uye ichagumisa zvirongwa zvavo.

7 Vanhu vangu vazvipira kutsauka vachibva kwandiri. Kunyange dai vakadana kuna Iye Wokumusoro-soro haangatongovasimudziri kunyange nenzira ipi zvayo.

8 “Ndinokuregedza seiko, Efuremu? Ndingakuendesa seiko, Israeri? Ndingakuitireiko saAdhima? Ndingakuenzanisa sei naZebhoimi? Mwoyo wangu washanduka mukati mangu; tsitsi dzangu dzose dzamutswa.

9 Handingazadzisi kutsamwa kwangu kukuru kana kutendeuka kuti ndiparadze Efuremu. Nokuti ndiri Mwari, kwete munhu, Mutsvene pakati penyu. Handingauyi ndakatsamwa.

10 Vachatevera Jehovha; achaomba seshumba. Paachaomba, vana vake vachauya vachidedera vachibva kumadokero.

11 Vachauya vachidedera seshiri vachibva kuIjipiti, senjiva vachibva kuAsiria. Ndichavagarisa mudzimba dzavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Chivi chaIsraeri

12 Efuremu andikomberedza nenhema, imba yaIsraeri nounyengeri. Uye Judha akasindimara pamberi paMwari, kunyange pamberi paIye Mutsvene. Akatendeka.

Hosea 12

1 Efuremu anodya mhepo; anodzingana nemhepo yokumabvazuva zuva rose uye anowedzera nhema pamwe chete nechisimba. Anoita sungano neAsiria, uye anoendesa mafuta omuorivhi kuIjipiti.

2 Jehovha ane mhaka yaanopa Judha; acharanga Jakobho maererano nenzira dzake uye achamupa mubayiro maererano namabasa ake.

3 Muchizvaro akabata chitsitsinho chomukoma wake; somunhu akaita mutsimba naMwari.

4 Akaita mutsimba nomutumwa akamukurira; akachema akakumbira kuti anzwirwe nyasha naye. Akamuwana paBheteri akataura naye ipapo,

5 Jehovha Mwari Wamasimba Ose, Jehovha ndiro zita rake raanozivikanwa naro!

6 Asi unofanira kudzokera kuna Mwari wako; chengetedza rudo nokururamisira, uye umirire Mwari wako nguva dzose.

7 Mutengesi anoshandisa chiero chinonyengera; anofarira kubiridzira.

8 Efuremu anozvikudza achiti, “Ndakapfuma kwazvo; ndazova mupfumi chaiye. Noupfumi hwangu hwose havangawani mandiri chakaipa chipi zvacho kana chivi mukati mangu.”

9 “Ndini Jehovha Mwari wako, akakubudisa kubva muIjipiti; ndichakugarisaizve mumatende, sapamazuva emitambo yakatarwa.

10 Ndakataura kuvaprofita, ndikavapa zviratidzo zvizhinji uye ndikataura mifananidzo kubudikidza navo.”

11 Ko, Gireadhi yakaipa here? Vanhu vayo havana maturo! Vanobayira nzombe here paGirigari? Aritari dzavo dzichava semirwi yamatombo mumunda wakarimwa.

12 Jakobho akatizira kunyika yeAramu; Israeri akashandira kuti awane mukadzi, uye kuti amuwane akafudza makwai.

13 Jehovha akashandisa muprofita kuti abudise Israeri kubva muIjipiti, nomuprofita akavachengeta.

14 Asi Efuremu akamutsamwisa zvikuru kusvikira ashatirwa; Ishe wake achaisa paari mhosva dzake dzokudeura ropa uye achamupa mubayiro wokuzvidza kwake.

Hosea 13

Kutsamwa kwaJehovha pamusoro peIsraeri

1 Efuremu akati ataura, vanhu vakadedera; iye akakudzwa muIsraeri. Asi akava nemhosva yokunamata Bhaari uye akafa.

2 Zvino vanoramba vachingotadza; vanozviitira zvifananidzo zvakaumbwa nesirivha yavo, zviri zvifananidzo zvakaumbwa nenjere dzavo, zvose ari mabasa emhizha. Pamusoro pavanhu ava zvinonzi, “Vanobayira zvibayiro uye vanotsvoda zviumbwa zvemhuru.”

3 Naizvozvo vachava semhute yamangwanani, sedova rinokurumidza kupera, sehundi inopeperetswa kubva paburiro, soutsi hunobuda napawindo.

4 “Asi ndini Jehovha Mwari wako, akakubudisa kubva muIjipiti. Haungazovi nomumwe Mwari kunze kwangu; kana mumwe Muponesi kunze kwangu.

5 Ndakakuchengeta murenje, munyika inopisa kwazvo.

6 Pandakavapa zvokudya, vakaguta; vakati vaguta, vakazvikudza ipapo vakandikanganwa.

7 Saka ndichauya kwavari seshumba, ndichavagarira panzira sembada,

8 Sebere ratorerwa vana varo, ndichavarwisa ndigovatsemura. Seshumba ndichavaparadza; chikara chesango chichavabvambura.

9 “Waparadzwa iwe Israeri, nokuti unondirwisa, uchirwisa mubatsiri wako.

10 Mambo wako aripiko, kuti zvimwe angakuponesa? Vatongi vako varipiko mumaguta ako ose, avo vawakati, ‘Ndipei mambo namachinda’?

11 Saka mukutsamwa kwangu ndakakupa mambo, uye muhasha dzangu ndakamubvisa.

12 Mhosva dzaEfuremu dzakaunganidzwa pamwe chete, zvivi zvake zvakachengetedzwa muzvinyorwa.

13 Kurwadziwa sokwomukadzi anosununguka kunosvika kwaari, asi uyu mwana asina uchenjeri; kana nguva dzasvika, haauyi kumusuo wechizvaro.

14 “Ndichavadzikinura kubva pasimba reguva; ndichavadzikinura kubva parufu. Dziripiko hosha dzako, nhai rufu? Kuripiko kuparadza kwako, nhai guva? “Handingazovi netsitsi,

15 kunyange akabudirira pakati pamadzikoma ake. Mhepo yokumabvazuva yaJehovha ichauya, ichivhuvhuta ichibva kurenje; chitubu chake chichapwa uye tsime rake richaoma. Dura rake richapambwa nezvose zvinokosha zviri mariri.

16 Vanhu veSamaria vanofanira kutakura mhaka yavo, nokuti vakamukira Mwari wavo. Vachaparadzwa nomunondo; vacheche vavo vacharoverwa pasi. Vakadzi vavo vane mimba vachatumburwa.”

Hosea 14

Kutendeuka kunouyisa maropafadzo

1 Iwe Israeri, dzokera kuna Jehovha Mwari wako. Zvivi zvako ndizvo zvakakonzera kuwa kwako!

2 Endai namashoko uye mudzokere kuna Jehovha. Muti kwaari: “Regererai zvivi zvedu zvose mutigamuchire nenyasha, kuti tigopa zvibereko zvemiromo yedu.

3 Asiria haangatiponesi; hatingatasvi mabhiza ehondo. Hatizombotizve, ‘Vamwari vedu’ kune zvakagadzirwa namaoko edu chaiwo, nokuti nherera dzinowana nyasha mamuri.”

4 “Ndichaporesa kusateerera kwavo uye ndichangovada hangu, nokuti hasha dzangu dzabva kwavari.

5 Ndichava sedova kuna Israeri, achatunga seruva remahapa. Somusidhari weRebhanoni achadzikisa midzi yake;

6 mabukira ake achakura. Kunaka kwake kuchafanana nekwomuti womuorivhi, kunhuwira kwake sekwomusidhari weRebhanoni.

7 Vanhu vachagarazve mumumvuri wake. Achararama sezviyo. Achatunga maruva somuzambiringa, uye mbiri yake ichafanana newaini yeRebhanoni.

8 Nhai Efuremu, ndichineiko chokuita nezvifananidzo? Ndichamupindura uye ndichamuchengeta. Ndakafanana nomuti womupaini wakasvibira; kubereka kwako kunobva kwandiri.”

9 Ndiani akachenjera? Achacherechedza zvinhu izvi. Ndiani anonzvera? Achazvinzwisisa. Nzira dzaJehovha dzakarurama; vakarurama vanofamba madziri, asi vatadzi vanogumburwa madziri.

Dhanieri 1

Kudzidziswa kwaDhanieri muBhabhironi

1 Mugore rechitatu rokutonga kwaJehoyakimi mambo weJudha, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akasvika kuJerusarema ndokurikomba.

2 Uye Ishe akaisa Jehoyakimi mambo weJudha muruoko rwake, pamwe chete nemimwe midziyo yaibva mutemberi yaMwari. Akatakura izvi akaenda nazvo kutemberi yamwari wake kuBhabhironi ndokuzviisa muimba yepfuma yamwari wake.

3 Ipapo mambo akarayira Ashipenazi, mukuru wavatariri veruvazhe, kuti apinze vamwe vavaIsraeri vanobva mumhuri youshe namakurukota,

4 majaya asina chinongo pamuviri yavo, vakanaka, vanoratidza njere padzidzo yose, vanokurumidza kunzwisisa, uye vakakodzera kushumira, mumuzinda wamambo. Aizovadzidzisa mutauro namagwaro avaBhabhironi.

5 Mambo akarayira kuti vapiwe zvokudya zvezuva rimwe nerimwe newaini yaibva patafura yamambo. kwamakore matatu, uye shure kwaizvozvo vaizopinda paushumiri hwamambo.

6 Pakati pavo paiva navamwe vaibva kuJudha vaiti: Dhanieri, Hanania, Mishaeri naAzaria.

7 Vakuru vamachinda vakavatumidza mazita matsva sezvinotevera: Dhanieri vakamupa zita rokuti Bheriteshezari; Hanania akanzi Shadhireki; Mishaeri akanzi Meshaki; uye Azaria akanzi Abhedhinego.

8 Asi Dhanieri akazvisunga mumwoyo make kuti arege kuzvisvibisa nezvokudya zvamambo newaini yake, uye akakumbira mukuru wamachinda mvumo yokuti arege kuzvisvibisa nenzira iyi.

9 Zvino Mwari akanga aita kuti muchinda aitire Dhanieri nyasha nengoni,

10 asi muchinda akaudza Dhanieri kuti, “Ndinotya ishe wangu mambo, anova ndiye akarayira zvamunofanira kudya nokunwa. Achaonereiko zviso zvenyu zvakaonda kupfuura zvamamwe majaya ezera renyu? Mambo achaita kuti musoro wangu udimurwe nokuda kwenyu.”

11 Ipapo Dhanieri akati kumurindi akanga anzi nomubati mukuru achengete Dhanieri, Hanania, Mishaeri naAzaria,

12 “Ndapota edzai henyu varanda venyu kwamazuva gumi. Regai henyu kutipa chimwe chinhu asi tipei muriwo tidye uye nemvura yokunwa chete.

13 Ipapo mugoenzanisa zviso zvedu nezvamajaya anodya zvokudya zvamambo mugobata varanda venyu samaonero enyu.”

14 Saka akatenda hake pana izvozvi ndokuvaedza kwamazuva gumi.

15 Mazuva gumi akati apera, ivo vakaratidza kuva noutano hwakagwinya uye nemiviri yakanaka kupinda majaya akadya zvokudya zvamambo.

16 Saka murindi akabvisa zvokudya zvakasarudzika newaini yavaifanira kunwa ndokuvapa muriwo pachinzvimbo chazvo.

17 Mwari akapa majaya mana aya ruzivo nokunzwisisa kwemhando dzose dzamagwaro nedzidzo. Uye Dhanieri ainzwisisa zviratidzo nezviroto zvemhando dzose.

18 Mazuva akatarwa namambo kuti vapinde akati apera, mukuru wamachinda akavaisa kuna Nebhukadhinezari.

19 Mambo akataura navo, uye akasawana mumwe zvake akanga akaenzana navana Dhanieri, naHanania, naMishaeri naAzaria; saka vakapinda kuti vandoshandira mambo.

20 Pazvinhu zvose zvouchenjeri nokunzwisisa pamusoro pezvose zvaibvunzwa namambo, akavawana vachipfuura kagumi n’anga dzose navanhu vose muumambo hwose.

21 Uye Dhanieri akagaramo kusvikira gore rokutonga raMambo Sirasi.

Dhanieri 2

Kurota kwaNebhukadhinezari

1 Mugore rechipiri rokutonga kwake, Nebhukadhinezari akarota hope; pfungwa dzake dzikashushikana uye akashaya hope.

2 Saka mambo akarayira n’anga, navanofarira mazango, navaroyi, navafemberi vezvenyeredzi kuti vamuudze zvaakanga arota. Vakati vapinda vakamira pamberi pamambo,

3 iye akati kwavari, “Ndakarota hope dzinonditambudza zvino ndinoda kuziva zvadzinoreva.”

4 Ipapo vachenjeri vezvenyeredzi vakapindura mambo norurimi rwavaAramu vachiti, “Haiwa mambo, raramai nokusingaperi! Udzai varanda venyu kurota kwenyu, isu tigodudzira.”

5 Mambo akapindura vachenjeri vezvenyeredzi achiti, “Izvi ndizvo zvandafunga chaizvoizvo: Kana imi mukasandiudza kuti kurota kwangu kwaiva kupi uye mukadudzira, ndichaita kuti mugurwegurwe uye dzimba dzenyu dziitwe mirwi yamarara.

6 Asi kana mukandiudza zvandakarota mukazvidudzira, muchagamuchira zvipo nemibayiro nokukudzwa kukuru zvinobva kwandiri. Saka ndiudzei chiroto mugochidudzira kwandiri.”

7 Ivo vakapindurazve vachiti, “Mambo ngaaudze varanda vake chiroto, uye isu tichachidudzira.”

8 Ipapo mambo akapindura akati, “Ndinoziva kwazvo kuti imi munongoda kuwedzera nguva, nokuti munoziva kuti izvi ndizvo zvandatema:

9 Kana musingandiudzi zvandarota, panongova nechirango chimwe chete. Imi makarangana kundiudza zvinhu zvinonyengera uye zvakaipa, muchifunga kuti zvinhu zvichashanduka. Saka zvino, ndiudzei zvandakarota, ndigoziva kuti muchagona kundidudzira chiroto.”

10 Vachenjeri vezvenyeredzi vakapindura mambo vachiti, “Hakuna munhu panyika angagona kuita zvinodiwa namambo! Hakuna mambo, kunyange mukuru uye kana ane simba, akambotsvaka chinhu chakadai kun’anga ipi zvayo kana vaya vanoda zvamazango kana vachenjeri vezvenyeredzi.

11 Zvinhu zvinodikanwa namambo zvakaoma kwazvo. Hakuna munhu angazvizivisa kuna mambo izvozvo kunze kwavamwari, uye vasingagari pakati pavanhu.”

12 Izvi zvakaita kuti mambo ashatirwe zvikuru uye akava nehasha zvokuti akarayira kuti vakachenjera vose veBhabhironi vaurayiwe.

13 Saka chirevo chakapiwa kuti vachenjeri vaurayiwe, uye varume vakatumwa kundotsvaka Dhanieri neshamwari dzake kuti vaurayiwewo.

14 Arioki, mukuru wavarindi vamambo, akati abudisa kundouraya vachenjeri veBhabhironi, Dhanieri akataura kwaari nouchenjeri uye nokungwara.

15 Iye akabvunza muchinda wamambo achiti, “Seiko mambo akatema chirevo chakadai?” Arioki akatsanangurira Dhanieri nyaya yacho.

16 Nokudaro, Dhanieri akapinda kuna mambo akandokumbira nguva kwaari, kuitira kuti agomududzira chiroto chiya.

17 Ipapo Dhanieri akadzokera kumba kwake akandotsanangurira nyaya yacho kushamwari dzake vana Hanania, naMishaeri naAzaria.

18 Akavakurudzira kuti vakumbire nyasha kubva kuna Mwari wokudenga pamusoro pechakavanzika ichi, kuitira kuti iye neshamwari dzake varege kuurayiwa pamwe chete navakachenjera veBhabhironi.

19 Chakavanzika ichi chakazoratidzwa kuna Dhanieri usiku muchiratidzo. Ipapo Dhanieri akarumbidza Mwari wokudenga

20 akati, “Zita raMwari ngarirumbidzwe nokusingaperiperi; uchenjeri nesimba ndezvake.

21 Iye anoshandura nguva nenhambo; ndiye anogadza madzimambo nokuabvisa. Anopa uchenjeri kuna vakachenjera nezivo kuna vanonzvera.

22 Anozarura zvakadzika nezvakavanzika, anoziva zviri murima, uye chiedza chinogara maari.

23 Ndinokuvongai nokukurumbidzai, imi Mwari wamadzibaba angu: Makandipa uchenjeri nesimba, makandizivisa zvatakakumbira kwamuri, makazivisa kwatiri kurota kwamambo.”

Dhanieri anodudzira Chiroto

24 Ipapo Dhanieri akaenda kuna Arioki, uya akanga agadzwa namambo kuti auraye varume vakachenjera veBhabhironi, akati kwaari, “Musauraya vachenjeri veBhabhironi. Ndiendesei kuna mambo, ndinomududzira zvaakarota.”

25 Arioki akaenda naDhanieri kuna mambo nokukurumidza uye akati kwaari, “Ndawana munhu pakati pavakatapwa vokwaJudha anogona kuudza mambo zvinoreva chiroto chavo.”

26 Mambo akabvunza Dhanieri (iye ainziwo Bheriteshazari), “Iwe unogona here kundiudza zvandakaona pakurota nokuzvidudzira?”

27 Dhanieri akapindura akati, “Hakuna munhu akachenjera, kana wamazango, kana n’anga kana mufemberi angagona kurondedzera kuna mambo chakavanzika chaanobvunza pamusoro pacho

28 asi kudenga kuna Mwari anozivisa zvakavanzika. Iye akaratidza Mambo Nebhukadhinezari zvichaitika mumazuva anouya. Kurota kwenyu nezviratidzo zvakaratidzwa mundangariro dzenyu muvete pamubhedha ndezvizvi:

29 “Pamakanga muvete ipapo, imi mambo, pfungwa dzenyu dzakadzokera pazvinhu zvichauya, uye muzivisi wezvakavanzika akakuratidzai zvichaitika.

30 Asi ini chakavanzika ichi chakaziviswa kwandiri, kwete nokuda kwokuti ndine njere huru kupfuura vamwe vanhu vanorarama asi kuti imi mambo, mugoziva dudziro uye kuti mugonzwisisa zvakapinda mundangariro dzenyu.

31 “Imi mambo, makatarira, uye ipapo pamberi penyu pakanga pamire chifananidzo, chakakura kwazvo, chaibwinya, chaityisa pakuonekwa kwacho.

32 Musoro wechifananidzo ichi wakanga wakaitwa negoridhe rakanatswa, chipfuva chacho namaoko zvakanga zviri zvesirivha; dumbu racho nezvidyiro zvaiva zvendarira,

33 makumbo acho akanga ari esimbi, tsoka dzacho dzaiti pamwe simbi pamwe ivhu.

34 Muchakatarisa, makaona ibwe richivezwa, asi kwete namaoko omunhu. Rakarova chifananidzo patsoka dzacho dzesimbi nevhu ndokuzvipwanya.

35 Ipapo simbi, ivhu, ndarira, sirivha, negoridhe zvakaputsanyiwa nenguva imwe cheteyo zvikaita sehundi iri paburiro panguva yechirimo. Mhepo yakazvikukura pakasava nechinhu chakasara. Asi ibwe riya rakarova chifananidzo rakazova gomo guru rikazadza nyika yose.

36 “Uku ndiko kwaiva kurota kwenyu, uye zvino tichakududzira kwamuri mambo.

37 Imi mambo, muri mambo wamadzimambo. Mwari wokudenga akakupai ushe nesimba noukuru nokubwinya,

38 akaisa marudzi avanhu mumaoko enyu nezvikara zvenyika neshiri dzedenga. Akakuitai mutongi pamusoro pazvo, pose pazvinogara. Ndimi musoro uya wegoridhe.

39 “Shure kwenyu, humwe umambo huchamuka, huduku kuno hwenyu. Umambo hwechitatu huchatevera, umambo hwendarira, huchatonga pamusoro penyika yose.

40 Pakupedzisira kuchava noushe hwechina, hwakasimba sesimbi, nokuti simbi inoputsa nokupwanya zvinhu zvose, uye sokuputsanya kunoita simbi zvinhu, saizvozvi huchapwanya nokuputsanya humwe hwose.

41 Sezvamakaona kuti tsoka nezvigunwe zvakanga zvakavhenganiswa ivhu nesimbi, saizvozvo umambo uhu huchava hwakaganhurwa, asi huchava nerimwe simba resimbi mauri, sezvamakaona simbi yakavhenganiswa nevhu.

42 Sezvo zvigunwe zvakanga zvakati pamwe simbi pamwe ivhu, saizvozvo umambo uhu huchava hwakasimba kuno rumwe rutivi uye husina kusimba kuno rumwe rutivi.

43 Uye sezvamakaona simbi yakavhenganiswa nevhu, saizvozvo vanhu vachavhengana uye havangarambi vakabatana, sezvinoita ivhu nesimbi zvakavhengana.

44 “Mumazuva amadzimambo ayo, Mwari wokudenga achagadza ushe husingazoparadzwi, uye hahungazombosiyirwi vamwe vanhu. Huchapwanya ushe hwose nokugumiswa, asi ihwo huchagara nokusingaperi.

45 Izvi ndizvo zvinoreva chiratidzo chedombo rakavezwa pagomo, asi kwete namaoko omunhu, dombo rakaputsa simbi, nendarira, nevhu, nesirivha negoridhe zvikati mwarara. “Mwari mukuru akaratidza mambo zvichaitika pamazuva anouya. Kurota uku ndokwechokwadi uye nedudziro yacho ndeyechokwadi.”

46 Ipapo mambo Nebhukadhinezari akawira pasi nechiso chake pamberi paDhanieri akamuremekedza akarayira kuti apiwe chipo nezvinonhuwira.

47 Mambo akati kuna Dhanieri, “Zvirokwazvo Mwari wako ndiMwari wavamwari naIshe wamadzimambo uye nomuzivisi wezvakavanzika, nokuti iwe wakagona kuzivisa chakavanzika ichi.”

48 Ipapo mambo akaisa Dhanieri pachinzvimbo chakakwirira akapa zvipo zvizhinji kwaari. Akamuita mutongi pamusoro penyika yose yeBhabhironi akamuita mukuru wavachenjeri vose.

49 Pamusoro paizvozvo, Dhanieri akakumbira mambo kuti agadze vana Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego kuti vave vatariri vamatunhu eBhabhironi, iye Dhanieri pachake achiramba ari paruvazhe rwamambo.

Dhanieri 3

Chifananidzo cheGoridhe neVira roMoto

1 Mambo Nebhukadhinezari akaita chifananidzo chegoridhe, chakanga chakareba makubhiti makumi matanhatua uye makubhiti matanhatub paupamhi, akachimisa pabani reDhura munyika yeBhabhironi.

2 Ipapo akadana machinda, navarayiri, namadzishe, navapi vamazano, navachenjeri vepfuma, navatongi, namakurukota edzimhosva navamwe vabati vose vamatunhu kuti vauye kuzomukumikidza chifananidzo chaakanga amisa.

3 Saka machinda, navarayiri, namadzishe, navapi vamazano, navachengeti vepfuma, navatongi, namakurukota edzimhosva navamwe vabati vose vamatunhu vakaungana kuti vakumikidze chifananidzo chakanga chamiswa naMambo Nebhukadhinezari, vakamira pamberi pacho.

4 Ipapo mushamarari akadanidzira zvikuru achiti, “Izvi ndizvo zvamunorayirwa kuti muite, imi vanhu, nemi ndudzi nemi vanhu vemitauro yose:

5 Pamunongonzwa kurira kwehwamanda, nenyere nomutopota norudimbwa nembira, namabhosvo nemhando dzose dzezviridzwa, munofanira kuwira pasi mugonamata chifananidzo chegoridhe chakamiswa naMambo Nebhukadhinezari.

6 Ani naani asingawiri pasi achinamata achakandirwa muvira romoto pakarepo.”

7 Naizvozvo, pavakangonzwa kurira kwehwamanda, nenyere, nomutopota, norudimbwa, nembira nemhando dzose dzezviridzwa, vanhu vose, nendudzi dzose navanhu vemitauro yose vakawira pasi ndokunamata chifananidzo chegoridhe chakanga chamiswa naMambo Nebhukadhinezari.”

8 Panguva iyi vamwe voruzivo nezvenyeredzi vakauya pamberi vakatuka vaJudha.

9 Vakati kuna Mambo Nebhukadhinezari, “Imi mambo, raramai nokusingaperi!

10 Makatema chirevo imi mambo, kuti ani naani anonzwa kurira kwehwamanda, nenyere, nomutopota, norudimbwa, nembira namabhosvo uye nemhando dzose dzezviridzwa, anofanira kuwira pasi anamate chifananidzo chegoridhe,

11 uye kuti ani naani asingawiri pasi akanamata achakandwa muvira romoto.

12 Asi pana vamwe vaJudha vamakagadza pamusoro pamabasa enyika yeBhabhironi, Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego, vasingatomboteereri imi mambo. Havamboshumiri vamwari venyu kana kunamata chifananidzo chegoridhe chamakamisa.”

13 Nebhukadhinezari azere nehasha, akarayira kuti Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego vauye. Saka varume ava vakauyiswa pamberi pamambo,

14 Nebhukadhinezari akati kwavari, “Ichokwadi here, imi vana Shadhireki naMeshaki naAbhedhinego, kuti hamusi kushumira vamwari vangu kana kunamata chifananidzo chegoridhe chandakamisa?

15 Zvino pamunonzwa kurira kwehwamanda, nenyere, nomutopota, norudimbwa, namabhosvo nemhando dzose dzezviridzwa, kana mukagadzirira kuwira pasi, mukanamata chifanaidzo chandakaita, zvakanaka hazvo. Asi kana musingachinamati, muchakandwa mumoto pakarepo. Zvino mwari achakurwirai muruoko rwangu ndoupiko?”

16 Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego vakapindura mambo vakati, “Imi Nebhukadhinezari, isu hatifaniri kuzvirwira pamberi penyu nenyaya iyi.

17 Kana tikakandwa mumoto unopfuta, Mwari watinoshumira anogona kutiponesa pauri, uye achatirwira paruoko rwenyu, imi mambo.

18 Asi kunyange dai akasatirwira, tinoda kuti muzive, imi mambo, kuti hatizoshumiri vamwari venyu kana kunamata chifananidzo chegoridhe chamakamisa.”

19 Ipapo Nebhukadhinezari akashatirwa nokuda kwaShadhireki, naMeshaki naAbhedhinego, chiso chake chikavashandukira. Akarayira kuti vira romoto riveserwe moto unopisa kwazvo kukunda unosiveserwamo kanomwe.

20 Uye akarayira vamwe vavarwi vehondo yake vakasimba kwazvo kuti vasunge Shadhireki naMeshaki naAbhedhinego vavakande mumoto uyu waipfuta kwazvo.

21 Saka varume ava, vakapfeka nguo dzavo, namabhurugwa avo, nengowani dzavo nedzimwe hembe, vakasungwa ndokukandwa mumoto unopfuta kwazvo.

22 Kurayira kwamambo kwakava nechimbi chimbi kwazvo uye choto chaipisa kwazvo zvokuti moto wakauraya varwi vakakanda Shadhireki, naMeshaki naAbhedhinego,

23 uye varume vatatu ava vakasungwa zvakasimba, vakawira mumoto unopfuta kwazvo.

24 Ipapo Mambo Nebhukadhinezari akasvetuka achishamisika kwazvo ndokubvunza vana mupazano vake achiti, “Ko, havazi varume vatatu vatasunga tikakanda mumoto here?” Vakamupindura vachiti, “Ndizvozvo mambo.”

25 Iye akati, “Tarirai! Ndiri kuona vanhu vana vachifamba-famba mumoto, vasina kusungwa uye vasina kutsva, uye wechina anoratidzika somwanakomana wavamwari.”

26 Ipapo Nebhukadhinezari akaswedera kumuromo wechoto chomoto chinopfuta akadanidzira akati, “Nhai Shadhireki newe Meshaki naAbhedhinego, imi varanda vaMwari Wokumusoro-soro budai. Uyai pano!” Saka Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego vakabuda mumoto,

27 uye machinda, navarayiri, navabati uye navanamupamazano vamambo vakavaunganira. Vakaona kuti moto wakanga usina kumbokuvadza miviri yavo, uye nebvudzi remisoro yavo harina kumbotsva; uye nguo dzavo hadzina kutsva, uye pakanga pasina kunhuwa kwomoto pavari.

28 Ipapo Nebhukadhinezari akati, “Mwari waShadhireki naMeshaki naAbhedhinego ngaarumbidzwe, iye akatuma mutumwa wake kuzorwira varanda vake! Ivo vakavimba naye vakazvidza murayiro wamambo uye vakazvipira kurasikirwa noupenyu hwavo pano kuti vashumire kana kunamata vamwari vapi zvavo kunze kwaMwari wavo.

29 Naizvozvo ndinotema kuti vanhu vorudzi rupi kana mutauro upi zvawo vanotaura chinhu chipi zvacho chinopesana naMwari waShadhireki naMeshaki naAbhedhinego vatemwe-temwe uye dzimba dzavo dziitwe madurunhuru amarara, nokuti hakuna mumwe mwari angaponesa nenzira iyi.”

30 Ipapo mambo akasimudzira Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego munyika yeBhabhironi.