Ezekieri 22

Zvivi zveJerusarema

1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2 “Mwanakomana womunhu, ucharitonga here? Ucharitonga here guta iri rokudeura ropa? Ipapo urizivise mabasa aro ose anonyangadza

3 uti, “Zvanzi naIshe Jehovha: Haiwa iwe guta rinozvitsvakira kuparadzwa nokuda kwokuteura ropa pakati paro, nokuzvisvibisa nokuita zvifananidzo,

4 wava nemhosva nokuda kweropa rawakateura uye wakasvibiswa nokuda kwezvifananidzo zvawakaita. Wakasvitsa mazuva ako pamagumo, uye magumo amakore ako asvika. Naizvozvo ndichakuita chinhu chinoshorwa nendudzi nechinosekwa nenyika dzose.

5 Vari pedyo newe navari kure vachakuseka, iwe guta rinonyadza, rizere nebope.

6 “ ‘Tarira uone muchinda mumwe nomumwe waIsraeri ari pakati pako mateuriro aanoita ropa achishandisa simba rake.

7 Vakazvidza baba namai vari mauri; vakamanikidza mutorwa uye nherera nechirikadzi dziri mukati mako havana kudzibata zvakanaka.

8 Iwe wakashora zvinhu zvangu zvitsvene uye wakasvibisa maSabata angu.

9 Mukati mako mune vanhu vane makuhwa, vanofarira pakuteura ropa; mukati mako muna vanhu vanodyira kushongwe dzokumakomo uye vanoita mabasa eunzenza.

10 Mukati mako muna vanhu vasingakudzi nhoo dzamadzibaba avo, mukati mako muna vanhu vanochinya vakadzi panguva yavanenge vari kumwedzi, pavanenge vasina kuchena.

11 Mukati mako mune mumwe munhu anoita zvinonyangadza nomukadzi womuvakidzani wako, mumwe anochinya mukadzi womwana wake zvinonyadzisa, uye mumwe anochinya hanzvadzi yake, mwanasikana wababa vake chaivo.

12 Mukati mako muna varume vanogamuchira fufuro kuti vateure ropa; unotora mhindu inopfuura mwero, uchizviwanira pfuma yokubiridzira kubva kuvavakidzani vako. Uye wakandikanganwa ini, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

13 “ ‘Zvirokwazvo ndicharovanisa maoko angu pamwe chete pamusoro pepfuma isakarurama yawakaita uye neropa rawakateura pakati pako.

14 Ko, kushinga kwako kucharamba kuripo here kana kusimba kwamaoko ako pazuva randichakutonga? Ini Jehovha ndakazvitaura, uye ndichazvitaura.

15 Ndichakuparadzira pakati penyika; uye ndichagumisa kusachena kwako.

16 Muchaziva kuti ndini Jehovha, pamuchasvibiswa pamberi pendudzi.’ ”

17 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

18 “Mwanakomana womunhu, imba yaIsraeri yaita samarara kwandiri; vose indarira, netini, nesimbi nedare romutobvu rakasarira muvira romoto. Vakaita samarara esirivha.

19 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, ‘Nemhaka yokuti mose mava marara, ndichakuunganidzai muJerusarema.

20 Somunhu anounganidza muvira romoto kuti zvinyungudiswe nokupiswa nezhenje, saizvozvo ndichakuunganidzai pakutsamwa kwangu nehasha dzangu ndigokuyisai mukati meguta ndigokunyautsai.

21 Ndichakuunganidzai nokukufuridzai nokupisa kwehasha dzangu uye muchanyautswa mukati maro.

22 Sokunyautswa kwesirivha iri muvira romoto, saizvozvo muchanyautswa mukati maro, uye muchaziva kuti ini Jehovha ndadurura hasha dzangu pamusoro penyu.’ ”

23 Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti,

24 “Mwanakomana womunhu, uti kunyika, ‘Iwe uri nyika isina kuwana mvura kana guti pazuva rehasha dzangu.’

25 Pane rangano yamachinda vari pakati payo vanoomba seshumba iri kubvamburanya chayabata; vanodya vanhu, vanotora pfuma nezvinhu zvinokosha uye vanoita kuti chirikadzi dzivande mukati mayo.

26 Vaprista vayo vanogutsa mirayiro yangu uye vanosvibisa zvinhu zvangu zvitsvene; havaoni mutsauko pakati pechinhu chitsvene nechinhuwo zvacho; vanodzidzisa kuti hapana mutsauko pakati pezvisakachena nezvakachena; uye vanotsinzina meso avo kuti varege kuchengeta maSabata angu, saka ini ndakasvibiswa pakati pavo.

27 Machinda ari mukati maro akaita samapumhi ari kubvamburanya chaabata; vanoteura ropa nokuuraya vanhu kuti vawane pfuma yokusarurama.

28 Vaprofita vayo vanofukidza mabasa avo aya nezviratidzo zvenhema nokuvuka kwenhema. Vanoti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha,’ izvo Jehovha haana kutaura.

29 Vanhu vomunyika vanotora mari nokumanikidzira uye vanoita ugororo; vanomanikidza varombo navanoshayiwa uye vanoitira vatorwa zvakaipa, vachiramba kuvaruramisira.

30 “Ndakatsvaka munhu pakati pavo angavaka rusvingo nokumira pamberi pangu, pakakoromoka achimirira nyika kuti ndirege kuparadza, asi ndakashayiwa kana mumwe.

31 Saka ndichadurura kutsamwa kwangu pamisoro pavo ndigovaparadza nokutsamwa kwangu, ndichiburutsira pamisoro yavo zvavakaita zvose, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”

Ezekieri 23

Vanasikana Vaviri Zvifeve

1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2 “Mwanakomana womunhu, kwakanga kuna vakadzi vaviri, vanasikana vamai vamwe chete.

3 Ivo vakava zvifeve muIjipiti, vakaita ufeve vachiri vadiki. Munyika imomo, mazamu oumhandara hwavo akabatwa-batwa uye zvipfuva zvavo zvakabatwa-batwa.

4 Zita romukoma rakanga richinzi Ohora, uye munun’una wake ainzi Ohoribha. Ivo vakanga vari vangu uye vakabereka vanakomana navanasikana. Ohora ndiye Samaria uye Ohoribha ndiye Jerusarema.

5 “Ohora akaita ufeve iye achiri wangu; akachiva zvikomba zvake, ivo vaAsiria, varwi

6 vakanga vakapfeka nguo dzebhuruu, vabati navatungamiri vehondo, vakanga vari majaya akanaka chose, uye vari vatasvi vamabhiza.

7 Iye akaita ufeve navapamusoro-soro vose veAsiria uye akazvisvibisa nezvifananidzo zvose zvavose vaaichiva.

8 Haana kurega ufeve hwaakatangira kuIjipiti, paakavata navarume achiri muduku, vakabata-bata chipfuva choumhandara hwake uye vakadurura ruchiva rwavo pamusoro pake.

9 “Naizvozvo ndakamuisa kuzvikomba zvake, ivo vaAsiria, vaakanga achichiva.

10 Vakamubvisa nguo akasara asina, ashama, vakatora vanakomana vake navanasikana ndokubva vamuuraya nomunondo. Akabva ava shumo pakati pavakadzi uye akarangwa.

11 “Munun’una wake Ohoribha akazviona izvozvo, asi nokuda kworuchiva rwake noufeve hwake, akanyanya ufeve kupfuura mukoma wake.

12 Iye akachivawo vaAsiria, vatongi navatungamiri vehondo, varwi vakapfeka zvakakwana, vatasvi vaifamba namabhiza, namajaya akanaka ose.

13 Ndakaona kuti naiyewo akazvisvibisa; vose vari vaviri vakafamba nenzira imwe cheteyo.

14 “Asi akaenderera mberi noufeve hwake. Akaona mifananidzo yavarume pamadziro, mifananidzo yavaKaradhea mitsvuku,

15 vana mabhandi akamonera muzviuno zvavo nengowani dzemicheka dzairembera pamisoro yavo; vakaita samachinda engoro dzeBhabhironi, vagari veKaradhea.

16 Paakangovaona, akabva avachiva ndokutumira nhume kwavari muKaradhea.

17 Ipapo vaBhabhironi vakauya kwaari, kunhoo yorudo, mukuchiva kwavo, vakamusvibisa. Shure kwokusvibiswa kwake navo, akavafuratira kwazvo.

18 Paakaenderera mberi noufeve hwake pachena uye akaratidza kushama kwake, ndakamufuratira zvandisembura, sokufuratira kwandakanga ndaita mukoma wake.

19 Asi akaramba achiwedzera unzenza hwake achirangarira mazuva ouduku hwake, paakanga ari chifeve muIjipiti.

20 Akachiva zvikomba zvake ikoko, vane mitezo yakaita sembongoro uye zvinobuda mavari zvakaita sezvamabhiza.

21 Saka wakapanga unzenza hwouduku hwako, pawaiva muIjipiti chipfuva chako chakabatwa-batwa uye mazamu ouduku hwako akabatwa-batwa.

22 “Naizvozvo, Ohoribha, zvanzi naIshe Jehovha: Ndichakumutsira zvikomba zvako kuti zvikurwise, ivo vawakasemburwa navo ukavafuratira, ndichavauyisa kuzorwa newe vachibva kumativi ose,

23 vaBhabhironi navaKaradhea vose, varume vePekodhi neveShowa neKowa, uye vaAsiria vose pamwe chete navo, majaya akanaka, vose vari vabati nevatungamiri vamauto, namachinda engoro navarume vezvigaro zvapamusoro, vose vakatasva mabhiza.

24 Vachauya kuzorwa newe vaine zvombo, nengoro uye neboka ravanhu vazhinji, vachagadzirira kuti varwe newe kumativi ose nenhoo huru neduku uye nenguwani dzokurwa nadzo. Ndichakudzorera kwavari kuti urangwe, uye vachakuranga sezvakafanira mitemo yavo.

25 Ndichamutsa godo rangu kuti ndirwe newe, uye ivo vachakurwisa nehasha. Vachagura mhino yako nenzeve dzako, uye vakasara venyu vachaurayiwa nomunondo. Vachakutorerai vanakomana venyu navanasikana venyu, uye vachasara venyu vachaparadzwa nomoto.

26 Vachakubvisai nguo dzenyu nokukutorerai ukomba hwenyu hwakaisvonaka.

27 Saka ndichagumisa unzenza hwenyu noufeve hwamakatangira muIjipiti. Hamuchazotariri zvinhu izvi muchizvishuva kana kuzorangarira Ijipiti zvakare.

28 “Nokuti zvanzi naIshe Jehovha: Ndava kuzokuisa mumaoko avanhu vaunovenga, kuna avo vawakafuratira wasemburwa navo.

29 Ivo vachakuitira ruvengo vagokutorera zvinhu zvose zvawakashandira. Vachakusiya usina kupfeka wakashama, uye kunyadzisa kwoufeve hwako kuchaiswa pachena. Unzenza hwako nokupata kwako

30 zvakaisa izvi pamusoro pako, nokuti iwe wakachiva ndudzi ndokuzvisvibisa nezvifananidzo zvadzo.

31 Wakafamba nenzira yomunun’una wako; saka ndichaisa mukombe wake muruoko rwako.

32 “Zvanzi naIshe Jehovha: Uchanwa mukombe womukoma wako, mukombe mukuru wakadzika; uchakuvigira kusekwa nokumhurwa, nokuti une zvakawanda.

33 Uchazadzwa nokudhakwa nokusuwa, mukombe wokuparadza nokuputsa, mukombe womukoma wako Samaria.

34 Uchanwa zvokupedza kuti tsvai; uchauputsa ukava zvaenga uye uchacheka mazamu ako. Ndini ndazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

35 “Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Sezvo wakandikanganwa ukandirashira shure kwako, unofanira kuzvitakurira matambudziko ounzenza hwako noufeve hwako.”

36 Jehovha akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu unganditongerewo Ohora naOhoribha here? Ipapo uvazivise zvinonyangadza zvavanoita,

37 nokuti vakaita ufeve uye ropa riri mumaoko avo. Vakaita ufeve nezvifananidzo zvavo; vakasvika pakubayira vana vavo, vavakandiberekera ini, kuti zvive zvokudya zvavo.

38 Vakaitawo izvi kwandiri: Panguva imwe cheteyo vakasvibisa nzvimbo yangu tsvene vakasvibisa maSabata angu.

39 Pazuva ravakabayira vana vavo, kuzvifananidzo zvavo, vakapinda munzvimbo yangu tsvene vakaisvibisa. Ndizvo zvavakaita mumba mangu.

40 “Vakatuma kunyange nenhume kundodana varume uye pavakasvika iwe wakazvishambidza nokuda kwavo, ukazodza meso ako ndokuzvishongedza noukomba.

41 Wakagara panhoo yakaisvonaka ine tafura yakagadzikwa pamberi payo pawakanga wakaisa zvinonhuwira namafuta akanga ari angu.

42 “Mheremhere yavanhu vakanga vasina hanya yakanga yakamukomberedza: VaSabhea vakaunzwa kubva kugwenga pamwe chete navarume vaibva pamhomho yavanhu vezhowezhowe, uye vakashongedza mabhenguro mumaoko omukadzi nomunun’una wake nekorona dzakaisvonaka pamisoro yavo.

43 Ipapo ndakati pamusoro paiye akanga apera noufeve, ‘Zvino ngavamushandise sechifeve, nokuti ndizvo zvaari.’

44 Ipapo vakavata naye. Sokuvata kunoita varume nechifeve, saizvozvo vakavata navakadzi nzenza, ivo vana Ohora naOhoribha.

45 Asi vanhu vakarurama vachavatonga nechirango chinopiwa vakadzi vanoita ufeve nokuteura ropa, nokuti ivo zvifeve uye ropa riri pamaoko avo.

46 “Zvanzi naIshe Jehovha: Uyai neboka ravarwi vazovarwisa muvatyise nokuvapamba.

47 Mhomho ichavatema namabwe nokuvabaya neminondo; vachauraya vanakomana vavo navanasikana vavo vagopisa dzimba dzavo.

48 “Saka ndichagumisa unzenza panyika, kuti vakadzi vose vayambirwe vagorega kutevedzera.

49 Ucharangwa nokuda kwounzenza hwako uye uchatakura mubayiro wezvivi zvokufeva kwako. Ipapo uchaziva kuti ndini Ishe Jehovha.”

Ezekieri 24

Hari yokubikira

1 Mugore rechipfumbamwe, nomwedzi wegumi pazuva regumi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2 “Mwanakomana womunhu, nyora zita rezuva iri, zuva iro rino chairo, nokuti mambo weBhabhironi akomba Jerusarema pazuva irori.

3 Taurira imba yokumukira iyi mufananidzo, uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Gadza hadyana; igadze ugodira mvura mairi.

4 Uise mairi nhindi dzenyama, nhindi dzakanaka, gumbo nebandauko. Uizadze namapfupa akaisvonaka aya;

5 utore gwai rakasanangurwa. Uise huni pasi payo kuitira mapfupa; uivirise ugobika mapfupa imomo.

6 “ ‘Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Rine nhamo guta rinoteura ropa, nehadyana ine ngura, mukati mayo, ine ngura isingabvi. Budisai nhindi imwe neimwe musingakandi mijenya nokuda kwadzo.

7 “ ‘Nokuti ropa rarakateura riri pakati paro: Rakaridururira paruware pasina chinhu; harina kuriteurira pavhu, paringafukidzwa neguruva.

8 Kuti ndimutse hasha dzangu ndigotsiva ndakaisa ropa raro paruware pasina chinhu kuti rirege kufukidzwa.

9 “ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Rine nhamo guta rinoteura ropa! Neniwo, ndichaunganidza huni dzakawanda.

10 Saka tutira huni ugobatidza moto. Ubike nyama zvakanaka, uchisanganisa nezvinonhuwira; uye urege mapfupa atsve.

11 Ipapo ugoisa hadyana isina chinhu pamazimbe kusvikira yapisa ndarira yayo yan’aima kuti kusachena kwayo kunyauke uye tsvina yayo itsve yose.

12 Zvakunda kushingaira kwangu kwose; tsvina yayo zhinji haina kubviswa, kunyange nomoto chaiwo.

13 “ ‘Zvino kusachena kwako ndihwo unzenza hwako. Nokuti ndakaedza kukunatsa asi hauna kunatswa pakusachena kwako, hauchazonatswizve kusvikira hasha dzangu dzabva pamusoro pako.

14 “ ‘Ini Jehovha ndakazvitaura. Nguva yangu yokuzviita yasvika. Handingaregi; handiganzwiri ngoni, uye handingazvidembi. Uchatongwa zvakafanira mabasa ako namafambiro ako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”

Kufa kwoMukadzi waEzekieri

15 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

16 “Mwanakomana womunhu, ndava kuzokutorera uyo anofadza meso ako kamwe chete. Asi usaungudza kana kuchema kana kubudisa misodzi.

17 Gomera chinyararire; usachema akafa. Gara wakasunga ngowani yako zvakasimba uye neshangu dziri mumakumbo ako; urege kufumbira zasi kwouso hwako kana kudya zvokudya zvavanochema.”

18 Saka mangwanani ndakataura kuvanhu, uye mukadzi wangu akafa madekwana. Fume mangwana, ndakaita zvandakanga ndarayirwa.

19 Ipapo vanhu vakandibvunza vachiti, “Haungatiudzi kuti zvinhu izvi zvinorevei kwatiri here?”

20 Saka ndakati kwavari, “Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

21 Uti kuimba yaIsraeri, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndava pedyo nokusvibisa nzvimbo yangu tsvene, iyo nhare yamunozvirumbidza nayo, iwo mufaro wamaziso enyu, nechinhu chamunoda. Vanakomana navanasikana vamakasiya vachaurayiwa nomunondo.

22 Uye imi muchaita sezvandakaita. Hamungazofumbiri zasi kwezviso zvenyu kana kudya zvokudya zvavanochema.

23 Mucharega ngowani dzenyu dziri mumisoro yenyu neshangu dziri mumakumbo enyu. Hamungaungudzi kana kuchema asi muchaonda nokuda kwezvivi zvenyu uye muchagomera pakati penyu.

24 Ezekieri achava chiratidzo kwamuri; muchaita sezvaakaita. Panoitika izvi, imi muchaziva kuti ndini Ishe Jehovha.

25 “Uye iwe, mwanakomana womunhu, pazuva randichavatorera nhare dzavo mufaro wavo nokukudzwa kwavo, mufaro wamaziso avo, chishuvo chemwoyo yavo, uye vanakomana navanasikana vavowo.

26 Pazuva iro mutizi achauya kuzokuudza nhau.

27 Panguva iyoyo muromo wako uchazaruka; uchataura naye uye hauchazonyararizve. Saka iwe uchava chiratidzo kwavari, uye vachaziva kuti ndini Jehovha.”

Ezekieri 25

Chiprofita pamusoro peAmoni

1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2 “Mwanakomana womunhu, ringira chiso chako pamusoro pavaAmoni uprofite pamusoro pavo.

3 Uti kwavari, ‘Inzwai shoko raIshe Jehovha. Zvanzi naIshe Jehovha: Nokuda kwokuti imi makati, “Toko waro!” pamusoro penzvimbo yangu tsvene panguva yayakasvibiswa napamusoro penyika yeIsraeri payakaparadzwa, napamusoro pavanhu veJudha pavakaenda kuutapwa,

4 naizvozvo ndichakuisai kuvanhu vokuMabvazuva kuti muve vavo. Vachadzika misasa yavo nokumisa matende avo pakati penyu; vachadya michero yenyu nokunwa mukaka wenyu.

5 Ndichashandura Rabha rikava mafuro engamera uye Amoni kuti ive nzvimbo inozororera makwai. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.

6 Nokuti zvanzi naIshe Jehovha: Nokuda kwokuti makauchira maoko enyu mukadzana-dzana netsoka dzenyu muchifara noruvengo rwose rwemwoyo yenyu rwamunovenga narwo nyika yeIsraeri,

7 naizvozvo ndichatambanudza ruoko rwangu pamusoro penyu ndigokupai kuti mupambwe nendudzi. Ndichakubvisai chose kubva kundudzi nokukupedzai munyika dzose. Ndichakuparadzai; uye muchaziva kuti ndini Jehovha.’ ”

Chiprofita pamusoro peMoabhu

8 “Zvanzi naIshe Jehovha, ‘Nokuda kwokuti Moabhu neSeiri vakati, “Tarirai, imba yaJudha yafanana nedzimwe ndudzi,”

9 naizvozvo ndichaisa pachena rutivi rwaMoabhu, kutangira pamavambo maguta okumuganhu anoti Bheti Jeshimoti, Bhaari Meoni neKiriataimi iko kukudzwa kwenyika iyoyo.

10 Ndichapa Moabhu pamwe chete navaAmoni kuvanhu vokuMabvazuva kuti vave vavo, kuti vaAmoni varege kuzorangarirwa pakati pendudzi;

11 uye ndicharanga Moabhu. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.’ ”

Chiprofita pamusoro peEdhomu

12 “Zvanzi naIshe Jehovha, ‘Nokuda kwokuti Edhomu akatsiva pamusoro peimba yaJudha vakava nemhosva huru pakuita izvozvo,

13 naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndichatambanudza ruoko rwangu pamusoro peEdhomu ndigouraya vanhu vose varo nezvipfuwo zvavo. Ndichariparadza uye kubva kuTemani kusvika kuDhedhani vachaurayiwa nomunondo.

14 Ndichatsiva Edhomu noruoko rwavanhu vangu, uye vachaitira Edhomu zvakafanira kutsamwa kwangu nehasha dzangu; vachaziva kutsiva kwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”

Chiprofita pamusoro peFiristia

15 “Zvanzi naIshe Jehovha, ‘Nokuda kwokuti vaFiristia vakazvitsivira vakatsiva noruvengo mumwoyo yavo, uye noruvengo rwamakore namakore vakatsvaka kuparadza Judha,

16 naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndava pedyo nokutambanudza ruoko rwangu pamusoro pavaFiristia, uye ndichauraya vaKereti ndigoparadza vaya vakasara pamhenderekedzo.

17 Ndichatsiva nokutsiva kukuru pamusoro pavo uye ndichavaranga muhasha dzangu. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichatsiva pamusoro pavo.’ ”

Ezekieri 26

Chiprofita pamusoro peTire

1 Mugore regumi nerimwe, pazuva rokutanga romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2 “Mwanakomana womunhu, nokuda kwokuti Tire yakati kuJerusarema, ‘Toko waro! Suo rokundudzi raputsika, uye makonhi aro azarukira kwandiri; zvino zvarava dongo ini ndichabudirira,

3 naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndiri kukurwisa, iwe Tire, uye ndichauyisa marudzi mazhinji kuti azorwa newe, segungwa rinorasa mafungu aro.

4 Vachaparadza masvingo eTire nokuondomora shongwe dzaro; ndichatsvairira marara aro kure ndigoriita dombo risina chinhu.

5 Richava nzvimbo yokuruka mimbure yehove kugungwa ikoko, nokuti ndakazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Richava chinhu chinopambwa chendudzi,

6 uye ugaro hwaro hwokumaruwa huchaparadzwa nomunondo. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.

7 “Nokuti zvanzi naIshe Jehovha: Ndichauyisira Tire Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, mambo wamadzimambo, achibva nechokumusoro, ana mabhiza nengoro, navatasvi vamabhiza nehondo huru.

8 Iye achaparadza ugaro hwamaruwa ako nomunondo, achakuvakira nhare dzokurwa newe, uye achavaka mirwi yokurwa pamasvingo ako agosimudza nhoo dzokukurwisa nadzo.

9 Achatuma zvokugumura pamasvingo ako agokoromora shongwe dzako nezvombo zvake.

10 Mabhiza ake achawanda kwazvo zvokuti muchafukidzwa neguruva rawo. Masvingo ako achadengenyeka nomubvumo wamabhiza ehondo, nengoro dzamavhiri mana nengoro dzamavhiri maviri paanenge achipinda pamasuo ako somunhu anopinda muguta rina masvingo akaondomoka.

11 Mahwanda amabhiza ake achatsika-tsika nzira dzako dzomumisha dzose; achauraya vanhu vako nomunondo, uye mbiru dzako dzakasimba dzichawira pasi.

12 Vachapamba pfuma yako uye vachaba zvaunotengesa: vachakoromorera pasi masvingo ako uye vachaputsa dzimba dzako dzakaisvonaka nokurasa matombo ako nematanda namarara ako mukati megungwa.

13 Ndichagumisa mheremhere yenziyo dzako, nokurira kwembira dzako hakuchazonzwikwizve.

14 Ndichakuita dombo risina chinhu, uye uchava nzvimbo yokuyanika mimbure yehove. Hauchazovakwizve, nokuti ini Jehovha ndakazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

15 “Zvanzi naIshe Jehovha kuTire: Ko, zviwi hazvichadengenyeki here pakunzwa mubvumo wokuwa kwako, vakakuvadzwa pavanenge vachigomera uye kuuraya kuchiitika mauri here?

16 Ipapo machinda ose omuzviwi achaburuka pazvigaro zvawo zvoushe vagoisa nhumbi dzavo dzoushe parutivi uye vagobvisa vachidedera nguva dzose, vashamiswa newe.

17 Ipapo vachaita mariro pamusoro pako vagoti kwauri: “ ‘Wakaparadzwa sei, iwe guta romukurumbira, wakanga uzere navanhu vomugungwa! Wakanga uri simba pamusoro pamakungwa, iwe navanhu vako; wakaisa kutya kwako pamusoro pavo vose vaigara ikoko.

18 Zvino zviwi zvinodengenyeka pazuva rokuwa kwako; zviwi zviri mugungwa zvavhundutswa nokuwa kwako.’

19 “Zvanzi naIshe Jehovha: Pandichaita kuti guta rako rive dongo, samamwe maguta asingachagarwi uye pandinouyisa kudzika kwegungwa pamusoro pako uye mvura zhinji dzaro dzikakufukidza,

20 ipapo ndichakuburutsa pamwe chete navaya vanoburukira kugomba, kuvanhu vakarekare.

21 Ndichakusvitsa kumagumo anotyisa uye hauchazovepozve. Uchatsvakwa, asi haungawanikwizve, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”

Ezekieri 27

Mariro pamusoro peTire

1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2 “Mwanakomana womunhu, ita mariro pamusoro peTire.

3 Uti kuTire, riri pamusoro unopinda kugungwa, mushambadziri wavanhu vamarudzi ose pazviwi zvizhinji, “Zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Unoti, iwe Tire, “Ini ndakakwana parunako.”

4 Simba rako rakanga riri pamakungwa makuru; vavaki vako vakaita kuti runako rwako rusvike pakukwana.

5 Vakaita mapuranga ako ose emiti yemipaini inobva kuSeniri; vakatora musidhari waibva kuRebhanoni, kuti vakuitirei danda rokutsigira maseiri muchikepe.

6 Vakaita matanda okukwasva nawo omuouki aibva kuBhashani; namapuranga omusipuresi aibva kuzviwi zveSaipurasi vakaita uriri hwako namapuranga, ane nyanga dzenzou mukati.

7 Maseiri ako akanga ari omucheka wakaisvonaka wakarukwa waibva kuIjipiti, uye wakashandiswa somureza wako; zvifukidzo zvako zvamatende zvakanga zviri bhuruu nepepuru, zvaibva kuzviwi zveErisha.

8 Varume veSidhoni neArivhadhi ndivo vakanga vari vakwasvi vako; mhizha dzako, iwe Tire dzakanga dzirimo savafambisi vako vechikepe.

9 Mhare dzoumhizha dzeGebhari vakanga varimo, savavaki vechikepe kuti vagadzirire vakwasvi vako. Zvikepe zvose zvegungwa navafambisi vazvo vakauya kuzotengeserana newe zvawakagadzira.

10 “ ‘Vanhu vokuPezhia, neRidhia nePuti vakashanda savarwi muhondo yako. Vakarembedza nhoo dzavo nenguwani pamasvingo ako, vachikuvigira mbiri.

11 Vanhu vokuArivhadhi nevokuHereki vakakomba masvingo ako kumativi ose; vanhu vokuGamadhi vakanga vari mushongwe dzako. Vakaturika nhoo dzavo pamasvingo ako; vakaita kuti runako rwako rukwane.

12 “ ‘Tashishi yakatengeserana newe nokuda kwepfuma yako huru yenhumbi; vakatsinhanisa sirivha, nesimbi, netini nedare zvokushambadzira zvako.

13 “ ‘Girisi, Tubhari neMesheki dzakatengeserana newe; vakatsinhanisa nhapwa nezvinhu zvendarira zvezvigadzirwa zvako.

14 “ ‘Varume veBheti Togarima vakatsinhanhisa mabhiza ebasa namabhiza ehondo namanyurusi kuti uzvishambadzire.

15 “ ‘Varume vokuRodhe vakatengeserana newe, uye zviwi zvizhinji zvakanga zviri nzvimbo dzako dzokutengesera; vaikuripira nenyanga dzenzou nomuti womuvanga.

16 “ ‘Aramu yakatengeserana newe nokuda kwezvibereko zvako zvizhinji; vakatsinhanisa matombo eturikoise nemicheka yepepuru, nezvakarukwa, nemicheka yakaisvonaka, nekorari namatombo amarubhi zvokutengesa zvako.

17 “ ‘Judha neIsraeri vakatengeserana newe, vakatsinhanisa gorosi neMiniti nezvinotapira, nouchi, namafuta nebhasami nezvigadzirwa zvako.

18 “ ‘Dhamasiko, rakatengeserana newe nokuda kwezvigadzirwa zvako zvizhinji nepfuma yenhumbi newaini yaibva kuHeribhoni newuru yaibva kuZahari.

19 “ ‘VaDhani navaGiriki vaibva kuUzari vakatenga zvawaishambadzira; vakatsinhanisa simbi yakabikwa, nekasia, nekaramo zvigadzirwa zvako.

20 “ ‘Dhedhani akatengeserana newe machira okugarira pamabhiza.

21 “ ‘Arabhia namachinda ose eKedhari vakanga vachikutengera; vakatengeserana newe namakwayana, namakondohwe nembudzi.

22 “ ‘Vashambadziri vokuShebha neRama vakatengeserana newe; pane zvawaishambadzira iwe ivo vakatsinhanisa namarudzi ezvinonhuwira ose uye namabwe anokosha, negoridhe.

23 “ ‘Harani, neKane neEdheni navashambadziri vokuShebha, Ashuri neKirimadhi vakatengesarana newe.

24 Vakatengeserana newe munzvimbo dzokutengesera nguo dzakaisvonaka, dzemicheka yebhuruu, nezvakarukwa, namachira amavara namabote akakoswa uye ana mafundo akasimba.

25 “ ‘Zvikepe zveTashishi zvakashanda pakutakura zvigadzirwa zvako. Iwe wakazadzwa nezvitakurwa zvinorema, ipo pamwoyo wegungwa.

26 Vakwasvi vako vanokutora voenda newe kumakungwa makuru. Asi mhepo yokumabvazuva ichakuputsa-putsa mumwoyo megungwa chaimo.

27 Pfuma yako, nenhumbi dzokutengesa nezvakagadzirwa, varairi navafambisi vako vezvikepe navagadziri vazvo, vashambadziri vako nevarwi vako vose, uye vose varimo vachanyura pakati pomwoyo wegungwa, pazuva rokuparadzwa kwechikepe chako.

28 Nyika dzokumahombekombe dzichadengenyeka nokudanidzira kwavafambisi vako vezvikepe.

29 Vose vanobata matanda okukwasva vachasiya zvikepe zvavo; vachairi nevafambisi vako vezvikepe vachandomira kumahombekombe.

30 Vachadanidzira namanzwi avo vagochema zvikuru pamusoro pako; vachakushira guruva pamisoro yavo vagoumburuka mumadota.

31 Vachaveura misoro yavo nokuda kwako, uye vachapfeka nguo dzamasaga. Vachachema pamusoro pako nokurwadza kwomwoyo, uye nokuchema kukuru.

32 Pavanoungudza nokuchema pamusoro pako, vachaita mariro pamusoro pako vachiti, “Ndianiko akashaya rokureva seTire, rakakomberedzwa negungwa?”

33 Pakabuda vashambadziri vako vachienda kugungwa, wakagutisa ndudzi zhinji, nepfuma yako huru uye nenhumbi dzako, wakapfumisa madzimambo enyika.

34 Zvino wakaputsanyiwa negungwa mumvura zhinji yakadzika; nhumbi dzako navanhu vako vose zvakanyura pamwe chete newe.

35 Vose vanogara muzviwi vanoshamiswa pamusoro pako; madzimambo avo anodedera nokutya, uye zviso zvavo zvakanganiswa nokutya.

36 Vashambadziri vari pakati pendudzi vanokuridzira muridzo; wasvika pamagumo anonyangadza uye hauchazovapozve.’ ”

Ezekieri 28

Chiprofita pamusoro paMambo weTire

1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2 “Mwanakomana womunhu, uti kumubati weTire, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Mukuzvikudza kwomwoyo wako iwe wakati, “Ini ndiri mwari; ndinogara pachigaro choushe chamwari, pakati pomwoyo wamakungwa.” Asi uri munhu zvako uye hauzi mwari, kunyange uchifunga kuti wakachenjera samwari.

3 Ko, iwe wakachenjera kukunda Dhanieri here? Ko, hauna chakavanzika chausingazivi here?

4 Wakazviwanira pfuma nouchenjeri hwako nokunzwisisa kwako, uye wakazviunganidzira goridhe nesirivha muzvivigiro zvepfuma yako.

5 Wakawanza pfuma yako nouchenjeri hwako hwokutengesa, uye nokuda kwepfuma yako mwoyo wako wakazvikudza.

6 “ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Nokuda kwokuti unofunga kuti wakangwara, sokungwara kwamwari,

7 ndava kuzouyisa vatorwa kuti vazokurwisa, rudzi rwakaipisisa pakati pendudzi dzose, vachavhomora minondo yavo kuti varwise kunaka nokuchenjera kwako, vagosvibisa kupenya kwokubwinya kwako.

8 Vachakuburutsira kugomba, uye uchafa rufu runorwadza pakati pomwoyo wamakungwa.

9 Ipapo uchati here, “Ndiri mwari,” pamberi pavanokuuraya? Uchava munhu chete, kwete mwari, mumaoko aivo vanokuuraya.

10 Uchafa rufu rwomunhu asina kudzingiswa pamaoko avatorwa. Ndazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”

11 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

12 “Mwanakomana womunhu, itira mambo weTire mariro ugoti kwaari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Iwe wakanga uri muenzaniso wokukwana, uzere nouchenjeri wakakwana parunako.

13 Wakanga uri muEdheni, bindu raMwari; wakashongedzwa namatombo ose anokosha anoti: rubhi, tapazi neemeraridhi, krisorite, onikisi, jasipa, safuri, turikoise nebheriri. Urongwa nezvitsigiro zvako zvakanga zvakagadzirwa negoridhe; zvakagadzirwa pazuva rokusikwa kwako.

14 Iwe wakazodzwa sekerubhi rinorinda, nokuda kwaizvozvo ndakakugadza. Wakanga uri pamusoro pegomo dzvene raMwari; wakanga uchifamba pakati pamabwe omoto.

15 Wakanga usina chaungapomerwa panzira dzako, kubva pazuva rawakasikwa kusvikira kuipa pakwazowanikwa mauri.

16 Nokuwanda kwokushambadzira kwako wakabva wazara nechisimba, ndokubva watadza. Saka ndakakudzinga mukunyadziswa kubva pagomo raMwari, uye ndakakudzinga, iwe kerubhi rokurinda, kuti ubve pakati pamabwe omoto.

17 Mwoyo wako wakazvikudza nokuda kworunako rwako, uye wakaodza uchenjeri hwako nokuda kwokubwinya kwako. Saka ndakakukandira kunyika; ndakakuita chinhu chinosekwa pamberi pamadzimambo.

18 Nokuda kwokuwanda kwezvivi zvako, uye nokubiridzira kwako mukushambadzira, wakazvidza nzvimbo dzako tsvene. Saka ndakabudisa moto mukati mako, ukakuparadza, uye ndakakupisa kusvikira wava madota panyika, pamberi pavose vaikuona.

19 Ndudzi dzose dzinokuziva dzinoshamiswa newe; wasvika pamagumo akaipisisa uye hauchazovapozve.’ ”

Chiprofita pamusoro peSidhoni

20 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

21 “Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako pamusoro peSidhoni; uprofite pamusoro paro,

22 uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, “Ndine mhaka newe, iwe Sidhoni, uye ndichazviwanira kukudzwa mukati mako. Vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichariranga nokuzviratidza kuti ndiri mutsvene mariri.

23 Ndichatuma denda pamusoro paro uye ndichaita kuti ropa riyerere munzira dzaro. Vakaurayiwa vachawira mariri, nomunondo uchirirwisa kumativi ose. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.

24 “ ‘Vanhu veIsraeri havachazovizve navavakidzani vanovagodora vachivarwadzisa sorukato runopinza. Ipapo vachaziva kuti ndini Ishe Jehovha.

25 “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pandinounganidza vanhu veIsraeri kubva kundudzi kwavakanga vakaparadzirwa, ndichazviratidza kuti ndiri mutsvene pakati pavo pamberi pendudzi. Ipapo vachagara munyika yavo pachavo, yandakapa muranda wangu Jakobho.

26 Vachagaramo norugare uye vachavaka dzimba nokusima minda yemizambiringa; vachagara norugare pandicharanga vavakidzani vavo vose vanovagodora. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo.’ ”

Ezekieri 29

Chiprofita pamusoro peIjipiti

1 Mugore regumi, mumwedzi wegumi pazuva regumi namaviri, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2 “Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako pamusoro paFaro mambo weIjipiti.

3 Taura kwaari kuti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Ndine mhaka newe, iwe Faro mambo weIjipiti, iyewe shato huru uvete pakati pehova dzako. Iwe unoti, “Nairi ndorwangu; ndakazvigadzirira pachangu.”

4 Asi ndichaisa zvikokovono mushaya dzako, uye ndichaita kuti hove dzomuhova dzako dzinamatire pamakwati ako. Ndichakukwevera kunze ubve pakati pehova dzako, nehove dzose dzakanamatira pamakwati ako.

5 Ndichakusiya mugwenga, iwe nehove dzose dzomuhova dzako. Uchawira pasi pabani pachena zvapo, uye haungaunganidzwi kana kunongwa. Ndichakupa sechokudya kuzvikara zvenyika neshiri dzedenga.

6 Ipapo vose vagere muIjipiti vachaziva kuti ndini Jehovha. “ ‘Wakanga uri tsvimbo yorutsanga kuimba yaIsraeri.

7 Vakati vachikubata namaoko avo, iwe ukatsemuka uye ukabvarura mapfudzi avo; pavakasendamira pauri, wakavhunika misana yavo ndokuminama.

8 “ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndichauyisa munondo kuzokurwisa nokuuraya vanhu vako nezvipfuwo zvavo.

9 Ijipiti richava dongo rakaparadzwa. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha. “ ‘Nemhaka yokuti iwe wakati, “Nairi ndorwangu; ndini ndakaruita,”

10 naizvozvo ndine mhaka newe nehova dzako, uye ndichaita kuti nyika yeIjipiti iparadzwe uye ive dongo kubva kuMigidhori kusvikira kuAswani, kundosvika kumuganhu weEtiopia.

11 Hakuna rutsoka kana rwemhuka ruchapfuura nomo; hakuna achagaramo kwamakore makumi mana.

12 Nyika yeIjipiti ndichaiita dongo pakati penyika dzakaparadzwa, uye maguta ayo achava matongo kwamakore makumi mana pakati pamaguta akaitwa matongo. Uye ndichaparadzira vaIjipita pakati pendudzi nokuvadzingira munyika dzose.

13 “Asi zvanzi naIshe Jehovha: Mushure mamakore makumi mana ndichaunganidza vaIjipita kubva kundudzi dzandakanga ndavadzingira.

14 Ndichavadzosa kubva kuutapwa ndigovadzosera kunyika yePatirosi, nyika yamadzitateguru avo. Vachava ushe hwakazvidzwa ikoko.

15 Huchava ushe hwakazvidzika chose uye hahuchazozvisimudzirizve pamusoro pedzimwe ndudzi.

16 Ijipiti haichazombovizve chivimbo chavanhu veIsraeri asi ichava chirangaridzo chechivi chavo chokucheukira kwairi kuti vabatsirwe. Ipapo vachaziva kuti ndini Ishe Jehovha.’ ”

17 Mugore ramakumi maviri namanomwe, nomwedzi wokutanga pazuva rokutanga, shoko rakasvika kwandiri richiti,

18 “Mwanakomana womunhu, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akabatisa hondo yake basa guru rokurwa neTire; musoro mumwe nomumwe wakasvuurwa uye pfudzi rimwe nerimwe rakasvotorwa. Kunyange zvakadaro iye nehondo yake havana kuwana mubayiro pamusoro pebasa ravakaita achirwa naro.

19 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndiri kuzopa nyika yeIjipiti kuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, uye iye achatapa pfuma yayo. Achapamba nokutora nyika somuripo wehondo yake.

20 Ndakamupa Ijipiti somubayiro wokushingaira kwake nokuti iye nehondo yake vakandibatira ini, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

21 “Pazuva iro ndichameresa runyanga rweimba yaIsraeri, uye ndichazarura muromo wako pakati pavo. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.”

Ezekieri 30

Kuungudza pamusoro peIjipiti

1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2 “Mwanakomana womunhu, profita uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: “ ‘Ungudza uti, “Haiwa, zuva iro!”

3 Nokuti zuva rava pedyo, zuva raJehovha rava pedyo, zuva ramakore, nguva yokuparadzwa kwendudzi.

4 Munondo uchauya pamusoro peIjipiti, uye kurwadziwa kuchauya pamusoro paEtiopia. Vakaurayiwa pavachawa muIjipiti, pfuma yake ichatakurwa ichienda kure uye nheyo dzayo dzichakoromorwa.

5 Etiopia nePuti, Ridhia neArabhia yose, Ribhiya navanhu venyika yesungano vachaurayiwa nomunondo pamwe chete neIjipiti.

6 “ ‘Zvanzi naJehovha, “ ‘Vanotsigira Ijipiti vachawa uye kuzvikudza kwesimba rayo kuchapera. Kubva kuMigidhori kusvikira kuAswani, vachaurayiwa nomunondo pakati pake, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

7 “ ‘Vachaparadzwa pakati penyika dzakaparadzwa, uye maguta avo achava pakati pamaguta akaitwa matongo.

8 Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichatungidza moto kuIjipiti uye vabatsiri vayo vose vachaparadzwa.

9 “ ‘Pazuva iro, nhume dzichabva kwandiri dziri muzvikepe kuti dzindotyisidzira Etiopia kuti abve pakuvarairwa kwake. Ucharwadziwa pazuva rokuparadzwa kweIjipiti, nokuti zvirokwazvo rinouya.

10 “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Ndichagumisa vanhu vose veIjipiti noruoko rwaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi.

11 Iye nehondo yake, rudzi rwakaipisisa pakati pendudzi, achauyisa kuti azoparadza nyika. Vachavhomora minondo yavo kuti varwise Ijipiti, uye vachazadza nyika navakaurayiwa.

12 Ndichaomesa hova dzeNairi, uye ndichatengesa nyika kuvanhu vakaipa; namaoko avatorwa ndichaparadza nyika nezvose zviri mairi. Ini Jehovha ndazvitaura.

13 “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Ndichaparadza zvifananidzo nokugumisa mifananidzo yeMemufisi, muIjipiti hamuchazovizve nomuchinda, uye ndichaparadzira kutya munyika yose.

14 Ndichaita kuti Patirosi ive dongo, ndichapisa Zoani, uye ndicharanga Tebhesi.

15 Ndichadururira hasha dzangu pamusoro pePerusiami, iyo nhare yeIjipiti, uye ndichaparadza vanhu vose veTebhesi.

16 Ndichapisa Ijipiti; Perusiami ichazvonyongoka nokurwadziwa. Tebhesi richakukurwa nedutu; Memufisi ichagara iri munhamo.

17 Majaya okuHerioporisi neokuBhubhastisi achaurayiwa nomunondo, uye maguta achatapwa.

18 Rima ndiro richava masikati paTapanhesi, pandichavhuna joko reIjipiti; kuzvikudza kwesimba raro kuchapera ipapo. Richafukidzwa namakore, uye misha yaro ichaenda muutapwa.

19 Saka ndicharanga Ijipiti, uye vachaziva kuti ndini Jehovha.’ ”

20 Mugore regumi nerimwe, mumwedzi wokutanga pazuva rechinomwe shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

21 “Mwanakomana womunhu, ndavhuna ruoko rwaFaro mambo weIjipiti. Haruna kusungwa kuti rupore kana kuiswa chiseketo kuti ruve nesimba rokubata munondo.

22 Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndine mhaka naFaro mambo weIjipiti. Ndichavhuna maoko ake ose ari maviri, ruoko rwakanaka norwakavhunika, ndigoita kuti munondo uwe kubva muruoko rwake.

23 Ndichaparadzira vaIjipita pakati pendudzi ndigovadzingira munyika dzose.

24 Ndichasimbisa ruoko rwamambo weBhabhironi uye ndichaisa munondo wangu muruoko rwake, asi ndichavhuna maoko aFaro, uye achagomera pamberi pake somunhu akuvadzwa zvokuti achafa.

25 Ndichasimbisa maoko amambo weBhabhironi, asi maoko aFaro acharembera pasi. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichaisa munondo muruoko rwamambo weBhabhironi agouvheyesa kuti arwise Ijipiti.

26 Ndichaparadzira vaIjipiti pakati pendudzi ndigovadzingira munyika dzose. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.”

Ezekieri 31

Musidhari womuRebhanoni

1 Mugore regumi nerimwe, mumwedzi wechitatu pazuva rokutanga, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2 “Mwanakomana womunhu, uti kuna Faro mambo weIjipiti navanhu vake vose: “ ‘Ndianiko angaenzaniswa newe paushe?

3 Rangarira Asiria, yaimbova musidhari muRebhanoni, wakanga una matavi akaisvonaka akanga akafukidzira dondo; wakareba kwazvo, munhengenya wawo uri pamusoro pamashizha akapfumvutira.

4 Mvura zhinji yakaukwira, zvitubu zvakadzika zvakaita kuti urebe, hova dzazvo dzakayerera dzichipoteredza hunde yacho, uye dzinotumira mironga yadzo kumiti yose yesango.

5 Saka wakareba kwazvo kupfuura miti yose yesango, mativi awo akawanda uye matavi awo akareba, achitandavara nokuda kwemvura zhinji.

6 Shiri dzose dzedenga dzakavakira matendere adzo pamatavi awo, mhuka dzose dzesango dzakaberekera pasi pamatavi awo; ndudzi dzose huru dzakagara pamumvuri wawo.

7 Wakanga uchiyevedza parunako, namatavi awo akatandavara, nokuti midzi yawo yaidzika pasi kune mvura zhinji.

8 Misidhari yomubindu raMwari yakanga isingagoni kuukunda, uye miti yomupaini yakanga isingaenzani namatavi awo, uye miti yemipaini hayaienzaniswa namatavi awo, hakuna muti mubindu raMwari waienzana nawo pakunaka.

9 Ndakaita kuti uve unoyevedza una matavi akawanda, zvikagodora miti yose yomuEdheni mubindu raMwari.

10 “ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Nemhaka yokuti wakareba kwazvo, uchisimudzira manhengenya awo pamatavi akapfumvutira, uye nemhaka yokuti wakazvikudza nokuda kwokureba kwawo,

11 ndakauisa kumutongi wendudzi, kuti vamuitire zvakafanira kuipa kwawo. Ndakaukanda padivi,

12 uye rudzi rwakaipisisa kundudzi dzavatorwa rwakautemera pasi ndokuusiya. Matavi awo akawira pamakomo nomumipata yose; matavi awo ose akavhunira muhova dzose dzenyika. Ndudzi dzose dzomunyika dzakabva pasi pomumvuri wawo dzikausiya.

13 Shiri dzose dzedenga dzakamhara pamuti wakawa, uye mhuka dzose dzenyika dzakanga dziri pakati pamatavi awo.

14 Naizvozvo hakuna mimwe miti iri pamvura zhinji ichareba kwazvo ichizvikudza, ichizvisimudzira manhengenya ayo pamusoro pamatavi akapfumvutira. Hakuna mimwe miti inowana mvura yakadai ichazombosvika paurefu hwakadai; yose ichafa, nokuti nyika iri pasi, pakati pavanhu vanofa, navaya vanoburukira kugomba.

15 “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pazuva rawakaburusirwa muguva ndakafukidza matsime akadzika kuti aungudze nokuda kwawo ndikamisa hova dzawo, uye mvura yawo zhinji yakadziviswa. Nemhaka yawo ndakafukidza Rebhanoni nokusuwa, uye miti yose yesango yakasvava.

16 Ndakaita kuti ndudzi dzidedere padzakanzwa kuwa kwako pandakuburusira muguva navaya vanoenda mugomba nawo. Ipapo miti yose yemuEdheni, yakasarudzika uye neyakanakisa muRebhanoni, miti yose yakanga ichiwana mvura yakakwana, yakanyaradzwa panyika dzapasi.

17 Vaya vaigara mumumvuri wawo, navaya vavaibatana navo pakati pendudzi, vakanga vaburukirawo muguva nawo, vachiva pamwe navaya vakaurayiwa nomunondo.

18 “ ‘Ndeipiko miti yeEdheni ingaenzaniswa newe pakubwinya noushe? Kunyange zvakadaro, newewo, uchaburutswa pamwe chete nemiti yeEdheni panyika pasi; ucharara pakati pavasina kudzingiswa, navaya vakaurayiwa nomunondo. “ ‘Ndiye Faro navanhu vake vazhinji, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”