Isaya 47

Kuwa kweBhabhironi

1 “Buruka, ugare muguruva, iwe Mhandara yeBhabhironi; gara pasi usina chigaro choushe, iwe Mhandara yavaBhabhironi. Hauchazonzi uri munyoro kana munhu akapfava.

2 Tora makuyo ukuye upfu; bvisa vhoiri rako. Fukura nguo dzako, makumbo ako aonekwe, uyambuke hova.

3 Kushama kwako kuchava pachena, uye kunyadzwa kwako kuchaonekwa. Ndichatsiva; handizosiyi munhu.”

4 Mudzikinuri wedu, Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake; ndiye Mutsvene waIsraeri.

5 “Gara unyerere, enda murima, Mhandara yavaBhabhironi; hauchazonzi mambokadzi woumambo noumambo.

6 Ndakatsamwira vanhu vangu ndikasvibisa nhaka yangu; ndakavapa muruoko rwako, iwe ukasavanzwira ngoni. Kunyange vakakwegura wakavatakudza joko rinorema kwazvo.

7 Wakati, ‘Ndicharamba ndiri mambokadzi nokusingaperi!’ Asi hauna kufunga zvinhu izvi, kana kucherechedza zvaizogona kuitika.

8 “Naizvozvo zvino, chinzwa, iwe chisikwa chisingagutsikani, ugere zvakachengetedzeka, uchiti, mumwoyo mako, ‘Ndini, hakuna mumwe kunze kwangu. Handizovi chirikadzi, uye handizotambudziki nokurasikirwa navana.’

9 Zviviri izvozvi zvichakuwira nechinguva chidiki diki, pazuva rimwe chete zvinoti: kufirwa navana nouchirikadzi. Zvichauya pamusoro pako nechiyero chizere, kunyange uine un’anga hwako huzhinji, nouroyi hwako hwakawanda.

10 Wakavimba nezvakaipa zvako uye wakati, ‘Hapana anondiona.’ Uchenjeri hwako nezivo yako zvinokutsausa paunoti, mumwoyo mako, ‘Ndini, uye hakuna mumwe kunze kwangu.’

11 Dambudziko richakuwira, uye haugoni kuzoziva kuti ungaritanda sei. Njodzi ichakuwira yausingagoni kubvisa nomuripo; pakarepo kuparadza kwausingagoni kuziva, kuchawira pamusoro pako.

12 “Zvino, enderera hako mberi nouroyi hwako, uye noun’anga hwako huzhinji, hwawakashandira kubva paudiki hwako. zvichida uchabudirira, zvichida uchavhundutsira vamwe.

13 Mazano ose awakagamuchira, akakunetesa chete! Vanhu vako vanocherechedza nyeredzi ngavauye mberi, avo vanotarira nyeredzi vachifembera mwedzi nomwedzi, ngavakuponese pane zviri kuuya pamusoro pako.

14 Zvirokwazvo vakafanana namashanga; moto uchaapisa akapera. Haangatongogoni kuzvirwira, pasimba romurazvo womoto. Asi hapana mazimbe okuti munhu adziyirwe; hapana moto wokudziya ipapo.

15 Izvozvi ndizvo chete zvavangakuitira, ava vawakashanda navo, uye ukafamba navo kubva paudiki hwako. Mumwe nomumwe wavo anoenderera mberi nokukanganisa kwake; hapana kana mumwe angakuponesa.

Isaya 48

Israeri ino mwoyo mukukutu

1 “Inzwai izvi, imi imba yaJakobho, makatumidzwa zita raIsraeri, uye muchibva kurudzi rwaJudha, imi munoita mhiko muzita raJehovha, uye munodana kuna Mwari waIsraeri, asi musingaiti muzvokwadi kana mukururama,

2 imi munozviti vagari vomuguta dzvene, muchivimba naMwari weIsraeri; Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake:

3 Ndakazivisa zvinhu zvakare, kare kare, muromo wangu wakazvireva uye ndakaita kuti zvizivikanwe; ipapo nokukurumidza ndakazviita, uye zvikaitika.

4 Nokuti ndaiziva kuti mwoyo wako mukukutu; nokuti mutsipa wako runda rwesimbi, huma yako yakanga iri yendarira.

5 Naizvozvo ndakakuudza zvinhu izvi kare kare; zvisati zvaitika ndakazvizivisa kwauri, kuitira kuti urege kuzoti, ‘Zvifananidzo zvangu, ndizvo zvakazviita; mufananidzo wangu wedanda namwari wangu wesimbi ndizvo zvakarayira izvozvo.’

6 Wakazvinzwa zvinhu izvi; zvitarire zvose. Haungazvibvumi here?

“Kubva zvino ndichakuzivisa zvinhu zvitsva, zvakavanzika zvausingazivi.

7 Zvava kusikwa zvino, uye hakusi kare; hauna kumbozvinzwa zuva ranhasi risati rasvika. Saka haugoni kuti, ‘Hongu, ndaizviziva.’

8 Hauna kumbonzwa kana kunzwisisa; kubva kare nzeve yako yakanga isina kudziurwa. Ndinoziva kwazvo kuti uri munyengeri akadii; wakanzi mhandu kubva pakuzvarwa kwako.

9 Nokuda kwezita rangu ndinononoka kutsamwa; nokuda kwokurumbidzwa kwangu ndinozvidzora pamusoro pako, kuti ndisakuparadza.

10 Tarira, ndakakunatsa, kunyange zvisina kuita sesirivha; ndakakuedza muchoto chokutambudzika.

11 Nokuda kwangu, nokuda kwangu, ndinoita izvi. Ko, ndingaregererei zita rangu richimhurwa? Handingapi kukudzwa kwangu kuno mumwe.

Israeri inosunungurwa

12 “Nditeerere, iwe Jakobho, Israeri, wandakadaidza; ndini iye: ndini wokutanga uye ndini wokupedzisira.

13 Ruoko rwangu ndirwo rwakateya nheyo dzenyika, uye ruoko rwangu rworudyi rwakatambanudza matenga; pandinozvidana, zvose zvinomira pamwe chete.

14 “Unganai pamwe chete, imi mose muteerere; Ndechipiko chimwe chezvifananidzo chakakuudzai kuti zvinhu izvi zvichaitika? Iye anodikanwa naJehovha achaita zvakarongwa naJehovha pamusoro peBhabhironi; ruoko rwake rucharwisa vaBhabhironi.

15 Ini, iyeni ndataura; hongu, ndamudana. ndichauya naye, uye achabudirira pane zvaanotumwa.

16 “Swederai kwandiri muteerere izvi:

“Kubvira pachiziviso chokutanga handina kumbotaura muchivande; panguva yazvinoitika, ndinenge ndiripo.”

Uye zvino Ishe Jehovha andituma, noMweya wake.

17 Zvanzi naJehovha Mudzikinuri wako, Mutsvene waIsraeri,

“Ndini Jehovha Mwari wako, anokudzidzisa zvinokubatsira, anokutungamirira munzira yaunofanira kufamba nayo.

18 Dai chete wakanga wateerera mirayiro yangu, rugare rwako rungadai rwakaita sorwizi, kururama kwako samafungu egungwa.

19 Zvizvarwa zvako zvingadai zvakaita sejecha, navana vako vakaita setsanga dzejecha dzisingaverengeki; zita ravo haraimboparara kana kuparadzwa pamberi pangu.”

20 Ibvai muBhabhironi, tizai vaBhabhironi! Zivisai izvi nomufaro mukuru, uye muzviparidze. Zvitumirei kumagumo enyika; muti, “Jehovha adzikinura muranda wake Jakobho.”

21 Havana kunzwa nyota paakavatungamirira mugwenga; akaita kuti mvura iyerere ichibva mudombo, achiitira ivo; akatsemura dombo mvura ikatubuka.

22 “Vakaipa havana rugare,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Isaya 49

Muranda waJehovha

1 Ndinzwei, imi zviwi; inzwai izvi, imi ndudzi dziri kure; Jehovha akandidana ndisati ndaberekwa; kubva pakuzvarwa kwangu akataura zita rangu.

2 Akaita muromo wangu somunondo unopinza, akandiviga mumumvuri wechanza chake; akandiita museve unopenya, akandiviga mugomba rake.

3 Akati kwandiri, “Ndiwe muranda wangu, Israeri, wandicharatidza kubwinya kwangumaari.”

4 Asi ndakati, “Ndakashandira pasina, ndapedza simba rangu pane zvisina maturo uye pasina. Nyamba zvakandifanira ini zviri muruoko rwaJehovha, uye mubayiro wangu uri kuna Mwari.”

5 Zvino Jehovha anoti, iye akandiumba ndiri muchizvaro kuti ndive muranda wake, kuti ndidzorere Jakobho kwaari uye kuti Israeri vaunganidzwezve kwaari, nokuti ndinokudzwa pamberi paJehovha, uye Mwari wangu ndiye simba rangu,

6 iye anoti: “Chinhu chiduku kwazvo kuti iwe uve muranda wangu, anomutsazve marudzi aJakobho nokudzosa avo vaIsraeri vandakachengeta. Uyezve ndichakuita chiedza chavahedheni, kuti uuyise ruponeso rwangu kumigumo yenyika.”

7 Zvanzi naJehovha, Mudzikinuri noMutsvene waIsraeri, kuna iye akanga azvidzwa nokusemwa namarudzi, kumuranda wavabati, “Madzimambo achakuona agosimuka, machinda achaona agokotamira pasi, nokuda kwaJehovha akatendeka, Mutsvene waIsraeri, akakusarudza.”

Israeri Inomutsiridzwa

8 Zvanzi naJehovha,

“Nenguva yangu yakafanira, ndichakupindura, uye pazuva roruponeso ndichakubatsira; ndichakuchengeta uye ndichakuita kuti uve sungano yavanhu, kuti umutsiridze nyika uye uvagarise patsva nhaka yakaparara,

9 kuti uti kunhapwa, ‘Budai,’ nokuna avo vari murima, ‘Uyai muchiedza!’

“Vachadya zvokudya parutivi rwenzira, uye vachawana mafuro pazvikomo zvose zvisina zvibereko.

10 Havangavi nenzara kana nyota, havangabayiwi nokupisa kwegwenga, kana nokupisa kwezuva. Iye anovanzwira tsitsi achavatungamirira, uye achavafambisa napazvitubu zvemvura.

11 Ndichashandura makomo angu ose kuti ave migwagwa, uye migwagwa yangu mikuru ichasimudzirwa.

12 Tarirai vachauya vachibva kure: vamwe vachibva nechokumusoro, vamwe nechokumavirazuva, vamwe nokurutivi rweAsiwani.”

13 Imbai, imi matenga, pembera iwe nyika; imbai rwiyo imi makomo! Nokuti Jehovha anonyaradza vanhu vake, uye achava netsitsi navanhu vake vanotambudzika.

14 Asi Zioni rakati, “Jehovha akandisiya, Jehovha akandikanganwa.”

15 “Ko, mai vangakanganwa mucheche anonwa ari pachipfuva chavo, uye vangasanzwira tsitsi mwana wavakazvara here? Kunyange hazvo ivo vakakanganwa, ini handizokukanganwi!

16 Tarira, ndakakunyora pazvanza zvamaoko angu; madziro ako anogara ari mberi kwangu.

17 Vanakomana vako vanokurumidza kudzoka shure, uye vose vaikuparadza vachabva kwauri.

18 Simudza meso ako utarise kwose kwose; vanakomana vako vose vanoungana vachiuya kwauri.” Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha,

“uchavafuka vose sezvishongo: uchavapfeka, somwenga.

19 “Kunyange wakaparadzwa ukaitwa dongo, uye nyika yako yakasiyiwa yava dongo, zvino vanhu vako havachakwani mauri, uye vose vaikumedza vachava kure.

20 vana vakaberekwa panguva yokufirwa kwako vachatizve munzeve dzako, ‘Nzvimbo iyi yava diki kwatiri: tipeiwo nzvimbo yakatambanuka yatingagara.’

21 Ipapo uchati mumwoyo mako, ‘Ndianiko akandiberekera ava? ndakanga ndafirwa uye ndisina mwana; ndakanga ndadzingwa uye ndarambwa. Ndianiko akarera ava? Ndakasiyiwa ndiri ndoga, asi ava, vabvepiko?’ ”

22 Zvanzi naIshe Jehovha,

“Tarira ndichasimudza ruoko rwangu kuvaHedheni, ndichasimudzira mureza wangu kumarudzi; vachauya navanakomana vako vari mumaoko avo, uye vachatakura vanasikana vako pamapfudzi avo.

23 Madzimambo achava madzibaba anokurerai, uye vanamambokadzi vavo vachava vanamai vanokurerai. Vachakupfugamirai uso hwavo hwakatsikitsira pasi, vachananzva guruva patsoka dzenyu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha; vanovimba neni havachazonyadziswi.”

24 Ko, mhare ingapambwa here, kana vatapwa vanganunurwa kubva kune anotyisa here?

25 Asi zvanzi naJehovha,

“Hongu vatapwa vachatorwa kubva kumhare, uye zvakapambwa kubva kune anotyisa; ndicharwa navanorwa newe, uye vana vako ndichavaponesa.

26 Ndichaita kuti vamanikidzi vako vadye nyama yavo; vachadhakwa neropa ravo, sevadhakwa newaini. Ipapo vanhu vose vachaziva kuti ini Jehovha, ndini Muponesi wako, Mudzikinuri wako, Wamasimba Ose waJakobho.”

Isaya 50

Chivi chaIsraeri noKuteerera kwoMuranda

1 Zvanzi naJehovha, “Ko, tsamba yokurambwa kwamai venyu iripiko yandakavadzinga nayo? Uye ndevapiko vandakakwereta ndikazokutengesai kwavari? Makatengeswa nokuda kwezvivi zvenyu; mai venyu vakadzingwa nokuda kwokudarika kwenyu.

2 Sei ndakashaya munhu, pandakauya? Sei pasina akapindura pandakadana? Ko, ruoko rwangu rwakanga rwakapfupika here kuti ndikudzikinurei? Handina simba rokukununurai here? Nokungorayira chete ndinopwisa gungwa; ndinoshandura nzizi dzikava gwenga; hove dzadzo dzinoora nokushayiwa mvura, uye dzinofa nenyota.

3 Ndinoshongedza denga nerima uye ndinoita masaga chifukidzo charo.”

4 Ishe Jehovha akandipa rurimi rwakadzidziswa, kuziva shoko rinosimbisa vakarukutika. Anondimutsa mangwanani namangwanani, anomutsa nzeve yangu kuti iteerere somunhu anodzidziswa.

5 Ishe Jehovha akazarura nzeve dzangu, uye handina kumumukira; handina kudzokera shure.

6 Ndakapa musana wangu kuna avo vaindirova, namatama angu kuna avo vakadzura ndebvu dzangu; Handina kuvanza chiso changu pakusekwa nokupfirwa mate.

7 Nokuti Ishe Jehovha anondibatsira, handizonyadziswi. Naizvozvo ndakaita kuti chiso changu chive sebwe romusarasara, uye ndinoziva kuti handizonyadziswi,

8 Iye anondiruramisira ari pedyo. Ndianiko zvino achandipa mhosva? Ngatitarisanei! Ndianiko mupomeri wangu? Ngaarangane neni!

9 Ndiye Ishe Jehovha anondibatsira. Ndianiko achandipa mhosva? vose vachasakara senguo; vachadyiwa nezvipfuno.

10 Ndiani pakati penyu anotya Jehovha, uye anoteerera shoko romuranda wake? Ngaafambe murima, iye asina chiedza, ngaavimbe nezita raJehovha uye avimbe naMwari wake.

11 Asi zvino, imi mose munotungidza moto muchava nemwenje inopfuta, endai, mufambe muchiedza chomoto wenyu nechemwenje yamakabatidza. Izvi ndizvo zvamuchagamuchira kubva paruoko rwangu: Muchavata pasi mukurwadziwa.

Isaya 51

Ruponeso Rwokusingaperi rweZioni

1 “Nditeererei, imi munotevera kururama uye munotsvaka Jehovha: Tarirai kudombo ramakabviswa pariri naparuware pamakacherwa;

2 tarirai kuna Abhurahama, baba venyu, nokuna Sara, akakuberekai. Pandakamudana akanga achingova mumwe chete, ndikamuropafadza ndikamuita vazhinji.

3 Zvirokwazvo Jehovha achanyaradza Zioni, uye achatarira netsitsi pamusoro pamatongo aro ose; achaita magwenga aro kuti afanane neEdheni, marenje aro achafanana nebindu raJehovha. Kupembera nomufaro zvichawanikwa mariri, kuvonga nenzwi rokuimba.

4 “Nditeererei, imi vanhu vangu; ndinzwei imi rudzi rwangu: Ndichakupai murayiro; kururamisira kwangu kuchava chiedza kumarudzi.

5 Kururama kwangu kwoswedera pedyo nokukurumidza, ruponeso rwangu rwuri munzira, uye ruoko rwangu ruchauyisa kururamisira kumarudzi. Zviwi zvichatarira kwandiri uye zvichamirira ruoko rwangu netariro.

6 Simudzirai meso enyu kumatenga, tarirai pasi penyika; matenga achanyangarika soutsi, nyika ichasakara senguo, uye vanogaramo vachafa senhunzi. Asi ruponeso rwangu ruchagara nokusingaperi, kururama kwangu hakuzombogumi.

7 “Ndinzwei, imi munoziva zvakarurama, imi vanhu vane murayiro wangu mumwoyo yenyu: Musatya kuzvidza kwavanhu, uye musavhundutswa nokutuka kwavo.

8 Nokuti chipfuno chichavadya senguo; honye ichavadya sewuru. Asi kururama kwangu kuchagara nokusingaperi, ruponeso rwangu kumarudzi namarudzi.”

9 Muka, muka! Zvishongedze nesimba, iwe ruoko rwaJehovha; muka, sapamazuva akare, sapamarudzi akare. Ko, hausiwe wakagura-gura Rahabhi, ukabaya chikara chiya here?

10 Hausiwe wakaomesa gungwa here, iyo mvura yokwakadzika zvikuru, ukaita mugwagwa makadzika megungwa kuitira kuti vakadzikinurwa vayambuke?

11 Vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka. Vachapinda muZioni vachiimba; mufaro usingaperi uchava korona pamisoro yavo. Mufaro nokupembera zvichafashukira, uye kusuwa nokukahadzika zvichatiza.

12 “Ini, iyeni, ndini iye anokunyaradzai. Ndiwe aniko unotya vamunhu vanofa, vanakomana vavanhu, ivo uswa zvahwo,

13 kuti ukanganwe Jehovha Muiti wako, akatatamura matenga, akateya nheyo dzenyika, kuti ugare uchitya mazuva ose nokuda kwehasha dzomumanikidzi, uyo akarerekera kukuparadza? Ko, hasha dzomumanikidzi dziripi?

14 Vasungwa vakatapwa vachakurumidza kusunungurwa; havazofiri mumakomba avo, kana kuzoshayiwa chingwa.

15 Nokuti ndini Jehovha Mwari wako, anomutsa gungwa kuti mafungu aro atinhire, Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake.

16 Ndakaisa mashoko angu mumuromo mako, ndikakufukidza nomumvuri woruoko rwangu, iye ni ndakagadzika matenga panzvimbo yawo, iyeni ndakateya nheyo dzenyika, uye ndinoti kuZioni, ‘Muri vanhu vangu.’ ”

Mukombe weHasha dzaJehovha

17 Muka, muka! Simuka, iwe Jerusarema, iwe wakanwa kubva muruoko rwaJehovha, mukombe wehasha dzake, iwe wakasveta kusvikira wapera kuti tsvai, iwo mukombe unoita kuti vanhu vadzedzereke.

18 Pavanakomana vose vaakabereka pakanga pasina anomutungamirira; pavanakomana vose vaakarera pakanga pasina aimusesedza noruoko rwake.

19 Njodzi mbiri idzi dzauya pamusoro pako, ndianiko angakunyaradza?—

dzinoti: kuva dongo nokuparadzwa, nzara nomunondo; ndianiko anogona kukunyaradza?

20 Vanakomana vako vaziya; vanovata panotangira migwagwa, kufanana nemhara yabatwa mumumbure. Vakazadzwa nehasha dzaJehovha nokutuka kwaMwari wako.

21 Naizvozvo inzwa izvi, iwe munhu wokutambudzika, wakadhakiswa asi kwete newaini.

22 Zvanzi naIshe Jehovha Mwari wako, anodzivirira vanhu vake,

“Tarira, ndabvisa muruoko rwako mukombe wakakuita kuti udzedzereke; kubva pamukombe uyo, iwo mukombe wehasha dzangu, hauchazounwizve.

23 Ndichauisa mumaoko avatambudzi vako, ivo vanoti kwauri, ‘Zvambarara pasi kuti tifambe napamusoro pako.’ Iwe wakaita kuti musana wako uve sapasi, kufanana nomugwagwa unofambwa nawo.”

Isaya 52

1 Muka, muka iwe Zioni, zvifukidze nesimba. Fuka nguo dzako dzakanakisa, iwe Jerusarema, guta dzvene. Vasina kudzingiswa navakasvibiswa havachapindizve mauri.

2 Zunza guruva rako: simuka, ugare paushe, iwe Jerusarema. Zvisunungure pangetani dziri pamutsipa wako, iwe nhapwa, Mwanasikana weZioni.

3 Nokuti zvanzi naJehovha, “Wakatengeswa pasina mutengo, uye uchadzikinurwa pasina mari.”

4 Nokuti zvanzi naIshe Jehovha,

“Pakutanga vanhu vangu vakaenda kuIjipiti kundogarako; iye zvino Asiria inovamanikidza.

5 “Uye zvino ndinei pano?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Nokuti vanhu vangu vakabviswa pasina, uye avo vanovatonga vanovaseka,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Uye zuva rose zita rangu rinogara richimhurwa.

6 Naizvozvo vanhu vangu vachaziva zita rangu; naizvozvo pazuva iro vachaziva kuti ndini ndakazvitaura. Hongu, ndini iye.”

7 Dzakanaka sei pamusoro pamakomo tsoka dzavanouya namashoko akanaka, vanoparidza rugare, vanouya namashoko akanaka, vanoparidza ruponeso, vanoti kuZioni, “Mwari wako anotonga!”

8 Chinzwa! Nharirire dzako dzinodanidzira namanzwi adzo; vanopembera nomufaro pamwe chete. Panodzokera Jehovha kuZioni, vachazviona nameso avo pachavo.

9 Pururudzai muimbe nziyo dzomufaro pamwe chete, imi matongo eJerusarema, nokuti Jehovha anyaradza vanhu vake, akadzikinura Jerusarema.

10 Jehovha acharatidza ruoko rwake rutsvene pamberi pendudzi dzose, uye magumo ose enyika achaona ruponeso rwaMwari wedu.

11 Ibvai, ibvai, budai ikoko! Musabata chinhu chine tsvina! Budaimo mugova vakachena, imi munotakura midziyo yaJehovha.

12 Asi hamungazobudi nokukurumidza kana kuenda muchitiza; nokuti Jehovha achakutungamirirai, Mwari waIsraeri achakurindai mushure.

Kutambudzika noKukudzwa kwoMuranda

13 Tarirai muranda wangu achaita nouchenjeri; achasimudzirwa uye achakwidzwa pamusoro, uye achakudzwa kwazvo.

14 Sezvo vazhinji vakashamiswa naye, chiso chake chakanga chakakuvadzwa zvikuru, kupfuura chomunhu upi zvake, uye chimiro chake chakanga chakanganiswa, kupfuura kuratidzika kwomunhu,

15 saka iye achasasa ndudzi zhinji, uye madzimambo achafumbira miromo nokuda kwake. Nokuti zvavakanga vasina kuudzwa, vachazviona, uye zvavasina kumbonzwa, vachazvinzwisisa.

Isaya 53

1 Ndianiko akatenda zvatakaparidza, uye ruoko rwaJehovha rwakaratidzwa kuna aniko?

2 Iye akamera pamberi pake sebukira nyoro, uye somudzi pavhu rakaoma. Akanga asina runako kana chimiro choumambo kuti atikwezve kwaari, hapana chatingada pakuratidzika kwake.

3 Iye akazvidzwa uye akarambwa navanhu, murume wokusuwa, uye anoziva kutambudzika. Somunhu anovanzirwa chiso navanhu, akazvidzwa, uye isu hatina kumukudza.

4 Zvirokwazvo akatakura matenda edu, uye akatakura kurwadziswa kwedu; asi isu takafunga kuti akarohwa naMwari, akarohwa naye uye akarwadziswa.

5 Asi akabayiwa nokuda kwokudarika kwedu, akakuvadzwa nokuda kwezvakaipa zvedu; kurohwa kwakativigira rugare kwaiva pamusoro pake, uye namavanga ake takaporeswa.

6 Isu tose takanga takarasika samakwai, mumwe nomumwe nenzira yake, asi Jehovha akaisa pamusoro pake kuipa kwedu tose.

7 Akamanikidzwa uye akarwadziswa, asi haana kushamisa muromo wake; akatungamirirwa segwayana riri kundobayiwa, uye sokunyarara kwegwai pamberi pomuvevuri waro, saizvozvo haana kushamisa muromo wake.

8 Akabviswa achimanikidzwa uye akatongwa. Uye ndianiko angataura rudzi rwake? Nokuti akagurwa kubva panyika yavapenyu, nokuda kwokudarika kwavanhu vangu, akarohwa.

9 Akapiwa guva rake pakati pavatadzi, uye akava navapfumi pakufa kwake, kunyange akanga asina kuita zvechisimba, uye kunyengera kusina kuwanikwa mumuromo make.

10 Asi kwakanga kuri kuda kwaJehovha kuti amukuvadze uye aite kuti atambudzike, uye kunyange zvazvo Jehovha akaita kuti upenyu hwake huve chipiriso chezvivi, achaona zvibereko zvake uye achawedzera mazuva ake, uye kuda kwaJehovha kuchabudirira muruoko rwake.

11 Shure kwokutambudzika kwomweya wake, achaona chiedza choupenyu uye achagutsikana; nokuziva kwake, muranda wangu akarurama acharuramisira vazhinji, uye achatakura kuipa kwavo.

12 Naizvozvo ndichamupa mugove pakati pavakuru vakuru, uye achagoverana zvakapambwa navane simba, nokuti akadurura upenyu hwake kusvika parufu, akaverengwa pamwe chete navadariki. Nokuti akatakura chivi chavazhinji, akanyengeterera vadariki.

Isaya 54

Kubwinya kuchaita Zioni

1 “Imba, iwe mukadzi asina mwana, pururudza uimbe rwiyo, pembera nomufaro, iwe usina kumborwadziwa; nokuti vana vomukadzi akasiyiwa ari oga vazhinji kupfuura veane murume,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

2 Wedzera nzvimbo yetende rako, tambanudza micheka yetende rako ifare, usarega kuita izvozvo; rebesa tambo dzako, simbisa mbambo dzako.

3 Nokuti uchapararira kurudyi nokuruboshwe; vana vako vachatorera mamwe marudzi uye vachagara mumatongo amaguta avo.

4 “Usatya hako: haunganyadziswi. Usatya kunyadziswa; haunganinipiswi. Uchakanganwa nyadzi dzapaudiki hwako, uye hauzorangaririzve kunyadzisa kwouchirikadzi hwako.

5 Nokuti Muiti wako ndiye murume wako, Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake, Mutsvene waIsraeri ndiye Mudzikinuri wako; anonzi Mwari wenyika yose.

6 Jehovha achakudanazve sokunge wanga uri mukadzi akasiyiwa, uye anotambudzika pamweya, mukadzi akawanikwa achiri mudiki, pedzezvo ndokurambwa,” ndizvo zvinotaura Mwari wako.

7 “Kwechinguvana ndakakusiya, asi netsitsi huru ndikakudzosazve.

8 Ndichisundwa nehasha ndakavanza chiso changu kwauri kwechinguva, asi nounyoro husingaperi ndichava netsitsi, pamusoro pako,” ndizvo zvinotaura Jehovha Mudzikinuri wako.

9 “Kwandiri izvi zvakafanana namazuva aNoa, pandakapika kuti mvura zhinji yaNoa haizofukidzizve nyika. Naizvozvo zvino ndapika kuti ndirege kukutsamwira, kana kukutukazve.

10 Kunyange makomo akazungunuswa, uye zvikomo zvikabviswa, rudo rwangu rusingaperi harungazungunuswi, uye sungano yangu yorugare haingabviswi,” ndizvo zvinotaura Jehovha anokunzwira tsitsi.

11 “Haiwa, iwe guta rokutambudzika wakarohwa nedutu ukasanyaradzwa, ndichakuvaka namabwe ana mavara, nheyo dzako namabwe esafiri.

12 Ndichakuitira zviruvi zvamabwe matsvuku, masuo amabwe anovaima, uye masvingo ako ose amabwe anokosha.

13 Vanakomana venyu vose vachadzidziswa naJehovha, uye rugare rwavana venyu ruchava rukuru.

14 Muchasimbiswa mukururama: Kumanikidzwa kuchava kure nemi: hapana chamuchazotya. Kutya kuchava kure nemi; hakuchazosviki pedyo nemi.

15 Kana mumwe akakurwisa, handisini ndinenge ndazviita; ani naani anokurwisa achazvipira kwauri.

16 “Tarira, ndini ndakasika mupfuri wesimbi anopfutidza mazimbe moto ugonganduma, uye anopfura munondo wakakodzera pabasa rawo. Uye ndini ndakasika muparadzi kuti aparadze;

17 hapana munondo ucharwisana newe ukakunda, uye uchakonesa rurimi rumwe norumwe runokupomera mhosva. Iyi ndiyo nhaka yavaranda vaJehovha, uye uku ndiko kururamisirwa kwavo kunobva kwandiri,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

Isaya 55

Kukokwa Kwavane Nyota

1 “Uyai imi mose mune nyota, uyai kumvura zhinji; nemi musina mari, uyai, mutenge uye mudye! Uyai mutenge waini nomukaka pasina mari uye pasina mutengo.

2 Ko, munopedzerei mari pazvinhu zvisati zviri zvokudya, nesimba renyu pazvinhu zvisingagutsi? Teererai, nditeerei mugodya zvakanaka, uye mweya yenyu ichafarira zvakakora zvezvakanaka.

3 Rerekai nzeve yenyu muuye kwandiri; ndinzwei kuti mweya yenyu irarame. Ndichaita sungano isingaperi nemi, iko kutendeka kworudo rwangu rwakavimbiswa kuna Dhavhidhi.

4 Tarirai, ndakamuita chapupu kumarudzi, mutungamiri nomukuru wamarudzi.

5 Zvirokwazvo uchakoka ndudzi dzausina kumboziva, uye ndudzi dzisingakuzivi dzichamhanyira kwauri, nokuda kwaJehovha Mwari wako, Mutsvene waIsraeri, nokuti iye akakufukidza nokubwinya.”

6 Tsvakai Jehovha achawanikwa: danai kwaari achiri pedyo.

7 Akashata ngaasiye nzira yake, nomunhu akaipa mirangariro yake. Ngaadzokere kuna Jehovha, uye iye achamunzwira ngoni, nokuna Mwari wedu, nokuti achakanganwirwa zvikuru.

8 “Nokuti ndangariro dzangu hadzizi ndangariro dzenyu, uye nzira dzenyu hadzizi nzira dzangu,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

9 “Sokukwirira kwakaita matenga kupfuura nyika, saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupinda dzenyu, nendangariro dzangu kupfuura ndangariro dzenyu.

10 Semvura nechando zvinoburuka kubva kudenga, zvisingadzokeriko zvisina kudiridza nyika nokuita kuti ibukire nokubereka zvakawanda, kuitira kuti iberekere mudyari wembeu, uye ipe chingwa kune anodya,

11 saizvozvo neshoko rangu rinobuda mumuromo mangu: Haringadzokeri kwandiri risina chinhu, asi richaita zvinondifadza, uye richaita zvandakarituma.

12 Muchabuda nomufaro, uye muchafambiswa murugare; makomo nezvikomo zvichapururudza uye zvichaimba rwiyo pamberi penyu, uye miti yose yeminda ichauchira maoko ayo.

13 Pachinzvimbo chomunzwa pachamera muti womupaini, pachinzvimbo chorukato pachamera mumite. Izvi zvichava mukurumbira waJehovha, nechiratidzo chokusingaperi, chisingazoparadzwi.”

Isaya 56

Ruponeso rwaVamwe

1 Zvanzi naJehovha,

“Chengetedzai kururamisira mugoita zvakanaka, nokuti ruponeso rwangu rwava pedyo, uye kururama kwangu kuchakurumidza kuratidzwa.

2 Akaropafadzwa munhu anoita izvi, munhu anozvibatisisa, anochengeta Sabata asingarisvibisi, uye anodzivisa ruoko rwake kuita chinhu chakaipa.”

3 Mutorwa akanamatira kuna Jehovha ngaarege kuti, “Zvirokwazvo Jehovha achandiparadzanisa navanhu vake.” Uye nomuyunaki ngaarege kugunun’una achiti, “Ndinongova zvangu muti wakaoma.”

4 Nokuti zvanzi naJehovha,

“Kuvayunaki vanochengeta maSabata angu, vanosarudza zvinondifadza, uye vanobatirira pasungano yangu,

5 kwavari ndichapa, mukati metemberi yangu namasvingo ayo, chirangaridzo nezita riri nani kupfuura vanakomana navanasikana; ndichavapa zita risingaperi, risingazoparadzwi.

6 Uye vatorwa vakazvipira kuna Jehovha kuti vamushumire, kuti vade zita raJehovha, uye vamunamate, vose vanochengeta Sabata vasingarisvibisi vachibatisisa sungano yangu,

7 ivava ndichavauyisa kugomo rangu dzvene ndigovapa mufaro muimba yangu yokunyengetera. Zvipiriso zvavo zvinopiswa nezvibayiro zvichagamuchirwa paaritari yangu; nokuti imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yendudzi dzose.”

8 Ishe Jehovha anoti, iye anounganidza vakadzingwa vaIsraeri, “Ndichaunganidzazve vamwe kwavari, pamwe chete neavo vakatounganidzwa kare.”

Mwari anopa mhosva kuna Vakaipa

9 Uyai, imi mose zvikara zvesango, uyai mudye, imi mose zvikara zvesango!

10 Nharirire dzeIsraeri mapofu, vose vanoshayiwa zivo; vose imbwa dzisingahukuri, hadzigoni kuhukura; dzinovata pose pose dzichingorota, dzinofarira kuvata.

11 Imbwa dzinokara zvikuru; dzisingamboguti. Vafudzi vanoshayiwa kunzwisisa: vose vanotsaukira kunzira yavo pachavo, mumwe nomumwe anotsvaka zvinomupfumisa.

12 Mumwe nomumwe anodanidzira achiti, “Uyai, regai nditore waini! Regai tinwe tigute nedoro! Uye mangwana achafanana nanhasi, kana kutopfuura.”