Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 1

1 Rwiyo Rukuru rwaSoromoni:

2 Ngaanditsvode hake nokutsvoda kwomuromo wake. Nokuti rudo rwako runofadza kupfuura waini.

3 Kunhuwirira kwamafuta enyu kunofadza; zita renyu rakafanana namafuta anonhuwirira adururwa. Hazvishamisi kuti mhandara dzinokudai!

4 Nditorei muende neni, ngatikurumidzei. Mambo ngaandipinze mudzimba dzake dzomukati.

Tinokupembererai nokukufarirai, ticharumbidza rudo rwenyu kupfuura waini.

Regai zvenyu mhandara dzikudei!

5 Kusviba ndakasviba zvangu, vanasikana veJerusarema, asi ndakanaka hangu, ndakasviba samatende eKedhari, kana kuti samaketeni apamawindo eimba yaSoromoni.

6 Musanditarisisa nokuda kwoutema hwangu, nokuti ndakasvibiswa nezuva. Vanakomana vamai vangu vakanditsamwira vakandiita kuti ndichengete minda yemizambiringa; munda wangu chaiwo wemizambiringa ndakaushayira nguva.

7 Ndiudze, iwe mudiwa wangu, kwaunofudzira makwai ako nokwaunozorodzera makwai ako masikati. Ko, ndichaitirei somukadzi akafukidza chiso chake pedyo namakwai eshamwari dzako?

8 Kana usingazivi, iwe mukadzi akanaka kukunda vamwe, chitevera makwara amakwai ugondofudzira mbudzana dzako pedyo namatende avafudzi.

9 Ndinokufananidza, iwe mudiwa wangu, nebhiza rakasungwa pane imwe yengoro dzaFaro.

10 Matama ako akashongedzwa zvakanaka nemhete, mutsipa wako nezvuma zvamatombo anokosha.

11 Tichakugadzirira mhete dzenzeve dzegoridhe nesirivha.

12 Mambo paakanga agere patafura yake, munhuwi wamafuta andainge ndazora wakapararira.

13 Mudiwa wangu, kwandiri akaita sakahomwe kemura kanogara pakati pamazamu angu.

14 Mudiwa wangu, kwandiri akaita sesumbu ramaruva machena anobva mubindu remizambiringa yeEni Gedhi.

15 Kunaka here kwawakaita uku, mudiwa wangu! Aa, wakazonaka! Meso ako injiva chaidzo!

16 Wakanaka sei, mudiwa wangu! Aa, unofadza! Uye uvato hwedu hwakasvibira.

17 Nhungo dzeimba yedu ndedzomusidhari; mbariro dzacho ndedzomupaini.

Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 2

1 Ndiri ruva reSharoni, ruva romumipata.

2 Seruva riri pakati peminzwa, ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pemhandara.

3 Somuti womuapuro pakati pemiti yesango, ndizvo zvawakaita mudiwa wangu pakati pamajaya. Ndinofarira kugara mumumvuri wake, uye muchero wake unondinakira kuudya.

4 Akaenda neni kuimba yamabiko, uye mureza wake pamusoro pangu ndirwo rudo.

5 Ndisimbise namazambiringa akaomeswa, ndisimbise namaapuro; nokuti ndoziya norudo.

6 Ruoko rwake rworuboshwe rwuri pasi pomusoro wangu, uye ruoko rwake rworudyi rwakandimbundikira.

7 Imi vanasikana veJerusarema ndinokupikirai nemhara uye nenondo dzesango: Musazunguza kana kumutsa rudo kusvikira irwo rwada rwoga.

8 Inzwai! Inzwi romudiwa wangu! Tarirai! Hoyo ouya achiuruka nomumakomo, achikwakuka nomuzvikomo.

9 Mudiwa wangu akafanana nemhara kana netsvana yenondo. Tarirai! Hoyo amira seri kworusvingo rwedu, akatarira napamawindo achidongorera napamaburi apamawindo.

10 Mudiwa wangu akataura kwandiri akati, “Simuka, mudiwa wangu, iwe munakunaku wangu, uya tiende tose.

11 Tarira! Nguva yechando yapera; mvura yapera; uye haichanayi.

12 Maruva oonekwa panyika; nguva yokuimba yasvika, kurira kwenjiva kwonzwikwa munyika yedu.

13 Muonde wobereka michero yawo yokutanga; uye mizambiringa yotunga maruva ayo anonhuwira kwazvo. Simuka, uya, mudiwa wangu; munakunaku wangu, uya tiende tose.”

14 Njiva yangu iri mumikaha yedombo, munzvimbo dzokuvanda mumativi egomo, ndiratidze chiso chako, ndinoda kunzwa inzwi rako; nokuti inzwi rako rinotapira, uye chiso chako chinoyevedza.

15 Tibatirei makava, ivo vana vemakava anoparadza minda yemizambiringa, iyo mizambiringa yedu yotunga maruva.

16 Mudiwa wangu ndowangu uye ndiri wake; anofamba-famba pakati pamaruva omubani.

17 Kusvikira zuva rabuda uye mimvuri yatiza, pinduka, mudiwa, ubva waita semhara kana tsvana pamusoro pezvikomo.

Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 3

1 Usiku hwose ndiri pamubhedha wangu ndakatsvaka uyo anodiwa nomwoyo wangu; ndakamutsvaka asi handina kumuwana.

2 Ndichasimuka zvino ndinofamba-famba muguta, mumigwagwa yaro nomuzvivara zvaro; ndichatsvaka iye anodiwa nomwoyo wangu. Saka ndakamutsvaka asi handina kumuwana.

3 Varindi vakandiona pavaiva pabasa ravo rokufamba-famba vachichengetedza guta. “Ko, mamboona here iye anodiwa nomwoyo wangu?”

4 Ndichingopfuudzana navo ndakabva ndamuwana, iye anodiwa nomwoyo wangu. Ndakamubata ndikasamuregedza kusvikira ndaenda naye kumba kwamai vangu, kuimba yaavo vakandibereka.

5 Vanasikana veJerusarema, ndinokurayirai nemhara kana nenondo dzesango kuti: usazunguza kana kumutsa rudo kusvikira irwo rwada rwoga.

6 Ndianiko uyo ari kuuya achibva nokurenje seshongwe youtsi ine munhuwi wemura, nezvimwe zvinonhuwira zvakagadzirwa nezvikuyiwa zvinonhuwira zvavashambadzi?

7 Tarirai! Ndiyo ngoro yaSoromoni, yakachengetedzwa nemhare makumi matanhatu dzamachinda, apamusoro-soro omuIsraeri.

8 Mumwe nomumwe wavo ane munondo parutivi rwake, vakagadzirira kutarisana nezvinotyisa usiku.

9 Mambo Soromoni akazvigadzirira ngoro; akaigadzira nemiti yokuRebhanoni.

10 Mbiru dzacho akadzigadzira nesirivha, pokuzembera musana pakagadzirwa negoridhe. Pokugara pakashongedzwa nejira repepuru, mukati mayo makashongedzwa norudo navanasikana veJerusarema.

11 Budai imi vanasikana veZioni, muzoona Mambo Soromoni akapfeka korona, korona yaakapfekedzwa namai vake musi wesvitsa, zuva iro mwoyo wake wakafara.

Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 4

1 Wakanaka sei, mudiwa wangu! A, wakazonaka! Meso ako uri mumumbure injiva chaidzo. Bvudzi rako rakaita sedanga rembudzi riri kuburuka kubva muGomo reGireadhi.

2 Meno ako akafanana neboka ramakwai achangobva mukuveurwa, ari kubva kundoshambidzwa. Rimwe nerimwe riine rarakafanana naro, pasina riri roga zvaro.

3 Miromo yako yakafanana nomucheka mutsvuku; muromo wako wakaisvonaka. Matama ako uri mumumbure wako akaita sezvikamu zviviri zvedamba.

4 Mutsipa wako wakafanana neshongwe yaDhavhidhi yakavakwa zvinoyevedza. Mairi makaturikwa nhoo dzine chiuru dzose dziri nhoo dzemhare.

5 Mazamu ako ari maviri akafanana netsvana mbiri dzemhara, mapatya emhara dzinofura pamwe chete pakati pamaruva.

6 Kusvikira zuva rabuda uye mimvuri yotiza, ndichaenda kugomo remura nokuchikomo chezvinonhuwira.

7 Wakaisvonaka iwe, mudiwa wangu; mauri hamuna kana chinongo.

8 Ngatiendei tose kuRebhanoni, iwe mwenga wangu, ngatiendei tose kuRebhanoni. Buruka kubva pamusoro-soro peAmana, kubva pamusoro peSeniri, panhongonya peHerimoni, kubva kumapako eshumba nokumakomo anofamba-famba mbada.

9 Watora mwoyo wangu hanzvadzi yangu, mwenga wangu; ndatorwa mwoyo nokungondiringa kwawaita kamwe chete, uye nedombo rimwe rinokosha rechishongo chomutsipa wako.

10 Rudo rwako kwandiri runondifadza sei, hanzvadzi yangu, mwenga wangu! Rudo rwako runofadza sei kukunda waini. Uye kunhuwira kwamafuta ako okuzora vkunokunda zvose zvinonhuwira.

11 Miromo yako inodonhesa zvinotapira sezinga rouchi, mwenga wangu; uchi nomukaka zviri pasi porurimi rwako. Kunhuwira kwenguo dzako kwakafanana nokweRebhanoni.

12 Wakaita sebindu rakapfigwa, hanzvadzi yangu, mwenga wangu. Wakaita setsime rakakomberedzwa nechisipiti chakavakirirwa.

13 Miti yako ibindu ramatamba nemimwe michero yakaisvonaka, hena nenaridhi,

14 naridhi nesafuroni, karamusi, nesinamoni, nemiti yose inogadziriswa zvinonhuwira nemura negavakava, uye zvose zvinonhuwira zvakanakisisa.

15 Uri chitubu chomubindu, tsime remvura inoerera, inoerera ichibva kuRebhanoni.

16 Muka iwe mhepo yokumusoro, uye uya iwe mhepo yezasi! Vhuvhuta napabindu rangu kuti kunhuwirira kwezvirimo kuparadzirwe kwose kwose. Rega mudiwa wangu apinde mubindu rake, agoravira michero yaro yakaisvonaka, sepaanodira.

Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 5

1 Ndauya zvangu mubindu rangu, hanzvadzi yangu, iwe mwenga wangu; ndaunganidza mura yangu pamwe chete nezvinonhuwira zvangu. Ndadya zinga rangu rouchi nouchi hwangu; ndanwa waini yangu nomukaka wangu.

Idyai, imi shamwari, uye munwe;

Inwai mugute, imi vadiwa.

2 Ndakavata asi mwoyo wangu wakanga wakasvinura. Inzwai! Mudiwa wangu ari kugogodza. Anoti,

“Ndizarurire, hanzvadzi yangu, mudiwa wangu, njiva yangu, wangu asina chinongo. Musoro wangu wanyorova nedova, bvudzi rangu ranyoroveswa nounyoro hwousiku.”

3 Ndabvisa nguo yangu, ndoipfekazve here? Ndashambidza tsoka dzangu, ndingagodzisvibisazve here?

4 Mudiwa wangu akapinza ruoko rwake nepahwangwadza yomukova; mwoyo wangu wakatanga kumudokwairira.

5 Ndakasimuka kuti ndizarurire mudiwa wangu, maoko angu akadonha mura, mimwe yangu ichiyerera mura, pazvibato zvechizarira.

6 Ndakazarurira mudiwa wangu, asi mudiwa wangu akanga abva; akanga atoenda. Mwoyo wangu wakarwadziwa nokuenda kwake. Ndakamutsvaka asi handina kumuwana. Ndakamudana asi haana kupindura.

7 Varindi vakandiona pavaiva pabasa ravo rokufamba-famba vachichengetedza guta. Vakandirova, vakandikuvadza; vakanditorera jasi rangu, ivava varindi vamasvingo!

8 Imi vanasikana veJerusarema, ndinokurayirai, kana mukaona mudiwa wangu, muchamuudzeiko? Mumuudze kuti ndinorwara norudo.

9 Mudiwa wako akanaka kukunda vamwe pakudii, iwe zvako wakanaka kukunda vamwe vakadzi? Mudiwa wako akanaka kukunda vamwe pakudii, zvaunotirayira kudaro?

10 Mudiwa wangu akanaka uye mutsvuku, anokunda vane zviuru gumi.

11 Musoro wake igoridhe chairo; bvudzi rake rinoyevedza uye rakasviba segunguo.

12 Meso ake akafanana nenjiva dziri pahova dzemvura, dzakashambidzwa mumukaka, akarongwa nezvishongo.

13 Matama ake akaita semihomba yezvinonhuwira. inobereka zvinonhuwira. Miromo yake yakaita samaruva anodonha mura.

14 Maoko ake itsvimbo dzegoridhe dzakaiswa mabwe anokosha. Muviri wake wakaita senyanga dzenzou dzinobwinya dzakashongedzwa nesafiri.

15 Makumbo ake imbiru dzamabwe machena akamiswa pazvigadziko zvegoridhe rakanatswa. Chimiro chake chakaita seRebhanoni, chakanakisisa semisidhari yayo.

16 Muromo wake inhapitapi pachayo; zvirokwazvo akaisvonaka. Uyu ndiye mudiwa wangu, ndiye shamwari yangu, imi vanasikana veJerusarema.

Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 6

1 Ko, mudiwa wako aendepiko, iwe zvako wakanaka kukunda vamwe vakadzi? Mudiwa wako aenda nokupiko, kuti tigomutsvaka pamwe chete newe?

2 Mudiwa wangu adzika kubindu rake, kumihomba yezvinonhuwirira, kuti andomema mumapindu nokutanha maruva.

3 Ini ndiri womudiwa wangu uye mudiwa wangu ndowangu; anomema pakati pamaruva.

4 Wakanaka iwe mudiwa wangu, seTiriza, unoyevedza seJerusarema, unoremekedzeka samauto ane mireza.

5 Bvisa meso ako pandiri; anondikunda. Bvudzi rako rakaita sedanga rembudzi riri kuburuka muGireadhi.

6 Meno ako akafanana neboka ramakwai achangobva mukushambidzwa. Rimwe nerimwe rine rarakafanana naro, pasina riri roga zvaro.

7 Matama ako uri mumumbure wako akaita sezvikamu zviviri zvedamba.

8 Kungava navanamambokadzi makumi matanhatu, navarongo makumi masere nemhandara dzisingaverengeki;

9 Asi njiva yangu, iye akakwana wangu, ndiwe mumwe oga, mwanasikana mumwe oga wamai vake, iye woga anodikanwa naiye akamubereka. Mhandara dzakamuona dzikamuti akaropafadzwa. Vanamambokadzi navarongo vakamurumbidza.

10 Ko, ndiani uyo anotaridzika samambakwedza, akanaka somwedzi, anopenya sezuva, akanaka senyeredzi dziri mumudungwe?

11 Ndakadzika kusango remiti yemipfura kundoona zvitsva zvakamera mumupata, kundoona kana mizambiringa yainge yabukira, kana kuti mitamba yainge yava namaruva.

12 Ndisati ndambodii, mwoyo wangu wakandiisa pakati pengoro dzoumambo dzavanhu vangu.

13 Dzoka, dzoka iwe muShurami; dzoka, dzoka kuti timbokuona! Ko, munodirei kuona muShurami sezvamunoita mutambo weMahanaimi?

Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 7

1 Dzakanaka sei tsoka dzako dzakapfekedzwa shangu, iwe mwanasikana womuchinda! Makumbo ako akanakisisa akaita sezvishongo, basa ramaoko emhizha.

2 Guvhu rako rakatenderera somukombe unogara uine waini yakasanganiswa zvakanaka. Chiuno chako murwi wegorosi wakakomberedzwa namaruva.

3 Mazamu ako akaita setsvana mbiri, mapatya emhara.

4 Mutsipa wakaita seshongwe yakagadzirwa nenyanga dzenzou. Meso ako ndiwo madziva eHeshibhoni pasuo reBhati Rabhimi. Mhuno yako yakaita seshongwe yeRebhanoni yakatarisa kudivi reDhamasiko.

5 Musoro wako unokushongedza nekorona seGomo reKarimeri. Bvudzi rako rakaita sezvirukwa zvomumba mamambo; mwoyo wamambo wakabatwa nokugadzirwa kwebvudzi rako.

6 Wakanaka uye unofadza sei, iwe mudiwa nezvinofadza zvako!

7 Chimiro chako chakaita somuti womuchindwi; uye mazamu ako samasumbu omuchero.

8 Ndakati, “Ndichakwira muchindwi uyu, ndigobata muchero wawo.” Mazamu ako ngaaite samasumbu omuzambiringa, munhuwi wokufema kwako uite samaapuro,

9 muromo wako ugoita sewaini yakanakisisa.

Waini ngaiendeswe kumudiwa wangu chaiko, igoyerera zvinyoronyoro, napamiromo yake nameno ake.

10 Ini ndiri womudiwa wangu, uye iye anondishuva.

11 Uya, mudiwa wangu, ngatiendei kumunda, tigozopedza usiku hwose kumamisha.

12 Ngatimukirei kuminda yemizambiringa tindoona kana mizambiringa yakabukira, uye kana maruva awo azaruka, uye kana mitamba yatumbuka yava namaruva, ikoko ndiko kwandichakupa rudo rwangu.

13 Miti yemidiwadiwa inopa kunhuwira kwayo, uye pamusuo pedu pane zvinonaka zvose, zvose zvitsva nezvitsaru, zvandakachengetera iwe, mudiwa wangu.

Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 8

1 Dai chete wakanga uri sehanzvadzi kwandiri, akanwa pamazamu amai vangu! Ipapo kana ndaikuwana panze, ndaikutsvoda uye hapana aizondishora.

2 Ndaizokutora ndouya newe kumba kwamai vangu, ivo vakandidzidzisa. Ndaikupa waini yakaiswa zvinonhuwira kuti unwe, nomukume wemitamba yangu.

3 Ruoko rwake rworuboshwe rwuri pasi pomusoro wangu, uye ruoko rwake rworudyi rwakandimbundikira.

4 Imi vanasikana veJerusarema ndinokurayirai: Musazunguza kana kumutsa rudo kusvikira irwo rwada rwoga.

5 Ndianiko uyo ari kuuya achibva kurenje akazendamira pamudiwa wake?

Pasi pomuti womuapuro ndakakumutsa; ipapo mai vako vakakubereka, ipapo ivo vairwadziwa vakakubereka.

6 Ndiise pamwoyo pako sechisimbiso, sechisimbiso paruoko rwako; nokuti rudo rwakasimba sorufu godo rarwo, seguva harishanduki. Runopisa serimi romoto, somurazvo mukuru kwazvo.

7 Mvura zhinji haigoni kudzima rudo; nzizi hadzigoni kurukukura. Kunyange munhu akapa pfuma yose yemba yake kuti awane rudo, zvingazvidzwa chose.

8 Tine hanzvadzi yedu duku uye mazamu ake haasati akura. Tichaitireiko hanzvadzi yedu pazuva rokukumbirwa kwayo kuti iwanikwe?

9 Kana ari rusvingo, tichavaka shongwe dzesirivha paari. Kana ari musuo, tichamukomberedza namapuranga omusidhari.

10 Ndiri rusvingo, mazamu angu akaita seshongwe. Ndizvo zvandava pamberi pake, somunhu anouyisa kugutsikana.

11 Soromoni aiva nomunda wemizambiringa muBhaari Hamoni; akapa munda wake wemizambiringa kuvanhu vairima vachimuripira. Mumwe nomumwe wavo pachibereko chawo aiuya namashekeri chiurua esirivha.

12 Asi munda wangu wemizambiringa ndowangu kuti ndiupe; Chiuru chamashekeri esirivha ndechako, iwe Soromoni, asi mazana mavirib ndeevanochengeta michero yawo.

13 Iwe unogara mumapindu unoshandirwa neshamwari, rega ndinzwe inzwi rako!

14 Handei mudiwa wangu, uite semhara kana setsvana pamusoro pamaakomo azere zvinonhuwira.

Muparidzi 1

Zvose hazvina maturo

1 Mashoko oMuparidzi, mwanakomana waDhavhidhi, mambo muJerusarema:

2 Zvanzi noMuparidzi, “Hazvina maturo! Hazvina maturo! Hazvina maturo chose! Zvose hazvina maturo.”

3 Munhu achawaneiko kubva pakushanda kwake kwose kwaanoita nesimba pasi pezuva?

4 Marudzi anouya uye marudzi anoenda, asi nyika inogara nokusingaperi.

5 Zuva rinobuda uye zuva rinovira, uye rinokurumidza kudzokerazve kwarinobudira.

6 Mhepo inovhuvhuta ichienda zasi, yozodzokera kumusoro; inotenderera nokutenderera ichingodzokerazve pagwara rayo.

7 Nzizi dzose dzinodira mugungwa, kunyange zvakadaro gungwa harizari. Kunzvimbo kwadzinobva nzizi, ikoko ndiko kwadzinodzokerazve.

8 Zvinhu zvose zvinonetesa, zvisina ani angazvitaura. Ziso hariguti kuona, uye nzeve haizari nokunzwa.

9 Chakanga chiripo, chichazovapozve, chakamboitwa chichaitwazve; hapana chitsva pasi pezuva.

10 Chiripo here chinhu chinganzi nomunhu, “Tarira! Chinhu ichi chitsva?” Chakanga chichingovapo, kare kare; chakanga chiripo isu tisati tavapo.

11 Marudzi akapfuura haacharangarirwi; uye marudzi achazotevera, haangatongorangarirwi navanozotevera.

Uchenjeri hahuna maturo

12 Ini muparidzi ndakanga ndiri mambo weIsraeri muJerusarema.

13 Ndakazvipira kunzvera nokutsvaka nouchenjeri zvose zvinoitwa pasi pedenga. Ibasa rinotambudza rakapiwa vanakomana vavanhu naMwari kuti vazvitambudze naro.

14 Ndakaona zvinhu zvose zvinoitwa pasi pezuva; zvose hazvo hazvina maturo, kudzingana nemhepo bedzi.

15 Chakakombamiswa hachingatwasanudzwi; chinoshayikwa hachingaverengwi.

16 Ndakafunga mumwoyo mangu ndikati, “Tarira, ndazviwanira uchenjeri hwakawanda kupfuura vose vakanditangira kutonga muJerusarema; ndava nouchenjeri uye noruzivo rwakawanda.”

17 Ipapo ndakazvipira kutsvaka kunzwisisa uchenjeri uyezve noupengo noupenzi, asi ndakadzidzawo zvakare kuti, naizvozviwo kudzingana nemhepo.

18 Nokuti muuchenjeri huzhinji muno kusuwa kuzhinji; kuwanda kwezivo, kuwandawo kwokuchema.

Muparidzi 2

Kufara kuzhinji hakuna maturo

1 Ndakati mumwoyo mangu, “Uya zvino, ndichakuedza nomufaro kuti uzive chakanaka.” Asi naizvozviwo hazvina maturo.

2 Ndakati, “Kuseka upenzi, uyezve mafaro anobatsireiko?”

3 Ndakaedza kuzvifadza newaini, uye kumbundikira upenzi, pfungwa dzangu dzichinditungamirira nouchenjeri. Ndaida kuona kuti chii chakafanira kuti vanhu vaite pasi pedenga mumazuva mashoma oupenyu hwavo.

4 Ndakaita mabasa makuru; ndakazvivakira dzimba ndikazvirimira minda yemizambiringa.

5 Ndakazvigadzirira mapindu, neminda yemiti uye ndikasimamo miti yemichero yendudzi dzose.

6 Ndakavaka madhamu kuti ndidiridzire sango remiti yaikura.

7 Ndakatenga varandarume navarandakadzi, uye ndaiva navamwe varanda vakaberekerwa mumba mangu. Ndaivawo nepfuma zhinji yemombe namakwai, kupfuura ani zvake akanditangira kuvapo paJerusarema.

8 Ndakazviunganidzira sirivha negoridhe, uye nepfuma yamadzimambo uye neyamatunhu. Ndakatsvaka vaimbi, varume navakadzi, uye nezviridzwa, nezvinofadza vanakomana vavanhu, navarongowo vazhinji.

9 Saka ndakava mukuru kwazvo kupfuura ani zvake akanditangira paJerusarema. Mune izvi zvose uchenjeri hwangu hwakaramba huneni.

10 Handina kuzvirambidza zvinhu zvaidiwa nameso angu, handina kurambidza mwoyo wangu mufaro. Mwoyo wangu wakafadzwa nebasa rangu rose, uye uyu ndiwo wakava mubayiro wokushanda kwangu kwose.

11 Asi pandakaongorora mabasa ose akanga aitwa namaoko angu uye zvandakatambudzikira kuti ndiwane, zvose zvakanga zvisina maturo, kwaingova kudzingana nemhepo; hapana chaibatsira pasi pezuva.

Uchenjeri noUpenzi hazvina maturo

12 Naizvozvo ndakapindura pfungwa dzangu kuti ndicherechedze uchenjeri, noupengowo uye noupenzi. Chii chimwe chingaitwa nomunhu anotevera mumwe paumambo kunze kwezvakatoitwa kare?

13 Ndakaona kuti uchenjeri huri nani pano upenzi, sezvo chiedza chiri nani pane rima.

14 Meso omunhu akachenjera ari mumusoro make, uku benzi richifamba murima; asi ndakasvika pakuziva kuti vose vanowirwa nedambudziko rimwe chete.

15 Ipapo ndakafunga mumwoyo mangu ndikati,

“Magumo ebenzi achandiwanawo neni. Chii zvino chandinowana pakuva munhu akachenjera?” Ndakati mumwoyo mangu, “Izviwo hazvina maturo.”

16 Nokuti munhu akachenjera akafanana nebenzi pakusarangarirwa; mumazuva anouya vose vachazokanganwikwa. Kufanana nebenzi, akachenjera anofanira kufawo!

Kushanda hakuna maturo

17 Saka ndakavenga upenyu, nokuti basa rinoitwa pasi pezuva rakandirwadza kwazvo. Zvose hazvo hazvina maturo, kudzingana nemhepo.

18 Ndakavenga zvinhu zvose zvandakashingairira pasi pezuva, nokuti ndinofanira kuzvisiyira anonditevera.

19 Uye ndiani angaziva kana achizova akachenjera kana benzi? Kunyange zvakadaro achava nesimba pamusoro pebasa rose randakatamburira nesimba nounyanzvi hwangu pasi pezuva. Izviwo hazvina maturo.

20 Saka mwoyo wangu wakatanga kushungurudzika pamusoro pokutambudzika nokushanda kwangu pasi pezuva.

21 Nokuti munhu angaite basa rake nouchenjeri, noruzivo uye nounyanzvi, zvino ipapo ozofanira kusiya zvose zvaanazvo kuno mumwe asina kuzvishandira. Naizvozviwo hazvina maturo uye chinhu chakaipa kwazvo.

22 Munhu anowanei pakushanda kwose nokushingaira kwomwoyo nokuda kwokushanda kwake pasi pezuva?

23 Mazuva ake ose basa rake kurwadziwa nokusuwa; kunyange nousiku pfungwa dzake hadzizorori. Naizvozviwo hazvina maturo.

24 Munhu haana chaangaita chinopfuura kudya nokunwa kuti awane kugutswa pakushanda kwake. Naizvozviwo, ndinoona kuti zvinobva muruoko rwaMwari,

25 nokuti kana pasina iye, ndiani angadye kana kuwana mufaro?

26 Kuno munhu anomufadza, Mwari anopa uchenjeri, nezivo nomufaro asi kuno mutadzi, anopa basa rokuunganidza nokuchengetera upfumi kuti agozvipa uyo anofadza Mwari. Naizvozviwo hazvina maturo, kudzingana nemhepo.