Zvirevo 11

1 Jehovha anovenga zviero zvinonyengera, asi zviero zvakakwana zvinomufadza.

2 Kana kuzvikudza kwasvika, ipapo kunyadziswa kwasvikawo, asi uchenjeri huri kune akazvininipisa.

3 Unhu hwakanaka hwavakarurama unovatungamirira, asi vasina kutendeka vanoparadzwa nokunyengera kwavo.

4 Pfuma haibatsiri chinhu pazuva rokutsamwa, asi kururama kunorwira parufu.

5 Kururama kwavasina chavangapomerwa kunovaruramisira nzira yavo, asi vakaipa vachaparadzwa nezvakaipa zvavo.

6 Kururama kwavakarurama kunovarwira, asi vasina kutendeka vanosungwa nezvishuvo zvavo zvakaipa.

7 Kana munhu akaipa afa, tariro yake yaparara; zvose zvaaitarisira kubva pasimba rake zvaparadzwa.

8 Munhu akarurama anonunurwa kubva mudambudziko, uye rigoenda kuno munhu akaipa panzvimbo yake.

9 Munhu asina umwari anoparadza muvakidzani wake nomuromo wake, asi kubudikidza nezivo akarurama anopunyuka.

10 Vakarurama pavanobudirira, guta rinofara; vakaipa pavanoparara, kupembera nomufaro zvinonzwikwa.

11 Kubudikidza nokuropafadzwa kwomunhu akarurama, guta rinosimudzirwa, asi nomuromo womunhu akaipa rinoparadzwa.

12 Munhu anoshayiwa uchenjeri anoseka muvakidzani wake, asi munhu anonzwisisa anodzora rurimi rwake.

13 Guhwa rinoparadza chivimbo, asi munhu akavimbika anochengetedza zvakavanzika.

14 Nokuda kwokushaya utungamiri rudzi runoparara, asi varayiri vazhinji vanoita kuti kukunda kuvepo.

15 Uyo anoisira mumwe rubatso zvirokwazvo achaona nhamo, asi ani naani anoramba kumbundana maoko achiita mhiko achapona.

16 Mukadzi ane mwoyo munyoro achakudzwa, asi varume vane utsinye vachawana pfuma chete.

17 Munhu ane tsitsi anozviitira zvakanaka iye pachake, asi munhu ane utsinye anozviunzira dambudziko.

18 Munhu akaipa anowana mubayiro wokunyegedzera, asi uyo anodyara kururama anokohwa mubayiro wechokwadi.

19 Munhu akarurama zvechokwadi anowana upenyu, asi uyo anotevera zvakaipa anoenda kurufu rwake.

20 Jehovha anovenga vanhu vane mwoyo yakaipa, asi anofarira avo vane nzira dzisina chadzingapomerwa.

21 Zvirokwazvo akaipa acharangwa bedzi, asi vakarurama vachasunungurwa.

22 Sezvakaita mukaro wegoridhe mumhino dzenguruve, ndizvo zvakaitawo mukadzi akanaka pachiso asi asina njere.

23 Chishuvo chowakarurama chinoguma mune zvakanaka chete, asi tariro yowakaipa inogumira mukutsamwirwa.

24 Mumwe munhu anongopa pachena, asi achitowana zvimwe zvakawanda; mumwe anonyima zvaanofanira kupa, asi agova murombo.

25 Munhu anopavhurira achabudirira; uyo anomutsiridza vamwe achamutsiridzwawo.

26 Vanhu vanotuka munhu anounganidza zviyo vamwe vasina, asi mukomborero uchava korona youyo anofarira kutengesa.

27 Uyo anotsvaka zvakanaka achawana nyasha, asi zvakaipa zvinosvika kune uyo anozvitsvaka.

28 Ani naani anovimba noupfumi hwake achawa, asi akarurama achanaka seshizha nyoro.

29 Uyo anouyisa dambudziko kumhuri yake achagara nhaka yemhepo chete, uye benzi richava muranda womunhu akachenjera.

30 Chibereko chokururama ndiwo muti woupenyu, uye anodzora mweya yavanhu ndiye akachenjera.

31 Kana vakarurama vachiwana zvakavafanira panyika, ko, kuzoti akaipa nomutadzi!

Zvirevo 12

1 Ani naani anoda kurayirwa anoda zivo, asi uyo anovenga kudzorwa ibenzi.

2 Munhu akanaka anowana nyasha kubva kuna Jehovha, asi Jehovha anotuka munhu ane mano akaipa.

3 Munhu haangasimbiswi nezvakaipa, asi mudzi womunhu akarurama haungadzurwi.

4 Mudzimai ane unhu hwakanaka ikorona kumurume wake, asi mudzimai anonyadzisa akafanana nokuora mumapfupa omurume wake.

5 Urongwa hwomunhu akarurama hwakarurama, asi kurayira kwavakaipa kunonyengera.

6 Mashoko owakaipa anovandira ropa, asi kutaura kwavakarurama kunovanunura.

7 Vanhu vakaipa vanobviswa pachigaro uye havazovapozve, asi imba yowakarurama icharamba yakasimba.

8 Munhu anorumbidzwa maererano nouchenjeri hwake, asi vanhu vane pfungwa dzakatsauka vanozvidzwa.

9 Zviri nani kuva munhu anoninipiswa asi iwe une muranda, pane kuzviita munhu wapamusoro iwe usina zvokudya.

10 Munhu akarurama ane hanya nechipfuwo chake, asi zviito zvakanaka zvowakaipa utsinye.

11 Uyo anoshanda mumunda wake achava nezvokudya zvakawanda, asi uyo anongotevera zvisina maturo anoshayiwa zivo.

12 Vakaipa vanopanga zvakapambwa zvavanhu vakaipa, asi mudzi woakarurama unobereka zvibereko.

13 Munhu akaipa anobatwa nokutaura kwake kwakaipa, asi munhu akarurama anopunyuka padambudziko.

14 Kubva pazvibereko zvemiromo yake munhu anozadzwa nezvinhu zvakanaka, zvirokwazvo sokupiwa mubayiro kwaanoitwa nebasa ramaoko ake.

15 Nzira yebenzi inoita seyakanaka kwaari, asi munhu akachenjera anoteerera kurayira.

16 Benzi rinoratidza kutsamwa pakarepo, asi munhu akachenjera anoshayira hanya kutukwa.

17 Chapupu chezvokwadi chinopa uchapupu hwezvokwadi, asi chapupu chenhema chinoreva nhema.

18 Mashoko anotaurwa nokusarangarira anobaya somunondo, asi rurimi rwomunhu akachenjera runoporesa.

19 Miromo yezvokwadi ichasimbiswa nokusingaperi, asi rurimi runoreva nhema runogara kwechinguva chiduku.

20 Mune kunyengera mumwoyo yaavo vanoronga zvakaipa, asi rufaro rwuri kune avo vanokurudzira rugare.

21 Akarurama haangatongowirwi nezvakaipa, asi vakaipa vachava namatambudziko akavafanira.

22 Jehovha anovenga miromo inotaura nhema, asi anofadzwa navanhu vanotaura chokwadi.

23 Munhu akachenjera anovanza zivo yake, asi mwoyo yamapenzi inotaura zvoupenzi.

24 Maoko anoshingaira achatonga, asi usimbe hunopedzisira mukushanda somuranda.

25 Mwoyo unopunyaira unoremedza munhu, asi shoko nyoro rinomufadza.

26 Munhu akarurama anochenjerera ushamwari, asi nzira yavakaipa inovatungamirira mukurasika.

27 Munhu ane usimbe haagochi mhuka yaabata, asi munhu anoshingaira anokoshesa pfuma yake.

28 Munzira yokururama mune upenyu; kwainoenda hakuna rufu.

Zvirevo 13

1 Mwanakomana akachenjera anoteerera kurayira kwababa vake, asi mudadi haateereri kana achitsiurwa.

2 Kubva pazvibereko zvomuromo wake munhu achadya zvinhu zvakanaka, asi vasina kutendeka vanofarira kumanikidza.

3 Uyo anobata muromo wake anochengeta upenyu hwake, asi uyo anokurumidzira kutaura achaparadzwa.

4 Simbe inopanga asi igoshayiwa chinhu, asi zvishuvo zvavanoshingaira zvichazadziswa.

5 Vakarurama vanovenga nhema, asi vakaipa vanouyisa kunyadziswa nokunyangadza.

6 Kururama kunorinda munhu ane unhu hwakanaka, asi kuipa kunowisira mutadzi pasi.

7 Mumwe munhu anozviti mupfumi, asi asina chinhu; mumwewo anozviti murombo, asi aine upfumi huzhinji.

8 Upfumi hwomunhu hunogona kudzikinura upenyu hwake, asi murombo haanzwi kutyisidzirwa.

9 Chiedza chowakarurama chinopenya kwazvo; asi mwenje woakaipa uchadzimwa.

10 Kuzvikudza kunongouyisa kukakavara chete, asi uchenjeri hunowanikwa mune avo vanogamuchira kurayirwa.

11 Mari yakawanikwa zvisakarurama ichakurumidza kupera, asi uyo anounganidza mari zvishoma nezvishoma achaita kuti iwande.

12 Tariro kana ichinonoka inoodza mwoyo, asi chishuvo chazadziswa muti woupenyu.

13 Uyo anozvidza kurayirwa achazozviripira izvozvo, asi uyo anokudza murayiro achawana mubayiro.

14 Kudzidzisa kwowakachenjera itsime roupenyu, rinobvisa munhu pamusungo worufu.

15 Kunzwisisa kwakanaka kunowanisa nyasha, asi nzira yavasina kutendeka ihukutu.

16 Munhu wose akachenjera anoita zvinhu noruzivo, asi benzi rinoratidza upenzi hwaro.

17 Nhume yakaipa inowira munjodzi, asi munyai akatendeka anouya nokuporesa.

18 Uyo anozvidza kurayirwa achava murombo uye achanyadziswa, asi ani naani anoteerera kurayirwa achakudzwa.

19 Chishuvo chazadziswa chinozipa pamweya, asi mapenzi anovenga kusiya zvakaipa.

20 Uyo anofamba navakachenjera achachenjerawo, asi shamwari yamapenzi ichakuvadzwa.

21 Zvakaipa zvinotevera mutadzi, asi kubudirira ndiwo mugove wavakarurama.

22 Munhu akanaka anosiyira vana vevana vake nhaka, asi upfumi hwomutadzi hunounganidzirwa vakarurama.

23 Munda womurombo ungabereka zvokudya zvakawanda, asi kusaruramisira kunozvitsvairira kure.

24 Anorega kushandisa shamhu anovenga mwanakomana wake, asi uyo anomuda anochenjerera kumuranga.

25 Vakarurama vanodya zvinogutsa mwoyo yavo, asi dumbu rowakaipa richanzwa nzara.

Zvirevo 14

1 Mukadzi akachenjera anovaka imba yake, asi benzi rinoputsa imba yaro namaoko aro.

2 Uyo ano mufambiro wakarurama anotya Jehovha, asi uyo ano mufambiro wakatsauka anomuzvidza.

3 Kutaura kwebenzi kunouyisa shamhu kumusana kwaro, asi miromo yavakachenjera inovadzivirira.

4 Kana pasina nzombe, chidyiro hachina chinhu, asi pasimba renzombe ndipo panobva kukohwa kukuru.

5 Chapupu chechokwadi hachinyengeri, asi chapupu chenhema chinodurura nhema.

6 Mudadi anotsvaka uchenjeri asi haahuwani, asi ruzivo runouya zviri nyore kune anonzvera.

7 Gara kure nomunhu benzi, nokuti haungawani ruzivo kubva pamiromo yake.

8 Uchenjeri hwomunhu akangwara ndiko kunzwisisa nzira dzake, asi upenzi hwamapenzi ndihwo unyengeri.

9 Mapenzi anoseka kutendeuka pazvivi, asi kuita zvakanaka kunowanikwa pakati pavakarurama.

10 Mwoyo mumwe nomumwe unoziva kutambudzika kwawo, uye hapana munhu angagoverana nawo mufaro wawo.

11 Imba yowakaipa ichaparadzwa, asi tende rowakarurama richabudirira.

12 Kune nzira inoita seyakanaka kumunhu, asi kumagumo inotungamirira kurufu.

13 Kunyange mukuseka mwoyo unogona kurwadziwa, uye mufaro ungangoperera mukusuwa.

14 Vasingatendi vachapiwa mubayiro wenzira dzawo wakazara, uye munhu akanaka achapiwa mubayiro wenzira dzakewo.

15 Munhu asina mano anongotenda zvose zvose, asi munhu akangwara anongwarira mafambiro ake.

16 Munhu akachenjera anotya Jehovha uye anovenga zvakaipa, asi benzi rina manyawi uye harina hanya.

17 Munhu anokurumidza kutsamwa anoita zvinhu zvoupenzi, uye munhu anoita zvounyengeri achavengwa.

18 Vasina mano vachagara nhaka youpenzi, asi vakangwara vachapfekedzwa korona yezivo.

19 Vanhu vakaipa vachagwadama pamberi pavakanaka, uye vakaipa pamasuo avakarurama.

20 Varombo vanoraswa kunyange navavakidzani vavo, asi vapfumi vane shamwari zhinji.

21 Uyo anozvidza muvakidzani wake anotadza, asi akaropafadzwa ane tsitsi kune vanoshayiwa.

22 Ko, vanoronga zvakaipa havarasiki here? Asi avo vanoronga zvakanaka vanowana rudo nokutendeka.

23 Kushanda nesimba kwose kunopa mubayiro, asi kungotaura kunotungamirira kuurombo bedzi.

24 Upfumi hwavakachenjera ikorona yavo, asi upenzi hwamapenzi hunobereka upenzi.

25 Chapupu chechokwadi chinoponesa upenyu, asi chapupu chenhema chinonyengera.

26 Uyo anotya Jehovha ane nhare yakasimba, uye ichava utiziro kuvana vake.

27 Kutya Jehovha ndicho chitubu choupenyu, kunodzora munhu kubva pamisungo yorufu.

28 Mukuwanda kwavanhu ndimo mune ukuru hwamambo, asi pasina vanhu muchinda anoparadzwa.

29 Munhu ane mwoyo murefu anonzwisisa, asi munhu anokurumidza kutsamwa anoratidza upenzi.

30 Mwoyo wakagadzikana unopa upenyu kumuviri, asi ruchiva runoodza mapfupa.

31 Uyo anomanikidza varombo anoratidza kuti anozvidza Musiki wavo, asi ani naani ane hanya nevanoshayiwa anokudza Mwari.

32 Kana njodzi yauya, akaipa anowisirwa pasi, asi kunyange murufu akarurama ane utiziro.

33 Uchenjeri hunogara mumwoyo yavanohunzvera uye kunyange pakati pamapenzi hunozvizivisa.

34 Kururama kunosimudzira rudzi, asi chivi chinonyadzisa vanhu vapi zvavo.

35 Mambo anofarira muranda akachenjera, asi muranda anonyadzisa achatsamwirwa naye.

Zvirevo 15

1 Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa, asi shoko rinorwadza rinomutsa hasha.

2 Rurimi rwowakachenjera runobudisa zivo, asi muromo webenzi unodurura upenzi.

3 Meso aJehovha ari pose pose, achicherechedza vakaipa navakanaka.

4 Rurimi runouyisa kuporesa ndirwo muti woupenyu, asi rurimi runonyengera runopwanya mweya.

5 Benzi rinoramba kurayira kwababa varo, asi ani naani anogamuchira kurayirwa anoratidza kungwara.

6 Imba yowakarurama ine pfuma zhinji, asi zvinowanikwa nowakaipa zvinomuuyira kutambudzika.

7 Miromo yavakachenjera inokusha zivo; asi mwoyo yamapenzi haidaro.

8 Jehovha anovenga chibayiro chowakaipa, asi munyengetero wokururama unomufadza.

9 Jehovha anovenga nzira yowakaipa, asi anoda vaya vanotevera kururama.

10 Kurangwa kwakaomarara kwakamirira uyo anotsauka kubva panzira; uyo anovenga kudzorwa achafa.

11 Rufu nokuparadzwa zviri pachena pamberi paJehovha, ko, kuzoti mwoyo yavanhu!

12 Mudadi anovenga kudzorwa; haangabvunzi vakachenjera.

13 Mwoyo wakafara, unofadza chiso, asi mwoyo une shungu unopwanya mweya.

14 Mwoyo unonzvera unotsvaka ruzivo, asi muromo webenzi unodya upenzi.

15 Mazuva ose omunhu anotambudzika akaipa, asi mwoyo unofara une mutambo nguva dzose.

16 Zviri nani kuva nezvishoma uchitya Jehovha, pane kuva nepfuma zhinji namatambudziko.

17 Zviri nani kuva nezvokudya zvomuriwo pane rudo, pane kuva nemhuru yakakodzwa pane ruvengo.

18 Munhu ane hasha anomutsa bopoto, asi munhu ane mwoyo murefu anonyaradza kukakavara.

19 Nzira yesimbe yakasoswa neminzwa, asi nzira yavakarurama mugwagwa mukuru.

20 Mwanakomana akachenjera anounzira baba vake mufaro, asi munhu benzi anozvidza mai vake.

21 Upenzi hunofadza munhu anoshayiwa njere, asi munhu anonzwisisa anochengetedza nzira yakarurama.

22 Urongwa hunoparara kana pasina vanopa mazano, asi vanopa mazano vakawanda hunobudirira.

23 Munhu anowana mufaro mukupa mhinduro yakanaka, uye rakanaka seiko shoko rinouya nenguva!

24 Nzira youpenyu kumunhu akachenjera inokwidza kumusoro, ichimuchengetedza kuti asaenda muguva.

25 Jehovha anoparadza imba yomunhu anozvikudza, asi agochengeta miganhu yechirikadzi yakasimba.

26 Jehovha anovenga pfungwa dzowakaipa, asi dzavakachena dzinomufadza.

27 Munhu anokarira pfuma anouyisa kutambudzika kumhuri yake, asi anovenga fufuro achararama.

28 Mwoyo wokururama unoyera mhinduro dzawo, asi muromo woakaipa unodurura zvakaipa.

29 Jehovha ari kure nowakaipa, asi anonzwa munyengetero woakarurama.

30 Chiso chinobwinya chinofadza mwoyo, uye mashoko akanaka anopa utano kumapfupa.

31 Uyo anoteerera kutsiura kunopa upenyu achagara pakati pavakachenjera.

32 Uyo asina hanya nokurangwa anozvizvidza iye pachake, asi ani naani anogamuchira kurayira achawana kunzwisisa.

33 Kutya Jehovha kunodzidzisa munhu uchenjeri, uye kuzvininipisa kunotanga, kukudzwa kwozotevera.

Zvirevo 16

1 Kuronga kwomwoyo ndekwomunhu, asi mhinduro yorurimi inobva kuna Jehovha.

2 Nzira dzose dzomunhu dzinoita sedzakanaka pakuona kwake, asi Jehovha anoyera zvinangwa.

3 Isa kuna Jehovha chose chaunoita, ipapo urongwa hwako huchabudirira.

4 Jehovha anoitira zvinhu zvose magumo azvo; kunyange akaipa anomuitira zuva renjodzi.

5 Jehovha anovenga vose vane mwoyo inozvikudza. Zvirokwazvo, havangaregi kurangwa.

6 Kubudikidza norudo nokutendeka, chivi chinoyananisirwa, kubudikidza nokutya Jehovha munhu anorega kuita zvakaipa.

7 Kana nzira dzomunhu dzichifadza Jehovha, anoita kuti kunyange vavengi vake vagarisane naye murugare.

8 Zviri nani kuva nezvishoma mukururama, pane kuva nezvakawanda kwazvo mukusaruramisira.

9 Mumwoyo make munhu anoronga gwara rake, asi Jehovha ndiye anotonga kufamba kwake.

10 Miromo yamambo inotaura seinotaura chirevo chamwari, uye muromo wake haufaniri kurega kururamisira.

11 Zviyero nezvienzaniso zvechokwadi zvinobva kuna Jehovha; zviyero zvose zviri muhomwe ndiye akazviita.

12 Madzimambo anovenga kuita zvakaipa, nokuti chigaro choushe chinosimbiswa nokururama.

13 Madzimambo anofarira miromo inotaura chokwadi; anoremekedza munhu anotaura chokwadi.

14 Kutsamwa kwamambo inhume yorufu, asi munhu akachenjera anonyaradza kutsamwa uku.

15 Kana chiso chamambo chichibwinya, zvinoreva upenyu, nyasha dzake dzakaita segore remvura panguva yomunakamwe.

16 Zviri nani sei kuwana uchenjeri pane goridhe, kusarudza njere pane sirivha!

17 Mugwagwa mukuru wavakarurama haupfuuri napane zvakaipa; uye anochengeta nzira yake anochengeta upenyu hwake.

18 Kuzvikudza kunotangira kuparadzwa, mweya wamanyawi unotangira kuwa.

19 Zviri nani kuva nomweya unozvininipisa pakati pavakadzvinyirirwa pane kugoverana zvakapambwa navanozvikudza.

20 Ani naani anoteerera kurayirwa achabudirira, uye akaropafadzwa uyo anovimba naJehovha.

21 Vakachenjera pamwoyo vanonzi ndivo vanonzvera, uye mashoko akanaka anokurudzira kurayirwa.

22 Njere itsime roupenyu kuna avo vanadzo, asi upenzi hunouyisa kurangwa kumapenzi.

23 Mwoyo womunhu akachenjera unotungamirira muromo wake, uye miromo yake inokurudzira kurayirwa.

24 Mashoko anofadza akafanana nezinga rouchi, anozipa kumweya, anoporesa mapfupa.

25 Kune nzira inoita seyakanaka kumunhu, asi magumo ayo anoenda kurufu.

26 Nzara yomushandi inomushandira; nzara yake inoita kuti arambe achishanda.

27 Munhu asina maturo anoronga zvakaipa, uye matauriro ake akaita somoto unopisa.

28 Munhu akaipa anomutsa kupesana, uye guhwa rinoparadzanisa shamwari dzepedyo.

29 Munhu anoita nechisimba anonyengera muvakidzani wake, uye anomufambisa napanzira isina kunaka.

30 Uyo anochonya nameso ake ari kuronga zvakaipa; uyo anorumanya miromo yake ari kuda kuita zvakaipa.

31 Bvudzi rakachena ikorona yakaisvonaka; inowanikwa noupenyu hwakarurama.

32 Zviri nani kuva munhu ane mwoyo murefu pane kuva murwi, munhu anozvibata pakutsamwa kwake ari nani pane uyo anotapa guta.

33 Mujenya unokandirwa pamakumbo, asi zvirevo zvose zvinobva kuna Jehovha.

Zvirevo 17

1 Zviri nani kuva nechimedu chakaoma chechingwa uine rugare norunyararo pane imba izere namabiko, ine kupesana.

2 Muranda akachenjera achatonga mwanakomana anonyadzisa, uye achagoverwa nhaka somumwe wehama.

3 Hari ndeyokubika sirivha uye choto ndechokunatsa goridhe, asi Jehovha ndiye anoedza mwoyo.

4 Munhu akaipa anoteerera miromo yakaipa; murevi wenhema anorerekera nzeve yake kururimi runoparadza.

5 Uyo anoseka varombo anozvidza Musiki wavo, ani naani anofarira njodzi dzavamwe haangaregi kurangwa.

6 Vana vevana ikorona kune vakwegura, uye vabereki ndivo kukudzwa kwavana vavo.

7 Kutaura kuna manyawi hakuna kufanira benzi, zvikuru sei kutaura nhema kwomubati!

8 Fufuro inofadza uyo anoipa; kwose kwose kwaanoenda, anobudirira.

9 Uyo anofukidzira kudarika kwomumwe anotsvaka rudo, asi ani naani anomutsazve mhaka anoparadzanisa shamwari dzepedyo.

10 Kutsiurwa kunofadza munhu ane njere kupfuura kurohwa kwebenzi kazana.

11 Munhu akaipa anongotsvaka kumukira chete; nhume isina tsitsi ichatumirwa kundomurwisa.

12 Zviri nani kusangana nechikara chatorerwa vana vacho pane benzi muupenzi hwaro.

13 Kana munhu akaripira zvakanaka nezvakaipa, zvakaipa hazvizombobvi paimba yake.

14 Kuvamba kwokukakavara kwakafanana nokudziurira mvura yedhamu; saka rega nharo kurwa kusati kwatanga.

15 Kupembedza ane mhosva nokupomera asina mhaka, Jehovha anozvivenga zvose.

16 Ine basa reiko mari kana iri muruoko rwebenzi, sezvo risina chishuvo chokuwana uchenjeri?

17 Shamwari inoda panguva dzose, uye hama yakaberekerwa nhamo.

18 Munhu anoshayiwa njere ndiye anombunda noruoko rwake pamhiko, uye anoitira muvakidzani wake rubatso.

19 Uyo anoda zvokukakavara anoda chivi; uyo anovaka suo refu anotsvaka kuparadzwa.

20 Munhu ane mwoyo wakaipa haabudiriri; uyo ane rurimi runonyengera achawira mudambudziko.

21 Kuva nomwanakomana benzi kunouyisa kurwadziwa; baba vebenzi havana mufaro.

22 Mwoyo wakafara mushonga wakanaka, asi mweya wakaputsika unoomesa mapfupa.

23 Munhu akaipa anogamuchira fufuro muchivande, kuti aminamise nzira dzokururamisira.

24 Munhu ane njere anoisa uchenjeri pamberi, asi meso ebenzi anosvika kumagumo enyika.

25 Mwanakomana benzi anorwadzisa baba vake, uye anoitisa shungu uyo akamubereka.

26 Hazvina kunaka kuranga munhu asina mhosva, kana kurova machinda nokuda kwokururama kwavo.

27 Munhu ano ruzivo anoshandisa mashoko achizvidzora, uye munhu anonzwisisa akadzikama.

28 Kunyange benzi, kana rakanyarara, rinonzi rakachenjera, uye rikabata muromo waro rinonzi rakangwara.

Zvirevo 18

1 Munhu asina ukama navamwe anongozvitsvakira zvake; anozvidza kutonga kwakanaka kwose.

2 Benzi harifariri kunzwisisa, asi rinofarira kungotaura zvarinofunga chete.

3 Panosvika chakaipa, kuzvidzwa kunouyawo, uye kana nyadzi dzichisvika kusakudzwa kwasvikawo.

4 Mashoko omuromo womunhu imvura yakadzika, asi tsime rouchenjeri chitubu chinoyerera.

5 Hazvina kunaka kutsaura akaipa kana kusaruramisira asina mhosva.

6 Miromo yebenzi inoriunzira kukakavara, uye muromo wake unomukokera kurohwa.

7 Muromo webenzi ndiwo kuparadzwa kwaro, uye miromo yaro ndiwo musungo kumweya waro.

8 Mashoko amakuhwa akaita semisuva yakanakisisa; anoenda pakadzikadzika mukati momunhu.

9 Uyo ano usimbe pakubata kwake ihama youyo anoparadza.

10 Zita raJehovha inhare yakasimba; vakarurama vanomhanyira kwariri vagochengetedzwa.

11 Pfuma yavapfumi ndiro guta ravo rina masvingo; vanoriona sorusvingo rurefu pakufunga kwavo.

12 Kuparadzwa kusati kwasvika, mwoyo womunhu unozvikudza, asi kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.

13 Uyo anopindura asati anzwa, ndihwo upenzi hwake nokunyadziswa kwake.

14 Mweya womunhu unomusimbisa panguva yokurwara, asi mweya wakapwanyika ndiani angaumutsa?

15 Mwoyo woune njere unowana ruzivo, nzeve dzowakachenjera dzinorutsvaka.

16 Chipo chinozarurira nzira kune achipa, uye chinomusvitsa pamberi pavakuru.

17 Anotanga kusvitsa nyaya yake anoita seakanaka, kusvikira mumwe auya mberi kuzomubvunza.

18 Kukanda mijenya kunopedza gakava, uye kunotonga pakati pavaviri vanopikisana zvikuru.

19 Hama yatadzirwa yakasimba kupfuura guta rakakomberedzwa namasvingo, uye kukakavara kwakafanana namazariro amasuo omuzinda wamambo.

20 Kubva pazvibereko zvomuromo wake dumbu romunhu rinogutiswa; nezvinobva pamiromo yake achagutiswa.

21 Rurimi rune simba roupenyu norufu, uye vaya vanoruda vachadya chibereko charwo.

22 Uyo anowana mudzimai anowana chinhu chakanaka, uye anogamuchira nyasha kubva kuna Jehovha.

23 Murombo anokumbira kuitirwa tsitsi, asi mupfumi anopindura nehasha.

24 Munhu ane shamwari dzakawanda angangoparadzwa, asi kune shamwari inonamatira kupfuura hama.

Zvirevo 19

1 Zviri nani kuva murombo ane mafambiro akarurama, pane benzi rine muromo wakatsauka.

2 Hazvibatsiri kushingaira usina zivo, kana kukurumidza uchizorasika nzira.

3 Upenzi hwomunhu hunoparadza upenyu hwake, asi mwoyo wake unotsamwira Jehovha.

4 Pfuma inouyisa shamwari zhinji, asi murombo anosiyiwa neshamwari dzake.

5 Chapupu chenhema hachingaregi kurangwa, uye uyo anodurura manyepo haangaregedzwi.

6 Vazhinji vanotsvaka nyasha kumubati, uye mumwe nomumwe ishamwari yomunhu anopa zvipo.

7 Murombo anoraswa nehama dzake dzose, kuzoti shamwari dzake, dzinomunzvenga zvakadii! Kunyange akavatevera achidemba kwazvo havangawanikwi.

8 Uyo anowana uchenjeri anoda upenyu hwake; uye anochengeta kunzwisisa anobudirira.

9 Chapupu chenhema hachingaregi kurangwa, uye uyo anodurura manyepo achaparara.

10 Hazvina kufanira kuti benzi rigarike, ko, zvakanyanya kuipa sei kuti muranda atonge machinda!

11 Uchenjeri hwomunhu hunomupa mwoyo murefu; kukudzwa kwake ndiko kukanganwira kudarika kwomumwe.

12 Kutsamwa kwamambo kwakafanana nokuomba kweshumba, asi nyasha dzake dzakaita sedova pauswa.

13 Mwanakomana benzi ndiko kuparara kwababa vake, uye mukadzi anokakavara akafanana nemvura inoramba ichingodonha.

14 Dzimba nepfuma inhaka inobva kuvabereki, asi mukadzi akanaka anobva kuna Jehovha.

15 Usimbe hunouyisa hope dzakadzama, uye munhu asingashandi achafa nenzara.

16 Uyo anoteerera kurayira anochengetedza upenyu hwake, asi uyo asina hanya nenzira dzake achafa.

17 Uyo anonzwira varombo tsitsi anopa kuna Jehovha, uye achamupa mubayiro wezvaakaita.

18 Ranga mwanakomana wako, nokuti mukuranga ndimo mune tariro; usava nechikamu pakuparadzwa kwake.

19 Munhu ane hasha zvikuru anofanira kuripa, mhosva yake; kana ukamununura, unofanira kuzomununurazve.

20 Teerera zano ugamuchire kurayirwa, uye pakupedzisira uchava wakachenjera.

21 Mune urongwa huzhinji mumwoyo momunhu, asi kuda kwaJehovha ndiko kunobudiririra.

22 Chinodiwa nomunhu rudo rusingagumi; zviri nani kuva murombo pano kuva murevi wenhema.

23 Kutya Jehovha kunotungamirira kuupenyu: Ipapo munhu achazorora zvakanaka, asingawirwi nedambudziko.

24 Simbe inoisa ruoko rwayo mundiro; igotadza kunyange kurwudzosa kumuromo wayo!

25 Rova museki, ipapo vasina mano vachadzidzawo ungwaru; tsiura munhu ane njere, ipapo achawana zivo.

26 Uyo anobira baba vake uye achidzinga mai vake mwanakomana anonyadzisa.

27 Mwanakomana wangu, ukasateerera kurayirwa, uchatsauka kubva pamashoko oruzivo.

28 Chapupu chakaipa chinoseka kururamisira, uye muromo womunhu akaipa unomedza zvakaipa.

29 Kurangwa kwakagadzirirwa vaseki, uye kurohwa misana yamapenzi.

Zvirevo 20

1 Waini museki uye doro mupopoti; ani naani anotsauswa nazvo haana kuchenjera.

2 Kutsamwa kwamambo kwakafanana nokuomba kweshumba; uyo anomutsamwisa anotadzira upenyu hwake.

3 Munhu achakudzwa kana akagara kure nokukakavara, asi benzi rimwe nerimwe rinokurumidza kupopota.

4 Simbe hairimi mumwaka wokurima; saka panguva yokukohwa anotsvaka asi hapana chaanowana.

5 Zvinangwa zvomwoyo womunhu imvura yakadzika, asi munhu akachenjera achaichera.

6 Vanhu vazhinji vanoti vane rudo rusingagumi, asi munhu akatendeka angawanikwa kupiko?

7 Munhu akarurama anorarama upenyu hwakanaka; vana vake vanomutevera vakaropafadzwa.

8 Kana mambo achinge agara pachigaro chake kuti atonge, anopepeta zvakaipa zvose nameso ake.

9 Ndiani angati, “Ndakachengeta mwoyo wangu wakachena; ndakachena uye handina zvivi”?

10 Zviereso zvakasiyana nezvipimo zvakasiyana Jehovha anozvivenga zvose.

11 Kunyange mwana anozivikanwa nezvaanoita, kuti tsika dzake dzakanaka uye kuti dzakarurama here.

12 Nzeve dzinonzwa nameso anoona, Jehovha ndiye akazviita zvose zviri zviviri.

13 Usafarira kurara kana kuti uchava murombo; svinudza meso ako ipapo uchava nezvokudya zvakawanda.

14 “Hazvina kunaka, hazvina kunaka!” ndizvo zvinotaura mutengi; ipapo hoyo oenda achizvirumbidza pamusoro pezvaatenga.

15 Goridhe riripo, uye matombo anokosha amarubhi azere, asi miromo inotaura zivo ndicho chinhu chinokosha chisipo.

16 Mutorerei nguo yake, uyo anoitira mutorwa rubatso; itorei sorubatso kana azviitira mukadzi asingazvibati.

17 Zvokudya zvakawanikwa nokunyengetera zvinonaka kumunhu, asi achapedzisira ava nomukanwa mazara jecha.

18 Ita urongwa nokutsvaga mazano; kana uchironga hondo, tsvaka kutungamirirwa.

19 Guhwa rinoputsa chivimbo; saka furatira munhu anotaurisa.

20 Kana munhu akatuka baba vake kana mai vake, mwenje wake uchadzimwa parima guru.

21 Nhaka yakakurumidza kuwanikwa pakutanga haingaropafadzwi pamagumo ayo.

22 Usati, “Ndichatsiva zvawanditadzira izvi!” Mirira Jehovha, uye iye achakubatsira.

23 Jehovha anovenga zviereso zvinosiyana, uye zviero zvinonyengera hazvimufadzi.

24 Kufamba kwomunhu kunotungamirirwa naJehovha. Zvino munhu anganzwisisa sei nzira yake?

25 Musungo kumunhu kuti akumikidze chimwe chinhu nokukurumidza uye ozorangarira mhiko dzake pava paya.

26 Mambo akachenjera anopepeta zvakaipa; anofambisa vhiri rokupura pamusoro pavo.

27 Mwenje waJehovha unonzvera mweya womunhu; unonzvera zviri mukatikati make.

28 Rudo nokutendeka zvinochengetedza mambo; kubudikidza norudo chigaro chake chinosimbiswa.

29 Kukudzwa kwamajaya ndiro simba ravo, bvudzi jena kubwinya kwavakwegura.

30 Kurohwa nokukuvadzwa zvinobvisa zvakaipa, uye kurohwa neshamhu kunovaka munhu womukati.