Zvirevo 21

1 Mwoyo wamambo uri muruoko rwaJehovha; anouendesa kwaanoda sehova dzemvura.

2 Nzira dzose dzomunhu dzinoita sedzakarurama kwaari, asi Jehovha anoyera mwoyo.

3 Kuita zvakarurama nokururamisira zvinonyanya kufadza Jehovha kupfuura chibayiro.

4 Meso ana manyawi nomwoyo unozvikudza, mwenje woakaipa, ndizvo chivi!

5 Urongwa hwavanoshingaira hunouyisa zvizhinji, sezvo, zvirokwazvo, kukurumidzisa kuchiuyisa urombo.

6 Pfuma yakaunganidzwa norurimi runoreva nhema imhute inopupurutswa uye muteyo wakaipisisa.

7 Kumanikidza kwavakaipa kuchavazvuzvurudzira kure, nokuti vanoramba kuita zvakarurama.

8 Nzira yeane mhosva yakaminama, asi kufamba kwaasina mhosva kwakarurama.

9 Zviri nani kugara pakona yedenga remba, pano kugara mumba nomudzimai anokakavara.

10 Munhu akaipa anoshuvira zvakaipa; muvakidzani wake haawani tsitsi kubva kwaari.

11 Kana museki akarangwa vasina mano vanowana uchenjeri; kana munhu akachenjera akarayirwa anowana zivo.

12 Iye Akarurama anocherechedza imba yowakaipa, uye anoisa akaipa kukuparadzwa.

13 Kana munhu akadzivira nzeve dzake kumurombo, naiyewo achachema uye hapana achamunzwa.

14 Chipo chinopiwa muchivande chinonyaradza hasha, uye fufuro yakavigwa mujasi inonyaradza kutsamwa kukuru.

15 Kana kururamisira kwaitwa, kunouyisa mufaro kuna vakarurama, asi kunovhundutsa vaiti vezvakaipa.

16 Munhu anorasika panzira yokunzwisisa achandozororera muungano yavakafa.

17 Uyo anofarira mafaro achava murombo; ani naani anofarira waini namafuta haazombopfumi.

18 Akaipa achava dzikinuro yavakarurama, uye vasina kutendeka vachava dzikinuro yaakatendeka.

19 Zviri nani kugara mugwenga, pano kugara nomudzimai anokakavara uye ane hasha.

20 Mumba mowakachenjera mune zvokudya zvakaisvonaka zvakawanda namafuta, asi benzi rinodya zvose zvarinazvo.

21 Uyo anotevera kururama norudo anowana upenyu, nokubudirira norukudzo.

22 Munhu akachenjera anorwisa guta ravane simba agoputsa nhare dzaro dzavanovimba nadzo.

23 Uyo anorinda muromo wake norurimi rwake anozvidzivirira kubva panjodzi.

24 Munhu anozvikudza uye ana manyawi “Museki” ndiro zita rake; anoita namanyawi uye nokuzvikudza.

25 Kushuva kwesimbe kunova rufu rwake, nokuti maoko ake anoramba kushanda.

26 Muswere wose wezuva anoramba achida zvimwe, asi akarurama anopa asinganyimi.

27 Chibayiro chowakaipa chinonyangadza, zvikuru sei kana akachiuya nacho nomufungo wakaipa!

28 Chapupu chenhema chichaparara, uye ani naani anoteerera kwaari achaparadzwa nokusingaperi.

29 Munhu akaipa ane chiso chisinganyari, asi munhu akarurama anofunga pamusoro penzira dzake.

30 Hapana uchenjeri kana njere kana urongwa hungabudirira huchipikisana naJehovha.

31 Bhiza rinogadzirirwa zuva rokurwa, asi kukunda kunobva kuna Jehovha.

Zvirevo 22

1 Zita rakanaka rinodiwa kwazvo kupfuura pfuma zhinji; kuremekedzwa kuri nani pane sirivha kana goridhe.

2 Vapfumi navarombo vakafanana pachinhu ichi: Jehovha ndiye Musiki wavo vose.

3 Munhu akangwara anoona njodzi agohwanda, asi asina mano anoramba achienda uye agotambura nokuda kwaizvozvo.

4 Kuzvininipisa nokutya Jehovha kunouyisa pfuma nokukudzwa uye noupenyu.

5 Munzira yowakaipa mune minzwa nemisungo, asi uyo anochengeta mweya wake anogara kure nazvo.

6 Dzidzisa mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, uye kana achinge akura haazotsauki kubva pairi.

7 Mupfumi anobata ushe pamusoro pomurombo, uye anokwereta anova muranda waanomupa chikwereti.

8 Uyo anodyara kuipa anokohwa dambudziko, uye tsvimbo yokutsamwa kwake ichaparadzwa.

9 Munhu anopa zvakawanda acharopafadzwa, nokuti anopa varombo zvokudya zvake.

10 Dzinga museki, kukakavara kunobva kwaendawo; kupopotedzana nokutukana kunoguma.

11 Uyo anoda mwoyo wakachena uye anotaura zvakanaka, achava shamwari yamambo.

12 Meso aJehovha anorinda zivo, asi anokonesa mashoko omunhu asina kutendeka.

13 Simbe inoti, “Panze pane shumba,” kana kuti, “Ndinourayiwa munzira!”

14 Muromo womukadzi chifeve igomba rakadzika; uyo ari pasi pokutsamwa kwaJehovha achawira mariri.

15 Upenzi hwakasungirirwa mumwoyo momwana, asi shamhu yokuranga ichahudzingira kure naye.

16 Uyo anomanikidza varombo kuti awedzere pfuma yake nouyo anopa zvipo kuvapfumi, vose vachava varombo.

Mashoko oMuchenjeri

17 Nyatsoteerera unzwe mashoko omuchenjeri; isa mwoyo wako kumashoko andinokudzidzisa,

18 nokuti chinhu chinofadza kana ukaachengeta mumwoyo mako, uye ugare wakagadzirira kuataura ose.

19 Kuti uvimbe naJehovha, ndinokudzidzisa nhasi, kunyange iyewe.

20 Handina kukunyorera zvirevo makumi matatu here, mashoko edzidziso noruzivo,

21 kukudzidzisa mashoko echokwadi anovimbika, kuitira kuti ugopa mhinduro dzakafanira kuno uyo akakutuma?

22 Usatorera varombo nokuti varombo, uye usamanikidza vanoshayiwa mudare redzimhosva,

23 nokuti Jehovha achavarwira pamhaka yavo, uye achapamba vanovapamba.

24 Usaita ushamwari nomunhu ane hasha, uye usafambidzana nomunhu anokurumidza kutsamwa,

25 kuti urege kudzidza tsika dzake, uye urege kuzviteya nomusungo.

26 Usava munhu anombunda ruoko pamhiko, kana kuzviita rubatso pazvikwereti;

27 kana usina chaungaripa nacho, uchatorerwa mubhedha wako chaiwo, paurere chaipo.

28 Usabvisa dombo romuganhu wakare, wakaiswapo namadzibaba ako.

29 Unoona munhu ane unyanzvi pabasa rake here? Achashanda pamberi pamadzimambo; haangashandiri vanhu vasina maturo.

Zvirevo 23

1 Kana ukagara pakudya pamwe chete nomubati, nyatsocherechedza zviri pamberi pako,

2 uise banga pahuro kana uri munhu wamadyo.

3 Usapanga zvokudya zvake zvinonaka nokuti zvokudya izvozvo zvinonyengera.

4 Usazvionza nokuda kuwana pfuma; iva nouchenjeri hunoita kuti uzvibate.

5 Kungoti tarisei papfuma, wanei yaenda, nokuti zvirokwazvo inomera mapapiro igobhururuka ichienda kudenga segondo.

6 Usadya zvokudya zvomunhu anonyima, kana kupanga zvokudya zvake zvinonaka;

7 nokuti munhu uya anongofunga chete mutengo wazvo. Anoti kwauri, “Idya ugonwa,” asi mumwoyo make asingadi.

8 Ucharutsa zvishoma izvozvo zvawadya, uye unenge watambisa mashoko ako nokumutenda.

9 Usataura nebenzi, nokuti richashora uchenjeri hwamashoko ako.

10 Usabvisa dombo romuganhu wakare kana kupinda paminda yenherera,

11 nokuti Mudziviriri wavo ane simba; iye achavarwira pamhaka yavo newe.

12 Isa mwoyo wako kumurayiro nenzeve dzako kumashoko ezivo.

13 Usarega kuranga mwana; ukamuranga neshamhu, haafi.

14 Murange neshamhu ugoponesa mweya wake kubva parufu.

15 Mwanakomana wangu, kana mwoyo wako wakachenjera, ipapo mwoyo wangu uchafara;

16 mukatikati mangu muchapembera kana miromo yako ichitaura zvakarurama.

17 Usarega mwoyo wako uchichiva vatadzi, asi nguva dzose shingairira kutya Jehovha.

18 Zvirokwazvo ramangwana rako rine tariro, uye tariro yako haingaparadzwi.

19 Teerera, mwanakomana wangu, ugova nouchenjeri, uye uchengete mwoyo wako panzira yakarurama.

20 Usabatana navaya vanonwa waini zhinji, kunyange vaya vanokara nyama,

21 nokuti zvidhakwa nevane madyo vachava varombo, uye hope dzichavapfekedza mamvemve.

22 Teerera kuna baba vako, ivo vakakubereka, uye usazvidza mai vako kana vachinge vakwegura.

23 Tenga zvokwadi urege kuzoitengesa; uwane uchenjeri, kuzvibata nokunzwisisa.

24 Baba vomunhu akarurama vane mufaro mukuru; uyo ane mwanakomana akachenjera anofadzwa naye.

25 Baba vako namai vako ngavafare; mai vakakubereka ngavafare kwazvo!

26 Mwanakomana wangu, ndipe mwoyo wako uye meso ako ngaanan’anidze nzira dzangu,

27 nokuti chifeve igomba rakadzika, uye mukadzi asingazvibati itsime rakamanikana.

28 Segororo anohwandira, anowedzera vasina kutendeka pakati pavarume.

29 Ndiani ane nhamo? Ndiani akasuwa? Ndiani anokakavara? Ndiani anonyunyuta? Ndiani ane mavanga pasina mhaka? Ndiani ane meso akatsvuka?

30 Vaya vanogara pawaini, vanoenda kundoravira makate ewaini yakavenganiswa.

31 Usatarisa waini kana yatsvuka, kana ichivaima iri mumukombe, kana ichidzika zvakanaka pakunwa!

32 Pakupedzisira inoruma senyoka uye ine uturu semvumbi.

33 Meso ako achaona zvisakamboonekwa uye pfungwa dzako dzichafunga zvakapesana.

34 Uchava souya akarara pamusoro pamafungu amakungwa, kana somunhu avete pamusoro pedanda rechikepe.

35 Uchati, “Vakandirova, asi handina kukuvara! Vakandirova asi handina kuzvinzwa! Ndichamuka rinhiko kuti ndigotsvakazve waini?”

Zvirevo 24

1 Usachiva vanhu vakaipa, usashuva kufamba navo;

2 nokuti mwoyo yavo inoronga kuita nechisimba, uye miromo yavo inotaura pamusoro pokuita mhirizhonga.

3 Nouchenjeri imba inovakwa, uye kubudikidza nokunzwisisa inosimbiswa;

4 kubudikidza nezivo makamuri ayo anozadzwa nezvinhu zvinoshamisa uye nepfuma yakaisvonaka inokosha.

5 Munhu akachenjera ane simba guru, uye munhu ane zivo anowedzera simba;

6 nokuti kundorwa hondo kunoda kutungamirirwa, uye kuti ukunde unoda vapi vamazano vazhinji.

7 Uchenjeri hahusvikirwi nebenzi; padare repasuo reguta harina chokutaura.

8 Uyo anoronga kuita zvakaipa achazivikanwa senhubu.

9 Mufungo woupenzi chivi, uye vanhu vanonyangadzwa nomuseki.

10 Kana ukapera simba panguva dzokutambudzika, simba rako ishoma sei!

11 Nunurai avo vari kuiswa kurufu; dzosai avo vari kudzedzereka vachienda kundourayiwa.

12 Asi kana mukati, “Hapana zvataiziva pamusoro paizvozvi?” Ko, iye anoyera mwoyo haangazvioni here? Iye anorinda upenyu hwako haangazvizivi here? Haangaripire munhu mumwe nomumwe maererano nezvaakaita here?

13 Idya uchi, mwanakomana wangu, nokuti hwakanaka; uchi hunobva pazinga hunozipa parurimi.

14 Uzivewo zvakare kuti uchenjeri hunozipa kumweya wako; kana wahuwana, ramangwana rako rine tariro, uye tariro yako haingaparari.

15 Usavandira sezvinoita wakaipa paimba yomunhu akarurama, usaparadza paanogara;

16 nokuti kunyange munhu akaruruma achiwa runomwe, anosimukazve, asi akaipa anowisirwa pasi nenjodzi.

17 Usafara kana muvengi wako achiwa; paanogumburwa, mwoyo wako ngaurege kufara,

18 kana kuti Jehovha achazviona akasafara nazvo uye agobvisa kutsamwa kwake kwaari.

19 Usashungurudzika nokuda kwavanhu vakaipa, kana kuchiva vakaipa,

20 nokuti vanhu vakaipa havana tariro yeramagwana, uye mwenje wavakaipa uchadzimwa.

21 Itya Jehovha namambo, mwanakomana wangu, usabatana navanopanduka,

22 nokuti vaviri ivavo vanouyisa kuparadzwa kwavari nokukurumidza, uye ndiani anoziva njodzi dzavangauyisa?

Zvimwe Zvirevo zvoMuchenjeri

23 Izviwo zvirevo zvomuchenjeri: Kuita rusaruro mukutonga hakuna kunaka:

24 Ani naani anoti kune ane mhosva, “Hauna mhosva,” marudzi achamutuka uye ndudzi dzichamushora.

25 Asi zvichanakira vaya vanopa mhosva kune vane mhosva, uye kuropafadzwa kukuru kuchauya pamusoro pavo.

26 Mhinduro yechokwadi yakafanana nokutsvoda pamiromo.

27 Pedza basa rako rapanze ugadzirire minda yako; shure kwaizvozvo, uvake imba yako.

28 Usava chapupu chinopomera muvakidzani wako pasina mhaka, kana kushandisa miromo yako kuti unyengere.

29 Usati, “Ndichamuitirawo zvaakandiitira; ndicharipira munhu uya zvaakaita.”

30 Ndakapfuura napamunda wesimbe, ndikapfuura napamunda womuzambiringa womunhu asina njere;

31 minzwa yakanga yamera pose pose, munda wakanga wafukidzwa nesora, uye rusvingo rwamabwe rwakanga rwakoromoka.

32 Ndakafungisisa zvandakanga ndacherechedza ndikadzidza chidzidzo pane zvandakanga ndaona.

33 Kumbovata zvishomanana, kumbotsumwaira, kumbofungatira maoko kuti ndizorore,

34 ipapo urombo huchauya pauri segororo uye kushayiwa kuchauya somunhu akashonga nhumbi dzokurwa nadzo.

Zvirevo 25

Zvimwe Zvirevo zvaSoromoni

1 Izvi ndizvo zvimwe zvirevo zvaSoromoni, zvakanyorwa namachinda aHezekia mambo weJudha:

2 Kukudzwa kwaMwari kuviga chinhu; kunzvera nyaya ndiko kukudzwa kwamadzimambo.

3 Sokukwirira kwakaita denga nokudzika kwakaita nyika, saizvozvowo mwoyo yamadzimambo haigoni kunzverwa.

4 Bvisa marara pasirivha, panobva pabuda zvinoshandiswa nomuumbi wemidziyo yesirivha;

5 bvisa akaipa pamberi pamambo, ipapo chigaro chake choushe chichasimbiswa kubudikidza nokururama.

6 Usazvikudza pamberi pamambo, uye usazvipa chigaro pakati pavanhu vakuru;

7 Zviri nani kuti ati kwauri, “Kwira pano,” pano kuti akunyadzise pamberi pavanhu vanoremekedzwa.

8 Zvawakaona nameso ako usakurumidze kuzvikwidza kumatare edzimhosva, nokuti uchazoiteiko pamagumo, kana muvakidzani wako akakunyadzisa?

9 Kana uchipikisana nomuvakidzani wako, usarase chivimbo chomumwe munhu,

10 kana kuti uyo achazvinzwa angangokunyadzisa, uye uchazoramba uine chimiro chakaipa.

11 Shoko rataurwa nenguva yakafanira rakafanana namaapuro egoridhe mumidziyo yesirivha.

12 Semhete yomunzeve yegoridhe kana chishongo chegoridhe rakaisvonaka, ndizvo zvakaita kutsiura kwomunhu akachenjera, kunzeve inoteerera.

13 Nhume yakatendeka kune anoituma yakafanana nokutonhorera kwechando panguva yokukohwa; inonyevenutsa mweya yavanatenzi vake.

14 Samakore nemhepo zvisina mvura, ndizvo zvakaita munhu anozvirumbidza pamusoro pezvipo zvaasingapi.

15 Kubudikidza nomwoyo murefu mubati anogona kukundwa, uye rurimi runyoro runogona kuvhuna mapfupa.

16 Kana wawana uchi, idya hunokuringana chete, hukawandisa, ucharutsa.

17 Usanyanyoenda pamba pomuvakidzani wako, ukanyanya kuendapo, achakuvenga.

18 Setsvimbo kana munondo kana museve unopinza, ndizvo zvakaita munhu anopa uchapupu hwenhema achipikisa muvakidzani wake.

19 Sezino rakaora kana tsoka yakaremara, ndizvo zvakafanana nokuvimba nomunhu asina kutendeka panguva yokutambudzika.

20 Souya anokurura nguo musi unotonhora, kana sevhiniga inodururwa pasoda, ndizvo zvinoita uyo anoimbira nziyo kumwoyo unorwadziwa.

21 Kana muvengi wako ane nzara, mupe zvokudya adye; kana aine nyota, mupe mvura anwe.

22 Mukuita izvi, uchaunganidzira mazimbe anopisa pamusoro wake, uye Jehovha achakupa mubayiro.

23 Semhepo yokumusoro inouyisa mvura, naizvozvo rurimi rwakaipa runouyisa zviso zvakashatirwa.

24 Zviri nani kugara pakona redenga reimba pano kugara mumba nomudzimai anokakavara.

25 Semvura inotonhorera kumweya wakaneta ndizvo zvakaita nhau dzakanaka dzinobva kunyika iri kure.

26 Sechitubu chizere madhaka kana tsime rasvibiswa, ndizvo zvakaita munhu akarurama anopa mukana kumunhu akaipa.

27 Hazvina kunaka kudya uchi huzhinji, kana kuti munhu azvitsvakire kukudzwa kwake iye.

28 Seguta rakakoromoka masvingo ndizvo zvakaita munhu asingagoni kuzvibata.

Zvirevo 26

1 Sechando muzhizha kana mvura pakukohwa, rukudzo haruna kufanira kubenzi.

2 Sezvinoita kadhimba pakubhururuka kwako, kana nyenganyenga pakubhururuka kwayo somuseve, saizvozvowo kutuka pasina mhosva hakuna zvakunoita.

3 Tyava yakaitirwa bhiza, matomu akaitirwa mbongoro, uye shamhu musana webenzi!

4 Usapindura benzi maererano noupenzi hwaro, kana kuti iwe pachako uchafanana naro.

5 Pindura benzi maererano noupenzi hwaro, kuti rirege kuona sokuti rakachenjera.

6 Sokuzvigura tsoka kana kunwa bongozozo, ndizvo zvakaita kutumira shoko noruoko rwebenzi.

7 Samakumbo echirema akangorembera ndizvo zvakaita chirevo mumuromo webenzi.

8 Sokusungira ibwe pachipfuramabwe ndizvo zvakaita kupa rukudzo kubenzi.

9 Segwenzi reminzwa riri muruoko rwechidhakwa, ndizvo zvakaita chirevo chiri mumuromo webenzi.

10 Somuwemburi weuta anopfura pose pose, ndizvo zvakaita anoshandirwa nebenzi kana nomupfuuri zvake.

11 Sembwa inodzokera kumarutsi ayo, ndizvo zvakaita benzi rinodzokorora upenzi hwaro.

12 Unoona munhu anozviti akachenjera pakuona kwake here? Benzi rinotova netariro kupfuura iye.

13 Simbe inoti, “Kune shumba kunzira, shumba inotyisa iri kufamba-famba munzira dzomumusha!”

14 Segonhi rinotenderera pamahinji aro, ndizvo zvinoita simbe pamubhedha wayo.

15 Simbe inoisa ruoko rwayo mundiro; inoita usimbe hwokutadza kurudzosera kumuromo wayo.

16 Simbe inozviti yakachenjera pakuona kwayo kupfuura vanhu vanomwe vanopindura nenjere.

17 Somunhu anobata imbwa nenzeve dzayo, ndizvo zvakaita mupfuuri anopindira pagakava risinei naye.

18 Somupengo unopotsera zvitsiga zvomoto, kana miseve inouraya,

19 ndizvo zvakaita munhu anonyengera muvakidzani wake uye achizoti, “Ndanga ndichiita zvangu je-e!”

20 Pasina huni moto unodzima; pasina makuhwa kukakavara kunopera.

21 Sezvakaita mazimbe pazvitsiga zvinopfuta nehuni pamoto, ndizvo zvakaita munhu wegakava pakupfutidza rukave.

22 Mashoko eguhwa akaita semisuva yakaisvonaka inodzika mukatikati momunhu.

23 Samarara esirivha akanamirwa kunze kwomudziyo wevhu, ndizvo zvakaita miromo inotaura zvinoyevedza, asi nomwoyo wakaipa.

24 Muparadzi anozvivanza namatauriro ake, asi mumwoyo make akaviga ruvengo.

25 Kunyange mashoko ake achitapira, usatenda zvaanotaura, nokuti mumwoyo make mune zvinonyangadza zvinomwe.

26 Ruvengo rwake rungavigwa mukunyengera kwake, asi kuipa kwake kuchabudiswa pachena paungano.

27 Kana munhu akachera gomba, achawira mariri; kana munhu akakungurutsa ibwe, richakunguruka, richidzokera pamusoro pake.

28 Rurimi runoreva nhema runovenga varunorwadzisa, uye muromo unobata kumeso unoparadza.

Zvirevo 27

1 Usazvirumbidza pamusoro pezuva ramangwana, nokuti hauzivi zvingauyiswa nezuva.

2 Rega mumwe akurumbidze, kwete muromo wako; mumwe munhuwo zvake, kwete miromo yako iwe.

3 Ibwe rinorema uye jecha mutoro, asi kudenhwa nebenzi kunorema kupfuura zvose.

4 Hasha dzinokuvadza uye kutsamwa kunokurira, asi ndiani angamira pamberi pomunhu ane godo?

5 Kutsiurwa pachena kuri nani pane rudo rwakavanzika.

6 Maronda okukuvadzwa neshamwari anogamuchirika, asi kutsvoda kwomuvengi kunonyengera.

7 Uyo akaguta anovenga uchi, asi kune ane nzara kunyange zvinovava zvinozipa.

8 Seshiri inorasika kubva padendere rayo, ndizvo zvakaita munhu anorasika kubva pamusha wake.

9 Mafuta nezvinonhuwira zvinouyisa mufaro kumwoyo, uye kunaka kwoushamwari kunobva padzidziso dzake dzakanaka.

10 Usarasa shamwari yako kana shamwari yababa vako, uye usangoenda kumba yehama yako kana wawirwa nedambudziko chete, muvakidzani ari pedyo ari nani kupfuura hama iri kure.

11 Iva wakachenjera, mwanakomana wangu, ugofadza mwoyo wangu; ipapo ndichagona kupindura ani naani anondishora.

12 Munhu akangwara anoona njodzi agovanda, asi asina mano anoramba achienda uye agokuvadzwa nayo.

13 Torera nguo uyo anozviita rubatso kumutorwa; uitore semhiko kana achinge aiita rubatso kumukadzi asingazvibati.

14 Kana munhu akafumira rungwanangwana kukwazisa muvakidzani wake achidaidzirisa zvichaonekwa sechituko.

15 Mudzimai anokakavara akafanana nemvura inoramba ichidonha-donha mushure mokunge kwanaya;

16 kumudzivisa zvakafanana nokudzivisa mhepo, kana kuchingidzira mafuta noruoko.

17 Simbi inorodza simbi, saizvozvowo mumwe munhu anorodza mumwe.

18 Uyo anochengeta muonde achadya zvibereko zvawo, uye uyo anochengeta tenzi wake achakudzwa.

19 Sezvo mvura ichiratidza chiso, saizvozvowo mwoyo womunhu unoratidza munhu.

20 Rufu nokuparadza hazvimboguti, kunyangewo maziso omunhu haaguti.

21 Hari ndeyokubika sirivha uye choto ndechokunatsa goridhe, asi munhu anoedzwa nerumbidzo yaanowana.

22 Kunyange ukatswa benzi muduri, kumutswa sezviyo nomutswi, haungabvisi upenzi hwake maari.

23 Iva nechokwadi kuti unoziva mamiriro amakwai ako, uchengete zvakanaka mapoka ako;

24 nokuti pfuma haigari nokusingaperi, uye korona haigari kusvikira kumarudzi namarudzi.

25 Kana uswa hukabviswa, uye bumhudza rikabuda, nesora rikaunganidzwa kubva kuzvikomo,

26 makwayana achakuwanisa zvokupfeka, uye mbudzi nomutengo womunda.

27 Uchava nomukaka wembudzi wakawanda wokudya iwe nemhuri yako, uye wokuraramisa varandakadzi vako.

Zvirevo 28

1 Munhu akaipa anotiza kusina anomudzinganisa, asi vakarurama vakashinga seshumba.

2 Kana nyika ikapanduka, inova navatungumiri vakawanda, asi munhu anonzwisisa uye ane ruzivo anochengetedza runyararo.

3 Mubati anomanikidza varombo akaita semvura inokukura ichisiya pasina zvirimwa.

4 Avo vanorasa murayiro vanorumbidza vakaipa, asi avo vanochengeta murayiro vanovapikisa.

5 Vanhu vakaipa havanzwisisi kururamisira, asi avo vanotsvaka Jehovha vanozvinzwisisa kwazvo.

6 Zviri nani kuva murombo ane mafambiro akarurama pane mupfumi ane nzira dzakatsauka.

7 Uyo anochengeta murayiro mwanakomana akachenjera, asi anofambidzana navanhu vane madyo anonyadzisa baba vake.

8 Uyo anowedzera pfuma yake nokutengesa nomutengo uri pamusoro-soro, anozviunganidzira mumwe, uyo anozonzwira varombo tsitsi.

9 Kana munhu akaramba kunzwa murayiro nenzeve dzake, kunyange minyengetero yake inonyangadza.

10 Uyo anotungamirira vakarurama panzira yakaipa, achawira mumuteyo wake pachake, asi vasina mhosva vachagamuchira nhaka yakanaka.

11 Munhu akapfuma angazviti akachenjera pakuona kwake, asi murombo ane njere anomuonorora.

12 Kana vakarurama vachikunda, kune mufaro mukuru; asi kana akaipa akava pachigaro chokutonga, vanhu vanohwanda.

13 Uyo anofukidzira zvivi zvake haabudiriri, asi ani naani anozvireurura nokuzvirasa achawana nyasha.

14 Akaropafadzwa munhu anogara achitya Jehovha, asi uyo anoomesa mwoyo wake achawira mudambudziko.

15 Seshumba inoomba, kana bere rinodzingirira, ndizvo zvakaita munhu akaipa anobata ushe pamusoro pavarombo.

16 Mubati anoshusha haana njere, asi uyo anovenga pfuma yakapambwa achararama kwamakore mazhinji.

17 Munhu anoshushikana nemhosva yake yokuuraya, acharamba ari wokutiza kusvikira pakufa; ngapasava nomunhu anomutsigira.

18 Uyo ano mufambiro wakarurama anogara akachengetedzeka, asi uyo ane nzira dzakatsauka achawa nokukurumidza.

19 Uyo anorima munda wake achava nezvokudya zvakawanda, asi uyo anodzinganisana nezviroto achava nourombo hwakamufanira.

20 Munhu akatendeka acharopafadzwa zvikuru, asi uyo anokara pfuma haangaregi kurangwa.

21 Kuita rusarura hakuna kunaka, asi kunyange zvakadaro munhu angaita zvakaipa kuti awane chimedu chechingwa.

22 Munhu anonyima ane shungu dzokuda kupfuma asingazivi kuti urombo hwakamugaririra.

23 Uyo anotsiura munhu iye achawana nyasha dzakawanda pakupedzisira, kupfuura uyo ane rurimi runonyengera.

24 Uyo anobira baba kana mai vake achiti, “Hazvina kuipa,” ndiye shamwari youya anoparadza.

25 Munhu ane ruchiva anomutsa kupesana, asi uyo anovimba naJehovha achabudirira.

26 Uyo anovimba nesimba rake ibenzi, asi uyo anofamba muuchenjeri achachengetedzeka.

27 Uyo anopa kuvarombo haangashayiwi chinhu, asi uyo anotsinzina meso ake kuvarombo achagamuchira kutukwa kuzhinji.

28 Kana akaipa achienda pachigaro chokutonga, vanhu vanohwanda; asi kana vakaipa vachiparara, vakarurama vanowanda.

Zvirevo 29

1 Munhu anoramba akaomesa mutsipa wake mushure mokutsiurwa kazhinji achaparadzwa nokukurumidza, kusina chingamubatsira.

2 Kana vakarurama vachiwanda, vanhu vanofara; asi kana vakaipa vachitonga, vanhu vanogomera.

3 Munhu anoda uchenjeri anouyisa mufaro kuna baba vake, asi anoshamwaridzana nechifeve anoparadza pfuma yake.

4 Nokururamisira mambo anosimbisa nyika, asi uyo anokara fufuro anoiparadza.

5 Ani naani anonyengera muvakidzani wake anodzikira tsoka dzake mumbure.

6 Munhu akaipa anoteyiwa nezvivi zvake, asi munhu akarurama anogona kuimba uye agofara.

7 Vakarurama vane hanya nokururamisirwa kwavarombo, asi vakaipa havana hanya naizvozvo.

8 Vatuki vanomutsa bope muguta, asi vanhu vakachenjera vanodzora kutsamwa.

9 Kana munhu akachenjera akaenda kumatare nebenzi, benzi rinotsamwa uye rigotuka, zvokuti hapangavi norugare.

10 Vanhu vanofarira kudeura ropa vanovenga munhu akaruruma, uye vanotsvaka kuuraya vakarurama.

11 Benzi rinobudisa hasha dzaro dzose, asi munhu akachenjera anozvibata.

12 Kana mubati akateerera nhema machinda ake ose achava akaipa.

13 Murombo nomunhu anomanikidza vakafanana pachinhu ichi: Jehovha ndiye anoita kuti meso avo vose aone.

14 Kana mambo akatonga varombo nokururamisira, chigaro chake choushe chinogara chakachengetedzeka nguva dzose.

15 Shamhu yokuranga inopa uchenjeri, asi mwana anosiyiwa akadaro achanyadzisa mai vake.

16 Kana vakaipa vachiwanda, nezvivi zvinowandawo, asi vakarurama vachaona kuwa kwavo.

17 Ranga mwanakomana wako, ipapo achakupa rugare; achauyisa mufaro kumweya wako.

18 Pasina chiratidzo, vanhu vanoramba kuzvidzora; asi akaropafadzwa uyo anochengeta murayiro.

19 Muranda haarayirwi namashoko zvawo chete, nokuti kunyange achinzwisisa, haangadaviri.

20 Unoona here munhu anotaura achikurumidza? Benzi rine tariro zhinji kupfuura iye.

21 Kana munhu akaregerera muranda wake kubva paudiki, achazotarisira kodzero dzomwanakomana pakupedzisira.

22 Munhu akashatirwa anomutsa kupesana, uye munhu ane hasha anoita zvivi zhizhinji.

23 Kuzvikudza kwomunhu kunomudzikisira pasi, asi munhu ane mweya wokuzvininipisa achawana kukudzwa.

24 Anoshamwaridzana nembavha anozvivenga iye pachake; anoiswa pasi pemhiko, asi haangakwanisi kupa uchapupu.

25 Kutya munhu kuchava musungo, asi ani naani anovimba naJehovha achagara akachengetedzeka.

26 Vazhinji vanotsvaka nyasha kumubati, asi kururamisirwa kwomunhu kunobva kuna Jehovha.

27 Vakarurama vanovenga vasina kutendeka; vakaipa vanovenga vakarurama.

Zvirevo 30

Zvirevo zvaAguri

1 Zvirevo zvaAguri mwanakomana waJake, shoko rake: Murume uyu akati kuna Itieri, kuna Itieri nokuna Ukari:

2 “Ndini munhu asingazivi zvikuru kwazvo pakati pavanhu; handina kunzwisisa kwomunhu.

3 Handina kudzidza uchenjeri, uye handina ruzivo rwaiye Mutsvene.

4 Ndiani akakwira kudenga uye akazoburuka? Ndiani akabata mhepo mumaoko ake? Ndiani akasungirira mvura munguo yake? Ndiani akaisa migumo yose yenyika? Zita rake ndiani, uye nezita romwanakomana wake? Ndiudzei kana muchiriziva!

5 “Shoko rimwe nerimwe raMwari nderechokwadi; iye chidzitiro kuna avo vanovanda maari.

6 Usawedzera kumashoko ake, kana kuti achakutsiura uye agokuratidza kuti uri murevi wenhema.

7 “Zvinhu zviviri zvandinokumbira kwamuri, imi Jehovha, musandirambira izvi ndisati ndafa:

8 Bvisai kusatendeka nenhema zvive kure neni; musandipa urombo kana pfuma, asi ndipei chete zvokudya zvemisi yose.

9 Zvichida, ndingava nezvakawanda kwazvo ndikasakukudzai, uye ndikazoti, ‘Jehovha ndianiko?’ Kana kuti zvimwe ndingava murombo ndikaba, uye ndikasaremekedza zita raMwari wangu.

10 “Usareva muranda kuna tenzi wake, nokuti achakutuka, uye uchazviripira izvozvo.

11 “Kuna avo vanotuka madzibaba avo uye vasingaropafadzi vanamai vavo;

12 vaya vanozviti vakachena pamaonero avo asi vasina kusukwa tsvina yavo;

13 vaya vane meso anozvikudza nguva dzose, vane matarisiro okushora;

14 vaya vane meno anenge minondo nameno eshaya dzavo anenge mapanga kuti vaparadze varombo panyika, navanoshayiwa kubva pakati pavanhu.

15 “Chikwevaropa chine vanasikana vaviri. Vanodanidzira vachiti, ‘Tipei! Tipei!’ “Kune zvinhu zvitatu zvisingatongoguti, zvina zvisingamboti, ‘Zvaringana!’:

16 guva, chizvaro chisingabereki, pasi pasingaguti mvura, nomoto usingamboti, ‘Zvaringana!’

17 Ziso rinotuka baba, rinoshora kuteerera mai, richanongorwa namakunguo omumupata, richadyiwa namagora.

18 “Pane zvinhu zvitatu zvinondishamisa kwazvo, zvina zvandisinganzwisisi, zvinoti:

19 nzira yegondo riri mudenga, nenzira yenyoka paruware, nenzira yechikepe pagungwa, uye nzira yomurume ane musikana.

20 “Iyi ndiyo nzira yomukadzi chifeve: Anodya agopukuta muromo wake uye agoti, ‘Hapana chinhu chakaipa chandaita ini.’

21 “Nyika inodedera nokuda kwezvinhu zvitatu, zvinhu zvina zvaisingadi kuona:

22 muranda anozova mambo, benzi rine zvokudya zvizhinji,

23 mukadzi akaroorwa asi asingadiwi, nomurandakadzi anotorera vatenzi vake murume.

24 “Panyika pane zvinhu zvina zvidiki, asi zvakachenjera kwazvo:

25 Majuru zvipuka zvine simba duku asi anounganidza zvokudya zvawo muzhizha:

26 mbira zvipuka zvisina simba guru, asi dzinoita imba yadzo mumatombo;

27 mhashu hadzina mambo, asi dzinofamba pamwe chete mumapoka adzo;

28 dzvinyu rinogona kubatwa namaoko, asi rinowanikwa mumizinda yamadzimambo.

29 “Kune zvinhu zvitatu zvino kufamba kunokudzwa kwazvo, zvina zvino kufamba kunokudzwa kwazvo;

30 shumba, ine simba pakati pezvikara, isingadududzi pamberi pechikara chipi zvacho;

31 mafambiro okuzvikudza ejongwe, nenhongo yembudzi, uye namambo akakomberedzwa navarwi vake.

32 “Kana uchinge waita upenzi nokuzvirumbidza pachako, kana kuti waronga zvakaipa, bata muromo wako noruoko rwako!

33 Nokuti somukaka warozva unobudisa ruomba, uye sokudzvinyirira mhino kunobudisa ropa, nokudaro kumutsa hasha kunobudisa kukakavara.”